1Nezuva iro, Jesu wakabuda mumba akagara pasi pagungwa.
1In quel giorno Gesù, uscito di casa, si pose a sedere presso al mare;
2Uye zvaunga zvikuru zvakaungana kwaari, kusvikira apinda muchikepe akagara pasi; nechaunga chose chakamira pamahombekombe.
2e molte turbe si raunarono attorno a lui; talché egli, montato in una barca, vi sedette; e tutta la moltitudine stava sulla riva.
3Ndokutaura zvinhu zvizhinji kwavari nemifananidzo, achiti: Tarirai, mukushi wakabuda kunokusha.
3Ed egli insegnò loro molte cose in parabole, dicendo:
4Zvino pakukusha kwake, imwe mbeu yakawira kurutivi rwenzira; shiri dzikasvika dzikaidya.
4Ecco, il seminatore uscì a seminare. E mentre seminava, una parte del seme cadde lungo la strada; gli uccelli vennero e la mangiarono.
5Imwe ikawira panzvimbo dzine mabwe, payakange iisina ivhu zhinji; ikamera pakarepo, nekuti pakange pasina kudzika kwevhu.
5E un’altra cadde ne’ luoghi rocciosi ove non avea molta terra; e subito spuntò, perché non avea terreno profondo;
6Kuzoti zuva rabuda, yakapiswa, uye nekuti yakange isina mudzi, yakasvava.
6ma, levatosi il sole, fu riarsa; e perché non avea radice, si seccò.
7Asi imwe yakawira pamhinzwa; mhinzwa ikakura, ikaivhunga.
7E un’altra cadde sulle spine; e le spine crebbero e l’affogarono.
8Asi imwe yakawira muvhu rakanaka, ikabereka chibereko, imwe zana, imwe makumi matanhatu, imwe makumi matatu.
8E un’altra cadde nella buona terra e portò frutto, dando qual cento, qual sessanta, qual trenta per uno.
9Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
9Chi ha orecchi da udire oda.
10Zvino vadzidzi vakasvika, vakati kwaari: Munotaurirei kwavari nemifananidzo?
10Allora i discepoli, accostatisi, gli dissero: Perché parli loro in parabole
11Akapindura akati kwavari: Nekuti kwakapiwa kwamuri kuziva zvakavanzika zveushe hwekumatenga, asi kwavari hakuna kupiwa.
11Ed egli rispose loro: Perché a voi è dato di conoscere i misteri del regno dei cieli; ma a loro non è dato.
12Nekuti ani nani unazvo uchapiwa, uye uchava nezvakawanda; asi ani nani usina uchatorerwa kunyange nezvaanazvo.
12Perché a chiunque ha, sarà dato, e sarà nell’abbondanza; ma a chiunque non ha, sarà tolto anche quello che ha.
13Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo, kuti vachiona, havaoni; uye vachinzwa havanzwi, uye havanzwisisi.
13Perciò parlo loro in parabole, perché, vedendo, non vedono; e udendo, non odono e non intendono.
14Uye kwavari kwakazadziswa chiporofita chaIsaya chinoti: Nekunzwa muchanzwa, asi hamungatongonzwisisi; nekuona muchaona, asi hamungatongoonesesi.
14E s’adempie in loro la profezia d’Isaia che dice: Udrete co’ vostri orecchi e non intenderete; guarderete co’ vostri occhi e non vedrete:
15Nekuti moyo wevanhu ava wava mukukutu, uye vanonzwa nenzeve nemutsutsuru, nemeso avo vakaatsinzina; zvichida vangaona nemeso, nekunzwa nenzeve, uye vanzwisise nemoyo, uye vatendeuke, ndigovaporesa.
15perché il cuore di questo popolo s’è fatto insensibile, son divenuti duri d’orecchi ed hanno chiuso gli occhi, che talora non veggano con gli occhi e non odano con gli orecchi e non intendano col cuore e non si convertano, ed io non li guarisca.
16Asi akaropafadzwa meso enyu, nekuti anoona; nenzeve dzenyu, nekuti dzinonzwa.
16Ma beati gli occhi vostri, perché veggono; ed i vostri orecchi, perché odono!
17Nekuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vaporofita nevakarurama vazhinji vakange vachishuva kuona zvamunoona, asi havana kuzviona; nekunzwa zvamunonzwa, asi havana kunzwa.
17Poiché in verità io vi dico che molti profeti e giusti desiderarono di vedere le cose che voi vedete, e non le videro; e di udire le cose che voi udite, e non le udirono.
18Naizvozvo imwi inzwai mufananidzo wemukushi.
18Voi dunque ascoltate che cosa significhi la parabola del seminatore:
19Umwe neumwe unonzwa shoko reushe asi asinganzwisisi, wakaipa unosvika ndokubvuta chakakushwa mumoyo make. Uyu ndiye wakakushwa kurutivi rwenzira.
19Tutte le volte che uno ode la parola del Regno e non la intende, viene il maligno e porta via quel ch’è stato seminato nel cuore di lui: questi è colui che ha ricevuto la semenza lungo la strada.
20Asi wakakushwa panzvimbo dzine mabwe, ndiye unonzwa shoko ndokurigamuchira pakarepo nemufaro;
20E quegli che ha ricevuto la semenza in luoghi rocciosi, è colui che ode la Parola e subito la riceve con allegrezza;
21asi haana mudzi maari, asi unogara kwenguva, nekuti kana dambudziko nekushushwa zvichiuya nekuda kweshoko, pakarepo unogumburwa.
21però non ha radice in sé, ma è di corta durata; e quando venga tribolazione o persecuzione a cagion della Parola, è subito scandalizzato.
22Uye wakakushwa pamhinzwa, ndiye unonzwa shoko, asi kufunganya kwenyika ino nekunyengera kwefuma zvinovhunga shoko, rikava risingabereki.
22E quegli che ha ricevuto la semenza fra le spine, è colui che ode la Parola; poi le cure mondane e l’inganno delle ricchezze affogano la Parola; e così riesce infruttuosa.
23Asi wakakushwa muvhu rakanaka, ndiye unonzwa shoko akanzwisisa, unoberekawo zvibereko, achiita, umwe zana, umwe makumi matanhatu, umwe makumi matatu.
23Ma quei che ha ricevuto la semenza in buona terra, è colui che ode la Parola e l’intende; che porta del frutto e rende l’uno il cento, l’altro il sessanta e l’altro il trenta.
24Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo, achiti: Ushe hwekumatenga hunofananidzwa nemunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make.
24Egli propose loro un’altra parabola, dicendo: Il regno de’ cieli è simile ad un uomo che ha seminato buona semenza nel suo campo.
25Asi vanhu vakati vavete, muvengi wake wakauya, akakusha mashawi pakati pezviyo, akaenda.
25Ma mentre gli uomini dormivano, venne il suo nemico e seminò delle zizzanie in mezzo al grano e se ne andò.
26Asi chipande chakati chamera nekubereka, zvino mashawi akaonekwawo.
26E quando l’erba fu nata ed ebbe fatto frutto, allora apparvero anche le zizzanie.
27Zvino varanda vemwene weimba vakaswedera vakati kwaari: Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda wenyu here? Zvino wawanepi mashawi?
27E i servitori del padron di casa vennero a dirgli: Signore, non hai tu seminato buona semenza nel tuo campo? Come mai, dunque, c’è della zizzania?
28Akati kwavari: Muvengi waita izvi. Varanda vakati kwaari: Munoda kuti tindoaunganidza here?
28Ed egli disse loro: Un nemico ha fatto questo. E i servitori gli dissero: Vuoi tu che l’andiamo a cogliere?
29Asi wakati: Kwete, zvimwe kana muchiunganidza mashawi, mungadzura zviyowo nawo.
29Ma egli rispose: No, che talora, cogliendo le zizzanie, non sradichiate insiem con esse il grano.
30Regai zvikure pamwe zviri zviviri kusvikira pakukohwa; zvino nenguva yekukohwa ndichati kuvakohwi: Unganidzai pakutanga mashawi, muasunge mwanda kuti muapise; asi muunganidze zviyo mudura rangu.
30Lasciate che ambedue crescano assieme fino alla mietitura; e al tempo della mietitura, io dirò ai mietitori: Cogliete prima le zizzanie, e legatele in fasci per bruciarle; ma il grano, raccoglietelo nel mio granaio.
31Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo achiti: Ushe hwekumatenga hwakafanana netsanga yemasitadha*, munhu yaanotora akaidzvara mumunda make.
31Egli propose loro un’altra parabola dicendo: Il regno de’ cieli è simile ad un granel di senapa che un uomo prende e semina nel suo campo.
32Iyo iduku zvirokwazvo pambeu dzose, asi kana yakura ihuru pamiriwo, inoita muti, zvekuti shiri dzekudenga dzinouya dzichivaka matendere pamatavi awo.
32Esso è bene il più piccolo di tutti i semi; ma quando è cresciuto, è maggiore de’ legumi e diviene albero; tanto che gli uccelli del cielo vengono a ripararsi tra i suoi rami.
33Akataura umwe mufananidzo kwavari akati: Ushe hwekumatenga hwakafanana nembiriso, mukadzi yaakatora, akaiisa muzviyero zvitatu zveupfu kusvikira hwose hwaviriswa.
33Disse loro un’altra parabola: Il regno de’ cieli è simile al lievito che una donna prende e nasconde in tre staia di farina, finché la pasta sia tutta lievitata.
34Izvi zvinhu zvose Jesu wakaudza zvaunga nemifananidzo, uye pasina mufananidzo haana kutaura kwavari;
34Tutte queste cose disse Gesù in parabole alle turbe e senza parabola non diceva loro nulla,
35kuti chizadziswe chakarehwa nemuporofita, achiti: Ndichazarura muromo wangu nemifananidzo; ndichataura zvinhu zvakange zvakavanzika kubva pamavambo enyika.
35affinché si adempisse quel ch’era stato detto per mezzo del profeta: Aprirò in parabole la mia bocca; esporrò cose occulte fin dalla fondazione del mondo.
36Zvino Jesu wakati arega zvaunga zvichienda, akapinda mumba; vadzidzi vake vakaswedera kwaari, vachiti: Tidudzirei mufananidzo wemashawi emunda.
36Allora Gesù, lasciate le turbe, tornò a casa; e suoi discepoli gli s’accostarono, dicendo: Spiegaci la parabola delle zizzanie del campo.
37Akapindura akati kwavari: Unokusha mbeu yakanaka Mwanakomana wemunhu;
37Ed egli, rispondendo, disse loro: Colui che semina la buona semenza, è il Figliuol dell’uomo;
38uye munda inyika; nembeu yakanaka, ndivo vanakomana veushe; asi mashawi vanakomana vewakaipa.
38il campo è il mondo; la buona semenza sono i figliuoli del Regno; le zizzanie sono i figliuoli del maligno;
39Muvengi wakaakusha ndidhiabhorosi; kukohwa kuguma kwenyika; nevakohwi vatumwa.
39il nemico che le ha seminate, è il diavolo; la mietitura è la fine dell’età presente; i mietitori sono gli angeli.
40Naizvozvo mashawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, zvichava saizvozvo pakuguma kwenyika ino.
40Come dunque si raccolgono le zizzanie e si bruciano col fuoco, così avverrà alla fine dell’età presente.
41Mwanakomana wemunhu uchatuma vatumwa vake, vagounganidza kubva muushe hwake zvigumbuso zvose nevanoita zvakaipa;
41Il Figliuol dell’uomo manderà i suoi angeli che raccoglieranno dal suo regno tutti gli scandali e tutti gli operatori d’iniquità,
42zvino vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
42e li getteranno nella fornace del fuoco. Quivi sarà il pianto e lo stridor de’ denti.
43Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo. Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
43Allora i giusti risplenderanno come il sole nel regno del Padre loro. Chi ha orecchi, oda.
44Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nefuma yakavigwa mumunda, inoti kana munhu aiwana, unoiviga; zvino nemufaro wake unoenda akanotengesa zvose zvaanazvo akatenga munda uwoyo.
44Il regno de’ cieli è simile ad un tesoro nascosto nel campo, che un uomo, dopo averlo trovato, nasconde; e per l’allegrezza che ne ha, va e vende tutto quello che ha, e compra quel campo.
45Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemushambadziri unotsvaka maparera* akanaka;
45Il regno de’ cieli è anche simile ad un mercante che va in cerca di belle perle;
46akati awana parera rimwe rine mutengo mukuru, akaenda akanotengesa zvose zvaakange anazvo, akaritenga.
46e trovata una perla di gran prezzo, se n’è andato, ha venduto tutto quel che aveva, e l’ha comperata.
47Zvekare ushe hwekumatenga hwakafananawo nemumbure unokandirwa mugungwa, ukaunganidza marudzi ose ehove.
47Il regno de’ cieli è anche simile ad una rete che, gettata in mare, ha raccolto ogni sorta di pesci;
48Iwo kana wazara, vanoukwevera pamahombekombe, vogara pasi, vounganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vanodzirashira kunze.
48quando è piena, i pescatori la traggono a riva; e, postisi a sedere, raccolgono il buono in vasi, e buttano via quel che non val nulla.
49Zvichava saizvozvo pakuguma kwenyika; vatumwa vachabuda, vachaparadzanisa vakaipa kubva pakati pevakarurama,
49Così avverrà alla fine dell’età presente. Verranno gli angeli, toglieranno i malvagi di mezzo ai giusti,
50uye vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
50e li getteranno nella fornace del fuoco. Ivi sarà il pianto e lo stridor de’ denti.
51Jesu akati kwavari: Manzwisisa izvi zvose here? Vakati kwaari: Hongu Ishe.
51Avete intese tutte queste cose? Essi gli risposero: Sì.
52Zvino akati kwavari: Naizvozvo munyori umwe neumwe wakadzidziswa zveushe hwekumatenga wakafanana nemunhu, mwene weimba, unobudisa zvinhu zvitsva nezvisharu pafuma yake.
52Allora disse loro: Per questo, ogni scriba ammaestrato pel regno de’ cieli è simile ad un padron di casa il quale trae fuori dal suo tesoro cose nuove e cose vecchie.
53Zvino zvakaitika kuti Jesu apedza mifananidzo iyi wakabvapo.
53Or quando Gesù ebbe finite queste parabole, partì di là.
54Uye wakati asvika kunyika yekwake akavadzidzisa musinagoge ravo, kusvikira vashamisika vakati: Kunobvepi kuchenjera uku nemabasa esimba?
54E recatosi nella sua patria, li ammaestrava nella lor sinagoga, talché stupivano e dicevano: Onde ha costui questa sapienza e queste opere potenti?
55Uyu haazi mwanakomana wemuvezi here? Ko mai vake havanzi Maria here, nevanin'ina vake Jakobho naJose naSimoni naJudhasi here?
55Non è questi il figliuol del falegname? Sua madre non si chiama ella Maria, e i suoi fratelli, Giacomo, Giuseppe, Simone e Giuda?
56Nehanzvadzi dzake hadzisi nesu dzose here? Ko zvinobvepi zvinhu izvozvi zvose.
56E le sue sorelle non sono tutte fra noi? Donde dunque vengono a lui tutte queste cose?
57Vakagumbuswa naye. Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haavi usina kukudzwa kunze kwemunyika yekwake nemumba make.
57E si scandalizzavano di lui. Ma Gesù disse loro: Un profeta non è sprezzato che nella sua patria e in casa sua.
58Uye haana kuita mabasa esimba mazhinji ipapo nekuda kwekusatenda kwavo.
58E non fece quivi molte opere potenti a cagione della loro incredulità.