1Ipapo Jesu wakataura kuzvaunga nekuvadzidzi vake,
1Allora Gesù parlò alle turbe e ai suoi discepoli,
2achiti: Vanyori nevaFarisi vagere pachigaro chaMozisi;
2dicendo: Gli scribi e i Farisei seggono sulla cattedra di Mosè.
3saka zvose chero zvipi zvavanokuudzai kuti muzvichengete, chengetai nekuita; asi musaita semabasa avo; nekuti vanotaura, asi havaiti.
3Fate dunque ed osservate tutte le cose che vi diranno, ma non fate secondo le opere loro; perché dicono e non fanno.
4Nekuti vanosunga mitoro inorema uye inorwadza kutakura, vachiisa pamafudzi evanhu, asi havadi kuisudurusa nemumwe wavo.
4Difatti, legano de’ pesi gravi e li mettono sulle spalle della gente; ma loro non li voglion muovere neppure col dito.
5Asi mabasa avo ose vanoaita kuti vaonekwe nevanhu; nekuti vanofarisa mafirakitera* avo, vanorebesa mipendero yenguvo dzavo;
5Tutte le loro opere le fanno per essere osservati dagli uomini; difatti allargano le lor filatterie ed allungano le frange de’ mantelli;
6vanoda zvinzvimbo zvakakwirira pazvirairo, nezvigaro zvemberi mumasinagoge,
6ed amano i primi posti ne’ conviti e i primi seggi nelle sinagoghe
7nekwaziso pamisika, nekuidzwa nevanhu kuti: Rabhi*, Rabhi.
7e i saluti nelle piazze e d’esser chiamati dalla gente: "Maestro!"
8Asi imwi musaidzwa Rabhi, nekuti umwe ndiye mudzidzisi wenyu, Kristu; imwi mose muri hama.
8Ma voi non vi fate chiamar "Maestro", perché uno solo è il vostro maestro, e voi siete tutti fratelli.
9Musaidza munhu panyika baba venyu; nekuti umwe ndiBaba venyu, ivo vari kumatenga.
9E non chiamate alcuno sulla terra vostro padre, perché uno solo è il Padre vostro, quello che è ne’ cieli.
10Musaidzwawo vadzidzisi; nekuti umwe ndiye mudzidzisi wenyu, iye Kristu.
10E non vi fate chiamar guide, perché una sola è la vostra guida, il Cristo:
11Asi mukurusa pamuri uchava muranda wenyu.
11ma il maggiore fra voi sia vostro servitore.
12Ani nani unozvikwiridzira uchaderedzwa; ani nani unozvideredza, uchakwiridzirwa.
12Chiunque s’innalzerà sarà abbassato, e chiunque si abbasserà sarà innalzato.
13Asi mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nekuti munopfigira vanhu ushe hwekumatenga; nekuti imwi hamupindi, zvekare hamutenderi avo vanopinda kupinda.
13Ma guai a voi, scribi e Farisei ipocriti, perché serrate il regno de’ cieli dinanzi alla gente; poiché, né vi entrate voi, né lasciate entrare quelli che cercano di entrare.
14Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri, nekuti munodya dzimba dzechirikadzi, uye muchiita mano-mano eminyengetero mirefu; naizvozvo muchagamuchira kutongwa nekupfuurisa.
14Guai a voi, scribi e Farisei ipocriti, perché divorate le case delle vedove, e fate per apparenza lunghe orazioni; perciò riceverete maggior condanna.
15Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri, nekuti munopoteredza gungwa nenyika kuzoita umwe atendeuke kuva muJudha; kana awanikwa, munomuita mwanakomana wegehena kukunda imwi kaviri.
15Guai a voi, scribi e Farisei ipocriti, perché scorrete mare e terra per fare un proselito; e fatto che sia, lo rendete figliuol della geenna il doppio di voi.
16Mune nhamo, vatungamiriri vakapofumara, munoti: Ani nani unopika netembere, hachizi chinhu, asi ani nani unopika nendarama yetembere, une mhosva.
16Guai a voi, guide cieche, che dite: Se uno giura per il tempio, non è nulla; ma se giura per l’oro del tempio, resta obbligato.
17Mapenzi nemapofu! Nekuti chikuru ndechipi, ndarama kana tembere inoita ndarama ive tsvene?
17Stolti e ciechi, poiché qual è maggiore: l’oro, o il tempio che santifica l’oro?
18Uye: Ani nani unopika nearitari, hachizi chinhu; asi ani nani unopika nechipo chiri pamusoro payo, une mhosva.
18E se uno, voi dite, giura per l’altare, non è nulla; ma se giura per l’offerta che c’è sopra, resta obbligato.
19Mapenzi nemapofu! Nekuti chikuru ndechipi, chipo kana aritari inoita chipo chive chitsvene?
19Ciechi, poiché qual è maggiore: l’offerta, o l’altare che santifica l’offerta?
20Naizvozvo unopika nearitari, unopika nayo nezvose zviri pamusoro payo.
20Chi dunque giura per l’altare, giura per esso e per tutto quel che c’è sopra;
21Neunopika netembere, unopika nayo, neunogara mairi;
21e chi giura per il tempio, giura per esso e per Colui che l’abita;
22neunopika nedenga, unopika nechigaro cheushe chaMwari, neunogara pamusoro pacho.
22e chi giura per il cielo, giura per il trono di Dio e per Colui che vi siede sopra.
23Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri, nekuti munopa chegumi cheminte*, neadhiri*, nekumini*, muchirega zvakakosha zvemurairo zvinoti: Kururamisira mhaka, netsitsi, nekutendeka; izvi zvamaifanira kuita nekusarega zvimwe.
23Guai a voi, scribi e Farisei ipocriti, perché pagate la decima della menta e dell’aneto e del comino, e trascurate le cose più gravi della legge: il giudicio, e la misericordia, e la fede. Queste son le cose che bisognava fare, senza tralasciar le altre.
24Vatungamiriri mapofu, munomimina rutunga, muchimedza kamera.
24Guide cieche, che colate il moscerino e inghiottite il cammello.
25Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nekuti munonatsa kunze kwemukombe nekwendiro, asi mukati muzere neupambi nekusazvidzora.
25Guai a voi, scribi e Farisei ipocriti, perché nettate il di fuori del calice e del piatto, mentre dentro son pieni di rapina e d’intemperanza.
26MuFarisi wakapofumara, tanga kunatsa mukati memukombe nendiro, kuti kunze kwazvo kugochenawo.
26Fariseo cieco, netta prima il di dentro del calice e del piatto, affinché anche il di fuori diventi netto.
27Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nekuti makafanana nemarinda akadzudzurwa akaita machena, anoonekwa akanaka zvirokwazvo kunze, asi mukati muzere nemafupa evakafa netsvina yose.
27Guai a voi, scribi e Farisei ipocriti, perché siete simili a sepolcri imbiancati, che appaion belli di fuori, ma dentro son pieni d’ossa di morti e d’ogni immondizia.
28Saizvozvo nemwi munoonekwa kunze makarurama kuvanhu, asi mukati muzere neunyepedzeri neuipi.
28Così anche voi, di fuori apparite giusti alla gente; ma dentro siete pieni d’ipocrisia e d’iniquità.
29Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nekuti munovaka marinda evaporofita, nekushongedza makuva evakarurama,
29Guai a voi, scribi e Farisei ipocriti, perché edificate i sepolcri ai profeti, e adornate le tombe de’ giusti e dite:
30muchiti: Dai taiva pamazuva emadzibaba edu, tingadai tisina kugoverana navo paropa revaporofita.
30Se fossimo stati ai dì de’ nostri padri, non saremmo stati loro complici nello spargere il sangue dei profeti!
31Saka munopupura nezvenyu kuti muri vanakomana veavo vakauraya vaporofita.
31Talché voi testimoniate contro voi stessi, che siete figliuoli di coloro che uccisero i profeti.
32Nemwi chizadzisai chiyero chemadzibaba enyu!
32E voi, colmate pure la misura dei vostri padri!
33Imwi nyoka, chizvarwa chezviva, muchatiza sei kutonga kwegehena?
33Serpenti, razza di vipere, come scamperete al giudizio della geenna?
34Naizvozvo, tarirai, ini ndinotumira kwamuri vaporofita, nevakachenjera, nevanyori; vamwe vavo vamuchauraya nekuvaroverera pamuchinjikwa; vamwe vavo vamucharova netyava mumasinagoge enyu, nekushusha muguta nemuguta.
34Perciò, ecco, io vi mando de’ profeti e de’ savi e degli scribi; di questi, alcuni ne ucciderete e metterete in croce; altri ne flagellerete nelle vostre sinagoghe e li perseguiterete di città in città,
35Kuti kuuye pamusoro penyu ropa rose revakarurama, rakateurirwa panyika, kubva paropa raAberi wakarurama, kusvikira paropa raZakaria, mwanakonana waBharakia, wamakaponda pakati petembere nearitari.
35affinché venga su voi tutto il sangue giusto sparso sulla terra, dal sangue del giusto Abele, fino al sangue di Zaccaria, figliuol di Barachia, che voi uccideste fra il tempio e l’altare.
36Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Izvi zvose zvichauya pamusoro pezera iri.
36Io vi dico in verità che tutte queste cose verranno su questa generazione.
37Jerusarema! Jerusarema! Iwe unouraya vaporofita, nekutaka nemabwe avo vanotumwa kwauri! Ndakange ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, semhambo inounganidza hukwana dzayo munyasi memapapiro, asi hamuna kuda.
37Gerusalemme, Gerusalemme, che uccidi i profeti e lapidi quelli che ti sono mandati, quante volte ho voluto raccogliere i tuoi figliuoli, come la gallina raccoglie i suoi pulcini sotto le ali; e voi non avete voluto!
38Tarirai, imba yenyu yasiiwa kwamuri riri dongo.
38Ecco, la vostra casa sta per esservi lasciata deserta.
39Nekuti ndinoti kwamuri: Hamuchazondioni kubva zvino, kusvikira muchiti: Wakaropafadzwa unouya nezita raIshe.
39Poiché vi dico che d’ora innanzi non mi vedrete più, finché diciate: Benedetto colui che viene nel nome del Signore!