Shona

Italian: Riveduta Bible (1927)

Joel

2

1Ridzai hwamanda paZiyoni, dzemhere pagomo rangu dzvene; vose vagere panyika ngavadedere nekuti zuva raJehovha rinouya, nekuti rava pedo;
1Sonate la tromba in Sion! Date l’allarme sul monte mio santo! Tremino tutti gli abitanti del paese, perché il giorno dell’Eterno viene, perch’è vicino,
2richava zuva rerima nokusviba, zuva ramakore nerima guru, samambakwedza akawarirwa pamakomo; richauya ruri rudzi rukuru rune simba; rwakadaro haruna kumbovapo, uye harungazovipo shure kwavo, kusvikira pamakore amarudzi mazhinji avanhu.
2giorno di tenebre, di densa oscurità, giorno di nubi, di fitta nebbia! Come l’alba si spande sui monti, viene un popolo numeroso e potente, quale non si vide mai prima, né mai più si vedrà poi negli anni delle età più remote.
3Moto unoparadza pamberi pavo, murazvo unopfuta shure kwavo; nyika yakaita somunda weEdheni pamberi pavo, uye serenje rakaparadzwa shure kwavo; zvirokwazvo, hakuna wakapukunyuka kwavari.
3Davanti a lui un fuoco divora, e dietro a lui divampa una fiamma; prima di lui, il paese era come un giardino d’Eden; dopo di lui, è un desolato deserto; nulla gli sfugge.
4Pakuonekwa kwavo vakafanana namabhiza; savatasvi vamabhiza, ndiko kumhanya kwavo.
4A vederli, paion cavalli, e corron come de’ cavalieri.
5Kuuruka kwavo pamusoro pamakomo kunoita somubvumo wengoro, somubvumo womurazvo womoto unoparadza mashanga, savanhu vane simba vakagadzirirwa kurwa.
5Si fa come uno strepito di carri, quando saltano sulle vette de’ monti; fanno un crepitìo di fiamma che divora la stoppia; son come un popolo poderoso, schierato in battaglia.
6Kana vachisvika, vanhu vose vanotya kwazvo, zviso zvose zvinocheneruka.
6Davanti a loro i popoli sono in angoscia, ogni volto impallidisce.
7Vanomhanya savanhu vane simba, vanokwira rusvingo savarwi, vanotamba mumwe nomumwe nenzira yake, havatongotsauki pamisara yavo.
7Corrono come uomini prodi, dànno la scalata alle mura come gente di guerra; ognuno va diritto davanti a sé, e non devìa dal proprio sentiero;
8Havasundidzirani, mumwe nomumwe unofamba negwara rake; vanopwanya napakati penhumbi dzokurwa, vasingatsauki.
8nessuno sospinge il suo vicino, ognuno avanza per la sua strada; si slanciano in mezzo ai dardi, non rompon le file.
9Vanowira guta, vanomhanyira pamusoro porusvingo, vanokwira vachipinda mudzimba, vanopinda napamahwindo sembavha.
9Invadono la città, corrono sulle mura; montano sulle case, entrano per le finestre come un ladro.
10Nyika inodedera pamberi pavo, denga rose rinobvunda, zuva nomwedzi zvinosviba, nyeredzi dzinodzora kupenya kwadzo.
10Davanti a loro trema la terra, i cieli sono scossi, il sole e la luna s’oscurano, le stelle ritirano il loro splendore.
11Jehovha anobudisa izwi rake pamberi pehondo yake, nekuti hondo yake ihuru kwazvo; nekuti muiti wezvaakataura une simba; nekuti zuva raJehovha iguru, rinotyisa kwazvo, ndianiko angatsunga naro?
11L’Eterno dà fuori la sua voce davanti al suo esercito, perché immenso è il suo campo e potente l’esecutore della sua parola. Sì, il giorno dell’Eterno è grande, oltremodo terribile; chi lo potrà sopportare?
12Kunyange zvakadaro ndizvo zvinotaura Jehovha nazvino tendeukirai kwandiri nomwoyo yenyu yose, muchitsanya, muchichema nokuungudza;
12E, non di meno, anche adesso, dice l’Eterno, tornate a me con tutto il cuor vostro, con digiuni, con pianti, con lamenti!
13bvarurai mwoyo yenyu, murege kubvarura nguvo dzenyu, mutendeukire kuna Jehovha Mwari wenyu; nekuti ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, ane tsitsi zhinji, uye anozvidemba pakuitira vanhu zvakaipa.
13Stracciatevi il cuore e non le vesti e tornate all’Eterno, al vostro Dio, poich’egli è misericordioso e pietoso, lento all’ira e pieno di bontà, e si pente del male che manda.
14Ndiani angaziva , zvimwe angadzoka akazvidemba, akasiya mukomborero kana achibva, zvimwe chipiriso choupfu kana chipiriso chinomwiwa zvamungavigira Jehovha Mwari wenyu?
14Chi sa ch’ei non si volga e si penta lasciando dietro a sé una benedizione, delle offerte e delle libazioni per l’Eterno, per l’Iddio vostro?
15Ridzai, hwamanda paZiyoni, tsaurai zuva rokutsanya, danai vanhu kuungano yakatarwa;
15Sonate la tromba in Sion, bandite un digiuno, convocate una solenne raunanza!
16kokerai vanhu, natsai ungano, kokerai vakuru, unganidzai vana, navanomwa pamazamu; chikomba ngachibude paimba yacho nomwenga paimba yake yokuvata.
16Radunare il popolo, bandite una santa assemblea! Radunate i vecchi, radunate i fanciulli, e quelli che poppano ancora! Esca lo sposo dalla sua camera, e la sposa dalla propria alcova!
17Vapristi, ivo vashumiri vaJehovha, ngavacheme pakati peberere neatari, vati, Aiwa, Jehovha, regai vanhu venyu, musaisa nhaka yenyu pakushoorwa, kuti marudzi avanhu avaseke; vangareveiko pakati pamarudzi avanhu, vachiti, Mwari wavo aripiko?
17Fra il portico e l’altare piangano i sacerdoti, ministri dell’Eterno, e dicano: "Risparmia, o Eterno, il tuo popolo, e non esporre la tua eredità all’obbrobrio, ai motteggi delle nazioni! Perché si direbbe fra i popoli: Dov’è il loro Dio?"
18Ipapo Jehovha akava negodo pamusoro penyika yake, akanzwira vanhu vake tsitsi.
18L’Eterno s’è mosso a gelosia per il suo paese, ed ha avuto pietà del suo popolo.
19Jehovha akapindura, akati kuvanhu vake, Tarirai, ndichakutumirai zviyo, newaini itsva, namafuta, mugoguta nazvo; handichakuitiyi chinhu chinoshoorwa pakati pamarudzi;
19L’Eterno ha risposto, e ha detto al suo popolo: "Ecco, io vi manderò del grano, del vino, dell’olio, e voi ne sarete saziati; e non vi esporrò più all’obbrobrio fra le nazioni.
20asi ndichabvisa kure nemwi hondo inobva kurutivi rwokumusoro, ndichiidzingira kunyika yakaoma yakaparadzwa, rutivi rwayo pamberi rwakatarira kugungwa rokumabvazuva, norutivi rwayo rweshure kugungwa rokumavirazuva; kunhuwa kwayo kuchakwira, norwema rwayo rwakaipa ruchakwira, nekuti yakaita zvinhu zvikuru.
20Allontanerò da voi il nemico che viene dal settentrione e lo caccerò in una terra arida e desolata; la sua avanguardia, verso il mare orientale; la sua retroguardia, verso il mare occidentale; la sua infezione, salirà il suo fetore, perché ha fatto cose grandi".
21Rega hako kutya, iwe nyika, fara ufarisise; nekuti Jehovha akaita zvinhu zvikuru.
21Non temere, o suolo del paese, gioisci, rallegrati, poiché l’Eterno ha fatto cose grandi!
22Regai kutya, imwi mhuka dzesango; nekuti mafuro erenje anobukira, nekuti miti inobereka zvibereko zvayo, mionde nemizambiringa zvinovigira vanhu simba razvo.
22Non temete, o bestie della campagna, perché i pascoli del deserto riverdeggiano, perché gli alberi portano il loro frutto, il fico e la vite producono largamente!
23Naizvozvo farai, imwi vana veZiyoni, mufarisise muna Jehovha Mwari wenyu; nekuti anokupai mudzidzisi wokururama, uye anokunisirai mvura, mvura yokutanga nemvura yokuteverera, nomwedzi wokutanga.
23E voi, figliuoli di Sion, gioite, rallegratevi nell’Eterno, nel vostro Dio, perché vi dà la pioggia d’autunno in giusta misura, e fa cadere per voi la pioggia, quella d’autunno e quella di primavera, al principio della stagione.
24Mapuriro achazara nezviyo, uye zvisviniro zvichapafuma waini namafuta.
24Le aie saran piene di grano, e i tini traboccheranno di vino e d’olio;
25Ndichakudzoseraizve makore amakadyirwa nemhashu, negwatakwata, nomupedzachose, nomuteteni, iyo hondo yangu huru yandakatuma pakati penyu.
25e vi compenserò delle annate che han mangiato il grillo, la cavalletta, la locusta e il bruco, il mio grande esercito che avevo mandato contro di voi.
26Muchadya zvakawanda, mukarumbidza zita raJehovha Mwari wenyu, wakakuitirai zvinoshamisa; vanhu vangu havangatongonyadziswi nokusingaperi.
26E voi mangerete a sazietà, e loderete il nome dell’Eterno, del vostro Dio, che avrà operato per voi delle maraviglie, e il mio popolo non sarà mai più coperto d’onta.
27Ipapo muchaziva kuti ndiri pakati paIsiraeri, kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, uye kuti hakuna mumwe; vanhu vangu havangatongonyadziswi nokusingaperi.
27E voi conoscerete che io sono in mezzo ad Israele, e che io sono l’Eterno, il vostro Dio, e non ve n’è alcun altro; e il mio popolo non sarà mai più coperto d’onta.
28Zvino shure kwaizvozvo ndichadurura Mweya wangu pamusoro penyama yose; vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita, vatana venyu vacharota hope, namajaya enyu achaona zviratidzo;
28E, dopo questo, avverrà che io spanderò il mio spirito sopra ogni carne, e i vostri figliuoli e le vostre figliuole profetizzeranno, i vostri vecchi avranno dei sogni, i vostri giovani avranno delle visioni.
29ndichadururawo Mweya wangu pamusoro pavaranda napamusoro pavashandiri namazuva iwayo.
29E anche sui servi e sulle serve, spanderò in quei giorni il mio spirito.
30Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, zvinoti: Ropa nomoto neshongwe dzoutsi.
30E farò dei prodigi nei cieli e sulla terra: sangue, fuoco, e colonne di fumo.
31Zuva richashanduka rima, mwedzi uchashanduka ropa, zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.
31Il sole sarà mutato in tenebre, e la luna in sangue prima che venga il grande e terribile giorno dell’Eterno.
32Zvino ani naani anodana zita raJehovha acharwirwa; nekuti pagomo reZiyoni napaJerusaremu ndipo pachava navakapukunyuka, sezvakataura Jehovha, napakati pavakasara ndipo pachava vakadamwa naJehovha.
32E avverrà che chiunque invocherà il nome dell’Eterno sarà salvato; poiché sul monte Sion ed in Gerusalemme vi sarà salvezza, come ha detto l’Eterno, e fra gli scampati che l’Eterno chiamerà.