Shona

Italian: Riveduta Bible (1927)

Leviticus

27

1Jehovha wakataura naMozisi akati,
1L’Eterno parlò ancora a Mosè, dicendo:
2Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana munhu akazvisunga nokupika kukuru, vanhu ngavave vaJehovha sezvaunotara iwe.
2"Parla ai figliuoli d’Israele e di’ loro: Quand’uno farà un voto concernente delle persone, queste persone apparterranno all’Eterno secondo la valutazione che ne farai.
3Ipapo uchitara mutengo womurume una makore ana makumi maviri kusvikira pamakumi matanhatu, kutara kwako ngakuite mashekeri makumi mashanu esirivha, uchienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene.
3E la tua stima sarà, per un maschio dai venti ai sessant’anni, cinquanta sicli d’argento, secondo il siclo del santuario;
4Kana ari mukadzi, kutara kwako ngakuite mashekeri makumi matatu esirivha.
4se si tratta di una donna, la tua stima sarà di trenta sicli.
5Kana ana makore anobva pamashanu kusvikira pamakore makumi maviri, kutara kwako komurume ngakuite mashekeri makumi maviri, nokomukadzi mashekeri ane gumi.
5Dai cinque ai vent’anni, la tua stima sarà di venti sicli per un maschio, e di dieci sicli per una femmina.
6Kana anomwedzi mumwe kusvikira pamakore mashanu, kutara kwako komurume ngakuite mashekeri mashanu esirivha, nokutara kwako komukadzi ngakuite mashekeri matatu esirivha.
6Da un mese a cinque anni, la tua stima sarà di cinque sicli d’argento per un maschio, e di tre sicli d’argento per una femmina.
7Kana ana makore makumi matanhatu naanopfuura, kana ari murume, kutara kwako ngakuite mashekeri ane gumi namashanu, kana ari mukadzi mashekeri ane gumi.
7Dai sessant’anni in su, la tua stima sarà di quindici sicli per un maschio e di dieci sicli per una femmina.
8Kana ari murombo, asingasviki pakutara kwako, anofanira kuiswa pamberi pomupristi, kuti mupristi amutarire; mupristi anofanira kumutarira iye wakapika sezvaangagona kuripa.
8E se colui che ha fatto il voto e troppo povero per pagare la somma fissata da te, lo si farà presentare al sacerdote, il quale lo tasserà. Il sacerdote farà una stima, in proporzione de’ mezzi di colui che ha fatto il voto.
9Kana chiri chipfuwo chinopiwa Jehovha, chokutenda nacho, zvose zvacho zvinopa munhu Jehovha zvinofanira kuva zvitsvene.
9Se si tratta di animali che possono essere presentati come offerta all’Eterno, ogni animale che si darà all’Eterno sarà cosa santa.
10Haafaniri kuzvishandura kana kutsinhanisa chakaipa nechakanaka, kana chakanaka nechakaipa; kana atsinhanisa chipfuwo nechipfuwo, icho nechakatsinhiwa, zvose zviri zviviri zvinofanira kuva zvitsvene.
10Non lo si dovrà cambiare; non se ne metterà uno buono al posto di uno cattivo, o uno cattivo al posto di uno buono; e se pure uno sostituisce un animale all’altro, ambedue gli animali saranno cosa sacra.
11Kana chiri chipfuwo chisina kunaka, chisingapiwi Jehovha chekutenda nacho, chipfuwo icho chinofanira kuiswa kumupristi;
11E se si tratta di animali impuri di cui non si può fare offerta all’Eterno, l’animale sarà presentato davanti al sacerdote;
12zvino mupristi anofanira kuchitarira mutengo, kana chakanaka kana chakaipa; sezvawakachitarira iwe mupristi, ndizvo zvachichaita.
12e il sacerdote ne farà la stima, secondo che l’animale sarà buono o cattivo; e uno se ne starà alla stima fattane dal sacerdote.
13Zvino kana achida kuchidzikunura, anofanira kuwedzera cheshanu chacho pakutara kwako.
13Ma se uno lo vuol riscattare, aggiungerà un quinto alla tua stima.
14Kana munhu achiita imba yake tsvene, kuti ive tsvene kuna Jehovha, mupristi anofanira kuitarira, kana yakanaka kana yakaipa; sezvainotarirwa nomupristi, zvinofanira kuramba zvakadaro.
14Se uno consacra la sua casa per esser cosa santa all’Eterno, il sacerdote ne farà la stima secondo ch’essa sarà buona o cattiva; e uno se ne starà alla stima fattane dal sacerdote.
15Kana iye wakaita imba yake tsvene achida kuidzikunura, anofanira kuwedzera cheshanu chemari yawakatara iwe, ipapo ichava yake.
15E se colui che ha consacrato la sua casa la vuol riscattare, aggiungerà un quinto al prezzo della stima, e sarà sua.
16Kana munhu akaitira Jehovha ndima yomunda wake tsvene, iwe unofanira kuitarira mutengo uchienzanisa nezvakadzvarwamo; homeri imwe yebhari yakadzvarwa iite mashekeri makumi mashanu esirivha.
16Se uno consacra all’Eterno un pezzo di terra della sua proprietà, ne farai la stima in ragione della sementa: cinquanta sicli d’argento per un omer di seme d’orzo.
17Kana achiita munda wake mutsvene kubva pagore rejubheri, sezvawakautarira iwe, zvinofanira kuramba zvakadaro.
17Se consacra la sua terra dall’anno del giubileo, il prezzo ne resterà fissato secondo la tua stima;
18Asi kana achitsaura munda wake shure kwegore rejubheri, mupristi anofanira kumutarira mari yakaenzana namakore akasara kusvikira pagore rejubheri; zvino mari iyo inofanira kutapudzwa pakutara kwako.
18ma se la consacra dopo il giubileo, il sacerdote ne valuterà il prezzo in ragione del numero degli anni che rimangono fino al giubileo, e si farà una detrazione dalla tua stima.
19Kana munhu wakatsaura munda wake achida kuudzikunura, anofanira kuwedzera cheshanu chemari yawakamutarira, ugova wake.
19E se colui che ha consacrato il pezzo di terra lo vuol riscattare, aggiungerà un quinto al prezzo della tua stima, e resterà suo.
20Kana asingadi kudzikunura munda, kana zvimwe achinge atengesa munda kuno mumwe, haungazodzikunurwi;
20Ma se non riscatta il pezzo di terra e lo vende ad un altro, non lo si potrà più riscattare;
21asi munda uyu, kana uchisunungurwa negore rejubheri, unofanira kuva mutsvene kuna Jehovha, somunda wakayeriswa; uchava womupristi.
21ma quel pezzo di terra, quando rimarrà franco al giubileo, sarà consacrato all’Eterno come una terra interdetta, e diventerà proprietà del sacerdote.
22Kana achitsaurira Jehovha munda waakatenga, usati uri munda wenhaka yake,
22Se uno consacra all’Eterno un pezzo di terra ch’egli ha comprato e che non fa parte della sua proprietà,
23mupristi anofanira kumutarira mutengo sezvawakatara iwe kusvikira pagore rejubheri; zvino iye anofanira kuripa mari sezvawakatara iwe, chive chinhu chitsvene kuna Jehovha.
23il sacerdote ne valuterà il prezzo secondo la stima fino all’anno del giubileo; e quel tale pagherà il giorno stesso il prezzo fissato, giacché è cosa consacrata all’Eterno.
24Pagore rejubheri munda unofanira kudzokera kumunhu waakanga atenga kwaari, kuna iye wakange ari muridzi wenyika.
24L’anno del giubileo la terra tornerà a colui da cui fu comprata, e del cui patrimonio faceva parte.
25Kutara kwako kose kunofanira kuenzaniswa neshekeri rapanzvimbo tsvene; shekeri rimwe rinoita magera maviri.
25Tutte le tuo stime si faranno in sicli del santuario; il siclo è di venti ghere.
26Asi mwana wemhongora pakati pezvipfuwo, uri waJehovha zvauri mwana wemhongora, ngakurege kuva nomunhu unoutsaura; kana iri nzombe, kana gwai, ndezvaJehovha.
26Però, nessuno potrà consacrare i primogeniti del bestiame, i quali appartengono già all’Eterno, perché primogeniti: sia un bue, sia un agnello, appartiene all’Eterno.
27Kana chiri chipfuwo chisina kunaka, unofanira kuchidzikunura sezvawakachitarira iwe, achiwedzerawo cheshanu chacho; kana chisingadzikunurwi, chinofanira kutengeswa sezvawakachitarira iwe.
27E se si tratta di un animale impuro, lo si riscatterà al prezzo della tua stima, aggiungendovi un quinto; se non è riscattato, sarà venduto al prezzo della tua stima.
28Kunyange zvakadaro, hakune chinhu chakayeriswa, chakayerisirwa Jehovha nomunhu pazvose zvaanazvo, kana chiri chavanhu, kana zvipfuwo, kana munda wenhaka yake, chingatengeswa kana kudzikunurwa; chinhu chipi nechipi chakayeriswa, chinofanira kuva chitsvene kwazvo kuna Jehovha.
28Nondimeno, tutto ciò che uno avrà consacrato all’Eterno per voto d’interdetto, di fra le cose che gli appartengono, sia che si tratti di una persona, di un animale o di un pezzo di terra del suo patrimonio, non potrà esser né venduto, né riscattato; ogni interdetto è cosa interamente consacrata all’Eterno.
29Munhu upi noupi wakayeriswa, kana ari munhu wakayeriswa kuvanhu, haangadzikunurwi; anofanira kuurawa zvirokwazvo.
29Nessuna persona consacrata per voto d’interdetto potrà essere riscattata; dovrà essere messa a morte.
30Zvegumi zvose zvenyika, kana zviri zvembeu dzenyika, kana michero yemiti, ndezvaJehovha; zvitsvene kuna Jehovha.
30Ogni decima della terra, sia delle raccolte del suolo sia dei frutti degli alberi, appartiene all’Eterno; è cosa consacrata all’Eterno.
31Kana munhu achida kudzikunura chimwe pazvegumi zvake, anofanira kuwedzera kwachiri cheshanu chacho.
31Se uno vuol riscattare una parte della sua decima vi aggiungerà il quinto.
32Zvegumi zvose zvemombe, kana zvezvipfuwo zviduku, zvose zvinopfuura napazasi petsvimbo, chegumi chinofanira kuva chitsvene kuna Jehovha.
32E ogni decima dell’armento o del gregge, il decimo capo di tutto ciò che passa sotto la verga del pastore, sarà consacrata all’Eterno.
33Haafaniri kucherekedza kana chiri chakanaka kana chakaipa, kana kuchitsinhanisa nechimwe; kana achinge atsinhanisa nechimwe, zvose zviri zviviri, icho nechakatsinhiwa, zvichava zvitsvene; hazvingadzikunurwi.
33Non si farà distinzione fra animale buono e cattivo, e non si faranno sostituzioni; e se si sostituisce un animale all’altro, ambedue saranno cosa sacra; non si potranno riscattare".
34Ndiyo mirairo yavana vaIsiraeri yakarairwa Mozisi naJehovha pagomo reSinai.
34Questi sono i comandamenti che l’Eterno diede a Mosè per i figliuoli d’Israele, sul monte Sinai.