1Ini ndiri muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi.
1Io sono la vera vite, e il Padre mio è il vignaiuolo. Ogni tralcio che in me non dà frutto,
2Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki chibereko, vanoribvisa; uye rimwe nerimwe rinobereka chibereko, vanorichekerera, kuti riwedzere kubereka chibereko.
2Egli lo toglie via; e ogni tralcio che dà frutto, lo rimonda affinché ne dia di più.
3Imwi matochena neshoko randataura kwamuri.
3Voi siete già mondi a motivo della parola che v’ho annunziata.
4Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka zvibereko pacharo, kana risingagari mumuzambiringa, saizvozvo nemwi kwete, kana musingagari mandiri.
4Dimorate in me, e io dimorerò in voi. Come il tralcio non può da sé dar frutto se non rimane nella vite, così neppur voi, se non dimorate in me.
5Ini ndiri muzambiringa, imwi matavi. Unogara mandiri, neni maari, ndiye unobereka chibereko chakawanda; nekuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.
5Io son la vite, voi siete i tralci. Colui che dimora in me e nel quale io dimoro, porta molto frutto; perché senza di me non potete far nulla.
6Kana munhu asingagari mandiri, unorashwa kunze sedavi, ndokusvava, vanoaunganidza, ndokukandira mumoto, apiswe.
6Se uno non dimora in me, è gettato via come il tralcio, e si secca; cotesti tralci si raccolgono, si gettano nel fuoco e si bruciano.
7Kana muchigara mandiri, nemashoko angu achigara mamuri, muchakumbira chero zvamunoda, uye muchazviitirwa.
7Se dimorate in me e le mie parole dimorano in voi, domandate quel che volete e vi sarà fatto.
8Baba vangu vanokudzwa neizvi, kuti mubereke chibereko chakawanda; uye muchava vadzidzi vangu.
8In questo è glorificato il Padre mio: che portiate molto frutto, e così sarete miei discepoli.
9Baba sezvavakandida, iniwo ndakakudai; garai murudo rwangu.
9Come il Padre mi ha amato, così anch’io ho amato voi; dimorate nel mio amore.
10Kana muchichengeta mirairo yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndakachengeta mirairo yaBaba vangu, ndinogara murudo rwavo.
10Se osservate i miei comandamenti, dimorerete nel mio amore; com’io ho osservato i comandamenti del Padre mio, e dimoro nel suo amore.
11Zvinhu izvi ndazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, uye mufaro wenyu uzare.
11Queste cose vi ho detto, affinché la mia allegrezza dimori in voi, e la vostra allegrezza sia resa completa.
12Uyu ndiwo murairo wangu, kuti mudanane, sezvandakakudai.
12Questo è il mio comandamento: che vi amiate gli uni gli altri, come io ho amato voi.
13Hakuna une rudo rukuru kune urwu, kuti munhu anoradzikira pasi shamwari dzake upenyu hwake.
13Nessuno ha amore più grande che quello di dar la sua vita per i suoi amici.
14Imwi muri shamwari dzangu, kana muchiita chipi nechipi ini chandinokurairai.
14Voi siete miei amici, se fate le cose che vi comando.
15Handichakuidziizve varanda, nekuti muranda haazivi ishe wake chaanoita; asi ndakuidzai shamwari; nekuti zvose zvandakanzwa naBaba vangu, ndakakuzivisai.
15Io non vi chiamo più servi; perché il servo non sa quel che fa il suo signore; ma voi vi ho chiamati amici, perché vi ho fatto conoscere tutte le cose che ho udite dal Padre mio.
16Imwi hamuna kundisarudza, asi ini ndakakusarudzai, ndikakugadzai, kuti imwi muende mubereke chibereko, uye chibereko chenyu chigare; kuti chipi nechipi chamunokumbira kuna Baba muzita rangu, vakupei.
16Non siete voi che avete scelto me, ma son io che ho scelto voi, e v’ho costituiti perché andiate, e portiate frutto, e il vostro frutto sia permanente; affinché tutto quel che chiederete al Padre nel mio nome, Egli ve lo dia.
17Izvi zvinhu ndinokurairai, kuti mudanane.
17Questo vi comando: che vi amiate gli uni gli altri.
18Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yavenga ini isati yakuvengai imwi.
18Se il mondo vi odia, sapete bene che prima di voi ha odiato me.
19Dai maiva venyika, nyika yaida zvayo pachayo; asi nekuti hamusi venyika, asi ini ndakakusarudzai kubva panyika, naizvozvo nyika inokuvengai.
19Se foste del mondo, il mondo amerebbe quel ch’è suo; ma perché non siete del mondo, ma io v’ho scelti di mezzo al mondo, perciò vi odia il mondo.
20Rangarirai shoko ini randakareva kwamuri: Muranda haasi mukuru kuna ishe wake. Kana vakashusha ini, vachashusha imwiwo; kana vakachengeta shoko rangu vachachengeta renyuwo.
20Ricordatevi della parola che v’ho detta: Il servitore non è da più del suo signore. Se hanno perseguitato me, perseguiteranno anche voi; se hanno osservato la mia parola, osserveranno anche la vostra.
21Asi izvi zvose vachakuitirai nekuda kwezita rangu, nekuti havamuzivi wakandituma.
21Ma tutto questo ve lo faranno a cagion del mio nome, perché non conoscono Colui che m’ha mandato.
22Dai ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina chivi; asi ikozvino havana manzvengero pachivi chavo.
22S’io non fossi venuto e non avessi loro parlato, non avrebbero colpa; ma ora non hanno scusa del loro peccato.
23Unondivenga, unovenga Baba vanguwo.
23Chi odia me, odia anche il Padre mio.
24Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina umwe wakaaita, vangadai vasina chivi; asi ikozvino vakaona ndokuvenga zvose ini naBaba vangu.
24Se non avessi fatto tra loro le opere che nessun altro ha fatte mai, non avrebbero colpa; ma ora le hanno vedute, ed hanno odiato e me e il Padre mio.
25Asi kuti shoko rizadziswe rakanyorwa pamurairo wavo, rinoti: Vakandivenga pasina chikonzero.
25Ma quest’è avvenuto affinché sia adempita la parola scritta nella loro legge: Mi hanno odiato senza cagione.
26Asi kana Munyaradzi auya, ini wandichatumira kwamuri kubva kuna Baba, Mweya wechokwadi, unobuda kuna Baba, uyu uchapupura nezvangu.
26Ma quando sarà venuto il Consolatore che io vi manderò da parte del Padre, lo Spirito della verità che procede dal Padre, egli testimonierà di me;
27Nemwiwo muchapupura, nekuti maiva neni kubva pakutanga.
27e anche voi mi renderete testimonianza, perché siete stati meco fin dal principio.