1Vakasvika mhiri kwegungwa, kunyika yevaGadharini.
1E giunsero all’altra riva del mare nel paese de’ Geraseni.
2Zvino wakati abuda muchikepe, pakarepo munhu akamuchingamidza achibva kumarinda ane mweya wetsvina,
2E come Gesù fu smontato dalla barca, subito gli venne incontro dai sepolcri un uomo posseduto da uno spirito immondo,
3uyo wakange ane ugaro kumarinda, uye kwakange kusina munhu wakange achigona kumusunga kunyange nemaketani,
3il quale nei sepolcri avea la sua dimora; e neppure con una catena poteva più alcuno tenerlo legato;
4nekuti kazhinji waisungwa nezvisungo zvemakumbo nemaketani, asi maketani aigurwa nepakati naye, nezvisungo zvemakumbo zvaigurwa kuita zvidimbu; uye kwakange kusina waigona kumupingudza.
4poiché spesso era stato legato con ceppi e catene; e le catene erano state da lui rotte, ed i ceppi spezzati, e niuno avea forza da domarlo.
5Zvino nguva dzose, usiku nemasikati, waiva mumakomo nekumarinda achidanidzira, achizvicheka nemabwe.
5E di continuo, notte e giorno, fra i sepolcri e su per i monti, andava urlando e percotendosi con delle pietre.
6Zvino wakati achiona Jesu ari kure, akamhanya ndokumunamata;
6Or quand’ebbe veduto Gesù da lontano, corse e gli si prostrò dinanzi;
7akadanidzira nenzwi guru akati: Ndinei nemwi Jesu, Mwanakomana waMwari Wekumusoro-soro? Ndinokupikirai naMwari, murege kundirwadzisa.
7e dato un gran grido, disse: Che v’è fra me e te, o Gesù, Figliuolo dell’Iddio altissimo? Io ti scongiuro, in nome di Dio, di non tormentarmi;
8Nekuti wakati kwaari: Buda mumunhu, mweya wetsvina.
8perché Gesù gli diceva: Spirito immondo, esci da quest’uomo!
9Ndokumubvunza akati: Zita rako ndiani? Akapindura achiti: Zita rangu rinonzi Regiyoni, nekuti tiri vazhinji.
9E Gesù gli domandò: Qual è il tuo nome? Ed egli rispose: Il mio nome è Legione perché siamo molti.
10Vakamukumbirisa zvikuru kuti arege kuvaendesa kunze kwenyika.
10E lo pregava con insistenza che non li mandasse via dal paese.
11Zvino kwakange kuripo pedo nemakomo boka guru renguruve dzichifura.
11Or quivi pel monte stava a pascolare un gran branco di porci.
12Nemadhimoni ose akamukumbira zvikuru achiti: Titumirei kunguruve kuti tindopinda madziri.
12E gli spiriti lo pregarono dicendo: Mandaci ne’ porci, perché entriamo in essi.
13Pakarepo Jesu akaatendera. Mweya yetsvina ikabuda ikapinda munguruve; boka rikapitirikira kumawere kuenda kugungwa, dzinenge dzaiva zvuru zviviri, dzikabitirirwa mugungwa.
13Ed egli lo permise loro. E gli spiriti immondi, usciti, entrarono ne’ porci, ed il branco si avventò giù a precipizio nel mare.
14Avo vaifudza nguruve ndokutiza, vakanoreva muguta neparuwa. Vakabuda kuzoona kuti chii chainge chaitwa.
14Eran circa duemila ed affogarono nel mare. E quelli che li pasturavano fuggirono e portaron la notizia in città e per la campagna; e la gente andò a vedere ciò che era avvenuto.
15Vakasvika kuna Jesu, vakaona uyo wakange ane madhimoni, iye waiva neRegiyoni agere, akapfeka ari munhu kwaye; vakatya.
15E vennero a Gesù, e videro l’indemoniato seduto, vestito ed in buon senno, lui che aveva avuto la legione; e s’impaurirono.
16Vaya vakange vazviona, vakavarondedzera kuti zvakaitika sei kune wakange ane madhimoni nepamusoro penguruve.
16E quelli che aveano visto, raccontarono loro ciò che era avvenuto all’indemoniato e il fatto de’ porci.
17Vakatanga kumukumbirisa kuti abve mudunhu mavo.
17Ed essi presero a pregar Gesù che se ne andasse dai loro confini,
18Zvino wakati achipinda muchikepe, iye waiva nemadhimoni akamukumbirisa kuti ave naye.
18E come egli montava nella barca, l’uomo che era stato indemoniato lo pregava di poter stare con lui.
19Asi Jesu haana kumutendera, asi wakati kwaari: Enda kumba kwako, kune vekwako, undovaudza kuti zvikuru sei Ishe zvaakuitira, nekukuitira tsitsi.
19E Gesù non glielo permise, ma gli disse: Va’ a casa tua dai tuoi, e racconta loro le grandi cose che il Signore ti ha fatto, e come egli ha avuto pietà di te.
20Akabva ndokuenda akatanga kuparidza muDhekapori kukura kwezvinhu Jesu zvaakamuitira; vose vakashamisika.
20E quello se ne andò e cominciò a pubblicare per la Decapoli le grandi cose che Gesù aveva fatto per lui. E tutti si maravigliarono.
21Jesu wakati ayambukazve nechikepe kune rimwe divi, chaunga chikuru chikaunganira kwaari, uye wakange ava pedo negungwa.
21Ed essendo Gesù passato di nuovo in barca all’altra riva, una gran moltitudine si radunò attorno a lui; ed egli stava presso il mare.
22Zvino tarira, kwakasvika umwe wevakuru vesinagoge, wainzi Jairosi; zvino wakati amuona, akawira patsoka dzake.
22Ed ecco venire uno dei capi della sinagoga, chiamato Iairo, il quale, vedutolo, gli si getta ai piedi
23Akamukumbirisa zvikuru achiti: Mukunda wangu muduku wotandadza, uyai muise maoko pamusoro pake kuti aponeswe uye uchararama.
23e lo prega istantemente, dicendo: La mia figliuola è agli estremi. Vieni a metter sopra lei le mani, affinché sia salva e viva.
24Akaenda naye; chaunga chikuru chikamutevera, chikamutsimbirira.
24E Gesù andò con lui, e gran moltitudine lo seguiva e l’affollava.
25Zvino umwe mukadzi waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri,
25Or una donna che avea un flusso di sangue da dodici anni,
26wakange atambura zvikuru kuvarapi vazhinji, wakange apedza zvose zvaakange anazvo, asina kutongobatsirika, asi pachinhambo cheizvi ainyanyisa,
26e molto avea sofferto da molti medici, ed avea speso tutto il suo senz’alcun giovamento, anzi era piuttosto peggiorata,
27wakati anzwa zvaJesu, akauya nepakati pechaunga neshure, akabata nguvo yake.
27avendo udito parlar di Gesù, venne per di dietro fra la calca e gli toccò la vesta, perché diceva:
28Nekuti wakati: Kana ndikabata nguvo dzake chete, ndichaponeswa.
28Se riesco a toccare non foss’altro che le sue vesti, sarò salva.
29Zvino pakarepo chitubu cheropa rake chikapwa, akanzwa mumuviri kuti waporeswa pachifo.
29E in quell’istante il suo flusso ristagnò; ed ella sentì nel corpo d’esser guarita di quel flagello.
30Zvino pakarepo Jesu achiziva mukati make kuti simba rabuda maari, akatendeuka pachaunga akati: Ndiani wabata nguvo dzangu?
30E subito Gesù, conscio della virtù ch’era emanata da lui, voltosi indietro in quella calca, disse: Chi mi ha toccato le vesti?
31Vadzidzi vake vakati kwaari: Munoona chaunga chinokutsimbirirai, zvino moti: Ndiani wandibata?
31E i suoi discepoli gli dicevano: Tu vedi come la folla ti si serra addosso e dici: Chi mi ha toccato?
32Zvino wakaringa-ringa kuona uyo wakange aita ichi.
32Ed egli guardava attorno per vedere colei che avea ciò fatto.
33Asi mukadzi achitya, nekubvunda, achiziva zvakange zvaitika maari, akauya ndokuwira pamberi pake, ndokumuudza chokwadi chose.
33Ma la donna, paurosa e tremante, ben sapendo quel che era avvenuto in lei, venne e gli si gettò ai piedi, e gli disse tutta la verità.
34Ndokuti kwaari: Mukunda, rutendo rwako rwakuponesa, enda norugare, poreswa pachifo chako.
34Ma Gesù le disse: Figliuola, la tua fede t’ha salvata; vattene in pace e sii guarita del tuo flagello.
35Wakati achataura, kwakasvika vamwe vemukuru wesinagoge vakati: Mukunda wenyu wafa, muchiri kutambudzirei mudzidzisi?
35Mentr’egli parlava ancora, ecco arrivar gente da casa del capo della sinagoga, che gli dice: La tua figliuola è morta; perché incomodare più oltre il Maestro?
36Pakarepo Jesu achinzwa shoko rakataurwa akati kumukuru wesinagoge: Usatya, tenda chete.
36Ma Gesù, inteso quel che si diceva, disse al capo della sinagoga: Non temere; solo abbi fede!
37Akasatendera munhu kumutevera, kunze kwaPetro naJakobho naJohwani munin'ina waJakobho.
37E non permise ad alcuno di accompagnarlo, salvo che a Pietro, a Giacomo e a Giovanni, fratello di Giacomo.
38Vakasvika mumba memukuru wesinagoge, akaona mhere-mhere nevaichema nekurira zvikuru.
38E giungono a casa del capo della sinagoga; ed egli vede del tumulto e gente che piange ed urla forte.
39Zvino wakati apinda akati kwavari: Munoitirei mhere-mhere muchichema? Mucheche haana kufa, asi uvete.
39Ed entrato, dice loro: Perché fate tanto strepito e piangete? La fanciulla non è morta, ma dorme.
40Vakamuseka vachimumhura. Asi iye wakati avabudisa vose panze, akatora baba vemucheche namai nevakange vanaye, akapinda makange muvete mucheche.
40E si ridevano di lui. Ma egli, messili tutti fuori, prende seco il padre la madre della fanciulla e quelli che eran con lui, ed entra là dove era la fanciulla.
41Akabata ruoko rwemucheche, akati kwaari: "Tarita kumi;" ndokuti kana zvichishandurwa: Musikana muduku, ndinoti kwauri, muka.
41E presala per la mano le dice: Talithà cumì! che interpretato vuole dire: Giovinetta, io tel dico, lèvati!
42Pakarepo musikana wakasimuka, akafamba, nekuti waiva wemakore gumi nemaviri; vakashamisika nekushamisika kukuru.
42E tosto la giovinetta s’alzò e camminava, perché avea dodici anni. E furono subito presi da grande stupore;
43Akavaraira zvikuru kuti kusava nemunhu unoziva izvi; akati apiwe chikafu.
43ed egli comandò loro molto strettamente che non lo risapesse alcuno: e disse loro che le fosse dato da mangiare.