1Zvino namazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati pavaIsiraeri; namazuva iwayo vaDhani vakazvitsvakira nhaka yokugaramo, nekuti kusvikira panguva iyo vakanga vachigere kupiwa nhaka pakati pamarudzi avaIsiraeri.
1In quel tempo, non v’era re in Israele; e in quel medesimo tempo, la tribù dei Daniti cercava un possesso per stabilirvisi, perché fino a quei giorni, non le era toccata alcuna eredità fra le tribù d’Israele.
2Zvino pakati pavo vose vana vaDhani vakatuma varume vashanu veimba yavo, varume voumhare, vakabva Zora neEshitaori, kuzoshora nyika, nokuitarisisa; vakati kwavari, Endai, mundotarisisa nyika; ivo vakasvika kunyika yamakomo yaEfuremu, kuimba yaMika, vakavatapo.
2I figliuoli di Dan mandaron dunque da Tsorea e da Eshtaol cinque uomini della loro tribù, presi di fra loro tutti, uomini valorosi, per esplorare ed esaminare il paese; e dissero loro: "Andate a esaminare il paese!" Quelli giunsero nella contrada montuosa di Efraim, alla casa di Mica, e pernottarono in quel luogo.
3Zvino vakati vari paimba yaMika, vakaziva inzwi rejaya muRevhi; vakatsaukirako, vakati kwaari, Ndianiko wakakusvitsa pano? Unobatei pano? Unotsvakei pano?
3Come furon presso alla casa di Mica, riconobbero la voce del giovine Levita; e, avvicinatisi, gli chiesero: "Chi t’ha condotto qua? che fai in questo luogo? che hai tu qui?"
4Iye akati kwavari, Mika wakandiitira zvokuti nezvokuti, akandiripira, ndikava mupristi wake.
4Egli rispose loro: "Mica mi ha fatto questo e questo: mi stipendia, e io gli servo da sacerdote".
5Vakati kwaari, Zvino chitibvunzira hako Mwari, tizive kana tichafamba zvakanaka panzira yedu yatinofamba nayo.
5E quelli gli dissero: "Deh, consulta Iddio, affinché sappiamo se il viaggio che abbiamo intrapreso sarà prospero".
6mupristi akati kwavari, Endai norugare, nzira yenyu yamunofamba nayo inofadza Jehovha.
6Il sacerdote rispose loro: "Andate in pace; il viaggio che fate è sotto lo sguardo dell’Eterno".
7Zvino varume vashanu vakaenda, vakasvika Raishi, vakaona vanhu vakanga varimo, kuti vagere pasine njodzi nomutowo wavaZidhoni, vakagarika, vane rugare; kwakanga kusina munhu waiva nesimba rokuraira, waimanikidza vanhu pachinhu chipi nechipi; vakanga vagere kure navaZidhoni, vasingafambidzani navamwe vanhu.
7I cinque uomini dunque partirono, giunsero a Lais, e videro che il popolo, Il quale vi abitava, viveva in sicurtà, al modo de’ Sidonii, tranquillo e fidente, poiché nel paese non c’era alcuno in autorità che potesse far loro il menomo torto, ed erano lontani dai Sidonii e non aveano relazione con alcuno.
8Vakasvika kuhama dzavo paZora napaEshitaori; hama dzavo dzikati kwavari, Munoreveiko?
8Poi tornarono ai loro fratelli a Tsorea ed a Eshtaol; e i fratelli chiesero loro: "Che dite?"
9Vakati, Simukai, tikwire, tindorwa navo; nekuti takatarira nyika, tikaona kuti yakanaka kwazvo; munogara seiko musingaiti chinhu? Musava nousimbe hwokupinda, kuti nyika ive yenyu.
9Quelli risposero: "Leviamoci e saliamo contro quella gente; poiché abbiam visto il paese, ed ecco, è eccellente. E voi ve ne state là senza dir verbo? Non siate pigri a muovervi per andare a prender possesso del paese!
10Kana muchienda muchandosvika kuvanhu vagere pasine njodzi, uye nyika ihuru; nekuti Mwari wakakupai iyo mumaoko enyu; apo hapashaikwi chinhu chiri panyika.
10Quando arriverete là troverete un popolo che se ne sta sicuro. Il paese è vasto, e Dio ve lo ha dato nelle mani: è un luogo dove non manca nulla di ciò che è sulla terra".
11Ipapo varume vana mazana matanhatu veimba yavaDhani vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa, vakaendako, vachibva Zora neEshitaori.
11E seicento uomini della famiglia dei Daniti partirono da Tsorea e da Eshtaol, muniti d’armi.
12Vakakwira, vakandodzika matende avo paKiriati-jearimi, paJudha; naizvozvo vakatumidza nzvimbo iyo Mahane-dhani kusvikira zuva ranhasi; tarirai, riri shure kweKiriati-jearimi.
12Salirono, e si accamparono a Kiriath-Jearim, in Giuda; perciò quel luogo, che è dietro a Kiriath-Jearim, fu chiamato e si chiama anche oggi Mahané-Dan.
13Vakabvapo, vakapfuura kusvikira panyika yamakomo yaEfuremu, vakasvika paimba yaMika.
13E di là passarono nella contrada montuosa di Efraim, e giunsero alla casa di Mica.
14Zvino varume vashanu, vakanga vandoshora nyika yeRaishi, vakapindura, vakati kuhama dzavo, Munoziva here kuti mudzimba idzi mune efodhi, neterafimi, nomufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa? Saka zvino fungai zvakanaka zvamunofanira kuita.
14Allora cinque uomini ch’erano andati ad esplorare il paese di Lais, presero a dire ai loro fratelli: "Sapete voi che in queste case c’è un efod, ci son degl’idoli, un’immagine scolpita e un’immagine di getto? Considerate ora quel che dovete fare".
15Ipapo vakatsaukirako, vakasvika paimba yejaya muRevhi, iyo imba yaMika, vakabvunza mufaro.
15Quelli si diressero da quella parte, giunsero alla casa del giovane Levita, alla casa di Mica, e gli chiesero notizie del suo bene stare.
16Zvino varume vana mazana matanhatu vakanga vakashonga nhumbi dzavo dzokurwa nadzo, vaiva vavana vaDhani, vakamira panopindwa napo pasuwo,
16I seicento uomini de’ figliuoli di Dan, muniti delle loro armi, si misero davanti alla porta.
17varume vashanu vakanga vandoshora nyika vakakwira, vakapindamo, vakatora mufananidzo wakavezwa, neefodhi, neterafimi, nomufananidzo wakaumbwa; mupristi akamira panopindwa napo pasuwo kuvarume vana mazana matanhatu vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa nadzo.
17Ma i cinque uomini ch’erano andati ad esplorare il paese, salirono, entrarono in casa, presero l’immagine scolpita, l’efod, gl’idoli e l’immagine di getto, mentre il sacerdote stava davanti alla porta coi seicento uomini armati.
18Zvino ivo vakati vapinda mumba maMika, vakatora mufananidzo wakavezwa, neefodhi, neterafimi, nomufananidzo wakaumbwa, mupristi akati kwavari, Munoiteiko?
18E quando furono entrati in casa di Mica ed ebbero preso l’immagine scolpita, l’efod, gl’idoli e l’immagine di getto, il sacerdote disse loro: "Che fate?"
19Vakati kwaari, Nyarara, bata muromo wako, uende nesu, uve baba vedu nomupristi wedu; zviri nani kwauri ndezvipi, kuti uve mupristi paimba yomunhu mumwe chete, kana kuva mupristi worudzi rwose neimba yose yavaIsiraeri here?
19Quelli gli risposero: "Taci, mettiti la mano sulla bocca, vieni con noi, e sarai per noi un padre e un sacerdote. Che è meglio per te, esser sacerdote in casa d’un uomo solo, ovvero esser sacerdote di una tribù e d’una famiglia in Israele?"
20Zvino moyo womupristi ukafara, akatora efodhi, neterafimi nomufananidzo wakavezwa, akapinda napakati pavanhu.
20Il sacerdote si rallegrò in cuor suo; prese l’efod, gl’idoli e l’immagine scolpita, e s’unì a quella gente.
21Vakatsauka, ndokuenda, vakatungamidza vana vaduku, nezvipfuwo nenhumbi.
21Così si rimisero in cammino, mettendo innanzi a loro i bambini, il bestiame e i bagagli.
22Zvino vakati vafamba runhambo kubva paimba yaMika, varume vakanga vagere padzimba dzaiva pedo neimba yaMika vakaunganidzwa, vakatevera vaDhani, vakavabata.
22Com’erano già lungi dalla casa di Mica, la gente che abitava nelle case vicine a quella di Mica, si radunò e inseguì i figliuoli di Dan.
23Vakadanidzira kuvana vaDhani. Ivo vakacheuka, vakati kuna Mika, Unotsvakeiko, zvawauya neboka rakadai?
23E siccome gridava dietro ai figliuoli di Dan, questi, rivoltatisi indietro, dissero a Mica: "Che cosa hai, che hai radunata cotesta gente?"
24Iye akati, Manditorera vamwari vangu vandakanga ndaita, nomupristi wangu, mukaenda navo, zvino ini ndasarirwa neiko? Mungataura sei kwandiri, muchiti, Unotsvakeiko?
24Egli rispose: "Avete portato via gli dèi che m’ero fatti e il sacerdote, e ve ne siete andati. Or che mi resta egli più? Come potete dunque dirmi: Che hai?"
25Vana vaDhani vakati kwaari, inzwi rako ngarirege kunzwika pakati pedu, kuti varume vane shungu varege kukuwira, ukarashikirwa noupenyu hwako pamwechete noupenyu hwevamwe veimba yako.
25I figliuoli di Dan gli dissero: "Fa’ che non s’oda la tua voce dietro a noi, perché degli uomini irritati potrebbero scagliarsi su voi, e tu ci perderesti la vita tua e quella della tua famiglia!"
26Ipapo vana vaDhani vakaenda havo; zvino Mika wakati achiona kuti simba ravo rinokunda rake, akadzokera kumba kwake.
26I figliuoli di Dan continuarono il loro viaggio; e Mica, vedendo ch’essi eran più forti di lui se ne tornò indietro e venne a casa sua.
27Ivo vakatora zvakanga zvakaitwa naMika, nomupristi waakanga anaye, vakasvika Raishi, kuvanhu vakanga vakagarika, vagere pasine njodzi, vakavauraya neminondo inopinza, vakapisa guta ravo nomoto.
27Ed essi, dopo aver preso le cose che Mica avea fatte e il sacerdote che aveva al suo servizio, giunsero a Lais, a un popolo che se ne stava tranquillo e in sicurtà; lo passarono a fil di spada, e dettero la città alle fiamme.
28Vakashaiwa unovarwira, nekuti vakanga vari kure neZidhoni; vakanga vasingafambidzani navamwe vanhu; guta rakanga riri mumupata uri paBheti-rehobhi. Vakavaka guta, vakagaramo.
28E non ci fu alcuno che la liberasse, perch’era lontana da Sidon, e i suoi abitanti non avean relazioni con altra gente. Essa era nella valle che si estende verso Beth-Rehob.
29Vakatumidza guta zita rinonzi Dhani, nezita rababa vavo Dhani, wakange akaberekerwa Isiraeri; asi zita reguta raiva Raishi pakutanga.
29Poi i Daniti ricostruirono la città e l’abitarono. E le posero nome Dan, dal nome di Dan loro padre, che fu figliuolo d’Israele; ma prima, il nome della città era Lais.
30Vana vaDhani vakazvimisira mufananidzo uyo wakavezwa; Jonatani, mwanakomana waGerishomi, mwanakomana waMozisi, iye navana vake vakava vapristi vorudzi rwavaDhani, kusvikira pazuva rokutapwa kwavanhu venyika iyo.
30Poi i figliuoli di Dan rizzarono per sé l’immagine scolpita; e Gionathan, figliuolo di Ghershom, figliuolo di Mosè, e i suoi figliuoli furono sacerdoti della tribù dei Daniti fino al giorno in cui gli abitanti del paese furon deportati.
31Vakazvimisira mufananidzo wakavezwa naMika, waakanga aita, ukavapo nguva yose yokugara kweimba yaMwari paShiro.
31Così rizzarono par se l’immagine scolpita che Mica avea fatta, durante tutto il tempo che la casa di Dio rimase a Sciloh.