1Jesu wakataura zvinhu izvi, ndokusimudzira meso ake kudenga, akati: Baba, awa rasvika; kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyuwo akukudzei;
1Queste cose disse Gesù; poi levati gli occhi al cielo, disse: Padre, l’ora è venuta; glorifica il tuo Figliuolo, affinché il Figliuolo glorifichi te,
2sezvo makamupa simba pamusoro penyama yose, kuti vose vamakamupa, avape upenyu hwusingaperi.
2poiché gli hai data potestà sopra ogni carne, onde egli dia vita eterna a tutti quelli che tu gli hai dato.
3Uye uhwu upenyu hwusingaperi, kuti vakuzivei imwi Mwari woga wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma.
3E questa è la vita eterna: che conoscano te, il solo vero Dio, e colui che tu hai mandato, Gesù Cristo.
4Ini ndakakukudzai panyika; ndapedza basa ramakandipa kuti ndiite;
4Io ti ho glorificato sulla terra, avendo compiuto l’opera che tu m’hai data a fare.
5uye ikozvino ndikudzei imwi, Baba, kwamuri pachenyu nerukudzo rwandaiva narwo ndinemwi nyika isati yavapo.
5Ed ora, o Padre, glorificami tu presso te stesso della gloria che avevo presso di te avanti che il mondo fosse.
6Ndaratidza zita renyu kuvanhu vamakandipa kubva munyika; vakange vari venyu, uye makavapa ini; uye vakachengeta shoko renyu.
6Io ho manifestato il tuo nome agli uomini che tu m’hai dati dal mondo; erano tuoi, e tu me li hai dati; ed essi hanno osservato la tua parola.
7Ikozvino voziva kuti zvose-zvose zvamakandipa, zvinobva kwamuri;
7Ora hanno conosciuto che tutte le cose che tu m’hai date, vengon da te;
8nekuti ndakapa kwavari mashoko amakandipa; uye ivo vakagamuchira, vakaziva zvirokwazvo kuti ndakabuda kwamuri, uye vakatenda kuti imwi makandituma.
8poiché le parole che tu mi hai date, le ho date a loro; ed essi le hanno ricevute, e hanno veramente conosciuto ch’io son proceduto da te, e hanno creduto che tu m’hai mandato.
9Ini ndinokumbirira ivo; handikumbiriri nyika, asi avo vamakandipa, nekuti ndevenyu;
9Io prego per loro; non prego per il mondo, ma per quelli che tu m’hai dato, perché son tuoi;
10uye zvose zvangu ndezvenyu, nezvenyu ndezvangu; uye ndakakudzwa mavari.
10e tutte le cose mie son tue, e le cose tue son mie; e io son glorificato in loro.
11Uye handichisiri munyika, asi ava vari munyika; uye ini ndinouya kwamuri. Baba vatsvene, vachengetei muzita renyu vamakandipa, kuti vave vamwe, sesu.
11E io non sono più nel mondo, ma essi sono nel mondo, e io vengo a te. Padre santo, conservali nel tuo nome, essi che tu m’hai dati, affinché siano uno, come noi.
12Pandaiva navo munyika, ini ndaivachengeta muzita renyu; avo vamakandipa, ndikachengetedza, uye hapana umwe wavo wakarasika, kunze kwemwanakomana wekurashwa, kuti rugwaro rwuzadziswe.
12Mentre io ero con loro, io li conservavo nel tuo nome; quelli che tu mi hai dati, li ho anche custoditi, e niuno di loro è perito, tranne il figliuol di perdizione, affinché la Scrittura fosse adempiuta.
13Asi ikozvino ndinouya kwamuri, uye zvinhu izvi ndinotaura munyika, kuti vave nemufaro wangu wakazadziswa mavari.
13Ma ora io vengo a te; e dico queste cose nel mondo, affinché abbiano compita in se stessi la mia allegrezza.
14Ini ndakavapa shoko renyu, uye nyika yakavavenga, nekuti havasi venyika, seni ndisiri wenyika.
14Io ho dato loro la tua parola; e il mondo li ha odiati, perché non sono del mondo, come io non sono del mondo.
15Handikumbiri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete pane wakaipa.
15Io non ti prego che tu li tolga dal mondo, ma che tu li preservi dal maligno.
16Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.
16Essi non sono del mondo, come io non sono del mondo.
17Vaitei vatsvene muchokwadi chenyu; shoko renyu ichokwadi.
17Santificali nella verità: la tua parola è verità.
18Sezvamakandituma panyika, neniwo ndavatuma panyika.
18Come tu hai mandato me nel mondo, anch’io ho mandato loro nel mondo.
19Uye ini ndinozviita mutsvene nekuda kwavo, kuti ivowo vaitwe vatsvene muchokwadi.
19E per loro io santifico me stesso, affinché anch’essi siano santificati in verità.
20Uye handikumbiriri ava chete, asi naivo vachatenda kwandiri neshoko ravo;
20Io non prego soltanto per questi, ma anche per quelli che credono in me per mezzo della loro parola:
21kuti vose vave vamwe; semwi, Baba, mandiri, neni mamuri; kuti ivowo vave umwe matiri; kuti nyika itende kuti imwi makandituma.
21che siano tutti uno; che come tu, o Padre, sei in me, ed io sono in te, anch’essi siano in noi: affinché il mondo creda che tu mi hai mandato.
22Nekubwinya kwamakandipa, ini ndakavapa, kuti vave umwe, sesu tiri umwe.
22E io ho dato loro la gloria che tu hai dato a me, affinché siano uno come noi siamo uno;
23Ini mavari, nemwi mandiri, kuti vapedzeredzwe vave umwe; uye kuti nyika izive kuti imwi makandituma, uye makavada, sezvamakandida.
23io in loro, e tu in me; acciocché siano perfetti nell’unità, e affinché il mondo conosca che tu m’hai mandato, e che li ami come hai amato me.
24Baba, ndinoda kuti ivowo vamakandipa, vave neni apo pandiri ini, kuti vaone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nekuti makandida mavambo enyika asati avapo.
24Padre, io voglio che dove son io, siano meco anche quelli che tu m’hai dati, affinché veggano la mia gloria che tu m’hai data; poiché tu m’hai amato avanti la fondazion del mondo.
25Baba vakarurama, nenyika haina kukuzivai, asi ini ndakakuzivai, neava vakaziva kuti imwi makandituma;
25Padre giusto, il mondo non t’ha conosciuto, ma io t’ho conosciuto; e questi hanno conosciuto che tu mi hai mandato;
26uye ndakazivisa kwavari zita renyu, uye ndicharizivisa, kuti rudo rwamakandida narwo ruve mavari, neni mavari.
26ed io ho fatto loro conoscere il tuo nome, e lo farò conoscere, affinché l’amore del quale tu m’hai amato sia in loro, ed io in loro.