1Zvino akasvika paDhebhe neRistra; zvino tarira, ipapo paiva neumwe mudzidzi, wainzi Timotio, mwanakomana weumwe mukadzi muJudhakadzi waitenda; asi baba vake vaiva muGiriki.
1E venne anche a Derba e a Listra; ed ecco, quivi era un certo discepolo, di nome Timoteo, figliuolo di una donna giudea credente, ma di padre greco.
2Iye waipupurwa nezvake zvakanaka nehama dzepaRistra neIkoniyamu.
2Di lui rendevano buona testimonianza i fratelli che erano in Listra ed in Iconio.
3Iye Pauro wakada kuti abude naye, akamutora akamudzingisa nekuda kwevaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nekuti vose vakange vachiziva kuti baba vake muGiriki.
3Paolo volle ch’egli partisse con lui; e presolo, lo circoncise a cagion de’ Giudei che erano in quei luoghi; perché tutti sapevano che il padre di lui era greco.
4Zvino vakati vachipfuura nemumaguta, vakavakumikidza zviga kuti vachengete, zvakatemwa nevaapositori nevakuru vepaJerusarema.
4E passando essi per le città, trasmisero loro, perché le osservassero, le decisioni prese dagli apostoli e dagli anziani che erano a Gerusalemme.
5Naizvozvo kereke dzakasimbiswa parutendo, dzikawedzera pauwandu zuva rimwe nerimwe.
5Le chiese dunque erano confermate nella fede, e crescevano in numero di giorno in giorno.
6Zvino vakati vagura Frigia nedunhu reGaratia, vadziviswa neMweya Mutsvene kuparidza shoko paAsia.
6Poi traversarono la Frigia e il paese della Galazia, avendo lo Spirito Santo vietato loro d’annunziar la Parola in Asia;
7Zvino vakati vasvika pakatarisana neMisia, vakaidza kuenda Bhitinia, asi Mweya haana kuvatendera.
7e giunti sui confini della Misia, tentavano d’andare in Bitinia; ma lo Spirito di Gesù non lo permise loro;
8Vakati vapfuura Misia vakaburukira Troasi.
8e passata la Misia, discesero in Troas.
9Chiratidzo chikaonekwa kuna Pauro usiku; umwe murume weMakedhonia wakange amire achimukumbira zvikuru achiti: Yambukira Makedhonia, utibatsire.
9E Paolo ebbe di notte una visione: Un uomo macedone gli stava dinanzi, e lo pregava dicendo: Passa in Macedonia e soccorrici.
10Zvino wakati aona chiratidzo, pakarepo tikatsvaka kubuda tiende Makedhonia, tapedza tichiti zvirokwazvo Mwari watidana kunoparidza evhangeri kwavari.
10E com’egli ebbe avuta quella visione, cercammo subito di partire per la Macedonia, tenendo per certo che Dio ci avea chiamati là, ad annunziar loro l’Evangelo.
11Naizvozvo takabva Troasi nechikepe, tikaruramira Samotirasi; fumewo kuNeapori;
11Perciò, salpando da Troas, tirammo diritto, verso Samotracia, e il giorno seguente verso Neapoli;
12tikabvapo, tikaenda kuFiripi, rinova ndiro guta guru redunhu reMakedhonia, raitongwa neimwe nyika; tikagara mamwe mazuva muguta iro.
12e di là ci recammo a Filippi, che è città primaria di quella parte della Macedonia, ed è colonia romana; e dimorammo in quella città alcuni giorni.
13Nezuva resabata tikabuda kunze kweguta kurutivi rwerwizi, paifanira kuitirwa munyengetero; tikagara pasi, tikataura nevakadzi vakange vaunganapo.
13E nel giorno di sabato andammo fuori della porta, presso al fiume, dove supponevamo fosse un luogo d’orazione; e postici a sedere, parlavamo alle donne ch’eran quivi radunate.
14Zvino umwe mukadzi wainzi Ridhiya, mutengesi wezvine ruvara rwehute, weguta reTiatira, wainamata Mwari, akatinzwa; moyo wake Ishe waakazarurwa kuti ateerere zvinhu zvaitaurwa naPauro.
14E una certa donna, di nome Lidia, negoziante di porpora, della città di Tiatiri, che temeva Dio, ci stava ad ascoltare; e il Signore le aprì il cuore, per renderla attenta alle cose dette da Paolo.
15Zvino wakati abhabhatidzwa, neimba yake, akakumbira; achiti: Kana maona kuti ndinotenda kuna Ishe, pindai mumba mangu mugare. Akatikumbirisa.
15E dopo che fu battezzata con quei di casa, ci pregò dicendo: Se mi avete giudicata fedele al Signore, entrate in casa mia, e dimoratevi. E ci fece forza.
16Zvino zvakaitika pataipinda kunonyengetera, umwe musikana waiva nemweya wokuuka akasangana nesu, waiwanira vatenzi vake mibairo mizhinji nekuuka.
16E avvenne, come andavamo al luogo d’orazione, che incontrammo una certa serva, che avea uno spirito indovino e con l’indovinare procacciava molto guadagno ai suoi padroni.
17Iye akatevera Pauro nesu achidanidzira achiti: Vanhu ava varanda vaMwari Wekumusoro-soro, vanotiparidzira nzira yeruponeso.
17Costei, messasi a seguir Paolo e noi, gridava: Questi uomini son servitori dell’Iddio altissimo, e vi annunziano la via della salvezza.
18Izvi wakazviita mazuva mazhinji. Asi Pauro arwadziwa, akatendeuka, akati kumweya: Ndinokuraira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari. Ukabuda nenguva iyoyo.
18Così fece per molti giorni; ma essendone Paolo annoiato, si voltò e disse allo spirito: Io ti comando, nel nome di Gesù Cristo, che tu esca da costei. Ed esso uscì in quell’istante.
19Zvino vatenzi vake vakati vachiona kuti tariro yemibairo yavo yaenda, vakabata Pauro naSirasi, vakavakakatira kudare pamberi pevatongi,
19Ma i padroni di lei, vedendo che la speranza del loro guadagno era svanita, presero Paolo e Sila, e li trassero sulla pubblica piazza davanti ai magistrati,
20akati avauisa kuvatongi, vakati: Vanhu ava vaJudha vanopesanisa guta redu zvikuru,
20e presentatili ai pretori, dissero: Questi uomini, che son Giudei, perturbano la nostra città,
21vachiparidza tsika dzisiri pamutemo kwatiri kugamuchira kana kutevedza, tiri vaRoma.
21e predicano dei riti che non è lecito a noi che siam Romani né di ricevere, né di osservare.
22Zvino chaunga chikavamukira pamwe, vatongi vakavabvarurira nguvo dzavo, vakaraira kuti varohwe netsvimbo.
22E la folla si levò tutta insieme contro a loro; e i pretori, strappate loro di dosso le vesti, comandarono che fossero battuti con le verghe.
23Zvino vakati vaisa mavanga mazhinji pamusoro pavo, vakavakanda mutirongo, vakaraira murindi wetirongo kuti avachengete kwazvo.
23E dopo aver loro date molte battiture, li cacciarono in prigione, comandando al carceriere di custodirli sicuramente.
24Iye wakati agamuchira murairo wakadaro, akavaisa mutirongo yemukati, akasimbisa makumbo avo mumatanda.
24Il quale, ricevuto un tal ordine, li cacciò nella prigione più interna, e serrò loro i piedi nei ceppi.
25Zvino panenge pakati peusiku, Pauro naSirasi vakange vachinyengetera nekuimba nziyo kuna Mwari; vasungwa vakavanzwa.
25Or sulla mezzanotte Paolo e Sila, pregando, cantavano inni a Dio; e i carcerati li ascoltavano.
26Pakarepo kukavapo kudengenyeka kwenyika kukuru zvekuti nheyo dzetirongo dzakazununguswa; pakarepo mikova yose ikazarurwa, nezvisungo zvevose zvikasununguka.
26E ad un tratto, si fece un gran terremoto, talché la prigione fu scossa dalle fondamenta; e in quell’istante tutte le porte si apersero, e i legami di tutti si sciolsero.
27Ipapo murindi wetirongo akapepuka pahope, achiona mikova yetirongo yakazaruka, akavhomora munondo wake, akada kuzviuraya, achifunga kuti vasungwa vatiza.
27Il carceriere, destatosi, e vedute le porte della prigione aperte, tratta la spada, stava per uccidersi, pensando che i carcerati fossero fuggiti.
28Ipapo Pauro akadanidzira nenzwi guru, achiti: Usazvikuvadza; nekuti tiri muno tose.
28Ma Paolo gridò ad alta voce: Non ti far male alcuno, perché siam tutti qui.
29Zvino wakati akumbira mwenje akasvetukiramo, ndokusvika achibvunda ndokuwira pasi pamberi paPauro naSirasi,
29E quegli, chiesto un lume, saltò dentro, e tutto tremante si gettò ai piedi di Paolo e di Sila;
30akavabudisira kunze akati: Madzishe, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?
30e menatili fuori, disse: Signori, che debbo io fare per esser salvato?
31Ivo vakati: Tenda kuna Ishe Jesu Kristu, zvino uchaponeswa iwe nemhuri yako.
31Ed essi risposero: Credi nel Signor Gesù, e sarai salvato tu e la casa tua.
32Vakataura kwaari shoko raMwari nekuna vose vaiva mumba make.
32Poi annunziarono la parola del Signore a lui e a tutti coloro che erano in casa sua.
33Akavatora nenguva iyoyo yeusiku, akasuka mavanga, ndokubhabhatidzwa iye nevose vake pakarepo.
33Ed egli, presili in quell’istessa ora della notte, lavò loro le piaghe; e subito fu battezzato lui con tutti i suoi.
34Zvino wakati aenda navo mumba make ndokuisa tafura yechikafu pamberi pavo, akafara zvikuru, nemhuri yake yose achitenda kuna Mwari.
34E menatili su in casa sua, apparecchiò loro la tavola, e giubilava con tutta la sua casa, perché avea creduto in Dio.
35Zvino kwakati kwaedza, vatongi vakatuma mapurisa vachiti: Regai vanhu vaya vaende.
35Or come fu giorno, i pretori mandarono i littori a dire: Lascia andar quegli uomini.
36Murindi wetirongo akaudza Pauro mashoko iwayo, achiti: Vatongi vatuma shoko kuti musunungurwe; naizvozvo budai zvino muende nerugare.
36E il carceriere riferì a Paolo queste parole, dicendo: I pretori hanno mandato a mettervi in libertà; or dunque uscite, e andatevene in pace.
37Asi Pauro wakati kwavari: Vakatirova pachena tisina kubatwa mhoswa isu tiri vaRoma, vakatiisa mutirongo; ikozvino veda kutibudisa chinyararire here? Haiwa, kwete! Ngavauye vamene vatibudise.
37Ma Paolo disse loro: Dopo averci pubblicamente battuti senza essere stati condannati, noi che siam cittadini romani, ci hanno cacciato in prigione; e ora ci mandan via celatamente? No davvero! Anzi, vengano essi stessi a menarci fuori.
38Mapurisa akaudza vatongi mashoko iwayo; vakatya pavakanzwa kuti vaRoma,
38E i littori riferirono queste parole ai pretori; e questi ebbero paura quando intesero che eran Romani;
39vakasvika vakavakumbira, vakavabudisa ndokukumbira kuti vabve muguta.
39e vennero, e li pregarono di scusarli; e menatili fuori, chiesero loro d’andarsene dalla città.
40Zvino vakabuda mutirongo, vakapinda kwaRidhia; vakati vaona hama, vakavanyaradza ndokuenda.
40Allora essi, usciti di prigione, entrarono in casa di Lidia; e veduti i fratelli, li confortarono, e si partirono.