1Varume hama, nemadzibaba, inzwai kuzvidavirira kwangu zvino kwamuri.
1Fratelli e padri, ascoltate ciò che ora vi dico a mia difesa.
2Ivo vakati vachinzwa kuti unotaura nerurimi rwechiHebheru kwavari, vakanyanya kunyarara, iye akati:
2E quand’ebbero udito ch’egli parlava loro in lingua ebraica, tanto più fecero silenzio. Poi disse:
3Ini ndiri zvirokwazvo murume muJudha, wakaberekerwa muTaso muKirikia, asi ndakarerwa muguta rino pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa netsika dzakazara dzemurairo wamadzibaba, ndichishingairira Mwari, sezvamuri mose nhasi;
3Io sono un Giudeo, nato a Tarso di Cilicia, ma allevato in questa città, ai piedi di Gamaliele, educato nella rigida osservanza della legge dei padri, e fui zelante per la causa di Dio, come voi tutti siete oggi;
4ndikatambudza nzira iyi kusvikira parufu, ndichisunga nekukumikidza mutirongo vose varume nevakadzi;
4e perseguitai a morte questa Via, legando e mettendo in prigione uomini e donne,
5nemupristi mukuru sezvaanopupura nezvangu nedare rose remakurukota evatariri; kwavari kwandakagamuchira tsamba kuhama, ndikaenda Dhamasiko kuti ndiuise kuJerusarema avo vaivapo vakasungwa, kuti varangwe.
5come me ne son testimoni il sommo sacerdote e tutto il concistoro degli anziani, dai quali avendo pure ricevuto lettere per i fratelli, mi recavo a Damasco per menare legati a Gerusalemme anche quelli ch’eran quivi, perché fossero puniti.
6Zvino zvakaitika kuti ndichifamba, ndoswedera Dhamasiko anenge masikati, pakarepo kwakaonekwa kubva kudenga chiedza chikuru chakandipoteredza.
6Or avvenne che mentre ero in cammino e mi avvicinavo a Damasco, sul mezzogiorno, di subito dal cielo mi folgoreggiò d’intorno una gran luce.
7Zvino ndakawira pasi, ndikanzwa inzwi richiti kwandiri: Sauro, Sauro, unondishushirei?
7Caddi in terra, e udii una voce che mi disse: Saulo, Saulo, perché mi perseguiti?
8Ndikapindura, ndikati: Ndimwi ani Ishe? Akati kwandiri: Ndini Jesu weNazareta waunoshusha.
8E io risposi: Chi sei, Signore? Ed egli mi disse: Io son Gesù il Nazareno, che tu perseguiti.
9Zvino avo vaiva neni vakaona chiedza, vakatya, asi havana kunzwa inzwi rewakataura neni.
9Or coloro ch’eran meco, videro ben la luce ma non udirono la voce di colui che mi parlava.
10Zvino ndikati: Ndichaitei, Ishe? Ishe akati kwandiri: Simuka, uende Dhamasiko; apo uchaudzwa zvinhu zvose zvakatarirwa iwe kuti uite.
10E io dissi: Signore, che debbo fare? E il Signore mi disse: Lèvati, va’ a Damasco, e quivi ti saranno dette tutte le cose che t’è ordinato di fare.
11Zvino zvandakange ndisingagoni kuona nekubwinya kwechiedza icho, ndakatungamirirwa neruoko rwevaiva neni, ndikasvika Dhamasiko.
11E siccome io non ci vedevo più per il fulgore di quella luce, fui menato per mano da coloro che eran meco, e così venni a Damasco.
12Zvino umwe Ananiasi, murume wainamata sezvinoreva murairo, waipupurwa nezvake zvakanaka nevaJudha vose vakange vagerepo,
12Or un certo Anania, uomo pio secondo la legge, al quale tutti i Giudei che abitavan quivi rendevan buona testimonianza,
13akauya kwandiri akamira padivi pangu, akati kwandiri: Sauro hama, chionazve! Nenguva iyo ndikamuona.
13venne a me; e standomi vicino, mi disse: Fratello Saulo, ricupera la vista. Ed io in quell’istante ricuperai la vista, e lo guardai.
14Iye akati: Mwari wemadzibaba edu wakakusarudza, kare kuti uzive kuda kwake, nekuona iye wakarurama, nekunzwa inzwi remuromo wake.
14Ed egli disse: L’Iddio de’ nostri padri ti ha destinato a conoscer la sua volontà, e a vedere il Giusto, e a udire una voce dalla sua bocca.
15Nekuti uchava chapupu chake kuvanhu vose chezvawakaona nekunzwa.
15Poiché tu gli sarai presso tutti gli uomini un testimone delle cose che hai vedute e udite.
16Ikozvino uchanonokerei? Simuka ubhabhatidzwe usukwe zvivi zvako, uchidana zita raIshe.
16Ed ora, che indugi? Lèvati, e sii battezzato, e lavato dei tuoi peccati, invocando il suo nome.
17Zvino zvakaitika kuti ndadzokera kuJerusarema, ndichinyengetera mutembere, ndikaita chiyeverwa chemweya,
17Or avvenne, dopo ch’io fui tornato a Gerusalemme, che mentre pregavo nel tempio fui rapito in estasi,
18ndikamuona achiti kwandiri: Kurumidza ubve kuJerusarema ikozvino-zvino, nekuti havagamuchiri kupupura kwako maererano neni.
18e vidi Gesù che mi diceva: Affrettati, ed esci prestamente da Gerusalemme, perché essi non riceveranno la tua testimonianza intorno a me.
19Zvino ndikati: Ishe, vanoziva kuti ini ndaiisa mutirongo nekurova musinagoge roga-roga avo vaitenda kwamuri;
19E io dissi: Signore, eglino stessi sanno che io incarceravo e battevo nelle sinagoghe quelli che credevano in te;
20nepakadururwa ropa raSitefano chapupu chenyu, neni ndakange ndimirewo ndichibvumirana nekuurawa kwake, ndakachengeta nguvo dzevaimuponda.
20e quando si spandeva il sangue di Stefano tuo testimone, anch’io ero presente e approvavo, e custodivo le vesti di coloro che l’uccidevano.
21Zvino akati kwandiri: Enda, nekuti ndichakutuma kure kuvahedheni.
21Ed egli mi disse: Va’, perché io ti manderò lontano, ai Gentili.
22Vakamuteerera kusvikira pashoko iro; ipapo vakasimudza manzwi avo vachiti: Wakadai ngaabviswe panyika; nekuti hazvina kufanira kuti ararame.
22L’ascoltarono fino a questa parola; e poi alzarono la voce, dicendo: Togli via un tal uomo dal mondo; perché non è degno di vivere.
23Zvino vachidanidzira, vachirasha nguvo, vachikushira guruva kudenga,
23Com’essi gridavano e gettavan via le loro vesti e lanciavano la polvere in aria,
24mukuru wechuru akaraira, kuti aiswe kuimba yemauto achiti abvunzurudzwe nekurohwa netyava, kuti azive kuti ingavai ravaidanidzira kudai pamusoro pake.
24il tribuno comandò ch’egli fosse menato dentro la fortezza e inquisito mediante i flagelli, affin di sapere per qual cagione gridassero così contro a lui.
25Zvino vakati vamusunga nemakashu, Pauro akati kumukuru wezana wakange amirepo: Zviri pamutemo here kwamuri kurova netyava munhu ari muRoma asina kutongwa?
25E come l’ebbero disteso e legato con le cinghie, Paolo disse al centurione ch’era presente: V’è egli lecito flagellare un uomo che è cittadino romano, e non è stato condannato?
26Zvino mukuru wezana wakati achizvinzwa, akaenda akandoudza mukuru wechuru achiti: Chenjerai zvamunoita, nekuti munhu uyu muRoma.
26E il centurione, udito questo, venne a riferirlo al tribuno, dicendo: Che stai per fare? perché quest’uomo è Romano.
27Zvino mukuru wechuru akauya akati kwaari: Ndiudze, uri muRoma here? Iye akati: Hongu.
27Il tribuno venne a Paolo, e gli chiese: Dimmi, sei tu Romano? Ed egli rispose: Sì.
28Mukuru wechuru akapindura akati: Nemutengo mukuru ini ndakawana uRoma uhwu. Pauro akati: Ini ndakaberekwa nahwo.
28E il tribuno replicò: Io ho acquistato questa cittadinanza per gran somma di denaro. E Paolo disse: Io, invece, l’ho di nascita.
29Naizvozvo pakarepo vakabva kwaari ivo vaiva vomubvunzurudza, nemukuru wechuru wakatyawo aziva kuti iye muRoma, uye nekuti wakange amusunga.
29Allora quelli che stavan per inquisirlo, si ritrassero subito da lui; e anche il tribuno ebbe paura, quand’ebbe saputo che egli era Romano; perché l’avea fatto legare.
30Zvino chifume, achida kuziva chokwadi chaaipomerwa nevaJudha, akamusunungura pazvisungo, akaraira kuti vapristi vakuru nedare remakurukota ose vaungane, akaburusira Pauro, ndokumugadzika pamberi pavo.
30E il giorno seguente, volendo saper con certezza di che cosa egli fosse accusato dai Giudei, lo sciolse, e comandò ai capi sacerdoti e a tutto il Sinedrio di radunarsi; e menato giù Paolo, lo fe’ comparire dinanzi a loro.