1Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
1L’Eterno parlò ancora a Mosè, dicendo:
2Ndiwo murayiro womunhu una maperembudzi nomusi wokunatswa kwake: Unofanira kuiswa kumupristi;
2"Questa è la legge relativa al lebbroso per il giorno della sua purificazione. Egli sarà menato al sacerdote.
3zvino mupristi anofanira kubuda kunze kwemisasa, mupristi ugocherekedza munhu uyu; kana akaona kuti hosha yamaperembudzi yapora hayo kumunhu una maperembudzi;
3Il sacerdote uscirà dal campo, e l’esaminerà; e se vedrà che la piaga della lebbra è guarita nel lebbroso,
4mupristi anofanira kuraira kuti unoda kunatswa atorerwe shiri mbiri mhenyu dzakanaka, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi.
4il sacerdote ordinerà che si prendano, per colui che dev’esser purificato, due uccelli vivi, puri, del legno di cedro, dello scarlatto e dell’issopo.
5Zvino mupristi araire kuti shiri imwe iurawe muhari yevhu, pamusoro pemvura inoyerera.
5Il sacerdote ordinerà che si sgozzi uno degli uccelli in un vaso di terra su dell’acqua viva.
6Zvino anofanira kutora shiri mhenyu, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi, ndokuzvinyika pamwechete neshiri mhenyu muropa reshiri yakaurawa pamusoro pemvura inoyerera.
6Poi prenderà l’uccello vivo, il legno di cedro, lo scarlatto e l’issopo, e l’immergerà, con l’uccello vivo, nel sangue dell’uccello sgozzato sopra l’acqua viva.
7Zvino anofanira kurisasa kanomwe pamusoro pomunhu unoda kunatswa pamaperembudzi ake, ndokureva kuti wakanaka; ipapo woregedza shiri mhenyu, iende hayo kusango.
7Ne aspergerà sette volte colui che dev’esser purificato dalla lebbra; lo dichiarerà puro, e lascerà andar libero per i campi l’uccello vivo.
8Zvino munhu unoda kunatswa anofanira kusuka nguvo dzake, nokuveura vhudzi rake rose, ndokushamba mumvura, agova wakanaka; pashure anofanira kupinda mukati memisasa, asi ngaagare kunze kwetende mazuva manomwe.
8Colui che si purifica si laverà le vesti, si raderà tutti i peli, si laverà nell’acqua, e sarà puro. Dopo questo potrà entrar nel campo, ma resterà sette giorni fuori della sua tenda.
9Nomusi wechinomwe anofanira kuveura vhudzi rake rose romusoro wake, nendebvu dzake, netsiye dzake, aveure vhudzi rake rose; zvino ngaasuke nguvo dzake, ndokushamba muviri wake, agova wakanaka.
9Il settimo giorno si raderà tutti i peli, il capo, la barba, le ciglia: si raderà insomma tutti i peli, si laverà le vesti e si laverà il corpo nell’acqua, e sarà puro.
10Nomusi worusere anofanira kutora makwayana maviri amakondobwe, asina mhosva, negwayana rimwe resheche rine gore rimwe, risina mhosva, nezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nerogi imwe yamafuta.
10L’ottavo giorno prenderà due agnelli senza difetto, un’agnella d’un anno senza difetto, tre decimi d’un efa di fior di farina, una oblazione, intrisa con olio, e un log d’olio;
11Zvino mupristi, unomunatsa, anofanira kuisa munhu unoda kunatswa pamberi paJehovha, pamwechete nezvinhu izvi, pamukova wetende rokusangana;
11e il sacerdote che fa la purificazione, presenterà colui che si purifica e quelle cose davanti all’Eterno, all’ingresso della tenda di convegno.
12mupristi ndokutora rimwe ramakwayana amakondobwe, ndokuribayira, chive chipiriso chemhosva, nerogi yamafuta, agozvizunguzira, chive chipiriso chokuzunguzira pamberi paJehovha;
12Poi il sacerdote prenderà uno degli agnelli e l’offrirà come sacrifizio di riparazione, con il log d’olio, e li agiterà come offerta agitata davanti all’Eterno.
13zvino anofanira kuuraya gwayana regondobwe pavanourayira chipiriso chezvivi nechipiriso chinopiswa panzvimbo tsvene; nekuti chipiriso chemhosva ndechomupristi sechipiriso chezvivi; chitsvene kwazvo.
13Poi scannerà l’agnello nel luogo dove si scannano i sacrifizi per il peccato e gli olocausti: vale a dire, nel luogo sacro; poiché il sacrifizio di riparazione appartiene al sacerdote, come quello per il peccato; è cosa santissima.
14Ipapo mupristi anofanira kutora rimwe ropa rechipiriso chemhosva, mupristi agoriisa pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagumwe rorutsoka rwake rworudyi;
14E il sacerdote prenderà del sangue del sacrifizio di riparazione e lo metterà sull’estremità dell’orecchio destro di colui che si purifica, sul pollice della sua man destra e sul dito grosso del suo piedi destro.
15zvino mupristi anofanira kutora mamwe mafuta erogi, ndokuadira muchanza choruoko rwake rworuboshwe;
15Poi il sacerdote prenderà dell’olio del log, e lo verserà nella palma della sua mano sinistra;
16zvino mupristi ngaanyike mutendeka wake worudyi mumafuta ari muruoko rwake rworuboshwe, asase mamwe mafuta nomumwe wake kanomwe pamberi paJehovha;
16quindi il sacerdote intingerà il dito della sua destra nell’olio che avrà nella sinistra, e col dito farà sette volte aspersione di quell’olio davanti all’Eterno.
17mamwe mafuta akasara muruoko rwake mupristi anofanira kuaisa pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagumwe roruoko rwake rworudyi, napagumwe rorutsoka rwake rworudyi, pamusoro peropa rechipiriso chemhosva;
17E del rimanente dell’olio che avrà in mano, il sacerdote ne metterà sull’estremità dell’orecchio destro di colui che si purifica, sul pollice della sua man destra e sul dito grosso del suo piede destro, oltre al sangue del sacrifizio di riparazione.
18mamwe mafuta akasara muruoko rwomupristi anofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa; kuti mupristi amuyananisire pamberi paJehovha.
18Il resto dell’olio che avrà in mano, il sacerdote lo metterà sul capo di colui che si purifica; e il sacerdote farà per lui l’espiazione davanti all’Eterno.
19mupristi anofanira kupisa chipiriso chezvivi, kuti ayananisire munhu unonatswa, nokuda kokusanaka kwake; pashure anofanira kuuraya chipiriso chinopiswa;
19Poi il sacerdote offrirà il sacrifizio per il peccato, e farà l’espiazione per colui che si purifica della sua impurità; quindi, scannerà l’olocausto.
20mupristi anofanira kupisa chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu pamusoro pearitari, kuti mupristi amuyananisire, anake.
20Il sacerdote offrirà l’olocausto e l’oblazione sull’altare; farà per quel tale l’espiazione, ed egli sarà puro.
21Kana ari murombo, asingagoni kuwana zvizhinji zvakadai, anofanira kutora gwayana rimwe regondobwe, chive chipiriso chemhosva chokuzunguzira, kumuyananisira, nechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu, pamwechete nerogi yamafuta;
21Se colui è povero e non può procurarsi quel tanto, prenderà un solo agnello da offrire in sacrifizio di riparazione come offerta agitata, per fare l’espiazione per lui, e un solo decimo d’un efa di fior di farina intrisa con olio, come oblazione, e un log d’olio.
22nenjiva mbiri, notwana tuviri twenjiva, sezvaanogona kuwana; imwe chive chipiriso chezvivi, imwe chive chipiriso chinopiswa;
22Prenderà pure due tortore o due giovani piccioni, secondo i suoi mezzi; uno sarà per il sacrifizio per il peccato, e l’altro per l’olocausto.
23nomusi worusere anofanira kuuya nazvo kumupristi pamusoro pokunatswa kwake, kumukova wetende rokusangana pamberi paJehovha.
23L’ottavo giorno porterà, per la sua purificazione, queste cose al sacerdote, all’ingresso della tenda di convegno, davanti all’Eterno.
24Zvino mupristi anofanira kutora gwayana rechipiriso chemhosva, nerogi yamafuta, mupristi agozvizunguzira, chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha;
24E il sacerdote prenderà l’agnello del sacrifizio di riparazione e il log d’olio, e li agiterà come offerta agitata davanti all’Eterno.
25zvino ngaauraye gwayana rechipiriso chemhosva, agotora rimwe ropa rechipiriso chemhosva, ariise pamucheto wenzeve yomunhu unonatswa, napagumwe roruoko rworudyi, napagumwe rorutsoka rwake rworudyi;
25Poi scannerà l’agnello del sacrifizio di riparazione. Il sacerdote prenderà del sangue del sacrifizio di riparazione, e lo metterà sull’estremità dell’orecchio destro di colui che si purifica, e sul pollice della sua man destra e sul dito grosso del suo piede destro.
26zvino mupristi ngaadire mamwe mafuta muchanza choruoko rwake rworuboshwe;
26Il sacerdote verserà di quell’olio sulla palma della sua mano sinistra.
27mupristi agosasa nomutendeka wake worudyi mamwe mafuta ari muruoko rwake rworuboshwe kanomwe pamberi paJehovha.
27E col dito della sua man destra il sacerdote farà aspersione dell’olio che avrà nella mano sinistra, sette volte davanti all’Eterno.
28Zvino mupristi ngaaise mamwe mafuta ari muruoko rwake pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagumwe roruoko rwake rworudyi, napagumwe rorutsoka rwake rworudyi, panzvimbo yeropa rechipiriso chemhosva.
28Poi il sacerdote metterà dell’olio che avrà in mano, sull’estremità dell’orecchio destro di colui che si purifica, sul pollice della sua man destra e sul dito grosso del suo piede destro, nel luogo dove ha messo del sangue del sacrifizio di riparazione.
29Mamwe mafuta akasara muruoko rwomupristi anofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa, kuti amuyananisire pamberi paJehovha.
29Il resto dell’olio che avrà in mano, il sacerdote lo metterà sul capo di colui che si purifica, per fare espiazione per lui davanti all’Eterno.
30Zvino anofanira kubayira njiva imwe, kana kana kenjiva, sezvaanogona kuwana;
30Poi sacrificherà una delle tortore o uno dei due giovani piccioni, secondo che ha potuto procurarsi;
31sezvaanogona kuwana, imwe chive chipiriso chezvivi, imwe chipiriso chinopiswa, pamwechete nechipiriso choupfu; kuti mupristi ayananisire munhu unonatswa pamberi paJehovha.
31delle vittime che ha potuto procurarsi, una offrirà come sacrifizio per il peccato, e l’altra come olocausto, insieme con l’oblazione; e il sacerdote farà l’espiazione davanti all’Eterno per colui che si purifica.
32Ndiwo murayiro wehosha yamaperembudzi kumunhu usingagoni kuwana zvakakwanisira kunatswa kwake.
32Questa è la legge relativa a colui ch’è affetto da piaga di lebbra, e non ha mezzi da procurarsi ciò ch’è richiesto per la sua purificazione".
33Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni akati,
33L’Eterno parlò ancora a Mosè e ad Aaronne, dicendo:
34Kana masvika kunyika yeKanani, iyo yandakupai, kuti ive yenyu, kana ndikaisa hosha yamaperembudzi muimba yenyika yenyu;
34"Quando sarete entrati nel paese di Canaan che io vi do come vostro possesso, se mando la piaga della lebbra in una casa del paese che sarà vostro possesso,
35muridzi weimba anofanira kuuya kuzoudza mupristi, achiti, Ndinoona kuti imba yangu inenge ine hosha.
35il padrone della casa andrà a dichiararlo al sacerdote, dicendo: Mi pare che in casa mia ci sia qualcosa di simile alla lebbra.
36Ipapo mupristi anofanira kuraira kuti vabudise zvose zviri mumba, iye mupristi asina kupinda kundotarira hosha, kuti zvose zviri mumba zvirege kusvibiswa; pashure mupristi apinde kundotarira imba iyo.
36Allora il sacerdote ordinerà che si sgomberi la casa prima ch’egli v’entri per esaminare la piaga, affinché tutto quello che è nella casa non diventi impuro. Dopo questo, il sacerdote entrerà per esaminar la casa.
37Zvino ngaacherekedze hosha; kana akaona kuti hosha iri mumadziro eimba; ina mavara akapinda, akaita samatema kana matsvuku, akaita saakapinda mukati mamadziro,
37Ed esaminerà la piaga; e se vedrà che la piaga che è sui muri della casa consiste in fossette verdastre o rossastre che appaiano più profonde della superficie della parete,
38mupristi anofanira kubuda paimba, ndokuenda kumukova weimba, ndokupfiga imba mazuva manomwe;
38il sacerdote uscirà dalla casa; e, giunto alla porta, farà chiudere la casa per sette giorni.
39zvino mupristi anofanira kudzokazve nezuva rechinomwe, kuti acherekedze; kana akaona kuti hosha yakapararira pamadziro eimba;
39Il settimo giorno, il sacerdote vi tornerà; e se, esaminandola, vedrà che la piaga s’è allargata sulle pareti della casa,
40mupristi anofanira kuraira kuti vabvise mabwe ane hosha paari, vaakandire panzvimbo isina kunaka kunze kweguta;
40il sacerdote ordinerà che se ne smurino le pietre sulle quali è la piaga, e che si gettino in luogo immondo, fuor di città.
41ipapo ngaaraire kuti imba iparwe mukati mayo kunhivi dzose, mavhu avanopara agodururirwa kunze kweguta panzvimbo isina kunaka;
41Farà raschiare tutto l’interno della casa, e butteranno i calcinacci raschiati fuor di città, in luogo impuro.
42zvino mamwe mabwe atorwe, aiswe panzvimbo yamamwe iwayo, iye atore aumbe imba naro.
42Poi si prenderanno delle altre pietre e si metteranno al posto delle prime, e si prenderà dell’altra calcina per intonacare la casa.
43Kana hosha ikadzokazve, ikabuda muimba iyo, mabwe ambobviswa, imba yaparwa nokuuyiwa,
43E se la piaga torna ed erompe nella casa dopo averne smurate le pietre e dopo che la casa è stata raschiata e rintonacata,
44mupristi anofanira kupinda nokucherekedza; kana akaona kuti hosha yapararira mumba, ndiwo maperembudzi akaipa kwazvo, yava yakaipa.
44il sacerdote entrerà ad esaminare la casa; e se vedrà che la piaga vi s’è allargata, nella casa c’è della lebbra maligna; la casa è impura.
45Zvino anofanira kuputsa imba, namabwe ayo, namatanda ayo, nevhu rose reimba, ndokuzvitakurira kunze kweguta kunzvimbo isina kunaka.
45Perciò si demolirà la casa; e se ne porteranno le pietre, il legname e i calcinacci fuori della città, in luogo impuro.
46Uye ani naani unopinda mumba panguva yose yokupfigwa kwayo uchava usina kunaka kusvikira madeko.
46Inoltre, chiunque sarà entrato in quella casa durante tutto il tempo che è stata chiusa, sarà impuro fino alla sera.
47Munhu wakavata muimba iyo, anofanira kusuka nguvo dzake.
47Chi avrà dormito in quella casa, si laverà le vesti; e chi avrà mangiato in quella casa, si laverà le vesti.
48Kana mupristi akapinda, akatarira, akaona kuti hosha haina kupararira mumba, kubva pakuuyiwa kweimba, mupristi anofanira kureva kuti imba yakanaka, nekuti hosha yapora.
48E se il sacerdote che è entrato nella casa e l’ha esaminata vede che la piaga non s’è allargata nella casa dopo che la casa è stata rintonacata, il sacerdote dichiarerà la casa pura, perché la piaga è guarita.
49Zvino anofanira kutora shiri mbiri, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi, kuti anatse imba;
49Poi, per purificare la casa, prenderà due uccelli, del legno di cedro, dello scarlatto e dell’issopo;
50ipapo ngaauraye shiri imwe muhari yevhu pamusoro pemvura inoyerera,
50sgozzerà uno degli uccelli in un vaso di terra su dell’acqua viva;
51ndokutora danda romusidhari, nehisopi, nomucheka mutsvuku, neshiri mhenyu, azvinyike muropa reshiri yakaurawa uye mumvura inoyerera, ndokusasa imba kanomwe;
51e prenderà il legno di cedro, l’issopo, lo scarlatto e l’uccello vivo, e l’immergerà nel sangue dell’uccello sgozzato e nell’acqua viva, e ne aspergerà sette volte la casa.
52anofanira kunatsa imba neropa reshiri nemvura inoyerera neshiri mhenyu, nedanda romusidhari, nehisopi nomucheka mutsvuku;
52E purificherà la casa col sangue dell’uccello, dell’acqua viva, dell’uccello vivo, col legno di cedro, con l’issopo e con lo scarlatto;
53asi shiri mhenyu anofanira kuiregedza kuti iende hayo kunze kweguta kusango; saizvozvo anofanira kuyananisira imba iyo, kuti ive yakanaka.
53ma lascerà andar libero l’uccello vivo, fuor di città, per i campi; e così farà l’espiazione per la casa ed essa sarà pura.
54Ndiwo murayiro wamarudzi ose wamaperembudzi napakafunuka;
54Questa è la legge relativa a ogni sorta di piaga di lebbra e alla tigna,
55nowamaperembudzi enguvo, neeimba,
55alla lebbra delle vesti e della casa,
56nowapakazvimba, nowapakafunuka, nowechivara,
56ai tumori, alle pustole e alle macchie lucide,
57kuzivisa mupristi kana chinhu chisina kunaka kana chakanaka. Ndiwo murayiro wamaperembudzi.
57per insegnare quando una cosa è impura e quando è pura. Questa è la legge relativa alla lebbra".