1Shure kwezvinhu izvi Jesu wakafamba-famba muGarirea; nekuti wakange asingadi kufamba-famba muJudhiya, nekuti vaJudha vakange vachitsvaka kumuuraya.
1Dopo queste cose, Gesù andava attorno per la Galilea; non voleva andare attorno per la Giudea perché i Giudei cercavan d’ucciderlo.
2Zvino mutambo wevaJudha, mutambo wematende wakange waswedera.
2Or la festa de’ Giudei, detta delle Capanne, era vicina.
3Naizvozvo vanin'ina vake vakati kwaari: Ibvai pano muende muJudhiya, kuti vadzidzi venyuwo vaone mabasa enyu amunoita.
3Perciò i suoi fratelli gli dissero: Partiti di qua e vattene in Giudea, affinché i tuoi discepoli veggano anch’essi le opere che tu fai.
4Nekuti hakuna unoita chinhu muchivande asi iye amene achitsvaka kuva pachena. Kana uchiita zvinhu izvi, zviratidze kunyika.
4Poiché niuno fa cosa alcuna in segreto, quando cerca d’esser riconosciuto pubblicamente. Se tu fai codeste cose, palesati al mondo.
5Nekuti kunyange vanin'ina vake vaiva vasingatendi kwaari.
5Poiché neppure i suoi fratelli credevano in lui.
6Naizvozvo Jesu akati kwavari: Nguva yangu haisati yasvika, asi nguva yenyu inogara yakagadzirwa.
6Gesù quindi disse loro: Il mio tempo non è ancora venuto; il vostro tempo, invece, è sempre pronto.
7Nyika haigoni kukuvengai; asi ini inondivenga, nekuti ini ndinopupura nezvayo, kuti mabasa ayo akaipa.
7Il mondo non può odiar voi; ma odia me, perché io testimonio di lui che le sue opere sono malvagie.
8Kwirai imwi kumutambo uyu; ini handisati ndokwira kumutambo uyu, nekuti nguva yangu haisati yazadzisika.
8Salite voi alla festa; io non salgo ancora a questa festa, perché il mio tempo non è ancora compiuto.
9Wakati areva zvinhu izvi kwavari, akagara muGarirea.
9E dette loro queste cose, rimase in Galilea.
10Asi vanin'ina vake vakati vakwira, naiye akabva okwira kumutambo, kwete pachena, asi panenge sepachivande.
10Quando poi i suoi fratelli furono saliti alla festa, allora vi salì anche lui; non palesemente, ma come di nascosto.
11Zvino vaJudha vakamutsvaka pamutambo, vakati: Uripi iye?
11I Giudei dunque lo cercavano durante la festa, e dicevano: Dov’è egli?
12Kwakavapo kun'u'nuna kukuru pakati pezvaunga pamusoro pake; vamwe vachiti: Wakanaka. Asi vamwe vachiti: Kwete, asi unotsausa chaunga.
12E v’era fra le turbe gran mormorio intorno a lui. Gli uni dicevano: E’ un uomo dabbene! Altri dicevano: No, anzi, travia la moltitudine!
13Kunyange zvakadaro kwakange kusina munhu wakataura pachena pamusoro pake nekutya vaJudha.
13Nessuno però parlava di lui apertamente, per paura de’ Giudei.
14Zvino pava pakati pemutambo, Jesu akakwira kutembere, akadzidzisa.
14Or quando s’era già a metà della festa, Gesù salì al tempio e si mise a insegnare.
15Zvino vaJudha vakashamisika vachiti: Uyu unoziva sei magwaro asina kudzidza?
15Onde i Giudei si maravigliavano e dicevano: Come mai s’intende costui di lettere, senz’aver fatto studi?
16Jesu akavapindura akati: Dzidziso yangu haizi yangu, asi yake wakandituma.
16E Gesù rispose loro e disse: La mia dottrina non è mia, ma di Colui che mi ha mandato.
17Kana munhu achida kuita chido chake, uchaziva zvedzidziso kana ichibva kuna Mwari, kana kuti ini ndinotaura zvemusoro wangu.
17Se uno vuol fare la volontà di lui, conoscerà se questa dottrina è da Dio o se io parlo di mio.
18Unozvitaurira pachake, unotsvaka rumbidzo yake; asi unotsvaka kurumbidzwa kwewakamutuma, ndiye wechokwadi, uye hapana kusarurama maari.
18Chi parla di suo cerca la propria gloria; ma chi cerca la gloria di colui che l’ha mandato, egli è verace e non v’è ingiustizia in lui.
19Mozisi haana kukupai murairo here? Asi hakuna wenyu unoita murairo. Munotsvakirei kundiuraya?
19Mosè non v’ha egli data la legge? Eppure nessun di voi mette ad effetto la legge! Perché cercate d’uccidermi?
20Chaunga chikapindura chikati: Une dhimoni; ndiani unotsvaka kukuuraya?
20La moltitudine rispose: Tu hai un demonio! Chi cerca d’ucciderti?
21Jesu akapindura akati kwavari: Ndakaita basa rimwe, uye munoshamisika mose.
21Gesù rispose e disse loro: Un’opera sola ho fatto, e tutti ve ne maravigliate.
22Naizvozvo Mozisi wakakupai dzingiso (kusiri kuti yakabva kuna Mozisi, asi kumadzibaba), zvino nesabata munodzingisa munhu.
22Mosè v’ha dato la circoncisione (non che venga da Mosè, ma viene dai padri); e voi circoncidete l’uomo in giorno di sabato.
23Kana munhu nesabata achigamuchira dzingiso, kuti murairo waMozisi urege kutyorwa, munonditsamwira nekuti ndaporesa munhu zvakaperera nesabata here?
23Se un uomo riceve la circoncisione di sabato affinché la legge di Mosè non sia violata, vi adirate voi contro a me perché in giorno di sabato ho guarito un uomo tutto intero?
24Musatonga nezvinoonekwa, asi tongai kutonga kwakarurama.
24Non giudicate secondo l’apparenza, ma giudicate con giusto giudizio.
25Vamwe veveJerusarema ndokuti: Uyu haazi iye wavanotsvaka kuuraya here?
25Dicevano dunque alcuni di Gerusalemme: Non è questi colui che cercano di uccidere?
26Asi tarira, unotaura pachena, asi havarevi chinhu kwaari. Kuti vatungamiriri vanoziva zvechokwadi here kuti ndiye Kristu chaiye?
26Eppure, ecco, egli parla liberamente, e non gli dicon nulla. Avrebbero mai i capi riconosciuto per davvero ch’egli è il Cristo?
27Asi uyu tinoziva kwaanobva; asi Kristu kana achisvika, hakuna ungaziva kwaanobva.
27Eppure, costui sappiamo donde sia; ma quando il Cristo verrà, nessuno saprà donde egli sia.
28Naizvozvo Jesu wakadanidzira mutembere achidzidzisa achiti: Nemwi munoziva ini, uye munoziva kwandakabva; uye handina kuzviuira, asi wakandituma ndewechokwadi, wamusingazivi imwi.
28Gesù dunque, insegnando nel tempio, esclamò: Voi e mi conoscete e sapete di dove sono; però io non son venuto da me, ma Colui che mi ha mandato è verità, e voi non lo conoscete.
29Asi ini ndinomuziva, nekuti ndinobva kwaari, uye iye wakandituma.
29Io lo conosco, perché vengo da lui, ed è Lui che mi ha mandato.
30Naizvozvo vakatsvaka kumubata, asi hakuna wakaisa ruoko paari, nekuti awa rake rakange risati rasvika.
30Cercavan perciò di pigliarlo, ma nessuno gli mise le mani addosso, perché l’ora sua non era ancora venuta.
31Asi vazhinji vechaunga vakatenda kwaari, vakati: Kana Kristu achisvika, ungaita zviratidzo zvizhinji kune izvi uyu zvaaita here?
31Ma molti della folla credettero in lui, e dicevano: Quando il Cristo sarà venuto, farà egli più miracoli che questi non abbia fatto?
32VaFarisi vakanzwa chaunga chichin'un'una zvinhu izvi pamusoro pake; vaFarisi nevapristi vakuru ndokutuma vabatsiri kuti vamubate.
32I Farisei udirono la moltitudine mormorare queste cose di lui; e i capi sacerdoti e i Farisei mandarono delle guardie a pigliarlo.
33Naizvozvo Jesu akati kwavari: Ndichinemwi chinguvana, ndoenda kune wakandituma.
33Perciò Gesù disse loro: Io sono ancora con voi per poco tempo; poi me ne vo a Colui che mi ha mandato.
34Muchanditsvaka mukasandiwana; uye apo pandiri ini, imwi hamugoni kuuya.
34Voi mi cercherete e non mi troverete; e dove io sarò, voi non potete venire.
35Naizvozvo vaJudha vakataurirana vachiti: Uyu uchaendepi kuti isu tisamuwana? Uchaenda kune vakapararira vevaGiriki, adzidzise vaGiriki here?
35Perciò i Giudei dissero fra loro: Dove dunque andrà egli che noi non lo troveremo? Andrà forse a quelli che son dispersi fra i Greci, ad ammaestrare i Greci?
36Ishokoi iri raanoti: Muchanditsvaka, asi hamungandiwani; nerokuti: Pandiri ini, imwi hamugoni kuuya?
36Che significa questo suo dire: Voi mi cercherete e non mi troverete; e: Dove io sarò voi non potete venire?
37Zvino nezuva rekupedzisira, iro guru remutambo Jesu wakasimuka akadanidzira achiti: Kana ani nani ane nyota, ngaauye kwandiri amwe.
37Or nell’ultimo giorno, il gran giorno della festa, Gesù, stando in piè, esclamò: Se alcuno ha sete, venga a me e beva.
38Unotenda kwandiri, rugwaro sezvarwakareva, nzizi dzemvura mhenyu dzichaerera kubva mudumbu make.
38Chi crede in me, come ha detto la Scrittura, fiumi d’acqua viva sgorgheranno dal suo seno.
39Asi izvi wakareva zveMweya wavaizogamuchira vanotenda kwaari; nekuti Mweya Mutsvene wakange asati avapo, nekuti Jesu wakange asati akudzwa.
39Or disse questo dello Spirito, che doveano ricevere quelli che crederebbero in lui; poiché lo Spirito non era ancora stato dato, perché Gesù non era ancora glorificato.
40Naizvozvo vazhinji vechaunga vakati vachinzwa shoko iri vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye muporofita.
40Una parte dunque della moltitudine, udite quelle parole, diceva: Questi è davvero il profeta.
41Vamwe vakati: Uyu ndiye Kristu. Asi vamwe vakati: Ko Kristu ungabva Garirea here?
41Altri dicevano: Questi è il Cristo. Altri, invece, dicevano: Ma è forse dalla Galilea che viene il Cristo?
42Rugwaro haruna kureva here kuti Kristu uchabva kumbeu yaDhavhidhi, nepamusha weBhetirehemu paiva naDhavhidhi?
42La Scrittura non ha ella detto che il Cristo viene dalla progenie di Davide e da Betleem, il villaggio dove stava Davide?
43Naizvozvo pakava nekupesana pakati pechaunga pamusoro pake.
43Vi fu dunque dissenso fra la moltitudine, a motivo di lui;
44Zvino vamwe vavo vakada kumubata, asi hakuna wakaisa maoko kwaari.
44e alcuni di loro lo voleano pigliare, ma nessuno gli mise le mani addosso.
45Zvino vabatsiri vakaenda kuvapristi vakuru nekuvaFarisi; ivo vakati kwavari: Nemhaka yei musina kumuuisa?
45Le guardie dunque tornarono dai capi sacerdoti e dai Farisei, i quali dissero loro: Perché non l’avete condotto?
46Vabatsiri vakapindura vakati: Hakuna kumbotaura munhu seizvi, semunhu uyu.
46Le guardie risposero: Nessun uomo parlò mai come quest’uomo!
47Zvino vaFarisi vakavapindura vakati: Nemwi matsauswa kanhi?
47Onde i Farisei replicaron loro: Siete stati sedotti anche voi?
48Uripo here wakatenda kwaari kuvatungamiriri kana kuvaFarisi?
48Ha qualcuno de’ capi o de’ Farisei creduto in lui?
49Asi chaunga ichi chisingazivi murairo chakatukwa.
49Ma questa plebe, che non conosce la legge, è maledetta!
50Nikodhimo, uya akauya kwaari usiku, ari umwe wavo, akati kwavari:
50Nicodemo (un di loro, quello che prima era venuto a lui) disse loro:
51Murairo wedu unotonga munhu here, kunze kwekuti wambomunzwa nekuziva chaanoita?
51La nostra legge giudica ella un uomo prima che sia stato udito e che si sappia quel che ha fatto?
52Vakapindura vakati kwaari: Ko iwewo uri weGarirea here? Nzvera uone kuti hakuna kumuka muporofita kuGarirea.
52Essi gli risposero: sei anche tu di Galilea? Investiga, e vedrai che dalla Galilea non sorge profeta.
53Umwe neumwe ndokuenda kumba kwake.
53E ognuno se ne andò a casa sua.