1Zvino Dhavhidhi akati agere mumba make, Dhavhidhi akati kumuporofita Natani, Tarira, ini ndigere muimba yomusidhari, asi areka yesungano yaJehovha igere pasi petende.
1さてダビデは自分の家に住むようになったとき、預言者ナタンに言った、「見よ、わたしは香柏の家に住んでいるが、主の契約の箱は天幕のうちにある」。
2Natani akati kuna Dhavhidhi, Itai henyu zvose zviri mumoyo menyu, nekuti Mwari anemi.
2ナタンはダビデに言った、「神があなたとともにおられるから、すべてあなたの心にあるところを行いなさい」。
3Zvino nousiku uhwo shoko raMwari rakasvika kuna Natani, richiti,
3その夜、神の言葉がナタンに臨んで言った、
4Enda unoudza Dhavhidhi muranda wangu, uti, Iwe haungandivakiri imba mandingagara,
4「行ってわたしのしもべダビデに告げよ、『主はこう言われる、わたしの住む家を建ててはならない。
5nekuti handina kugara mumba kubva pazuva randakandotora vaIsiraeri, kusvikira zuva ranhasi; asi ndakabva patende rimwe ndichienda kune rimwe, napatabhenakeri imwe ndichienda kune imwe.
5わたしはイスラエルを導き上った日から今日まで、家に住まわず、天幕から天幕に、幕屋から幕屋に移ったのである。
6Pose pandakafamba navaIsiraeri vose, ndakatongotaura here shoko rimwe kune mumwe wavatongi vaIsiraeri vose, vandakaraira kufudza vanhu vangu, ndichiti Makaregereiko kundivakira imba yomusidhari?
6わたしがすべてのイスラエルと共に歩んだすべての所で、わたしの民を牧することを命じたイスラエルのさばきづかさのひとりに、ひと言でも、「どうしてあなたがたは、わたしのために香柏の家を建てないのか」と言ったことがあるだろうか』と。
7Naizvozvo zvino, unofanira kuti kumuranda wangu Dhavhidhi, Zvanzi naJehovha wehondo, Ndakakutora kumafuro, kwawakanga uchifudza makwai, kuti uve mubati wavanhu vangu vaIsiraeri;
7それゆえ今あなたは、わたしのしもべダビデにこう言いなさい、『万軍の主はこう仰せられる、「わたしはあなたを牧場から、羊に従っている所から取って、わたしの民イスラエルの君とし、
8ndikava newe pose pawakafamba, ndikaparadza vavengi vako vose pamberi pako; ndichakuitira zita ringafanana namazita avakuru vari panyika.
8あなたがどこへ行くにもあなたと共におり、あなたのすべての敵をあなたの前から断ち去った。わたしはまた地の上の大いなる者の名のような名をあなたに得させよう。
9Ndichagadzirira vanhu vangu valsiraeri nzvimbo, ndichavasima, vagare panzvimbo yavo, varege kubviswazve; navakaipa havangavaparadzizve sapakutanga,
9そしてわたしはわが民イスラエルのために一つの所を定めて、彼らを植えつけ、彼らを自分の所に住ませ、重ねて動くことのないようにしよう。
10nokubva pazuva randakaraira vatongi kuti vabate vanhu vangu valsiraeri; uye ndichakunda vavengi vako vose. Uye ndinokuudza kuti Jehovha achakumisira imba.
10また前のように、すなわちわたしがわが民イスラエルの上にさばきづかさを立てた時からこのかたのように、悪い人が重ねてこれを荒すことはないであろう。わたしはまたあなたのもろもろの敵を征服する。かつわたしは主があなたのために家を建てられることを告げる。
11Zvino kana nguva yako yasvika, yaunofanira kuenda nayo kunamadzibaba ako, ndichamutsa mumwe worudzi rwako ruchakutevera, uchava mumwe wavanakomana vako; ndichasimbisa ushe hwake.
11あなたの日が満ち、あなたの先祖たちの所へ行かねばならぬとき、わたしはあなたの子、すなわちあなたの子らのひとりを、あなたのあとに立てて、その王国を堅くする。
12Iye achandivakira imba, neni ndichasimbisa chigaro chake choushe nokusingaperi.
12彼はわたしのために家を建てるであろう。わたしは長く彼の位を堅くする。
13Ini ndichava baba vake, naiye achava mwanakomana wangu; handingabvisi nyasha dzangu kwaari, sezvandakadzibvisa kuna iye wakakutangira;
13わたしは彼の父となり、彼はわたしの子となる。わたしは、わたしのいつくしみを、あなたのさきにあった者から取り去ったように、彼からは取り去らない。
14asi ndichamugarisa mumba mangu nomuushe hwangu nokusingaperi; chigaro chake choushe chichasimbiswa nokusingaperi.
14かえって、わたしは彼を長くわたしの家に、わたしの王国にすえおく。彼の位はとこしえに堅く立つであろう』」。
15Natani akaudza Dhavhidhi mashoko awa ose, nezvose zvaakaratidzwa.
15ナタンはすべてこれらの言葉のように、またすべてこの幻のようにダビデに語った。
16Ipapo mambo Dhavhidhi akapinda, akagara pamberi paJehovha, akati, Jehovha Mwari, ndini aniko, neimba yangu chinyiko, zvamakandisvitsa kusvikira pano?
16そこで、ダビデ王は、はいって主の前に座して言った、「主なる神よ、わたしがだれ、わたしの家がなんであるので、あなたはこれまでわたしを導かれたのですか。
17Asi chinhu ichi chakanga chiri chiduku pamberi penyu, Mwari, asi makataura pamusoro peimba yomuranda wenyu kusvikira panguva huru inozouya, mukandiitira sezvinoitirwa munhu anokudzwa kwazvo, Jehovha Mwari.
17神よ、これはあなたの目には小さな事です。主なる神よ、あなたはしもべの家について、はるか後の事を語って、きたるべき代々のことを示されました。
18Dhavhidhi angareveikozve kwamuri pamusoro pokukudzwa komuranda wenyu? nekuti munoziva muranda wenyu.
18しもべの名誉については、ダビデはこの上あなたに何を申しあげることができましょう。あなたはしもべを知っておられるからです。
19Jehovha makaita izvi zvikuru zvose nokuda komuranda wenyu, uye nokuda komoyo wenyu, kuti muzivise zvinhu izvi zvose zvikuru.
19主よ、あなたはしもべのために、またあなたの心にしたがって、このもろもろの大いなる事をなし、すべての大いなる事を知らされました。
20Jehovha, hakuna mumwe akafanana nemi, hakuna mumwe Mwari asi imwi moga, sezvatakanzwa zvose nenzeve dzedu.
20主よ、われわれがすべて耳に聞いた所によれば、あなたのようなものはなく、またあなたのほかに神はありません。
21Rumwe rudzi ruripiko panyika rwakafanana navanhu venyu vaIsiraeri, vakandodzikunurwa naMwari, vave vanhu vake, kuti muzviitire zita, nezviito zvikuru nezvinotyisa, zvamakadzinga ndudzi pamberi pavanhu venyu, vamakadzikunura paEgipita?
21また地上のどの国民が、あなたの民イスラエルのようでありましょうか。これは神が行って、自分のためにあがなって民とし、エジプトからあなたがあがない出されたあなたの民の前から国々の民を追い払い、大いなる恐るべき事を行って、名を得られたものではありませんか。
22Nekuti vanhu venyu vaIsiraeri makavaita vanhu venyu pauzima nokusingaperi; imwi Jehovha mukava Mwari wavo.
22あなたはあなたの民イスラエルを長くあなたの民とされました。主よ、あなたは彼らの神となられたのです。
23Zvino Jehovha shoko ramakataura pamusoro pomuranda wenyu napamusoro peimba yake ngarisimbiswe nokusingaperi, muite sezvamakataura.
23それゆえ主よ、あなたがしもべと、しもべの家について語られた言葉を長く堅くして、あなたの言われたとおりにしてください。
24Uye zita renyu ngarisimbiswe nokukudzwa nokusingaperi, zvichinzi, Jehovha wehondo ndiye Mwari waIsiraeri; ndiye Mwari kuna Isiraeri; imba yaDhavhidhi muranda wenyu ichamiswa pamberi penyu.
24そうすればあなたの名はとこしえに堅くされ、あがめられて、『イスラエルの神、万軍の主はイスラエルの神である』と言われ、またあなたのしもべダビデの家はあなたの前に堅く立つことができるでしょう。
25Nekuti imi, Mwari wangu, makazivisa muranda wenyu kuti muchamumisira imba; saka muranda wenyu akatsunga kunyengetera pamberi penyu.
25わが神よ、あなたは彼のために家を建てると、しもべに示されました。それゆえ、しもべはあなたの前に祈る勇気を得ました。
26Zvino Jehovha, ndimi Mwari, makapikira muranda wenyu chinhu ichi;
26主よ、あなたは神にいまし、この良き事をしもべに約束されました。それゆえどうぞいま、しもべの家を祝福し、あなたの前に長く続かせてくださるように。主よ、あなたの祝福されるものは長く祝福を受けるからです」。
27zvino makafara nazvo kuropafadza imba yomuranda wenyu, kuti irambe iripo pamberi penyu nokusingaperi; nekuti imwi Jehovha makairopafadza zvino icharopafadzwa nokusingaperi.
27それゆえどうぞいま、しもべの家を祝福し、あなたの前に長く続かせてくださるように。主よ、あなたの祝福されるものは長く祝福を受けるからです」。