Shona

Italian: Riveduta Bible (1927)

Hebrews

13

1Rudo rweukama ngarwupfuurire.
1L’amor fraterno continui fra voi. Non dimenticate l’ospitalità;
2Musakangamwa kugamuchira vaeni; nekuti pakudaro vamwe vakagamuchira vatumwa vasingazvizivi.
2perché, praticandola, alcuni, senza saperlo, hanno albergato degli angeli.
3Rangarirai vari muusungwa, semakasungwa pamwe navo; nevanoitirwa zvakaipa, sezvinonzi ndimwiwo pamuviri.
3Ricordatevi de’ carcerati, come se foste in carcere con loro; di quelli che sono maltrattati, ricordando che anche voi siete nel corpo.
4Wanano ngaikudzwe kune vose, nenhovo irege kusvibiswa; asi mhombwe nezvifeve Mwari uchatonga.
4Sia il matrimonio tenuto in onore da tutti, e sia il talamo incontaminato; poiché Iddio giudicherà i fornicatori e gli adulteri.
5Mararamiro enyu ngaave ekusakarira mari; gutsikanai nezvinhu zvamunazvo, nekuti iye wakati: Handingatongokurasi kana kukusiya.
5Non siate amanti del danaro, siate contenti delle cose che avete; poiché Egli stesso ha detto: Io non ti lascerò, e non ti abbandonerò.
6Naizvozvo tingatsunga moyo tichiti: Ishe mubatsiri wangu; handingatyi munhu zvaangaita kwandiri.
6Talché possiam dire con piena fiducia: Il Signore è il mio aiuto; non temerò. Che mi potrà far l’uomo?
7Rangarirai avo vanokutungamirirai, vakataura kwamuri shoko raMwari, mutevere nerutendo rwavo; muchicherekedza kuguma kwekufamba kwavo.
7Ricordatevi dei vostri conduttori, i quali v’hanno annunziato la parola di Dio; e considerando com’hanno finito la loro carriera, imitate la loro fede.
8Jesu Kristu wakadaro zuro nanhasi uye nekusingaperi.
8Gesù Cristo è lo stesso ieri, oggi, e in eterno.
9Musakukurwa nedzidziso dzakasiyana siyana uye dzisingazikamwi; nekuti chinhu chakanaka kuti moyo usimbiswe nenyasha, kwete nechikafu chisina kuvabatsira vakafamba machiri.
9Non siate trasportati qua e là da diverse e strane dottrine; poiché è bene che il cuore sia reso saldo dalla grazia, e non da pratiche relative a vivande, dalle quali non ritrassero alcun giovamento quelli che le osservarono.
10Isu tine aritari, pavasina kodzero yekudya pairi ivo vanoshumira tende.
10Noi abbiamo un altare del quale non hanno diritto di mangiare quelli che servono il tabernacolo.
11Nekuti mitumbi yemhuka idzo, dzakaisirwa ropa radzo panzvimbo tsvene nemupristi mukuru nekuda kwechivi, mutumbu yadzo inopiswa kunze kwemisasa.
11Poiché i corpi degli animali il cui sangue è portato dal sommo sacerdote nel santuario come un’offerta per il peccato, sono arsi fuori dal campo.
12Saka iye Jesuwo, kuti aite vanhu vave vatsvene neropa rake wakatambudzika kunze kwesuwo.
12Perciò anche Gesù, per santificare il popolo col proprio sangue, soffrì fuor della porta.
13Naizvozvo ngatibudire kwaari kunze kwemusasa, takatakura kunyadziswa kwake.
13Usciamo quindi fuori del campo e andiamo a lui, portando il suo vituperio.
14Nekuti pano hatina guta rinogara, asi tinotsvaka richauya.
14Poiché non abbiamo qui una città stabile, ma cerchiamo quella futura.
15Naizvozvo kubudikidza naye ngatirambe tichingobayira chibayiro chekumurumbidza kuna Mwari, ndicho chibereko chemiromo inobvuma zita rake.
15Per mezzo di lui, dunque, offriam del continuo a Dio un sacrificio di lode: cioè, il frutto di labbra confessanti il suo nome!
16Asi musakangamwa kuita zvakanaka nekudyidzana; nekuti Mwari unofadzwa chose nezvibayiro zvakadaro.
16E non dimenticate di esercitar la beneficenza e di far parte agli altri de’ vostri beni; perché è di tali sacrifici che Dio si compiace.
17teererai vanokutungamirirai, muzviise pasi pavo; nekuti vanorinda mweya yenyu, sevanhu vachazopa rondedzero, kuti vaite izvozvo nomufaro, kwete neshungu; nekuti izvozvo hazvikubatsiriyi.
17Ubbidite ai vostri conduttori e sottomettetevi a loro, perché essi vegliano per le vostre anime, come chi ha da renderne conto; affinché facciano questo con allegrezza e non sospirando; perché ciò non vi sarebbe d’alcun utile.
18Tinyengetererei; nekuti tinovimba kuti tine hana yakanaka, tichida kufamba zvakanaka pazvinhu zvose.
18Pregate per noi, perché siam persuasi d’aver una buona coscienza, desiderando di condurci onestamente in ogni cosa.
19Ndinokukumbirisai kuti muite izvozvi, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri.
19E vie più v’esorto a farlo, onde io vi sia più presto restituito.
20Zvino Mwari werugare, wakadzosa kuvakafa Mufudzi mukuru wamakwai, kubudikidza neropa resungano yekusingaperi, iye Ishe wedu Jesu Kristu,
20Or l’Iddio della pace che in virtù del sangue del patto eterno ha tratto dai morti il gran Pastore delle pecore, Gesù nostro Signore,
21ngaakupereredzei pabasa rose rakanaka kuti muite chido chake, iye achiita mukati menyu izvo zvinofadza pamberi pake kubudikidza naJesu Krisu, ngaave nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
21vi renda compiuti in ogni bene, onde facciate la sua volontà, operando in voi quel che è gradito nel suo cospetto, per mezzo di Gesù Cristo; a Lui sia la gloria ne’ secoli dei secoli. Amen.
22Asi ndinokukumbirisai, hama, tendai shoko rekurudziro, nekuti ndakunyorerai mashoko mashoma.
22Or, fratelli, comportate, vi prego, la mia parola d’esortazione; perché v’ho scritto brevemente.
23Zivai kuti Timotio hama yedu wakasunungurwa, kana akakurumidza kusvika, ndinozokuonai pamwe naye.
23Sappiate che il nostro fratello Timoteo è stato messo in libertà; con lui, se vien presto, io vi vedrò.
24Kwazisai vose vanokutungamirirai, nevatsvene vose. Vanobva Itaria vanokukwazisai.
24Salutate tutti i vostri conduttori e tutti i santi. Quei d’Italia vi salutano.
25Nyasha ngadzive nemwi mose. Ameni.
25La grazia sia con tutti voi. Amen.