1Zvino wakati achibuda mutembere, umwe wevadzidzi vake wakati kwaari: Mudzidzisi, tarirai mabwe rudzii, nezvivakwa rudzii!
1E com’egli usciva dal tempio uno de’ suoi discepoli gli disse: Maestro, guarda che pietre e che edifizi!
2Jesu achipindura akati kwaari: Unoona zvivakwa izvi zvikuru here? Hakungasiiwi ibwe pamusoro pebwe, risingazoputsirwi pasi.
2E Gesù gli disse: Vedi tu questi grandi edifizi? Non sarà lasciata pietra sopra pietra che non sia diroccata.
3Zvino wakati agara pagomo reMiorivhi, pakatarisana netembere, Petro, naJakobho, naJohwani, naAndiriya vakamubvunza vari vega, vachiti:
3Poi sedendo egli sul monte degli Ulivi dirimpetto al tempio, Pietro e Giacomo e Giovanni e Andrea gli domandarono in disparte:
4Tiudzei, izvozvi zvichagova rinhi? Nechiratidzo chii kana izvozvi zvose zvozadziswa?
4Dicci, quando avverranno queste cose, e qual sarà il segno del tempo in cui tutte queste cose staranno per compiersi?
5Zvino Jesu achivapindura akatanga kuti: Chenjerai kusava neunokutsausai.
5E Gesù prese a dir loro: Guardate che nessuno vi seduca!
6Nekuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini iye, vachazotsausa vazhinji.
6Molti verranno sotto il mio nome, dicendo: Son io; e ne sedurranno molti.
7Asi kana muchinzwa zvehondo, nerunyerekupe rwehondo, musakanganiswa nekuti zvinofanira kumboitika; asi kuguma kuchigere.
7Or quando udrete guerre e rumori di guerre, non vi turbate; è necessario che ciò avvenga, ma non sarà ancora la fine.
8Nekuti rudzi ruchamukira rudzi; neushe huchamukira ushe; uye kuchava nekudengenyika kwenyika kunzvimbo dzakasiyana siyana, uye kuchava nenzara, nematambudziko; izvi kutanga kwekurwadziwa.
8Poiché si leverà nazione contro nazione e regno contro regno: vi saranno terremoti in vari luoghi; vi saranno carestie. Questo non sarà che un principio di dolori.
9Zvichenjererei imwi, nekuti vachakukumikidzai kumatare emakurukota, uye mumasinagoge mucharohwa, uye muchauyiswa pamberi pevatongi nemadzimambo nekuda kwangu, chive chapupu kwavari.
9Or badate a voi stessi! Vi daranno in mano dei tribunali e sarete battuti nelle sinagoghe e sarete fatti comparire davanti a governatori e re, per cagion mia, affinché ciò serva loro di testimonianza.
10Uye evhangeri inofanira kutanga kuparidzirwa kumarudzi ose.
10E prima convien che fra tutte le genti sia predicato l’evangelo.
11Asi kana vachikuuyisai vachikutengesai, musafunganya pakutanga zvamuchataura kana kufanorangarira, asi chero zvamunenge mapiwa nenguva iyo taurai izvozvo; nekuti hamusi imwi munotaura, asi Mweya Mutsvene.
11E quando vi meneranno per mettervi nelle loro mani, non state innanzi in sollecitudine di ciò che avrete a dire: ma dite quel che vi sarà dato in quell’ora; perché non siete voi che parlate, ma lo Spirito Santo.
12Zvino mukoma uchatengesera munin'ina kurufu, nababa mwanakomana; nevana vachamukira vabereki nekuvaurayisa;
12E il fratello darà il fratello alla morte, e il padre il figliuolo; e i figliuoli si leveranno contro i genitori e li faranno morire.
13uye muchavengwa nevose nekuda kwezita rangu; asi unotsungirira kusvikira pakuguma, ndiye uchaponeswa.
13E sarete odiati da tutti a cagion del mio nome; ma chi avrà sostenuto sino alla fine, sarà salvato.
14Zvino kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakataurwa naDhanyeri muporofita, imire paisingafaniri (unorava ngaanzwisise), zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;
14Quando poi avrete veduta l’abominazione della desolazione posta là dove non si conviene (chi legge pongavi mente), allora quelli che saranno nella Giudea, fuggano ai monti;
15neuri pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburukira mumba, kana kupinda kunotora chinhu mumba make.
15e chi sarà sulla terrazza non scendi e non entri in casa sua per toglierne cosa alcuna;
16Neuri mumunda ngaarege kutendeukira shure kunotora nguvo yake.
16e chi sarà nel campo non torni indietro a prender la sua veste.
17Asi vachaona nhamo avo vane mimba neavo vanomwisa nemazuva iwayo!
17Or guai alle donne che saranno incinte ed a quelle che allatteranno in que’ giorni!
18Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando.
18E pregate che ciò non avvenga d’inverno!
19Nekuti mumazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kwakadaro kusati kwambovapo kubva pakutanga kwezvisikwa Mwari zvaakasika kusvikira zvino, uye hakuchazovipo.
19Poiché quelli saranno giorni di tale tribolazione, che non v’è stata l’uguale dal principio del mondo che Dio ha creato, fino ad ora, né mai più vi sarà.
20Dai Ishe asina kuatapudza mazuva, hakuna chero nyama yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa, vaakasanangura, wakaatapudza mazuva.
20E se il Signore non avesse abbreviato quei giorni, nessuno scamperebbe; ma a cagion dei suoi propri eletti, egli ha abbreviato quei giorni.
21Uye ipapo kana munhu achiti kwamuri: Tarirai, Kristu pano; kana: Tarirai apo, musatenda;
21E allora, se alcuno vi dice: "Il Cristo eccolo qui, eccola là", non lo credete;
22nekuti vana Kristu venhema, nevaporofita venhema vachamuka, vagoratidza zviratidzo nezvishamiso, kuti vatsause, kana zvichibvira, kunyange vasanangurwa.
22perché sorgeranno falsi cristi e falsi profeti, e faranno segni e prodigi per sedurre, se fosse possibile, anche gli eletti.
23Asi chenjerai imwi; tarirai, ndagara ndakuudzai zvinhu zvose.
23Ma voi, state attenti; io v’ho predetta ogni cosa.
24Asi nemazuva iwayo, shure kwekutambudzika ikoko, zuva richasvibiswa, nemwedzi hauchazopi chiedza chawo,
24Ma in que’ giorni, dopo quella tribolazione, il sole si oscurerà e la luna non darà il suo splendore;
25nenyeredzi dzekudenga dzichawa, nemasimba ari kumatenga achazungunuswa.
25e le stelle cadranno dal cielo e le potenze che son nei cieli saranno scrollate.
26Ipapo vachaona Mwanakomana wemunhu achiuya mumakore ane simba guru nekubwinya,
26E allora si vedrà il Figliuol dell’uomo venir sulle nuvole con gran potenza e gloria.
27ipapo uchatuma vatumwa vake, vagounganidza pamwe vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumugumo wenyika kusvikira kumugumo wedenga.
27Ed egli allora manderà gli angeli e raccoglierà i suoi eletti dai quattro venti, dall’estremo della terra all’estremo del cielo.
28Zvino dzidzai mufananidzo kubva pamuonde; kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha raswedera.
28Or imparate dal fico questa similitudine: Quando già i suoi rami si fanno teneri e metton le foglie, voi sapete che l’estate è vicina.
29Saizvozvo imwiwo, kana muchiona zvinhu izvi zvichiitika, zivai kuti zvava pedo wava pamukova.
29Così anche voi, quando vedrete avvenir queste cose, sappiate ch’egli è vicino, alle porte.
30Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri, kusvikira zvinhu izvi zvose zvaitika.
30In verità io vi dico che questa generazione non passerà prima che tutte queste cose siano avvenute.
31Denga nenyika zvichapfuura; asi mashoko angu haangatongopfuuri.
31Il cielo e la terra passeranno, ma le mie parole non passeranno.
32Asi zvezuva iro nenguva, hakuna unoziva, kunyange vatumwa vari kudenga, kunyange Mwanakomana, kunze kwaBaba.
32Ma quant’è a quel giorno ed al quell’ora, nessuno li sa, neppur gli angeli nel cielo, né il Figliuolo, ma solo il Padre.
33Chenjerai, murinde, munyengetere; nekuti hamuzivi kuti nguva ndeyarini.
33State in guardia, vegliate, poiché non sapete quando sarà quel tempo.
34Semunhu wakafamba rwendo, akasiya imba yake, akapa simba kuvaranda vake, kune umwe neumwe basa rake, akarairawo murindi wemukova kuti arinde.
34Egli è come se un uomo, andando in un viaggio, lasciasse la sua casa e ne desse la potestà ai suoi servitori, a ciascuno il compito suo, e al portinaio comandasse di vegliare.
35Naizvozvo rindai; nekuti hamuzivi kuti mwene weimba unouya rinhi, manheru, kana pakati pousiku, kana pakurira kwejongwe, kana mangwanani;
35Vegliate dunque perché non sapete quando viene il padron di casa: se a sera, a mezzanotte, o al cantar del gallo la mattina;
36kuti arege kuerekana auya, akakuwanai muvete.
36che talora, venendo egli all’improvviso, non vi trovi addormentati.
37Nezvandinotaura kwamuri, ndinotaurira vose: Rindai.
37Ora, quel che dico a voi, lo dico a tutti: Vegliate.