1Zvino zvakaitika parimwe remazuva iwayo, achidzidzisa vanhu mutembere nekuparidza evhangeri, vapristi vakuru nevanyori vakasvika nevakuru,
1E avvenne un di quei giorni, che mentre insegnava al popolo nel tempio ed evangelizzava, sopraggiunsero i capi sacerdoti e gli scribi con gli anziani, e gli parlaron così:
2ndokutaura kwaari vachiti: Tiudzei, munoita zvinhu izvi nesimba ripi, kana ndiani iye wakakupai simba iri?
2Dicci con quale autorità tu fai queste cose, e chi t’ha data codesta autorità.
3Zvino wakapindura akati kwavari: Ini ndichakubvunzaiwo shoko rimwe; uye mundiudze:
3Ed egli, rispondendo, disse loro: Anch’io vi domanderò una cosa:
4Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga, kana kuvanhu?
4Il battesimo di Giovanni era dal cielo a dagli uomini?
5Zvino vakarangana, vachiti: Kana tikati: Kudenga; uchati: Naizvozvo makaregerei kumutenda?
5Ed essi ragionavan fra loro, dicendo: Se diciamo: Dal cielo, egli ci dirà: Perché non gli credeste?
6Asi kana tikati: Kuvanhu; vanhu vose vachatitaka nemabwe; nekuti vaiva nechokwadi kuti Johwani waiva muporofita.
6Ma se diciamo: Dagli uomini, tutto il popolo ci lapiderà, perché è persuaso che Giovanni era un profeta.
7Vakapindura, vachiti havazivi kwarwakabva.
7E risposero che non sapevano d’onde fosse.
8Jesu ndokuti kwavari: Neni handikuudzii kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.
8E Gesù disse loro: Neppur io vi dico con quale autorità fo queste cose.
9Zvino wakatanga kuudza vanhu mufananidzo uyu: Umwe munhu wakasima munda wemizambiringa, akauhaisa kuvarimi, akaenda parwendo nguva refu;
9Poi prese a dire al popolo questa parabola: Un uomo piantò una vigna, l’allogò a dei lavoratori, e se n’andò in viaggio per lungo tempo.
10nenguva yakafanira wakatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvechibereko chemunda wemizambiringa; asi varimi vakamurova, vakamuendesa asina chinhu.
10E nella stagione mandò a que’ lavoratori un servitore perché gli dessero del frutto della vigna; ma i lavoratori, battutolo, lo rimandarono a mani vuote.
11Zvino wakatumazve umwe muranda; naiye vakamurovawo vakamunyadzisa, vakamuendesa asina chinhu.
11Ed egli di nuovo mandò un altro servitore; ma essi, dopo aver battuto e vituperato anche questo, lo rimandarono a mani vuote.
12Zvino wakatumazve wechitatu; uyuwo ndokumukuvadza, vakamukandira kunze.
12Ed egli ne mandò ancora un terzo; ed essi, dopo aver ferito anche questo, lo scacciarono.
13Zvino mwene wemunda wemizambiringa wakati: Ndichaitei? Ndichatuma mwanakomana wangu unodikamwa, zvimwe vakaona iye vachamukudza.
13Allora il padron della vigna disse: Che farò? Manderò il mio diletto figliuolo; forse a lui porteranno rispetto.
14Asi varimi vakati vachimuona vakarangana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai, ngatimuuraye, kuti nhaka igova yedu.
14Ma quando i lavoratori lo videro, fecero tra loro questo ragionamento: Costui è l’erede; uccidiamolo, affinché l’eredità diventi nostra.
15Vakamukandira kunze kwemunda wemizambiringa, vakauraya. Naizvozvo mwene wemunda wemizambiringa uchavaitirei?
15E cacciatolo fuor dalla vigna, lo uccisero. Che farà loro dunque il padron della vigna?
16Uchauya, ndokuparadza varimi ivava, agopa munda wemuzambiringa vamwe. Zvino vachinzwa, vakati: Zvisadaro!
16Verrà e distruggerà que’ lavoratori, e darà la vigna ad altri. Ed essi, udito ciò, dissero: Così non sia!
17Asi wakavatarisa, akati: Naizvozvo chii ichi chakanyorwa, chinoti: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rava musoro wekona?
17Ma egli, guardatili in faccia, disse: Che vuol dir dunque questo che è scritto: La pietra che gli edificatori hanno riprovata è quella che è divenuta pietra angolare?
18Wose unowira pamusoro pebwe iro, uchavhuniwavhuniwa; asi ani nani warinowira pamusoro richamukuya.
18Chiunque cadrà su quella pietra sarà sfracellato; ed ella stritolerà colui sul quale cadrà.
19Zvino vapristi vakuru nevanyori neawa iroro vakatsvaka kuisa maoko paari, asi vakatya vanhu; nekuti vakaziva kuti wakareva mufananidzo uyo akanangana navo.
19E gli scribi e i capi sacerdoti cercarono di mettergli le mani addosso in quella stessa ora, ma temettero il popolo; poiché si avvidero bene ch’egli avea detto quella parabola per loro.
20Vakamucherekedza, vakatumira vashori vakanyepedzera kuva vakarurama, kuti vamubate pakutaura, kuti vamukumikidze kuushe nesimba remutungamiriri.
20Ed essendosi messi ad osservarlo, gli mandarono delle spie che simulassero d’esser giusti per coglierlo in parole, affin di darlo in man dell’autorità e del potere del governatore.
21Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura nekudzidzisa zvakarurama, uye hamugamuchiri chiso, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi.
21E quelli gli fecero una domanda, dicendo: Maestro, noi sappiamo che tu parli e insegni dirittamente, e non hai riguardi personali, ma insegni la via di Dio secondo verità:
22Zviri pamutemo here kwatiri kupa mutero kuna Kesari, kana kwete?
22E’ egli lecito a noi pagare il tributo a Cesare o no?
23Asi wakaziva unyengeri hwavo, ndokuti kwavari: Munondiidzirei?
23Ma egli, avvedutosi della loro astuzia, disse loro:
24Ndiratidzei dhenari*; Rine mufananidzo nerunyoro rwaani? Vakapindura vakati: ZvaKesari.
24Mostratemi un denaro; di chi porta l’effigie e l’iscrizione? Ed essi dissero: Di Cesare.
25Ndokuti kwavari: Naizvozvo dzorerai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari.
25Ed egli a loro: Rendete dunque a Cesare quel ch’è di Cesare, e a Dio quel ch’è di Dio.
26Vakakoniwa kumubata neshoko rake pamberi pevanhu; vakashamisika nemhinduro yake; vakanyarara.
26Ed essi non poteron coglierlo in parole dinanzi al popolo; e maravigliati della sua risposta, si tacquero.
27Zvino kwakaswedera vamwe vevaSadhusi, vanoramba kuti kune kumuka kwevakafa, ndokumubvunza,
27Poi, accostatisi alcuni dei Sadducei, i quali negano che ci sia risurrezione, lo interrogarono, dicendo:
28vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera kuti: Kana mukoma wemunhu akafa ane mukadzi, asi iye akafa asina vana, munin'ina wake atore mukadzi, amutsire mukoma wake mbeu.
28Maestro, Mosè ci ha scritto che se il fratello di uno muore avendo moglie ma senza figliuoli, il fratello ne prenda la moglie e susciti progenie a suo fratello.
29Naizvozvo kwakange kune vanakomana vemunhu umwe vanomwe; wekutanga ndokutora mukadzi, akafa asina vana;
29Or v’erano sette fratelli. Il primo prese moglie, e morì senza figliuoli.
30newechipiri akatora mukadzi uyo, naiye akafa asina mwana;
30Il secondo pure la sposò;
31newechitatu akamutora. Zvikadarowo nevanomwe, uye vakasasiya vana, vakafa.
31poi il terzo; e così fu dei sette; non lasciaron figliuoli, e morirono.
32Pakupedzisira kwavo vose mukadzi wakafawo.
32In ultimo, anche la donna morì.
33Naizvozvo pakumuka kwevakafa, uchava mukadzi waani kwavari? Nekuti vanomwe vakava naye semukadzi.
33Nella risurrezione dunque, la donna, di chi di loro sarà moglie? Perché i sette l’hanno avuta per moglie.
34Zvino Jesu wakapindura akati kwavari: Vana venyika ino vanowana, vanowaniswa;
34E Gesù disse loro: I figliuoli di questo secolo sposano e sono sposati;
35asi avo vachanzi vakafanira kuwana nyika iyo nekumuka kuvakafa havawani kana kuwaniswa;
35ma quelli che saranno reputati degni d’aver parte al secolo avvenire e alla risurrezione dai morti, non sposano e non sono sposati,
36nekuti havagoni kufazve; nekuti vakaita sevatumwa, uye vanakomana vaMwari, vari vanakomana vekumuka kwevakafa.
36perché neanche possono più morire, giacché son simili agli angeli e son figliuoli di Dio, essendo figliuoli della risurrezione.
37Asi kuti vakafa vanomutswa, kunyange Mozisi wakaratidza pagwenzi, paakaidza Ishe Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.
37Che poi i morti risuscitino anche Mosè lo dichiarò nel passo del "pruno", quando chiama il Signore l’Iddio d’Abramo, l’Iddio d’Isacco e l’Iddio di Giacobbe.
38Nekuti haazi Mwari wevakafa, asi wevapenyu; nekuti vose vanoraramira iye.
38Or Egli non è un Dio di morti, ma di viventi; poiché per lui vivono tutti.
39Zvino vamwe vevanyori vakapindura vakati: Mudzidzisi, mataura zvakanaka.
39E alcuni degli scribi, rispondendo, dissero: Maestro, hai detto bene.
40Uye havana kuzoshinga kumubvunzazve chinhu.
40E non ardivano più fargli alcuna domanda.
41Zvino wakati kwavari: Vanoreva sei kuti Kristu Mwanakomana waDavhidhi?
41Ed egli disse loro: Come dicono che il Cristo è figliuolo di Davide?
42Nekuti Dhavhidhi pachake wakareva mubhuku reMapisarema achiti: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi,
42Poiché Davide stesso, nel libro dei Salmi, dice: Il Signore ha detto al mio Signore: Siedi alla mia destra,
43kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.
43finché io abbia posto i tuoi nemici per sgabello de’ tuoi piedi.
44Naizvozvo Dhavhidhi unomuidza Ishe, ko Mwanakomana wake sei?
44Davide dunque lo chiama Signore; e com’è egli suo figliuolo?
45Zvino vanhu vose vachakateerera, wakati kuvadzidzi vake:
45E udendolo tutto il popolo, egli disse a’ suoi discepoli:
46Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, uye vanoda kwaziso pamisika, nezvigaro zvepamusorosa mumasinagoge, nezvigaro zvemberi pazvirairo;
46Guardatevi dagli scribi, i quali passegian volentieri in lunghe vesti ed amano le salutazioni nelle piazze e i primi seggi nelle sinagoghe e i primi posti nei conviti;
47vanodya dzimba dzechirikadzi, vanonyepedzera nekuita minyengetero mirefu; ivavo vachagamuchira kurashwa kukuru.
47essi che divorano le case delle vedove e fanno per apparenza lunghe orazioni. Costoro riceveranno maggior condanna.