1Zvino mutumwa akanga achitaurirana neni akasvikazve, akandimutsa, somunhu anomutswa pahope dzake.
1E l’angelo che parlava meco tornò, e mi svegliò come si sveglia un uomo dal sonno.
2Akati kwandiri, Unooneiko? Ini ndikati, Ndakatarira, ndikaona chigadziko chomwenje chendarama yose, chine hadyana yacho pamusoro pacho, nemwenje yacho minomwe iri pamusoro pacho; mwenje mumwe nomumwe uri pamusoro pacho une mbombi nomwe;
2E mi disse: "Che vedi?" Io risposi: "Ecco, vedo un candelabro tutto d’oro, che ha in cima un vaso, ed è munito delle sue sette lampade, e di sette tubi per le lampade che stanno in cima;
3uye miti miviri yemiorivhi parutivi rwacho, mumwe kurutivi rworudyi rwehadyana, nomumwe kurutivi rworuboshwe.
3e vicino al candelabro stanno due ulivi; l’uno a destra del vaso, e l’altro alla sua sinistra".
4Ndikapindura ndikataura nomutumwa akanga achitaurirana neni, ndichiti, Izvi zvinyiko, ishe wangu?
4E io presi a dire all’angelo che parlava meco: "Che significan queste cose, signor mio?"
5Ipapo mutumwa akanga achitaurirana neni, akapindura, akati, kwandiri, Hauzivi here kuti izvi zvinyiko? Ini ndikati, Kwete, ishe wangu.
5L’angelo che parlava meco rispose e disse: "Non sai quel che significhino queste cose?" E io dissi: "No, mio signore".
6Ipapo akapindura, akataura neni, achiti, Ndiro shoko raJehovha kuna Zerubhabheri, rinoti, Kwete nehondo kana nesimba, asi noMweya wangu, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
6Allora egli rispondendo, mi disse: "E’ questa la parola che l’Eterno rivolge a Zorobabele: Non per potenza, né per forza, ma per lo spirito mio, dice l’Eterno degli eserciti.
7Ndiwe aniko, iwe gomo guru? Pamberi paZerubhabheri uchaitwa bani, iye achabudisa ibwe rokumusoro, achidanidzira achiti, Nyasha, nyasha ngadzive kwariri.
7Chi sei tu, o gran monte, davanti a Zorobabele? Tu diventerai pianura; ed egli porterà innanzi la pietra della vetta, in mezzo alle grida di: Grazia, grazia, su di lei!".
8Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
8E la parola dell’Eterno mi fu rivolta in questi termini:
9Maoko aZerubhabheri akateya nheyo dzeimba ino, maoko ake achaipedzisawo; ipapo iwe uchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akandituma kwauri.
9"Le mani di Zorobabele hanno gettato le fondamenta di questa casa, e le sue mani la finiranno; e tu saprai che l’Eterno degli eserciti mi ha mandato a voi.
10nekuti ndiani akashoora zuva rezvinhu zviduku? nekuti achafara zvikuru, achaona rwonzi rwokuyera muruoko rwaZerubhabheri; awa ndiwo meso aJehovha anofamba pose-pose panyika yose.
10Poiché chi potrebbe sprezzare il giorno delle piccole cose, quando quei sette là, gli occhi dell’Eterno che percorrono tutta la terra, vedono con gioia il piombino in mano a Zorobabele?"
11Ipapo ndakapindura, ndikati kwaari, Ko miorivhi iyi miviri kurutivi rworudyi rwechigadziko nokurutivi rworuboshwe zvinoti kudiniko?
11E io riposi e gli dissi: "Che significano questi due ulivi a destra e a sinistra del candelabro?"
12Ndikapindurazve rwechipiri, ndikati kwaari, Ko matavi awa maviri emiorivhi ari kumativi emiromo miviri , inodira mafuta endarama pairi, anoti kudiniko?
12E per la seconda volta io presi a dire: "Che significano questi due ramoscelli d’ulivo che stanno allato ai due condotti d’oro per cui scorre l’olio dorato?"
13Akandipindura, akati, Hauzivi here kuti izvi zvinyiko? Ini ndikati, Kwete, ishe wangu.
13Ed egli rispose e mi disse: "Non sai che significhino queste cose?" Io risposi: "No, signor mio".
14Zvino akati, Ava ndivo vaviri vakazodzwa, vamire pamberi paShe wenyika yose.
14Allora egli disse: "Questi sono i due unti che stanno presso il Signore di tutta la terra".