1Munomirireiko kure, Jehovha? Munozvivanzireiko panguva dzokutambudzika?
1O Eterno, perché te ne stai lontano? Perché ti nascondi in tempi di distretta?
2Pakuzvikudza kwake akaipa anotambudza murombo zvikuru; Ngavabatwe namano avakafunga.
2L’empio nella sua superbia perseguita con furore i miseri; essi rimangon presi nelle macchinazioni che gli empi hanno ordite;
3nekuti wakaipa anozvirumbidza pamusoro pezvinoda moyo wake, Anoruchiva unotuka nokuzvidza Jehovha.
3poiché l’empio si gloria delle brame dell’anima sua, benedice il rapace e disprezza l’Eterno.
4Nokuzvikudza kwechiso chake, wakaipa anoti haangabvunzi. Mwari haamo mundangariro dzake dzose.
4L’empio, nell’alterezza della sua faccia, dice: l’Eterno non farà inchieste. Tutti i suoi pensieri sono: Non c’è Dio!
5Nzira dzake dzakasimba nguva dzose; Zvamunotonga imwi zviri kure kumusoro, haazvioni; Kana vari vadzivisi vake vose, anovashora.
5Le sue vie son prospere in ogni tempo; cosa troppo alta per lui sono i tuoi giudizi; egli soffia contro tutti i suoi nemici.
6Anoti mumoyo make, Handingazununguswi; Handingavi panhamo kusvikira kumarudzi angu ose.
6Egli dice nel suo cuore: Non sarò mai smosso; d’età in età non m’accadrà male alcuno.
7Muromo wake uzere nokutuka nokunyengera nokumanikidza; Zvakashata nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake.
7La sua bocca è piena di esecrazione, di frodi, e di oppressione; sotto la sua lingua v’è malizia ed iniquità.
8Anogara panzvimbo dzokuvanda dzemisha; Pakavanda ndipo paanouraya asina mhosva; Meso ake anovandira asina wokumubatsira.
8Egli sta negli agguati de’ villaggi; uccide l’innocente in luoghi nascosti; i suoi occhi spiano il meschino.
9Anovandira pakavanda seshumba panzvimbo yayo; Anovanda kuti abate murombo; Anobata murombo, kana achimukakatira mumumbure wake.
9Sta in agguato nel suo nascondiglio come un leone nella sua spelonca; sta in agguato per sorprendere il misero; egli sorprende il misero traendolo nella sua rete.
10Anonyangira, anokambaira pasi, varombo vanowiswa nevanesimba vake.
10Se ne sta quatto e chino, ed i meschini cadono tra le sue unghie.
11Anoti mumoyo make, Mwari akangamwa; Anovanza chiso chake, haangatongozvioni.
11Egli dice nel cuor suo: Iddio dimentica, nasconde la sua faccia, mai lo vedrà.
12Simukai Jehovha; Mwari simudzai ruoko rwenyu; Regai kukangamwa varombo.
12Lèvati, o Eterno! o Dio, alza la mano! Non dimenticare i miseri.
13Akaipa anozvidzireiko Mwari, Achiti mumoyo wake, Hangabvunzi?
13Perché l’empio disprezza Iddio? perché dice in cuor suo: Non ne farai ricerca?
14Mazviona henyu; nekuti munoona zvakaipa nokutambudzika muchizviisa muruoko rwenyu; asinamubatsiri anozviisa kwamuri; Makava mubatsiri wenherera.
14Tu l’hai pur veduto; poiché tu riguardi ai travagli ed alle pene per prender la cosa in mano. A te si abbandona il meschino; tu sei l’aiutator dell’orfano.
15Vhunai ruoko rwowakaipa. Kana ari munhu akashata, nzverai zvakaipa zvake, kusvikira musingazozviwani.
15Fiacca il braccio dell’empio, cerca l’empietà del malvagio finché tu non ne trovi più.
16Jehovha ndiye Mambo . nokusingaperi-peri; Vahedheni vakaparadzwa munyika yake.
16L’Eterno è re in sempiterno; le nazioni sono state sterminate dalla sua terra.
17Jehovha, makanzwa zvinodikamwa navanyoro; Muchasimbisa moyo yavo, mucharerekera nzeve yenyu;
17O Eterno, tu esaudisci il desiderio degli umili; tu raffermerai il cuor loro, inclinerai le orecchie tue
18Kuti mutongere nherera neanotambudzwa, Kuti munhu wapanyika arege kuramba achivhundusa.
18per far ragione all’orfano e all’oppresso, onde l’uomo, che è della terra, cessi dall’incutere spavento.