1Zvino negore rechitatu raHoshea mwanakomana waEra mambo waIsiraeri, Hezekia mwanakomana waAhazi mambo waJudha wakatanga kubata ushe.
1Or l’anno terzo di Hosea, figliuolo d’Ela, re d’Israele, cominciò a regnare Ezechia, figliuolo di Achaz, re di Giuda.
2Akatanga kubata ushe ava namakore ana makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe; zita ramai vake rakanga riri Abhi mukunda waZekariya.
2Avea venticinque anni quando cominciò a regnare, e regnò ventinove anni a Gerusalemme. Sua madre si chiamava Abi, figliuola di Zaccaria.
3Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakaita baba vake Dhavhidhi.
3Egli fece ciò ch’è giusto agli occhi dell’Eterno, interamente come avea fatto Davide suo padre.
4Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa shongwe, akaparadza matanda okunamata nawo; akaputsaputsa nyoka yendarira yakanga yakaitwa naMozisi; nekuti kusvikira pamazuva iwayo vana vaIsiraeri vaiipisira zvinonhuhwira; akaitumidza Nehushitani.
4Soppresse gli alti luoghi, frantumò le statue, abbatté l’idolo d’Astarte, e fece a pezzi il serpente di rame che Mosè avea fatto; perché i figliuoli d’Israele gli aveano fino a quel tempo offerto profumi; ei lo chiamò Nehushtan.
5Akatenda kuna Jehovha Mwari waIsiraeri; naizvozvo hakuna wakange akafanana naye pakati pamadzimambo ose aJudha, kuna vakamutevera kana akamutangira.
5Egli ripose la sua fiducia nell’Eterno, nell’Iddio d’Israele; e fra tutti i re di Giuda che vennero dopo di lui o che lo precedettero non ve ne fu alcuno simile a lui.
6Nekuti wakanamatira Jehovha, haana kutsauka pakumutevera; asi wakachengeta mirairo yake, yakarairwa Mozisi naJehovha.
6Si tenne unito all’Eterno, non cessò di seguirlo, e osservò i comandamenti che l’Eterno avea dati Mosè.
7Jehovha akava naye; kose kwaakaenda wakafambiswa zvakanaka; akamukira mambo weAsiria, akasamushumira.
7E l’Eterno fu con Ezechia, che riusciva in tutte le sue imprese. Si ribellò al re d’Assiria, e non gli fu più soggetto;
8Akakunda vaFirisitia kusvikira paGaza nenyika yaro, kubva pachirindo chomurindi kusvikira pamaguta akakombwa norusvingo.
8sconfisse i Filistei fino a Gaza, e ne devastò il territorio, dalle torri dei guardiani alle città fortificate.
9Zvino negore rechina ramambo Hezekia, riri gore rechinomwe raHoshea mwanakomana waEra mambo waIsiraeri, Sharimaneseri mambo weAsiria akandorwa neSamaria, akarikomba.
9Il quarto anno del re Ezechia, ch’era il settimo anno di Hosea, figliuolo d’Ela re d’Israele, Shalmaneser, re d’Assiria, salì contro Samaria e l’assediò.
10Pakupera kwamakore matatu vakarikunda; Samaria rikakundwa negore retanhatu raHezekia, riri gore repfumbamwe raHoshea mambo waIsiraeri.
10In capo a tre anni, la prese; il sesto anno di Ezechia, ch’era il nono anno di Hosea, re d’Israele, Samaria fu presa.
11Mambo weAsiria akatapa vaIsiraeri, akaenda navo Asiria, akavaisa paHara, napaHabhori, parwizi Gozani, nomumaguta avaMedhi;
11E il re d’Assiria trasportò gl’Israeliti in Assiria, e li collocò in Halah, e sullo Habor, fiume di Gozan, e nelle città dei Medi,
12nekuti havana kuteerera inzwi raJehovha Mwari wavo, asi vakadarika sungano yake, izvo zvose zvavakanga varairwa naMozisi muranda waJehovha, vakaramba kunzwa, kana kuzviita.
12perché non aveano ubbidito alla voce dell’Eterno, dell’Iddio loro, ed aveano trasgredito il suo patto, cioè tutto quello che Mosè, servo dell’Eterno, avea comandato; essi non l’aveano né ascoltato, né messo in pratica.
13Zvino negore regumi namana ramambo Hezekia, Saniheribhi mambo weAsiria akandorwa namaguta ose aJudha akakombwa namasvingo, akaakunda.
13Or il quattordicesimo anno del re Ezechia, Sennacherib, re d’Assiria, salì contro tutte le città fortificate di Giuda, e le prese.
14Zvino Hezekia mambo weJudha akatuma shoko kuna mambo weAsiria paRakishi, akati, Ndatadza, dzokai henyu mubve kwandiri; zvose zvamunoreva kwandiri ndichazviripa. Ipapo mambo weAsiria akaripisa Hezekia mambo weJudha matarenda ana mazana matatu esirivha namatarenda ana makumi matatu endarama.
14Ed Ezechia, re di Giuda, mandò a dire al re d’Assiria a Lakis: "Ho mancato; ritirati da me, ed io mi sottometterò a tutto quello che m’imporrai". E il re d’Assiria impose ad Ezechia, re di Giuda, trecento talenti d’argento e trenta talenti d’oro.
15Hezekia akamupa sirivha yose yakanga iri mumba maJehovha, napafuma yeimba yamambo.
15Ezechia diede tutto l’argento che si trovava nella casa dell’Eterno, e nei tesori della casa del re.
16Nenguva iyo Hezekia wakabvisa ndarama pamikova yeimba yaJehovha, napambiru dzakanga dzafukidzwa nayo naHezekia mambo waJudha, akaipa mambo weAsiria.
16E fu allora che Ezechia, re di Giuda, staccò dalle porte del tempio dell’Eterno e dagli stipiti le lame d’oro di cui egli stesso li avea ricoperti, e le diede al re d’Assiria.
17Zvino mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo, nomukuru wamachinda, nomukuru wavatariri vabve Rakishi nehondo huru vaende kuna Hezekia paJerusaremu. Ivo vakaenda, vakasvika Jerusaremu. Zvino vakati vasvika, vakamira pamugero wedziva rokumusoro, riri panzira huru inoenda kumunda womusuki.
17E il re d’Assiria mandò ad Ezechia da Lakis a Gerusalemme, Tartan, Rabsaris e Rabshaké con un grande esercito. Essi salirono e giunsero a Gerusalemme. E, come furon giunti, vennero a fermarsi presso l’acquedotto dello stagno superiore, che è sulla strada del campo del lavator di panni.
18Zvino vakati vadana mambo, Eriakimu mwanakomana waHirikia, waichengeta imba, naShebhana munyori, naJoa mwanakomana waAsafi sahwira, va kabudira kwavari.
18Chiamarono il re; ed Eliakim, figliuolo di Hilkia, prefetto del palazzo, si recò da loro con Scebna, il segretario e Joah figliuolo di Asaf, l’archivista.
19Zvino mukuru wavatariri akati kwavari, Zvino imwi muti kuna Hezekia, Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria, chaunovimba nacho chinyi?
19E Rabshaké disse loro: "Andate a dire ad Ezechia: Così parla il gran re, il re d’Assiria: Che fiducia è cotesta che tu hai?
20Iwe unoti (asi mashoko omuromo hawo), mano nesimba zvokurwa nazvo zviripo hazvo. Zvino unovimba naniko, zvawandimukira ini?
20Tu dici che consiglio e forza per far la guerra non son che parole vane; ma in chi metti la tua fiducia per ardire di ribellarti a me?
21Tarira zvino, unovimba nomudonzvo worutsanga urwu rwakapwanyika, Egipita, runoti kana munhu akasendama kwaruri, ruchapinda muruoko rwake, rukamubaya; ndizvo zvakaita Farao mambo weEgipita kuna vose vanovimba naye.
21Ecco, tu t’appoggi sull’Egitto, su questo sostegno di canna rotta, che penetra nella mano di chi vi s’appoggia e gliela fora; tal è Faraone, re d’Egitto, per tutti quelli che confidano in lui.
22Asi kana ukati kwandiri, Tinovimba naJehovha Mwari wedu, ko haazi iye wakabvisirwa matunhu akakwirira nearitari dzake naHezekia, akati kuna Judha naJerusaremu, Munofanira kunamata pamberi pearitari iri paJerusaremu, here?
22Forse mi direte: Noi confidiamo nell’Eterno, nel nostro Dio. Ma non è egli quello stesso di cui Ezechia ha soppresso gli alti luoghi e gli altari, dicendo a Giuda e a Gerusalemme: Voi adorerete soltanto dinanzi a questo altare a Gerusalemme?
23Naizvozvo zvino, chipikiranai henyu natenzi wangu mambo weAsiria, ndikupe mabhiza ane zviuru zviviri, kana iwe ukagona kuisa vatasvi pamusoro pawo.
23Or dunque fa’ una scommessa col mio signore; il re d’Assiria! Io ti darò duemila cavalli, se tu puoi fornire altrettanti cavalieri da montarli.
24Ungagona seiko kukunda mukuru mumwe kuna vaduku vavaranda vatenzi vangu, kana ukavimba naEgipita kuti upiwe ngoro namabhiza navo?
24E come potresti tu far voltar le spalle a un solo capitano tra gl’infimi servi del mio signore? E confidi nell’Egitto, a motivo de’ suoi carri e de’ suoi cavalieri!
25Ini ndauya kuzorwa nenzvimbo iyi kuti ndiiparadze ndisina Jehovha here? Ndiye Jehovha wakati kwandiri, Enda undorwa nenyika iyo, uiparadze.
25E adesso sono io forse salito senza il volere dell’Eterno contro questo luogo per distruggerlo? L’Eterno m’ha detto: Sali contro questo paese e distruggilo".
26Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, naShebhana, naJoa vakati kumukuru wavatariri, Tinokumbira kuti mutaure henyu navaranda venyu norurimi rwechiAramaia, nekuti tinochinzwisisa; murege henyu kutaura nesu norurimi rwavaJudha, vanhu vose vari parusvingo vazvinzwe.
26Allora Eliakim, figliuolo di Hilkia, Scebna e Joah dissero a Rabshaké: "Ti prego, parla ai tuoi servi in aramaico, perché noi lo intendiamo; e non ci parlare in lingua giudaica, in guisa che la gente che sta sulle mura oda".
27Asi mukuru wavatariri wakati kwaari, Tenzi wangu wakandituma kuna tenzi wako nokwauri here, kuti nditaure mashoko awa? Haana kundituma here kuvanhu vagere pamusoro porusvingo, kuti vadye ndove yavo nemvura yavo pamwechete nemi?
27Ma Rabshaké rispose loro: "Forse che il mio signore m’ha mandato a dir queste cose al tuo signore e a te? Non m’ha egli mandato a dirle a quegli uomini che stan seduti sulle mura e saran quanto prima ridotti a mangiare il loro sterco e a bere la loro orina con voi?"
28Ipapo mukuru wavatariri akamira, akadanidzira nenzwi guru norurimi rwavaJudha, akataura achiti, inzwai shoko ramambo mukuru, iye mambo weAsiria.
28Allora Rabshaké, stando in piè, gridò al alta voce, e disse in lingua giudaica: "Udite la parola del gran re, del re d’Assiria!
29Zvanzi namambo, Hezekia ngaarege kukunyengerai; nekuti haagoni kukurwirai pamaoko ake;
29Così parla il re: Non v’inganni Ezechia; poich’egli non potrà liberarvi dalle mie mani;
30Hezekia ngaarege kukuvimbisai naJehovha, achiti Jehovha uchatirwira zvirokwazvo, uye kuti guta iri haringaiswi mumaoko amambo weAsiria.
30né v’induca Ezechia a confidarvi nell’Eterno, dicendo: L’Eterno ci libererà certamente, e questa città non sarà data nelle mani del re d’Assiria.
31Musateerera Hezekia, nekuti zvanzi namambo weAsiria, Yananai neni, mubudirei kwandiri, mudye mumwe nomumwe muzambiringa wake, mumwe nomumwe muwonde wake, mumwe nomumwe mvura yetsime rake;
31Non date ascolto ad Ezechia, perché così dice il re d’Assiria: Fate pace con me e arrendetevi a me, e ognuno di voi mangerà del frutto della sua vigna e del suo fico, e berrà dell’acqua della sua cisterna,
32kusvikira ini ndauya ndikutorei, ndikuisei kunyika yakafanana neyenyu, nyika ine zviyo newaini, nyika ine chingwa neminda yemizambiringa, nyika inamafuta emiorivhi nouchi, murarame, murege kufa, regai kuteerera Hezekia, kana achikugombedzerai achiti, Jehovha uchatirwira.
32finch’io venga e vi meni in un paese simile al vostro: paese di grano e di vino, paese di pane e di vigne, paese d’ulivi da olio e di miele; e voi vivrete, e non morrete. Non date dunque ascolto ad Ezechia, quando cerca d’ingannarvi dicendo: L’Eterno ci libererà.
33Ko mumwe wavamwari vendudzi wakatomborwira nyika yake paruoko rwamambo weAsiria here?
33Ha qualcuno degli dèi delle genti liberato il proprio paese dalle mani del re d’Assiria?
34Vamwari veHamati neAripadhi varipi? Vamwari veSefarivhaimi, neHena, neIvha varipi vakarwira Samaria paruoko rwangu here?
34Dove sono gli dèi di Hamath e d’Arpad? Dove sono gli dèi di Sefarvaim, di Hena e d’Ivva? Hanno essi liberata Samaria dalla mia mano?
35Ndavapiko pakati pavamwari vose venyika vakarwira nyika yavo paruoko rwangu, zvamunoti Jehovha ucharwira Jerusaremu paruoko rwangu?
35Quali sono, tra tutti gli dèi di quei paesi, quelli che abbiano liberato il paese loro dalla mia mano? L’Eterno avrebb’egli a liberar dalla mia mano Gerusalemme?"
36Asi vanhu vakaramba vanyerere, havana kumupindura shoko rimwe, nekuti murayiro wamambo wakange uchiti, Regai kumupindura.
36E il popolo si tacque, e non gli rispose nulla; poiché il re avea dato quest’ordine: "Non gli rispondete!"
37Zvino Eriakimu mwanakomana waHirikia, waitarira imba, naShebha munyori, naJoa, mwanakomana waAsafi sahwira, vakaenda kuna Hezekia, nguvo dzavo dzabvarurwa, vakamuudza mashoko omukuru wavatariri.
37Allora Eliakim, figliuolo di Hilkia, prefetto del palazzo, Scebna il segretario, e Joab figliuolo d’Asaf, l’archivista, vennero da Ezechia con le vesti stracciate, e gli riferirono le parole di Rabshaké.