Shona

Italian: Riveduta Bible (1927)

Joshua

7

1Asi vana vaIsiraeri vakadarika pachinhu chakayereswa; nekuti Akani, mwanakomana waKarimwi, mwanakomana waZabhedhi, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha, wakatora chinhu chezvakayereswa; kutsamwa kwaJehovha kukamukira vana vaIsiraeri.
1Ma i figliuoli d’Israele commisero una infedeltà circa l’interdetto; poiché Acan, figliuolo di Carmi, figliuolo di Zabdi, figliuolo di Zerach, della tribù di Giuda prese dell’interdetto, e l’ira dell’Eterno s’accese contro i figliuoli d’Israele.
2Joshua akatuma varume vabve Jeriko vaende Ai, guta riri parutivi rweBheti-avheni, kumabvazuva eBheteri, akataura navo, akati, Kwirai, mundoshora nyika. Varume vakakwira, vakandoshora Ai,
2E Giosuè mandò degli uomini da Gerico ad Ai, ch’è vicina a Beth-Aven a oriente di Bethel, e disse loro: "Salite ed esplorate il paese". E quelli salirono ed esplorarono Ai.
3Vakadzokera kuna Joshua, vakati kwaari, Vanhu vose ngavarege kukwira; varume vanenge zviuru zviviri kana zvitatu ngavaende kundorwa neAi, asi vanhu vose ngavarege havo kutambudzwa kuendako, nekuti vashoma havo.
3Poi tornarono da Giosuè e gli dissero: "Non occorre che salga tutto il popolo; ma salgano un due o tremila uomini, e sconfiggeranno Ai; non stancare tutto il popolo, mandandolo là, perché quelli sono in pochi".
4Naizvozvo varume vanenge zviuru zviviri kana zvitatu vakaendako, ivo vakatiza pamberi pavarume veAi.
4Così vi salirono un tremila uomini di tra il popolo, i quali si dettero alla fuga davanti alla gente d’Ai.
5Varume veAi vakauraya varume vanenge makumi matatu navatanhatu vavo, vakavateverera kubva pamberi pesuwo kusvikira Shebharimi, vachivauraya pakuburuka kwavo; ipapo moyo yavanhu yakanyauka, ikaita semvura.
5E la gente d’Ai ne uccise circa trentasei, li inseguì dalla porta fino a Scebarim, e li mise in rotta nella scesa. E il cuore del popolo si strusse e divenne come acqua.
6Zvino Joshua akabvarura nguvo dzake, akawira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha kusvikira madekwana, iye navakuru vavaIsiraeri, vakaisa guruva pamisoro yavo.
6Giosuè si stracciò le vesti e si gettò col viso a terra davanti all’arca dell’Eterno; stette così fino alla sera, egli con gli anziani d’Israele, e si gettarono della polvere sul capo.
7Joshua akati, Haiwa! Ishe Mwari, makayambusireiko vanhu ava paJoridhani, kuti mutiise mumaoko avaAmori, vatiparadze? Dai takatenda hedu kugara mhiri kwaJoridhani!
7E Giosuè disse: "Ahi, Signore, Eterno, perché hai tu fatto passare il Giordano a questo popolo per darci in mano degli Amorei e farci perire? Oh, ci fossimo pur contentati di rimanere di là dal Giordano!
8Haiwa, Ishe, ndichati kudiniko, vaIsiraeri zvavakafuratira vavengi vavo!
8Ahimè, Signore, che dirò io, ora che Israele ha voltato le spalle ai suoi nemici?
9Nekuti vaKanani navose vagere munyika ino vachazvinzwa, vachatikomba, nokudzima zita redu panyika; zvino zita renyu guru muchariiteiko?
9I Cananei e tutti gli abitanti del paese lo verranno a sapere, ci avvolgeranno, e faranno sparire il nostro nome dalla terra; e tu che farai per il tuo gran nome?"
10Ipapo Jehovha akati kuna Joshua, Simuka, wawireiko kudai pachiso chako?
10E l’Eterno disse a Giosuè: "Lèvati! Perché ti sei tu così prostrato con la faccia a terra?
11VaIsiraeri vatadza, vadarika sungano yangu yandakavaraira; vatora chinhu chakayeriswa, vabavo, nokunyengera, nokuchiviga pakati penhumbi dzavo.
11Israele ha peccato; essi hanno trasgredito il patto ch’io avevo loro comandato d’osservare; han perfino preso dell’interdetto, l’han perfino rubato, han perfino mentito, e l’han messo fra i loro bagagli.
12Naizvozvo vana vaIsiraeri havangagoni kukunda vavengi vavo, vanofuratira vavengi vavo, nekuti vava vanhu vakatukwa; handichazovi nemi, kana musingaparadzi chinhu chakayereswa pakati penyu.
12Perciò i figliuoli d’Israele non potranno stare a fronte dei loro nemici e volteranno le spalle davanti a loro, perché son divenuti essi stessi interdetti. Io non sarò più con voi, se non distruggete l’interdetto di mezzo a voi.
13Simuka, utsaure vanhu, uti, Zvitsaurirei mangwana, nekuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri: Kune chinhu chakayeriswa pakati penyu, Isiraeri; hamungakundi vavengi venyu, kusvikira mabvisa chinhu chakayeriswa pakati penyu.
13Lèvati, santifica il popolo e digli: Santificatevi per domani, perché così ha detto l’Eterno, l’Iddio d’Israele: O Israele, c’è dell’interdetto in mezzo a te! Tu non potrai stare a fronte de’ tuoi nemici, finché non abbiate tolto l’interdetto di mezzo a voi.
14Naizvozvo mangwana munofanira kuswedera namarudzi enyu; zvino rudzi runobatwa naJehovha, runofanira kuswedera nedzimba dzarwo, neimba inobatwa naJehovha, inofanira kuswedera nemhuri dzayo, nemhuri inobatwa naJehovha, inofanira kuswedera murume mumwe nomumwe.
14Domattina dunque v’accosterete tribù per tribù; e la tribù che l’Eterno designerà, s’accosterà famiglia per famiglia; e la famiglia che l’Eterno designerà, s’accosterà casa per casa; e la casa che l’Eterno avrà designata, s’accosterà persona per persona.
15Zvino uyo unobatwa ane chinhu chakayereswa, anofanira kupiswa nomoto, iye nezvose zvaanazvo; nekuti wakadarika sungano yaJehovha, uye nekuti wakaita chinhu chakaipa kwazvo pakati paIsiraeri.
15E colui che sarà designato come avendo preso dell’interdetto sarà dato alle fiamme con tutto quello che gli appartiene, perché ha trasgredito il patto dell’Eterno e ha commesso un’infamia in Israele".
16Naizvozvo Joshua wakamuka mangwanani, akaswededza vaIsiraeri namarudzi avo; rudzi rwaJudha ndokubatwa;
16Giosuè dunque si levò la mattina di buon’ora, e fece accostare Israele tribù per tribù; e la tribù di Giuda fu designata.
17zvino akaswededza dzimba dzaJudha, imba yaZera ikabatwa; zvino akaswededza murume mumwe nomumwe weimba yavaZera, Zabhedhi akabatwa;
17Poi fece accostare le famiglie di Giuda, e la famiglia degli Zerachiti fu designata. Poi fece accostare la famiglia degli Zerachiti persona per persona, e Zabdi fu designato.
18zvino akaswededza mhuri yake, murume mumwe nomumwe, Akani mwanakomana waKarimi, mwanakomana waZabhedhi, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha akabatwa.
18Poi fece accostare la casa di Zabdi persona per persona, e fu designato Acan, figliuolo di Carmi, figliuolo di Zabdi, figliuolo di Zerach, della tribù di Giuda.
19Zvino Joshua akati kuna Akani, Mwana wangu, chikudza Jehovha Mwari waIsiraeri, uzvireurure kwaari; ndiudze zvino zvawakaita, usandivanzira izvo.
19Allora Giosuè disse ad Acan: "Figliuol mio, da’ gloria all’Eterno, all’Iddio d’Israele, rendigli omaggio, e dimmi quello che hai fatto; non me lo celare".
20Ipapo Akani akapindura Joshua, akati, Zvirokwazvo, ndakatadzira Jehovha Mwari waIsiraeri, ndakaita zvokuti nezvokuti;
20Acan rispose a Giosuè e disse: "E’ vero; ho peccato contro l’Eterno, l’Iddio d’Israele, ed ecco precisamente quello che ho fatto.
21ndakaona pakati pezvakapambwa nguvo yakanaka, inobva Bhabhironi, nesirivha yakasvika mashekeri ana mazana maviri, nechikamu chendarama chakasvika mashekeri ana makumi mashanu pakuyerwa kwacho; ipapo ndakazvichochora, ndikazvitora, tarirai, zvakavigwa pasi mutende rangu, sirivha iri pasi pazvo.
21Ho veduto fra le spoglie un bel mantello di Scinear, duecento sicli d’argento e una verga d’oro del peso di cinquanta sicli; ho bramato quelle cose, le ho prese; ecco, son nascoste in terra in mezzo alla mia tenda; e l’argento è sotto".
22Naizvozvo Joshua akatuma nhume, ivo vakamhanyira kutende rake, vakandowana zvakavigwa mutende rake, sirivha iri pasi pazvo.
22Allora Giosuè mandò de’ messi, i quali corsero alla tenda; ed ecco che il mantello v’era nascosto; e l’argento stava sotto.
23Vakazvibvisa mutende, vakazviisa kuna Joshua, nokuvana vaIsiraeri vose, vakazviisa pasi pamberi paJehovha.
23Essi presero quelle cose di mezzo alla tenda, le portarono a Giosuè e a tutti i figliuoli d’Israele, e le deposero davanti all’Eterno.
24Ipapo Joshua navaIsiraeri vose vakanga vanaye vakatora Akani, mwanakomana waZera, nesirivha, nenguvo, nembongoro dzake, namakwai ake, netende rake, nezvose zvaakanga anazvo, vakakwira navo kumupata weAkori.
24E Giosuè e tutto Israele con lui presero Acan, figliuolo di Zerach, l’argento, il mantello, la verga d’oro, i suoi figliuoli e le sue figliuole, i suoi bovi, i suoi asini, le sue pecore, la sua tenda e tutto quello che gli apparteneva, e li fecero salire nella valle di Acor.
25Zvino Joshua akati, Wakatipinzireiko padambudziko? Jehovha uchakupinza padambudziko nhasi. Ipapo vaIsiraeri vose vakamutaka namabwe, vakavapisa nomoto, nokuvataka namabwe.
25E Giosuè disse: "Perché ci hai tu conturbati? L’Eterno conturberà te in questo giorno!" E tutto Israele lo lapidò; e dopo aver lapidati gli altri, dettero tutti alle fiamme.
26Vakaunganidza pamusoro pake mabwe akaita murwi mukuru uripo kusvikira nhasi; Jehovha akazvidzora pakutsamwa kwake kukuru. Naizvozvo zita renzvimbo iyo rakanzi Mupata weAkori kusvikira nhasi.
26Poi ammassarono sopra Acan un gran mucchio di pietre, che dura fino al dì d’oggi. E l’Eterno s’acquetò dell’ardente sua ira. Perciò quel luogo e stato chiamato fino al dì d’oggi "valle di Acòr".