Shona

Italian: Riveduta Bible (1927)

2 Peter

1

1Simioni Petro, muranda nemuapositori waJesu Kristu, kune avo vakawana rutendo rwunokosha rwakafanana nerwedu kubudikidza nekururama kwaMwari neMuponesi wedu Jesu Kristu:
1Simon Pietro, servitore e apostolo di Gesù Cristo, a quelli che hanno ottenuto una fede preziosa quanto la nostra nella giustizia del nostro Dio e Salvatore Gesù Cristo:
2Nyasha nerugare kwamuri ngazviwanzwe paruzivo rwaMwari nerwaJesu Ishe wedu;
2grazia e pace vi siano moltiplicate nella conoscenza di Dio e di Gesù nostro Signore.
3sesimba rake reuMwari raakapa kwatiri zvinhu zvose zveupenyu neuMwari kubudikidza neruzivo rwaiye wakatidanira kubwinya nekunaka;
3Poiché la sua potenza divina ci ha donate tutte le cose che appartengono alla vita e alla pietà mediante la conoscenza di Colui che ci ha chiamati mercé la propria gloria e virtù,
4akatipa nazvo zvivimbiso zvikurusa uye zvinokosha; kuti nazvo muve vagovani vechimiro cheuMwari, matiza kuora kuri panyika kubudikidza nekuchiva.
4per le quali Egli ci ha largito le sue preziose e grandissime promesse onde per loro mezzo voi foste fatti partecipi della natura divina dopo esser fuggiti dalla corruzione che è nel mondo per via della concupiscenza,
5Zvino pasina izvozvi muchishingaira kwazvo wedzerai parutendo rwenyu kunaka, nepakunaka ruzivo,
5voi, per questa stessa ragione, mettendo in ciò dal canto vostro ogni premura, aggiungete alla fede vostra la virtù; alla virtù la conoscenza;
6neparuzivo kuzvidzora, nepakuzvidzora kutsungirira, nepakutsungirira umwari,
6alla conoscenza la continenza; alla continenza la pazienza; alla pazienza la pietà; alla pietà l’amor fraterno;
7nepauMwari rudo rwehama, neparudo rwehama, rudo.
7e all’amor fraterno la carità.
8Nekuti kana zvinhu izvi zviri mamuri, uye zvichiwanda zvichakuitai vanhu vasina usimbe navasingashaiwi zvibereko paruziva Ishe wedu, Jesu Kristu.
8Perché se queste cose si trovano e abbondano in voi, non vi renderanno né oziosi né sterili nella conoscenza del Signor nostro Gesù Cristo.
9Asi usina zvinhu izvi ibofu, unoonera pedo, uye wakangamwa kuti wakasukwa pazvivi zvake zvakare.
9Poiché colui nel quale queste cose non si trovano, è cieco, ha la vista corta avendo dimenticato il purgamento dei suoi vecchi peccati.
10Naizvozvo, hama, zviri nani mushingaire kwazvo kuti musimbise kudamwa nekusanangurwa kwenyu; nekuti kana muchiita zvinhu izvi hamungatongogumburwi.
10Perciò, fratelli, vie più studiatevi di render sicura la vostra vocazione ad elezione; perché, facendo queste cose, non inciamperete giammai,
11Nekuti saizvozvo muchawedzerwa nekufumiswa pakupinda muushe hwusingaperi hwaIshe wedu neMuponesi Jesu Kristu.
11poiché così vi sarà largamente provveduta l’entrata nel regno eterno del nostro Signore e Salvatore Gesù Cristo.
12Saka handingashaiwi hanya nekukuyeudzirai zvinhu izvi nguva dzose, kunyange muchizviziva, uye makasimba pachokwadi chiripo.
12Perciò avrò cura di ricordarvi del continuo queste cose, benché le conosciate, e siate stabiliti nella verità che vi è stata recata.
13Uye ndinofunga zvakanaka kuti kana ndichingori mutende rino chete ndikumutsei nechiyeudziro;
13E stimo cosa giusta finché io sono in questa tenda, di risvegliarvi ricordandovele,
14ndichiziva kuti kunokurumidza kubviswa kwetende rangu, Ishe wedu Jesu Kristu sezvaakandiraira.
14perché so che presto dovrò lasciare questa mia tenda, come il Signor nostro Gesù Cristo me lo ha dichiarato.
15Zvino neni ndichashingaira kuti nguva dzose shure kwekuenda kwangu muve nechirangaridzo chezvinhu izvi.
15Ma mi studierò di far sì che dopo la mia dipartenza abbiate sempre modo di ricordarvi di queste cose.
16Nekuti hatina kutevera ngano dzemano mano patakakuzivisai simba nekuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri vakazvionera ukuru hwake.
16Poiché non è coll’andar dietro a favole artificiosamente composte che vi abbiamo fatto conoscere la potenza e la venuta del nostro Signor Gesù Cristo, ma perché siamo stati testimoni oculari della sua maestà.
17Nekuti wakagamuchira rukudzo nekubwinya kubva kuna Mwari Baba panguva iya yakauya inzwi rakadai kwaari richibva kukubwinya kukurukuru richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodika, wandinofara maari.
17Poiché egli ricevette da Dio Padre onore e gloria quando giunse a lui quella voce dalla magnifica gloria: Questo è il mio diletto Figliuolo, nel quale mi sono compiaciuto.
18Uye inzwi iri isu ratakanzwa richibva kudenga pataiva naye mugomo dzvene.
18E noi stessi udimmo quella voce che veniva dal cielo, quand’eravamo con lui sul monte santo.
19uye tine shoko rakasimba kwazvo rechiporofita, ramunoita zvakanaka muchiriteerera semwenje unovhenekera panzvimbo ine rima, kusvikira utonga hwuchitsuka, nenyamasase ichibudira mumoyo yenyu;
19Abbiamo pure la parola profetica, più ferma, alla quale fate bene di prestare attenzione, come una lampada splendente in luogo oscuro, finché spunti il giorno e la stella mattutina sorga ne’ vostri cuori;
20muchiziva izvi pakutanga, kuti hakuna chiporofita cherugwaro chinobva mududziro yewakazvimiririra;
20sapendo prima di tutto questo: che nessuna profezia della Scrittura procede da vedute particolari;
21Nekuti chiporofita hachina kuuyiswa panguva pedare nekuda kwemunhu, asi vanhu vatswene vaMwari vakataura, vachisundwa neMweya Mutsvene.
21poiché non è dalla volontà dell’uomo che venne mai alcuna profezia, ma degli uomini hanno parlato da parte di Dio, perché sospinti dallo Spirito Santo.