Shona

Italian: Riveduta Bible (1927)

2 Chronicles

25

1Amazia akanga ana makore makumi maviri namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe, zita ramai vake rakanga riri Jehoadhani weJerusaremu
1Amatsia aveva venticinque anni quando cominciò a regnare, e regnò ventinove anni a Gerusalemme. Sua madre si chiamava Jehoaddan, da Gerusalemme.
2Iye akaita zvakarurama pamberi paJehovha, asi haana kuita nomoyo wose.
2Egli fece ciò ch’è giusto agli occhi dell’Eterno, ma non di tutto cuore.
3Zvino akati asimba paushe hwake, akauraya varanda vake vakauraya mambo baba vake.
3Or come il regno fu bene assicurato nelle sue mani, egli fece morire quei servi suoi che aveano ucciso il re suo padre.
4Asi haana kuuraya vana vavo, asi akaita sezvakanyorwa pamurayiro pabhuku yaMozisi, sezvakarairwa naJehovha, achiti, Madzibaba haafaniri kufira vana vavo, navana havafaniri kufira madzibaba avo; asi munhu mumwe nomumwe anofanira kufira zvivi zvake.
4Ma non fece morire i loro figliuoli, conformandosi a quello ch’è scritto nella legge, nel libro di Mosè, dove l’Eterno ha dato questo comandamento: "I padri non saranno messi a morte a cagion de’ figliuoli, né i figliuoli saranno messi a morte a cagion dei padri; ma ciascuno sarà messo a morte a cagione del proprio peccato".
5Amazia akaunganidzawo vaJudha, akagadza pamusoro pavo vatariri vezviuru navatariri vamazana nedzimba dzamadzibaba avo, ivo vaJudha vose navaBhenjamini; akavaverenga, vose vamakore ana makumi maviri navakapfuura, akavawana vari varume vane zviuru zvina mazana matatu vakatsaurwa, vaigona kurwa, vaigona kurwa nepfumo nenhovo.
5Poi Amatsia radunò quei di Giuda, e li distribuì secondo le loro case patriarcali sotto capi di migliaia e sotto capi di centinaia, per tutto Giuda e Beniamino; ne fece il censimento dall’età di venti anni in su, e trovò trecentomila uomini scelti, atti alla guerra e capaci di maneggiare la lancia e lo scudo.
6Akaripirawo varume vane simba noumahare vane zviuru zvine zana vavaIsiraeri, akavapa matarenda* ane zana esirivha.
6E assoldò anche centomila uomini d’Israele, forti e valorosi, per cento talenti d’argento.
7Asi mumwe munhu waMwari akauya kwaari, akati, Haiwa, mambo, hondo yavaIsiraeri ngairege kuenda nemi, nekuti Jehovha haapo panaIsiraeri, pavana vaEfuraimu vose.
7Ma un uomo di Dio venne a lui, e gli disse: "O re, l’esercito d’Israele non vada teco, poiché l’Eterno non è con Israele, con tutti questi figliuoli d’Efraim!
8Asi endai imwi moga, shingai murwe nesimba; Mwari angakukundisai navavengi here? Nekuti Mwari ane simba rokubatsira nerokukundisa.
8Ma, se vuoi andare, portati pure valorosamente nella battaglia; ma Iddio ti abbatterà dinanzi al nemico; perché Dio ha il potere di soccorrere e di abbattere".
9Ipapo Amazia akati kumunhu waMwari, Zvino tichaita seiko pamusoro pamatarenda* ane zana andakapa pfumo ravaIsiraeri? Munhu waMwari akapindura, akati, Jehovha anogona kukupai zvinopfuura izvozvo kwazvo.
9Amatsia disse all’uomo di Dio: "E che fare circa que’ cento talenti che ho dati all’esercito d’Israele?" L’uomo di Dio rispose: "L’Eterno è in grado di darti molto più di questo".
10Ipapo Amazia akavaraura, iro pfumo rakanga rauya kwaari richibva kwaEfuremu, kuti vadzokerezve kumusha; nemhaka iyo vakatsamwira Judha kwazvo, vakadzokera kumusha vatsamwa kwazvo.
10Allora Amatsia separò l’esercito che gli era venuto da Efraim, affinché se ne tornasse al suo paese; ma questa gente fu gravemente irritata contro Giuda, e se ne tornò a casa, accesa d’ira.
11Zvino Amazia akatsunga moyo, akatungamirira vanhu vake, akaenda kuMupata woMunyu, akauraya vana vaSeiri vane zviuru zvine gumi.
11Amatsia, preso animo, si mise alla testa del suo popolo, andò nella valle del Sale, e sconfisse diecimila uomini de’ figliuoli di Seir;
12Vana vaJudha vakatapa vane zviuru zvine gumi vari vapenyu, vakaenda navo pamusoro pedombo, vakavakandira pasi padombo, vakavhunikanya vose.
12e i figliuoli di Giuda ne catturarono vivi altri diecimila; li menarono in cima alla Ròcca, e li precipitaron giù dall’alto della Ròcca, sì che tutti rimasero sfracellati.
13Asi varume vehondo vakanga vadzoswa naAmazia, kuti varege kundorwa naye, vakandowira maguta aJudha, kubva paSamaria kusvikira paBhetihoroni, vakauraya vanhu vane zviuru zvitatu kwavari, vakapambara zvizhinji.
13Ma gli uomini dell’esercito che Amatsia avea licenziati perché non andassero seco alla guerra, piombarono sulle città di Giuda, da Samaria fino a Beth-Horon; ne uccisero tremila abitanti, e portaron via molta preda.
14Zvino Amazia akati achidzoka pakuuraya vaEdhomu, akauya navamwari vavana vaSeiri, akavaita vamwari vake, akavafugamira, nokuvapisira zvinonhuhwira.
14E Amatsia, tornato che fu dalla sconfitta degl’Idumei, si fece portare gli dèi de’ figliuoli di Seir, li stabilì come suoi dèi, si prostrò dinanzi ad essi, e bruciò de’ profumi in loro onore.
15Saka Jehovha akatsamwira Amazia, akatuma muporofita kwaari; iye akati kwaari, Wakabvunzireiko vamwari vavanhu vakakoniwa kurwira vanhu vavo pamaoko ako?
15Per il che l’Eterno s’accese d’ira contro Amatsia, e gli mandò un profeta per dirgli: "Perché hai tu cercato gli dèi di questo popolo, che non hanno liberato il popolo loro dalla tua mano?"
16Zvino wakati achataura naye, mambo akati kwaari, Takakuita gurukota ramambo here? Nyarara, uchaurayirweiko? Ipapo muporofita akanyarara, asi akati, Ndinoziva kuti Mwari anofunga kukuparadza, nekuti wakaita izvozvi, ukasateerera zvandakakuraira.
16E mentr’egli parlava al re, questi gli disse: "T’abbiam noi forse fatto consigliere del re? Vattene! Perché vorresti essere ucciso?" Allora il profeta se ne andò, dicendo: "Io so che Dio ha deciso di distruggerti, perché hai fatto questo, e non hai dato ascolto al mio consiglio".
17Ipapo Amazia mambo waJudha akatsvaka zano, akatuma kuna Joashi mwanakomana waJehoahazi, mwanakomana waJehu, mambo waIsiraeri, akati, Uya tivonane.
17Allora Amatsia, re di Giuda, dopo aver preso consiglio, inviò de’ messi a Joas, figliuolo di Joachaz, figliuolo di Jehu, re d’Israele, per dirgli: "Vieni, mettiamoci a faccia a faccia!"
18Joashi mambo waIsiraeri akatuma shoko kuna Amazia mambo waJudha, akati, Rukato rwakanga ruri paRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakange uri paRebhanoni, rukati, Ipa mwanakomana wangu mukunda wako ave mukadzi wake, zvino imwe mhuka yakanga iri paRebhanoni ikapfuurapo, ikatsika-tsika rukato.
18E Joas, re d’Israele, fece dire ad Amatsia, re di Giuda: "Lo spino del Libano mandò a dire al cedro del Libano: Da’ la tua figliuola per moglie al mio figliuolo. Ma le bestie selvagge del Libano passarono, e calpestarono lo spino.
19Iwe unoti, Tarira wakunda Edhomu; zvino moyo wako wava namanyawi, wozvikudza; gara hako zvino kumusha kwako; nekuti uchatsvakireiko njodzi, uwiremo, iwe naJudha pamwechete newe?
19Tu hai detto: Ecco, io ho sconfitto gl’Idumei! e il tuo cuore, reso orgoglioso, t’ha portato a gloriarti. Stattene a casa tua. Perché impegnarti in una disgraziata impresa che menerebbe alla ruina te e Giuda con te?"
20Asi Amazia akaramba kunzwa; nekuti zvakanga zvichibva kuna Mwari, kuti avaise mumaoko avavengi vavo; nekuti vakanga vatevera vamwari vaEdhomu.
20Ma Amatsia non gli volle dar retta; perché la cosa era diretta da Dio affinché fossero dati in man del nemico, perché avean cercato gli dèi di Edom.
21Naizvozvo Joashi mambo waIsiraeri akaenda; iye naAmazia mambo waJudha vakarwa paBhetishemeshi riri paJudha.
21Allora Joas, re d’Israele, salì, ed egli ed Amatsia, re di Giuda, si trovarono a faccia a faccia a Beth-Scemesh, che apparteneva a Giuda.
22Judha vakakundwa naIsiraeri, mumwe nomumwe akatizira kutende rake.
22Giuda rimase sconfitto da Israele, e que’ di Giuda fuggirono, ognuno alla sua tenda.
23Joashi mambo walsiraeri akasunga Amazia mambo waJudha, mwanakomana waJoashi, mwanakomana waJehoahazi, paBhetishemeshi, akaenda naye Jerusaremu, akaputsa rusvingo rweJerusaremu, kubva pasuwo raEfuremu kusvikira pasuwo rapakona, makubhiti ana mazana mana.
23E Joas, re d’Israele, fece prigioniero a Beth-Scemesh Amatsia, re di Giuda, figliuolo di Joas, figliuolo di Joachaz; lo menò a Gerusalemme, e fece una breccia di quattrocento cubiti nelle mura di Gerusalemme, dalla porta di Efraim alla porta dell’angolo.
24Akatora ndarama yose nesirivha, nemidziyo yose yakawanikwa mumba maMwari kuna Obhedhi-Edhomu, nefuma yomumba mamambo, navanhu kuzova rubatso, akadzokera Samaria.
24E prese tutto l’oro e l’argento e tutti i vasi che si trovavano nella casa di Dio in custodia di Obed-Edom, e i tesori della casa del re; prese pure degli ostaggi, e se ne tornò a Samaria.
25Zvino Amazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha wakagara ari mupenyu makore ane gumi namashanu shure kokufa kwaJoashi mwanakomana waJehoahazi mambo waIsiraeri.
25Amatsia, figliuolo di Joas, re di Giuda, visse ancora quindici anni, dopo la morte di Joas, figliuolo di Joachaz, re d’Israele.
26Zvino mamwe mabasa aAmazia, okutanga nookupedzisira, tarirai, haana kunyorwa here mubhuku yamadzimambo aJudha naIsiraeri?
26Il rimanente delle azioni di Amatsia, le prime e le ultime, si trova scritto nel libro dei re di Giuda e d’Israele.
27Zvino kubva panguva yakarega Amazia kutevera Jehovha, vakamurangana, vakamumukira paJerusaremu; iye ndokutizira Rakishi; asi vakatuma vanhu Rakishi vachimutevera, vakamuurayirapo.
27Dopo che Amatsia ebbe abbandonato l’Eterno, fu ordita contro di lui una congiura a Gerusalemme, ed egli fuggì a Lakis; ma lo fecero inseguire fino a Lakis, e quivi fu messo a morte.
28Vakauya naye pamabhiza, vakamuviga kumadzibaba ake muguta raJudha.
28Di là fu trasportato sopra cavalli, e quindi sepolto coi suoi padri nella città di Giuda.