1Zvino chaunga chavo chose chakasimuka, chikamutungamidza kuna Pirato.
1Poi, levatasi tutta l’assemblea, lo menarono a Pilato.
2Zvino vakatanga kumupomera, vachiti: Tawana uyu achitsausa rudzi, nekudzivisa kupa mutero kuna Kesari, achiti iye pachake ndiKristu Mambo.
2E cominciarono ad accusarlo, dicendo: Abbiam trovato costui che sovvertiva la nostra nazione e che vietava di pagare i tributi a Cesare, e diceva d’esser lui il Cristo re.
3Zvino Pirato wakamubvunza achiti: Iwe uri Mambo wevaJudha here? Ndokumupindura, akati: Unoreva iwe.
3E Pilato lo interrogò, dicendo: Sei tu il re dei Giudei? Ed egli, rispondendo, gli disse: Sì, lo sono.
4Pirato ndokuti kuvapristi vakuru nezvaunga: Handiwani mhosva kumunhu uyu.
4E Pilato disse ai capi sacerdoti e alle turbe: Io non trovo colpa alcuna in quest’uomo.
5Asi vakasimbisa, vachiti: Unopesva vanhu, achidzidzisa muJudhiya rose, kutanga paGarirea kusvikira pano.
5Ma essi insistevano, dicendo: Egli solleva il popolo insegnando per tutta la Giudea; ha cominciato dalla Galilea ed è giunto fin qui.
6Pirato wakati anzwa zveGarirea, akabvunza kana munhu uyu ari muGarirea.
6Quando Pilato udì questo, domandò se quell’uomo fosse Galileo.
7Zvino paakangoziva kuti ndeweushe hwaHerodhe, wakamutumira kuna Herodhe, iye waivawo muJerusarema pamazuva iwayo.
7E saputo ch’egli era della giurisdizione d’Erode, lo rimandò a Erode ch’era anch’egli a Gerusalemme in que’ giorni.
8Zvino Herodhe paakaona Jesu wakafara zvikurusa; nekuti waishuva kumuona kwenguva refu, nekuti wakange anzwa zvinhu zvizhinji pamusoro pake; uye wakatarisira kuona chimwe chiratidzo chichiitwa naye.
8Erode, come vide Gesù, se ne rallegrò grandemente, perché da lungo tempo desiderava vederlo, avendo sentito parlar di lui; e sperava di vedergli fare qualche miracolo.
9Ndokumubvunza nemashoko mazhinji; asi iye haana kumupindura chinhu.
9E gli rivolse molte domande, ma Gesù non gli rispose nulla.
10Zvino vapristi vakuru nevanyori vakamira vakamupomera zvine simba.
10Or i capi sacerdoti e gli scribi stavan là, accusandolo con veemenza.
11NaHerodhe nemauto ake vakamuzvidza, nekusweveredza, vakamupfekedza nguvo inobwinya, vakamudzosera kuna Pirato.
11Ed Erode co’ suoi soldati, dopo averlo vilipeso e schernito, lo vestì di un manto splendido, e lo rimandò a Pilato.
12Nemusi iwoyo Pirato naHerodhe vakava shamwari neshamwari; nekuti paimbova neruvengo pakati pavo.
12E in quel giorno, Erode e Pilato divennero amici, perché per l’addietro arano stati in inimicizia fra loro.
13Zvino Pirato wakati adanira pamwe vapristi vakuru nevatungamiriri nevanhu,
13E Pilato, chiamati assieme i capi sacerdoti e i magistrati e il popolo, disse loro:
14akati kwavari: Mauyisa munhu uyu kwandiri seunotsausa vanhu; zvino tarirai ini ndaongorora pamberi penyu, handina kuwana mhosva kumunhu uyu yezvinhu zvamunomupomera;
14Voi mi avete fatto comparir dinanzi quest’uomo come sovvertitore del popolo; ed ecco, dopo averlo in presenza vostra esaminato, non ho trovato in lui alcuna delle colpe di cui l’accusate;
15kwete, kunyange Herodhe; nekuti ndinokutumai kwaari; zvino tarirai, hapana chakafanira rufu chakaitwa naye.
15e neppure Erode, poiché egli l’ha rimandato a noi; ed ecco, egli non ha fatto nulla che sia degno di morte.
16Naizvozvo ndichamurova ndigomusunungura.
16Io dunque, dopo averlo castigato, lo libererò.
17Nekuti zvaiva zvakafanira kuti avasunungurire umwe pamutambo.
17Or egli era in obbligo di liberar loro un carcerato in occasion della festa.
18Asi vose vakadanidzira pamwe vachiti: Kure neuyu, asi mutisunungurire Bharabhasi.
18Ma essi gridarono tutti insieme: Fa’ morir costui, e liberaci Barabba!
19(Iye wakange akandirwa mutirongo nemhaka yerimwe bongozozo rakange raitika muguta, uye nemhaka yeumhondi).
19(Barabba era stato messo in prigione a motivo di una sedizione avvenuta in città e di un omicidio).
20Naizvozvo Pirato achida kusunungura Jesu, wakataurazve kwavari.
20E Pilato da capo parlò loro, desiderando liberar Gesù;
21Asi vakadanidzira, vachiti: Roverera pamuchinjikwa, muroverere pamuchinjikwa!
21ma essi gridavano: Crocifiggilo, crocifiggilo!
22Akati kwavari rwechitatu: Nemhaka yei, iye waita chakaipa chipi? Handina kuwana mhosva yerufu maari; naizvozvo ndichamurova ndigomusunungura.
22E per la terza volta egli disse loro: Ma che male ha egli fatto? Io non ho trovato nulla in lui, che meriti la morte. Io dunque, dopo averlo castigato, lo libererò.
23Asi vakasimbisa nemanzwi makuru, vachikumbira kuti arovererwe pamuchinjikwa. Manzwi avo neevapristi vakuru akabudirira.
23Ma essi insistevano con gran grida, chiedendo che fosse crocifisso; e le loro grida finirono con avere il sopravvento.
24Zvino Pirato akagura kuti chikumbiro chavo chiitike.
24E Pilato sentenziò che fosse fatto quello che domandavano.
25Akavasunungurira uyo wavakakumbira, wakange akandwa mutirongo nekuda kwebongozozo neumhondi; asi akakumikidza Jesu kuchido chavo.
25E liberò colui che era stato messo in prigione per sedizione ed omicidio, e che essi aveano richiesto; ma abbandonò Gesù alla loro volontà.
26Zvino vakati vachimutungamidza, vakabata umwe Simoni muKurini achibva kuruwa, vakamutakudza muchinjikwa, kuti atakure shure kwaJesu.
26E mentre lo menavan via, presero un certo Simon, cireneo, che veniva dalla campagna, e gli misero addosso la croce, perché la portasse dietro a Gesù.
27Zvino kwakatevera kwaari chaunga chikuru chevanhu, nevakadzi vairirawo nekumuchema.
27Or lo seguiva una gran moltitudine di popolo e di donne che facean cordoglio e lamento per lui.
28Asi Jesu wakatendeukira kwavari akati: Vakunda veJerusarema, musachemera ini, asi muzvichemere imwi nevana venyu;
28Ma Gesù, voltatosi verso di loro, disse: Figliuole di Gerusalemme, non piangete per me, ma piangete per voi stesse e per i vostri figliuoli.
29nekuti tarirai, mazuva anouya avachati nawo: Dzakaropafadzwa mhanje, nezvizvaro zvisina kubereka, nemazamu asina kumwisa.
29Perché ecco, vengono i giorni nei quali si dirà: Beate le sterili, e i seni che non han partorito, e le mammelle che non hanno allattato.
30Ipapo vachatanga kuti kumakomo: Wirai pamusoro pedu; nekuzvikomo: Tifukidzei.
30Allora prenderanno a dire ai monti: Cadeteci addosso; ed ai colli: Copriteci.
31Nekuti kana vachiita zvinhu izvi kumuti munyoro, chii chichaitika kune wakawoma?
31Poiché se fan queste cose al legno verde, che sarà egli fatto al secco?
32Zvino kwakatungamidzwawo vamwe vaiti vezvakaipa vaviri, kuti vaurawe pamwe naye.
32Or due altri, due malfattori, eran menati con lui per esser fatti morire.
33Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi Dehenya, ipapo vakamuroverera pamuchinjikwa, nevaiti vezvakaipa, umwe kuruoko rwerudyi, neumwe kuruboshwe.
33E quando furon giunti al luogo detto "il Teschio", crocifissero quivi lui e i malfattori, l’uno a destra e l’altro a sinistra.
34Jesu ndokuti: Baba, vakangamwirei; nekuti havazivi chavanoita. Zvino vakagovana nguvo dzake, vakakanda mujenya.
34E Gesù diceva: Padre, perdona loro, perché non sanno quello che fanno. Poi, fatte delle parti delle sue vesti, trassero a sorte.
35Vanhu ndokumira vakatarira. Nevatongiwo pamwe navo vakamusweveredza, vachiti: Wakaponesa vamwe, ngaazviponese, kana iye ari Kristu, musanangurwa waMwari.
35E il popolo stava a guardare. E anche i magistrati si facean beffe di lui, dicendo: Ha salvato altri, salvi se stesso, se è il Cristo, l’Eletto di Dio!
36Nemautowo akamusweveredza, achimuvigira vhiniga,
36E i soldati pure lo schernivano, accostandosi, presentandogli dell’aceto e dicendo:
37uye vachiti: Kana iwe uri Mambo wevaJudha, zviponese.
37Se tu sei il re de’ Giudei, salva te stesso!
38Zvino kwakange kune rugwarowo rwakanyorwa pamusoro pake nemavara echiGiriki nechiRoma nechiHebheru, rwaiti: UYU NDIMAMBO WEVAJUDHA.
38E v’era anche questa iscrizione sopra il suo capo: QUESTO E IL RE DEI GIUDEI.
39Uye umwe wevaiti vezvakaipa vakange vakaremberedzwa wakamunyomba achiti: Kana iwe uri Kristu, zviponese iwe nesu.
39E uno de’ malfattori appesi lo ingiuriava, dicendo: Non se’ tu il Cristo? Salva te stesso e noi!
40Asi umwe wakapindura achimutsiura, achiti: Iwe hautyi Mwari kanhi, zvauri pakutongwa kumwe?
40Ma l’altro, rispondendo, lo sgridava e diceva: Non hai tu nemmeno timor di Dio, tu che ti trovi nel medesimo supplizio?
41Isu zvirokwazvo zvakarurama, nekuti tinogamuchira zvakafanira mabasa edu; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira.
41E per noi è cosa giusta, perché riceviamo la condegna pena de’ nostri fatti; ma questi non ha fatto nulla di male.
42Zvino akati kuna Jesu: Ishe mundirangarire kana masvika muushe hwenyu.
42E diceva: Gesù, ricordati di me quando sarai venuto nel tuo regno!
43Jesu ndokuti kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Nhasi uchava neni muParadhiso.
43E Gesù gli disse: Io ti dico in verità che oggi tu sarai meco in paradiso.
44Zvino rakange rava awa rinenge rechitanhatu; kukavapo rima pamusoro penyika yose, kusvikira paawa repfumbamwe.
44Ora era circa l’ora sesta, e si fecero tenebre per tutto il paese, fino all’ora nona, essendosi oscurato il sole.
45Nezuva rakadzikatirwa, uye vheiri retembere rakabvarurwa nepakati.
45La cortina del tempio si squarciò pel mezzo.
46Zvino Jesu wakati adanidzira nenzwi guru achiti: Baba, mumaoko enyu ndinokumikidza mweya wangu; akati areva izvozvi, akapa mweya.
46E Gesù, gridando con gran voce, disse: Padre, nelle tue mani rimetto lo spirito mio. E detto questo spirò.
47Zvino mukuru wezana wakati aona zvakaitika, akarumbidza Mwari, achiti: Zvirokwazvo munhu uyu wakange akarurama.
47E il centurione, veduto ciò che era accaduto, glorificava Iddio dicendo: Veramente, quest’uomo era giusto.
48Nezvaunga zvose zvakange zvakaungana kuzoona izvozvo, zvakati zvichiona zvakaitika, zvikadzokera zvichizvirova zvifuva.
48E tutte le turbe che si erano raunate a questo spettacolo, vedute le cose che erano successe, se ne tornavano battendosi il petto.
49Nevazikanwi vake vose, nevakadzi vaimutevera vachibva Garirea, vakamira kure, vachiona zvinhu izvi.
49Ma tutti i suoi conoscenti e le donne che lo aveano accompagnato dalla Galilea, stavano a guardare queste cose da lontano.
50Zvino tarira, murume wainzi Josefa, nhengo yedare, murume wakanaka uye wakarurama;
50Ed ecco un uomo per nome Giuseppe, che era consigliere, uomo dabbene e giusto,
51iye wakange asina kutenderana nezano nechiito chavo; waiva weArimatia, guta revaJudha, naiyewo wakange achimirira ushe hwaMwari.
51il quale non avea consentito alla deliberazione e all’operato degli altri, ed era da Arimatea, città de’ Giudei, e aspettava il regno di Dio,
52Iye wakaenda kuna Pirato akakukumbira mutumbi waJesu.
52venne a Pilato e chiese il corpo di Gesù.
53Zvino wakauburusa, akauputira nemucheka werineni, ndokuuradzika muguva rakange rakacherwa pabwe, makange musina kumboradzikwa munhu.
53E trattolo giù di croce, lo involse in un panno lino e lo pose in una tomba scavata nella roccia, dove niuno era ancora stato posto.
54Zvino waiva musi wegadziriro, uye sabata roswedera.
54Era il giorno della Preparazione, e stava per cominciare il sabato.
55Nevakadziwo, vakange vauya naye vachibva Garirea, vakatevera mumashure, vakaona guva, nekuti mutumbi wake waradzikwa sei.
55E le donne che eran venute con Gesù dalla Galilea, avendo seguito Giuseppe, guardarono la tomba, e come v’era stato posto il corpo di Gesù.
56Uye vakadzokera, vakagadzirira zvinonhuhwira nezvizoro. Zvino vakazorora nesabata zvichienderana nemurairo.
56Poi, essendosene tornate, prepararono aromi ed oli odoriferi.