Shona

Italian: Riveduta Bible (1927)

1 Thessalonians

2

1Nekuti nemwi hama, munoziva kupinda kwedu kwamuri kuti hakuna kuva pasina.
1Voi stessi, fratelli, sapete che la nostra venuta tra voi non è stata invano;
2Asi kunyange takambotambudzika pakutanga nekuitirwa zvinonyadzisa sezvamunoziva paFiripi, takatsunga muna Mwari wedu kutaura kwamuri evhangeri yaMwari nekupikiswa kukuru.
2anzi, sebbene avessimo prima patito e fossimo stati oltraggiati, come sapete, a Filippi, pur ci siamo rinfrancati nell’Iddio nostro, per annunziarvi l’Evangelo di Dio in mezzo a molte lotte.
3Nekuti kurudziro yedu haina kubva pakunyengera, kana kubva patsvina, kana pamano mano;
3Poiché la nostra esortazione non procede da impostura, né da motivi impuri, né è fatta con frode;
4asi sezvatakatendewa naMwari, kuti tibatiswe evhangeri, saizvozo tinotaura; kwete sekufadza vanhu, asi Mwari unoidza moyo yedu.
4ma siccome siamo stati approvati da Dio che ci ha stimati tali da poterci affidare l’Evangelo, parliamo in modo da piacere non agli uomini, ma a Dio che prova i nostri cuori.
5Nekuti chero nguva hatina kutongoreva nemashoko ekubata kumeso sezvamunoziva, kana namano-mano ekuchiva; Mwari chapupu;
5Difatti, non abbiamo mai usato un parlar lusinghevole, come ben sapete, né pretesti ispirati da cupidigia; Iddio ne è testimone.
6kana kutsvaka rukudzo kuvanhu kana rwenyu, kana rwevamwe, kunyange taigona kukuremedzai sevaapositori vaKristu.
6E non abbiam cercato gloria dagli uomini, né da voi, né da altri, quantunque, come apostoli di Cristo, avessimo potuto far valere la nostra autorità;
7Asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, semureri kana achifumbatira vana vake;
7invece, siamo stati mansueti in mezzo a voi, come una nutrice che cura teneramente i propri figliuoli.
8saizvozvo takakushuvai kwazvo, taida zvikuru kuti tigovane nemwi kwete evhangeri yaMwari chete, asi mweya yeduwo, nekuti makanga muri vadikamwi kwatiri.
8Così, nel nostro grande affetto per voi, eravamo disposti a darvi non soltanto l’Evangelo di Dio, ma anche le nostre proprie vite, tanto ci eravate divenuti cari.
9Nekuti munorangarira, hama, kushingaira nekurwa kwedu; taibata usiku nemasikati, kuti tisava mutoro kune umwe wenyu, takakuparidzirai evhangeri yaMwari.
9Perché, fratelli, voi la ricordate la nostra fatica e la nostra pena; egli è lavorando notte e giorno per non essere d’aggravio ad alcuno di voi, che v’abbiam predicato l’Evangelo di Dio.
10Imwi muri zvapupu, naMwari, kuti taifamba neutsvene nekururama tisina chatingapomerwa kwamuri imwi vanotenda.
10Voi siete testimoni, e Dio lo è pure, del modo santo, giusto e irreprensibile con cui ci siamo comportati verso voi che credete;
11Sezvamunoziva kuti umwe neumwe wenyu sababa kuvana vavo, takakukurudzirai sei nekunyaradza nekupupura,
11e sapete pure che, come fa un padre coi suoi figliuoli, noi abbiamo esortato,
12kuti mufambe zvakafanira Mwari, unokudanirai kuushe hwake nekubwinya.
12confortato e scongiurato ciascun di voi a condursi in modo degno di Dio, che vi chiama al suo regno e alla sua gloria.
13Nekuda kwaizvozviwo tinoramba tichivonga Mwari, kuti pamakagamuchira shoko raMwari ramakanzwa kubva kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko revanhu, asi sechokwadi shoko raMwari, rinoshandawo mukati menyu imwi munotenda.
13E per questa ragione anche noi rendiamo del continuo grazie a Dio: perché quando riceveste da noi la parola della predicazione, cioè la parola di Dio, voi l’accettaste non come parola d’uomini, ma, quale essa è veramente, come parola di Dio, la quale opera efficacemente in voi che credete.
14Nekuti imwi, hama, makava vateveri vekereke dzaMwari dziri muJudhiya muna Kristu Jesu; nekuti imwiwo makatambudzika nezvinhu zvakadaro kune vekwenyu, sezvavakatambudzwa ivo nevaJudha,
14Poiché, fratelli, voi siete divenuti imitatori delle chiese di Dio che sono in Cristo Gesù nella Giudea; in quanto che anche voi avete sofferto dai vostri connazionali le stesse cose che quelle chiese hanno sofferto dai Giudei,
15Ndivo zvose vakauraya Ishe Jesu nevaporofita vavo vomene, vakatishusha isu, vasingafadzi Mwari, vachipesana nevanhu vose.
15i quali hanno ucciso e il Signor Gesù e i profeti, hanno cacciato noi, e non piacciono a Dio, e sono avversi a tutti gli uomini,
16vachitidzivisa kuparidzira vahedheni kuti vaponeswe; kuti varambe vachizadzisa zvivi zvavo; asi hasha dzakaburukira pamusoro pavo kusvikira pakuguma.
16divietandoci di parlare ai Gentili perché sieno salvati. Essi vengon così colmando senza posa la misura dei loro peccati; ma ormai li ha raggiunti l’ira finale.
17Zvino isu, hama, zvatakaparadzaniswa nemwi kwechinguvana pazviso, kwete pamoyo, takashingairira zvikuru nechishuwo chikuru kuti tione chiso chenyu.
17Quant’è a noi, fratelli, orbati di voi per breve tempo, di persona, non di cuore, abbiamo tanto maggiormente cercato, con gran desiderio, di veder la vostra faccia.
18Naizvozvo taida kuuya kwamuri, zvikuru Pauro, kamwe nekudzokorora, asi Satani wakatidzivisa.
18Perciò abbiam voluto, io Paolo almeno, non una ma due volte, venir a voi; ma Satana ce lo ha impedito.
19Nekuti tariro yedu chii, kana mufaro, kana korona yekuzvirumbidza? Hamuzi imwi here pamberi paIshe wedu Jesu Kristu pakuuya kwake?
19Qual è infatti la nostra speranza, o la nostra allegrezza, o la corona di cui ci gloriamo? Non siete forse voi, nel cospetto del nostro Signor Gesù quand’egli verrà?
20Nekuti imwi muri kubwinya nemufaro wedu.
20Sì, certo, la nostra gloria e la nostra allegrezza siete voi.