1Hamuzivi here hama (nokuti ndinotaura kuna avo vanoziva murairo), kuti murairo unotonga munhu kana achingorarama chete?
1O ignorate voi, fratelli (poiché io parlo a persone che hanno conoscenza della legge), che la legge signoreggia l’uomo per tutto il tempo ch’egli vive?
2Nekuti mukadzi une murume wakasungwa nemurairo kumurume, kana achingova mupenyu chete; asi kana murume afa, wasunungurwa pamurairo womurume.
2Infatti la donna maritata è per la legge legata al marito mentre egli vive; ma se il marito muore, ella è sciolta dalla legge che la lega al marito.
3Naizvozvo zvino kana murume ari mupenyu, uchanzi chifeve kana akava womumwe murume, asi kana murume wake afa, wasununguka pamurairo uyu, kuti asava chifeve kana akava womumwe murume.
3Ond’è che se mentre vive il marito ella passa ad un altro uomo, sarà chiamata adultera; ma se il marito muore, ella è libera di fronte a quella legge; in guisa che non è adultera se divien moglie d’un altro uomo.
4Naizvozvo hama dzangu nemwiwo makaitwa vakafa kumurairo nemuviri waKristu; kuti muve veumwe, kuna iye wakamutswa kuvakafa, kuti tiberekere Mwari chibereko.
4Così, fratelli miei, anche voi siete divenuti morti alla legge mediante il corpo di Cristo, per appartenere ad un altro, cioè a colui che è risuscitato dai morti, e questo affinché portiamo del frutto a Dio.
5Nekuti pataiva munyama, kuchiva kwezvivi zvaiva nokuda kwemurairo kwakabata mumitezo yedu kuberekera rufu chibereko.
5Poiché, mentre eravamo nella carne, le passioni peccaminose, destate dalla legge, agivano nelle nostre membra per portar del frutto per la morte;
6Asi zvino takasunungurwa pamurairo, kuti takafa kune izvozvo zvakange zvakatibata kuti tishumire neutsva hwemweya, kwete neutsaru hwemagwaro.
6ma ora siamo stati sciolti dai legami della legge, essendo morti a quella che ci teneva soggetti, talché serviamo in novità di spirito, e non in vecchiezza di lettera.
7Zvino tichatiyi? Murairo chivi here? Ngazvisadaro! Asi handizaiziva chivi kunze kwekubudikidza nemurairo; nekuti handizaiziva ruchiva, kana murairo usina kuti: Usachiva.
7Che diremo dunque? La legge è essa peccato? Così non sia; anzi io non avrei conosciuto il peccato, se non per mezzo della legge; poiché io non avrei conosciuto la concupiscenza, se la legge non avesse detto: Non concupire.
8Asi chivi chakawana mukana nemurairo, chikaita mandiri mitoo yese yeruchiva; nekuti pasina murairo chivi chakafa.
8Ma il peccato, còlta l’occasione, per mezzo del comandamento, produsse in me ogni concupiscenza; perché senza la legge il peccato è morto.
9Ini ndaiva mupenyu kunze kwemurairo, asi murairo pawakasvika, chivi chakamuka, ini ndikafa;
9E ci fu un tempo, nel quale, senza legge, vivevo; ma, venuto il comandamento, il peccato prese vita, e io morii;
10uye murairo waiva weupenyu, wakawanikwa neni wava werufu;
10e il comandamento ch’era inteso a darmi vita, risultò che mi dava morte.
11nekuti chivi, chakawana mukana nemurairo, chikandinyengera chikandiponda nawo.
11Perché il peccato, còlta l’occasione, per mezzo del comandamento, mi trasse in inganno; e, per mezzo d’esso, m’uccise.
12Naizvozvo mutemo mutsvene, nemurairo mutsvene wakarurama, uye wakanaka.
12Talché la legge è santa, e il comandamento è santo e giusto e buono.
13Naizvozvo zvakanaka zvakava rufu mandiri here? Ngazvisadaro! Asi chivi, kuti chiratidzwe kuti chivi chinobata rufu mandiri nezvakanaka; kuti chivi nemurairo chive chakaipa kwazvo-kwazvo.
13Ciò che è buono diventò dunque morte per me? Così non sia; ma è il peccato che m’è divenuto morte, onde si palesasse come peccato, cagionandomi la morte mediante ciò che è buono; affinché, per mezzo del comandamento, il peccato diventasse estremamente peccante.
14Nekuti tinoziva kuti murairo ndewemweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pechivi.
14Noi sappiamo infatti che la legge è spirituale; ma io son carnale, venduto schiavo al peccato.
15Nekuti izvo zvandinoita handizvitenderi; nekuti zvandinoda handiiti izvo; asi zvandinovenga ndizvo zvandinoita.
15Perché io non approvo quello che faccio; poiché non faccio quel che voglio, ma faccio quello che odio.
16Zvino kana ndichiita izvo zvandisingadi, ndinobvumirana nemurairo kuti wakanaka.
16Ora, se faccio quello che non voglio, io ammetto che la legge è buona;
17Zvino handisisiri ini ndinozviita, asi chivi chinogara mandiri.
17e allora non son più io che lo faccio, ma è il peccato che abita in me.
18Nekuti ndinoziva kuti mandiri, ndiko kuti munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka; nekuti kuda kurimo mandiri, asi kuita izvo zvakanaka handikuwani.
18Difatti, io so che in me, vale a dire nella mia carne, non abita alcun bene; poiché ben trovasi in me il volere, ma il modo di compiere il bene, no.
19Nekuti zvakanaka zvandinoda handiiti; asi zvakaipa zvandisingadi, izvo ndinoita.
19Perché il bene che voglio, non lo fo; ma il male che non voglio, quello fo.
20Zvino kana ndichiita izvo zvandisingadi, handisisiri ini ndinozviita, asi chivi chinogara mandiri.
20Ora, se ciò che non voglio è quello che fo, non son più io che lo compio, ma è il peccato che abita in me.
21Naizvozvo ndinowana murairo kuti kana ndichida kuita chakanaka, chakaipa chiripo pandiri.
21Io mi trovo dunque sotto questa legge: che volendo io fare il bene, il male si trova in me.
22Nekuti ndinofara mumurairo waMwari nemunhu wemukati;
22Poiché io mi diletto nella legge di Dio, secondo l’uomo interno;
23asi ndinoona umwe murairo mumitezo yangu, uchirwa nemurairo wemurangariro wangu, uye uchanditapira kumurairo wechivi uri mumitezo yangu.
23ma veggo un’altra legge nelle mie membra, che combatte contro la legge della mia mente, e mi rende prigione della legge del peccato che è nelle mie membra.
24Ndiri munhu unoshungurudzika! Ndiani uchandisunungura pamuviri werufu urwu?
24Misero me uomo! chi mi trarrà da questo corpo di morte?
25Ndinotenda Mwari kubudikidza naJesu Kristu Ishe wedu. Naizvozvo nemurangariro ini ndomene ndinoshumira murairo waMwari, asi nenyama murairo wechivi.
25Grazie siano rese a Dio per mezzo di Gesù Cristo, nostro Signore. Così dunque, io stesso con la mente servo alla legge di Dio, ma con la carne alla legge del peccato.