1Zvino akaraira mutariri weimba yake, achiti, Zadza homwe dzavarume nezvokudya, sezvavanogona kutakura, uisewo mari yomumwe nomumwe pamuromo wehomwe yake.
1Giuseppe dette quest’ordine al suo maestro di casa: "Riempi i sacchi di questi uomini di tanti viveri quanti ne posson portare, e metti il danaro di ciascun d’essi alla bocca del suo sacco.
2Nomukombe wangu, mukombe wesirivha, uuise pamuromo wehomwe yomuduku, pamwechete nemari yezviyo zvake. Iye akaita sezvaakaudzwa naJosefa.
2E metti la mia coppa, la coppa d’argento, alla bocca del sacco del più giovine, assieme al danaro del suo grano". Ed egli fece come Giuseppe avea detto.
3Zvino fume mangwana koedza varume vakatenderwa kuenda, ivo nemadhongi avo.
3La mattina, non appena fu giorno, quegli uomini furon fatti partire coi loro asini.
4Vakati vabuda muguta, vasati vaenda kure, Josefa akaudza mutariri wake, akati, Simuka, tevera varume; kana wavabata, uti kwavari, Matsindikireiko zvamaitirwa zvakanaka?
4E quando furono usciti dalla città e non erano ancora lontani, Giuseppe disse al suo maestro di casa: "Lèvati, va’ dietro a quegli uomini; e quando li avrai raggiunti, di’ loro: Perché avete reso mal per bene?
5Ko hachizi chinhu chinomwira ishe wangu, chaanoshopera nacho here? Chinhu ichi chamaita chakaipa.
5Non è quella la coppa nella quale il mio signore beve, e della quale si serve per indovinare? Avete fatto male a far questo!"
6Akandovabata, akataura mashoko iwayo kwavari.
6Egli li raggiunse, e disse loro quelle parole.
7Vakati kwaari, Ko ishe wedu anotaurirei mashoko akadai? Ngazvisadaro, varanda venyu havangaiti chinhu chakadai.
7Ed essi gli risposero: "Perché il mio signore ci rivolge parole come queste? Iddio preservi i tuoi servitori dal fare una tal cosa!
8Tarirai, mari yatakawana pamiromo yehomwe dzedu takadzoka nayo kwamuri tichibva kunyika yeKenani; taigoba seiko sirivha kana ndarama mumba mashe wenyu?
8Ecco, noi t’abbiam riportato dal paese di Canaan il danaro che avevam trovato alla bocca de’ nostri sacchi; come dunque avremmo rubato dell’argento o dell’oro dalla casa del tuo signore?
9Ani naani wavaranda venyu anowanikwa anawo, ngaafe; nesu tichava vasungwa vashe wedu.
9Quello de’ tuoi servitori presso il quale si troverà la coppa, sia messo a morte; e noi pure saremo schiavi del tuo signore!"
10Iye akati, Ndizvo hazvo, ngazvive sezvamataura; iye anowanikwa aine mukombe, ndiye achava musungwa wangu; imwi vamwe hamungavi nemhosva.
10Ed egli disse: "Ebbene, sia fatto come dite: colui presso il quale essa sarà trovata, sarà mio schiavo; e voi sarete innocenti".
11Ipapo vakakurumidza mumwe nomumwe kuburutsira homwe yake pasi, mumwe nomumwe akasunungura homwe yake.
11In tutta fretta, ognun d’essi mise giù il suo sacco a terra, e ciascuno aprì il suo.
12Iye akatsvaka, akatanga kumukuru, akaguma kumuduku; mukombe ukawanikwa muhomwe yaBhenjamini.
12Il maestro di casa li frugò, cominciando da quello del maggiore, per finire con quello del più giovane; e la coppa fu trovata nel sacco di Beniamino.
13Ipapo vakabvarura nguvo dzavo, mumwe neumwe akatakudza dhongi rake, akadzokera kuguta.
13Allora quelli si stracciarono le vesti, ognuno ricaricò il suo asino, e tornarono alla città.
14Judha navana vababa vake vakadzokera kuimba yaJosefa, iye achirimo, vakawira pasi pamberi pake.
14Giuda e i suoi fratelli arrivarono alla casa di Giuseppe, il quale era ancora quivi; e si gettarono in terra dinanzi a lui.
15Zvino Josefa akati kwavari, Chinyiko ichi chamaita? Hamuzivi kuti munhu akaita seni anogona kushopera here?
15E Giuseppe disse loro: "Che azione è questa che avete fatta? Non lo sapete che un uomo come me ha potere d’indovinare?"
16Judha akati, Ko tingadiniko kuna ishe wangu? Tingataureiko? Tingazvipembedza sei? Mwari akawana kutadza kwavaranda venyu; tarirai tiri vasungwa vashe wedu, isu naiye akawanikwa aine mukombe.
16Giuda rispose: "Che diremo al mio signore? quali parole useremo? o come ci giustificheremo? Dio ha ritrovato l’iniquità de’ tuoi servitori. Ecco, siamo schiavi del mio signore: tanto noi, quanto colui in mano del quale è stata trovata la coppa".
17Iye akati, Ngazvisadaro, handingaiti saizvozvo; munhu uyo akawanikwa ano mukombe muruoko, ndiye achava musungwa wangu; kana muri imwi, endai henyu norugare kuna baba venyu.
17Ma Giuseppe disse: "Mi guardi Iddio dal far questo! L’uomo in man del quale è stata trovata la coppa, sarà mio schiavo; quanto a voi, risalite in pace dal padre vostro".
18Ipapo Judha akaswedera kwaari, akati, Haiwa, ishe wangu, dotenderai henyu muranda wenyu kutaura shoko munzeve dzashe wangu, kutsamwa kwenyu kurege kumukira muranda wenyu, nekuti imwi makaenzana naFarao.
18Allora Giuda s’accostò a Giuseppe, e disse: "Di grazia, signor mio, permetti al tuo servitore di far udire una parola al mio signore, e non s’accenda l’ira tua contro il tuo servitore! poiché tu sei come Faraone.
19Ishe wangu akabvunza varanda vake, achiti, Muna baba here, kana munin'ina?
19Il mio signore interrogò i suoi servitori, dicendo: Avete voi padre o fratello?
20Isu tikati kuna ishe wedu, Tina baba vavamutana, vanomwana woutana hwavo, achiri muduku hake; mukoma wake akafa, iye akasara ari oga, mwana wamai vake, baba vake vanomuda.
20E noi rispondemmo al mio signore: Abbiamo un padre ch’è vecchio, con un giovane figliuolo, natogli nella vecchiaia; il fratello di questo è morto, talché egli è rimasto solo de’ figli di sua madre; e suo padre l’ama.
21imwi mukati kuvaranda venyu, Burukai naye kwandiri, ndimuone nameso angu.
21Allora tu dicesti ai tuoi servitori: Menatemelo, perch’io lo vegga co’ miei occhi.
22Isu tikati kuna ishe wedu, Mukomana haangasii baba vake, nekuti kana akasiya baba vake, baba vake vangafa.
22E noi dicemmo al mio signore: Il fanciullo non può lasciare suo padre; perché, se lo lasciasse, suo padre morrebbe.
23Zvino makati kuvaranda venyu, Kana munununa wenyu worugotwe asingaburuki nemi, hamungaonizve chiso changu.
23E tu dicesti ai tuoi servitori: Se il vostro fratello più giovine non scende con voi, voi non vedrete più la mia faccia.
24Zvino takati takwira kumuranda wenyu, baba vedu, tikavaudza mashoko ashe wedu.
24E come fummo risaliti a mio padre, tuo servitore, gli riferimmo le parole del mio signore.
25Baba vedu vakati, Endaizve, mutitengere zvokudya zvishomanana.
25Poi nostro padre disse: Tornate a comprarci un po’ di viveri.
26Isu tikati, Hatingaburuki, kana munin'ina wedu asingaburuki nesu; nekuti hatingaoni chiso chomurume uya, kana munin'ina wedu asinesu.
26E noi rispondemmo: Non possiamo scender laggiù; se il nostro fratello più giovine verrà con noi, scenderemo; perché non possiamo veder la faccia di quell’uomo, se il nostro fratello più giovine non è con noi.
27Muranda wenyu, baba vedu, vakati kwatiri, Munoziva kuti mukadzi wangu akandiberekera vanakomana vaviri;
27E mio padre, tuo servitore, ci rispose: Voi sapete che mia moglie mi partorì due figliuoli;
28mumwe akabva kwandiri, ndikati, Zvirokwazvo akabvamburwa; kubva musi iwoyo handina kuzomuonazve;
28l’un d’essi si partì da me, e io dissi: Certo egli è stato sbranato; e non l’ho più visto da allora;
29kana mukanditorera nouyuwo, akawirwa nenjodzi, muchaburutsira vhudzi rangu jena kuguva nokuchema.
29e se mi togliete anche questo, e se gli avviene qualche disgrazia, voi farete scendere con dolore la mia canizie nel soggiorno de’ morti.
30Naizvozvo, kana zvino ndikandosvika kumuranda wenyu, baba vangu, tisinaiye mukomana, mweya wavo zvawakabatanidzwa nomweya womukomana,
30Or dunque, quando giungerò da mio padre, tuo servitore, se il fanciullo, all’anima del quale la sua è legata, non è con noi,
31vachati kana vachiona kuti mukomana asinesu, vachafa; naizvozvo varanda venyu vachaburutsira vhudzi jena romuranda wenyu, baba vedu, kuguva nokuchema.
31avverrà che, come avrà veduto che il fanciullo non c’è, egli morrà; e i tuoi servitori avranno fatto scendere con cordoglio la canizie del tuo servitore nostro padre nel soggiorno de’ morti.
32nekuti muranda wenyu akazviita rubatso rwomukomana kuna baba vangu, ndikati, Kana ndikasauya naye kwamuri,ini ndichava nemhosva kuna baba vangu nokusingaperi.
32Ora, siccome il tuo servitore s’è reso garante del fanciullo presso mio padre, e gli ha detto: Se non te lo riconduco sarò per sempre colpevole verso mio padre,
33Naizvozvo zvino ndinokumbira kuti muranda wenyu agare hake ari musungwa washe wangu pachigaro chomukomana, asi mukomana akwire hake navana vababa vake.
33deh, permetti ora che il tuo servitore rimanga schiavo del mio signore, invece del fanciullo, e che il fanciullo se ne torni coi suoi fratelli.
34nekuti ndingakwira seiko kuna baba vangu, ndisina mukomana? Ndirege hangu kuona njodzi ichawira baba vangu.
34Perché, come farei a risalire da mio padre senz’aver meco il fanciullo? Ah, ch’io non vegga il dolore che ne verrebbe a mio padre!"