1Mukuru kumudzimai wakasanangurwa navana vake vandinoda muchokwadi; uye kwete ini ndoga, asiwo vose vakaziva chokwadi;
1L’anziano alla signora eletta e ai suoi figliuoli che io amo in verità (e non io soltanto ma anche tutti quelli che hanno conosciuto la verità),
2nekuda kwechokwadi, chinogara matiri, chichagarawo nesu nokusingaperi.
2a cagione della verità che dimora in noi e sarà con noi in eterno:
3Ngazvive nemwi, nyasha, tsitsi, nerugare, zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Ishe Jesu Kristu, Mwanakomana waBaba, muchokwadi nerudo.
3grazia, misericordia, pace saran con noi da Dio Padre e da Gesù Cristo il Figliuolo del Padre, in verità e in carità.
4Ndinofara zvikuru, nekuti ndakawana pavana venyu vanofamba muchokwadi, sezvatakagamuchira murairo kuna Baba.
4Mi sono grandemente rallegrato d’aver trovato dei tuoi figliuoli che camminano nella verità, come ne abbiamo ricevuto comandamento dal Padre.
5Ikozvino ndinokukumbirisai, amai, kwete sezvivonzi ndinonyora murairo mutsva kwamuri, asi uyo watakanga tinawo kubva pakutanga, kuti tidanane.
5Ed ora ti prego, signora, non come se ti scrivessi un comandamento nuovo, ma quello che abbiamo avuto dal principio: Amiamoci gli uni gli altri!
6zvino urwu ndirwo rudo, kuti tifambe nemirairo yake. Uyu ndiwo murairo, kuti sezvamakanzwa kubva pakutanga, mufambe mauri.
6E questo è l’amore: che camminiamo secondo i suoi comandamenti. Questo è il comandamento che avete udito fin dal principio onde camminiate in esso.
7Nekuti vanyepedzeri vazhinji vakapinda munyika, vasingabvumi kuti Jesu Kristu wakauya panyama. Uyu ndiye munyepedzeri nemupikisi waKristu.
7Poiché molti seduttori sono usciti per il mondo i quali non confessano Gesù Cristo esser venuto in carne. Quello è il seduttore e l’anticristo.
8Zvichenjererei imi, kuti tirege kurashikirwa nezvinhu zvatakabatira, asi kuti tipiwe mubairo wakakwana.
8Badate a voi stessi affinché non perdiate il frutto delle opere compiute, ma riceviate piena ricompensa.
9Umwe neumwe, unodarika, asingarambiri mukudzidzisa kwaKristu, haana Mwari; asi uyo, unorambira mukudzidzisa kwaKristu ndiye une zvose Baba noMwanakomana.
9Chi passa oltre e non dimora nella dottrina di Cristo, non ha Iddio. Chi dimora nella dottrina ha il Padre e il Figliuolo.
10Kana kukauya umwe kwamuri, asingauyi nedzidziso iyi, musamugamuchira mumba, kana kuti kwaari, Hekanhi!
10Se qualcuno viene a voi e non reca questa dottrina, non lo ricevete in casa, e non lo salutate;
11Nekuti unoti kwaari: Hekanhi! unodyidzana naye pamabasa ake akaipa.
11perché chi lo saluta partecipa alle malvage opere di lui.
12Kunyange ndine zvinhu zvizhinji zvekunyora kwamuri, handina kuda kukunyorerai pabepa neingi; asi ndinotarisira kuuya kwamuri, tigotaurirana muromo nomuromo, kuti mufaro wenyu uzadziswe.
12Pur avendo molte cose da scrivervi, non ho voluto farlo per mezzo di carta e d’inchiostro; ma spero di venire da voi e di parlarvi a voce, affinché la vostra allegrezza sia compiuta.
13Vana vomunin'ina wenyu wakasanangurwa vanokukwazisai.
13I figliuoli della tua sorella eletta ti salutano.