1Zvino Satani akamukira vaIsiraeri, akakurudzira Dhavhidhi kuti averenge vaIsiraeri.
1時にサタンが起ってイスラエルに敵し、ダビデを動かしてイスラエルを数えさせようとした。
2Dhavhidhi akati kuna Joabhu nokumachinda avanhu, Endai mundoverenga vaIsiraeri kubva paBheerishebha kusvikira paDhani; mudzoke neshoko, ndizive kuwanda kwavo.
2ダビデはヨアブと軍の将校たちに言った、「あなたがたは行って、ベエルシバからダンまでのイスラエルを数え、その数を調べてわたしに知らせなさい」。
3Joabhu akati, Jehovha ngaawedzere vanhu vake runezana pakuwanda kwavo zvino; asi ishe wangu mambo, vose havazi varanda vashe wangu here? Ishe wangu anotsvakireiko chinhu ichi? Achapinzireiko vaIsiraeri pamhosva?
3ヨアブは言った、「それがどのくらいあっても、どうか主がその民を百倍に増されるように。しかし王わが主よ、彼らは皆あなたのしもべではありませんか。どうしてわが主はこの事を求められるのですか。どうしてイスラエルに罪を得させられるのですか」。
4Kunyange zvakadaro shoko ramambo rakakurira Joabhu. Zvino Joabhu akaenda, akapota pakati pavaIsiraeri vose, akasvika Jerusaremu.
4しかし王の言葉がヨアブに勝ったので、ヨアブは出て行って、イスラエルをあまねく行き巡り、エルサレムに帰って来た。
5Joabhu akarondedzera kuwanda kwavanhu kuna Dhavhidhi. Valsiraeri vose vakasvika zviuru zvinezviuru nezviuru zvinezana zvavanhu vaigona kurwa nomunondo; uye vaJudha vakasvika zviuru zvamazana mana namakumi manomwe vaigona kurwa nomunondo.
5そしてヨアブは民の総数をダビデに告げた。すなわちイスラエルにはつるぎを抜く者が百十万人、ユダにはつるぎを抜く者が四十七万人あった。
6Asi haana kuverenga vaRevhi navaBhenjamini pakati pavo; nekuti shoko ramambo rakanga rakaipa kwazvo kuna Joabhu.
6しかしヨアブは王の命令を快しとしなかったので、レビとベニヤミンとはその中に数えなかった。
7Zvino Mwari akanga asingafari nechinhu ichi; saka akarova Isiraeri.
7この事が神の目に悪かったので、神はイスラエルを撃たれた。
8Dhavhidhi akati kuna Mwari, Ndatadza kwazvo zvandaita chinhu ichi; asi zvino bvisai henyu kuipa komuranda wenyu; nekuti ndaita sebenzi kwazvo.
8そこでダビデは神に言った、「わたしはこの事を行って大いに罪を犯しました。しかし今どうか、しもべの罪を除いてください。わたしは非常に愚かなことをいたしました」。
9Jehovha akataura naGadhi, muoni waDhavhidhi, akati,
9主はダビデの先見者ガデに告げて言われた、
10Enda unotaura naDhavhidhi, uti, zvanzi naJehovha, Ndinokuisira zvinhu zvitatu, chizvitsaurira chimwe chazvo, ndikuitire icho.
10「行ってダビデに言いなさい、『主はこう仰せられる、わたしは三つの事を示す。あなたはその一つを選びなさい。わたしはそれをあなたに行おう』と」。
11Zvino Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi, akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Chitsaura chaunoda;
11ガデはダビデのもとに来て言った、「主はこう仰せられます、『あなたは選びなさい。
12makore matatu enzara, kana kuparadzwa navavengi vako mwedzi mitatu, uchidzingwa nomunondo wavavengi vako, kana munondo waJehovha mazuva matatu, ndiro denda panyika, mutumwa waJehovha achiparadza panyika yose yaIsiraeri. Zvino chifunga hako, urangarire mhinduro yandingadzosera kuna iye akandituma.
12すなわち三年のききんか、あるいは三月の間、あなたのあだの前に敗れて、敵のつるぎに追いつかれるか、あるいは三日の間、主のつるぎすなわち疫病がこの国にあって、主の使がイスラエルの全領域にわたって滅ぼすことをするか』。いま、わたしがどういう答をわたしをつかわしたものになすべきか決めなさい」。
13Ipapo Dhavhidhi akati kuna Gadhi, Ndiri pakumanikidzwa kukuru; ndiwire hangu zvino muruoko rwaJehovha, nekuti nyasha dzake ihuru, asi ndirege hangu kuwira muruoko rwomunhu.
13ダビデはガデに言った、「わたしは非常に悩んでいるが、主のあわれみは大きいゆえ、わたしを主の手に陥らせてください。しかしわたしを人の手に陥らせないでください」。
14Ipapo Jehovha akatuma denda pakati paIsiraeri; varume vane zviuru zvina makumi manomwe vakafa pakati paIsiraeri.
14そこで主はイスラエルに疫病を下されたので、イスラエルびとのうち七万人が倒れた。
15Mwari akatuma mutumwa Jerusaremu kuzoriparadza; zvino wakati oda kuparadza, Jehovha akatarira, akazvidemba pamusoro pechinhu icho chakaipa, akati kumutumwa akanga achiparadza, Zvino, chidzosa ruoko rwako. Zvino mutumwa waJehovha akanga amire paburiro raOrinani muJebhusi.
15神はまたみ使をエルサレムにつかわして、これを滅ぼそうとされたが、み使がまさに滅ぼそうとしたとき、主は見られて、この災を悔い、その滅ぼすみ使に言われた、「もうじゅうぶんだ。今あなたの手をとどめよ」。そのとき主の使はエブスびとオルナンの打ち場のかたわらに立っていた。
16Dhavhidhi akatarira, akaona mutumwa waJehovha amire pakati penyika nokudenga, akabata munondo wakavhomorwa muruoko rwake, wakatambanudzwa pamusoro peJerusaremu. Ipapo Dhavhidhi navakuru vakawira pasi nezviso zvavo, vakafuka saga.
16ダビデが目をあげて見ると、主の使が地と天の間に立って、手に抜いたつるぎをもち、エルサレムの上にさし伸べていたので、ダビデと長老たちは荒布を着て、ひれ伏した。
17Zvino Dhavhidhi akati kuna Mwari, Ko handizi ini here ndakaraira kuti vanhu vaverengwe? Ndini ndakatadza hangu ndikaita zvakaipa zvikuru; asi makwai awa akaiteiko? Jehovha Mwari wangu, ruoko rwenyu ngarundirove harwo ini neimba yababa vangu; asi ngarurege kurova vanhu venyu, nokuvatambudza.
17そしてダビデは神に言った、「民を数えよと命じたのはわたしではありませんか。罪を犯し、悪い事をしたのはわたしです。しかしこれらの羊は何をしましたか。わが神、主よ、どうぞあなたの手をわたしと、わたしの父の家にむけてください。しかし災をあなたの民に下さないでください」。
18Ipapo mutumwa waJehovha akaraira Gadhi kuti audze Dhavhidhi kuti Dhavhidhi akwire avakire Jehovha aritari paburiro raOrinani muJebhusi.
18時に主の使はガデに命じ、ダビデが上って行って、エブスびとオルナンの打ち場で主のために一つの祭壇を築くように告げさせた。
19Dhavhidhi akakwira nokureva kwaGadhi kwaakataura nezita raJehovha.
19そこでダビデはガデが主の名をもって告げた言葉に従って上って行った。
20Orinani akacheuka, akaona mutumwa; vanakomana vake vana, vaiva naye, vakavanda. Zvino Orinani wakange achipura gorosi.
20そのときオルナンは麦を打っていたが、ふりかえってみ使を見たので、ともにいた彼の四人の子は身をかくした。
21Dhavhidhi akati achisvika kuna Orinani, Orinani akatarira akaona Dhavhidhi, akabuda paburiro, akakotamira pasi nechiso chake pamberi paDhavhidhi.
21ダビデがオルナンに近づくと、オルナンは目を上げてダビデを見、打ち場から出て来て地にひれ伏してダビデを拝した。
22Ipapo Dhavhidhi akati kuna Orinani, Ndipe nzvimbo yeburiro iri, kuti ndivakirepo aritari kuna Jehovha; unofanira kundipa iro nditenge nomutengo wakafanira, kuti denda ripere pakati pavanhu.
22ダビデはオルナンに言った、「この打ち場の所をわたしに与えなさい。わたしは災が民に下るのをとどめるため、そこに主のために一つの祭壇を築きます。あなたは、そのじゅうぶんな価をとってこれをわたしに与えなさい」。
23Ipapo Orinani akati kuna Dhavhidhi, Ritorei henyu, ishe wangu, mambo aite sezvaanoda; tarirai, ndinokupai nzombe zvive zvipiriso zvinopiswa, nenhumbi dzokupura nadzo dzive huni, nezviyo chive chipiriso choupfu; ndinozvipa zvose.
23オルナンはダビデに言った、「どうぞこれをお取りなさい。そして王わが主の良しと見られるところを行いなさい。わたしは牛を燔祭のために、打穀機をたきぎのために、麦を素祭のためにささげます。わたしは皆これをささげます」。
24Mambo Dhavhidhi akati kuna Orinani, Kwete, asi zvirokwazvo ndicharitenga nomutengo wakafanira; nekuti handingatori chinhu chako ndikapa Jehovha, kana kuuya nechipiriso chinopiswa chisina mutengo.
24ダビデ王はオルナンに言った、「いいえ、わたしはじゅうぶんな代価を払ってこれを買います。わたしは主のためにあなたのものを取ることをしません。また、費えなしに燔祭をささげることをいたしません」。
25Naizvozvo Dhavhidhi akapa Orinani mashekeri ana mazana matanhatu endarama pakurema kwawo, uri mutengo wenzvimbo iyo.
25それでダビデはその所のために金六百シケルをはかって、オルナンに払った。
26Dhavhidhi akavakira Jehovha aritari ipapo, akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, akashumira Jehovha; iye akamupindura nomoto wakabva kudenga ukawira paaritari yechipiriso chinopiswa.
26こうしてダビデは主のために、その所に一つの祭壇を築き、燔祭と酬恩祭をささげて、主を呼んだ。主は燔祭の祭壇の上に天から火を下して答えられた。
27Jehovha akaraira mutumwa, iye akadzoserazve munondo wake mumuhara wawo.
27また主がみ使に命じられたので、彼はつるぎをさやにおさめた。
28Zvino nenguva iyo Dhavhidhi akati aona kuti Jehovha amupindura paburiro raOrinani muJebhusi, akabayirapo.
28その時ダビデは主がエブスびとオルナンの打ち場で自分に答えられたのを見たので、その所で犠牲をささげた。
29Nekuti panguva iyo tabhenekari yaJehovha, yakanga yavakwa naMozisi murenje, nearitari yokupisira zvipiriso, zvakanga zviri padunhu rakakwirira paGibhiyoni.
29モーセが荒野で造った主の幕屋と燔祭の祭壇とは、その時ギベオンの高き所にあったからである。しかしダビデはその前へ行って神に求めることができなかった。彼が主の使のつるぎを恐れたからである。
30Asi Dhavhidhi akanga asingagoni kuendako kuzobvunza Mwari pamberi payo; nekuti akanga achitya nemhaka yomunondo womutumwa waJehovha.
30しかしダビデはその前へ行って神に求めることができなかった。彼が主の使のつるぎを恐れたからである。