1Zvino mambo Soromoni wakange achida vakadzi vazhinji vatorwa pamwechete nomukunda waFarao, vakadzi vavaMoabhu, navaAmoni, navaEdhomu, navaZidhoni, navaHiti;
1ソロモン王は多くの外国の女を愛した。すなわちパロの娘、モアブびと、アンモンびと、エドムびと、シドンびと、ヘテびとの女を愛した。
2vaiva vendudzi dzakanga dzanzi naJehovha kuvana vaIsiraeri: Musaenda pakati pavo, naivo ngavarege kupinda pakati penyu; nekuti zvirokwazvo, vachatsausa moyo yenyu mukazotevera vamwari vavo; zvino Soromoni wakanamatira ivavo achivada.
2主はかつてこれらの国民について、イスラエルの人々に言われた、「あなたがたは彼らと交わってはならない。彼らもまたあなたがたと交わってはならない。彼らは必ずあなたがたの心を転じて彼らの神々に従わせるからである」。しかしソロモンは彼らを愛して離れなかった。
3wakange ana vakadzi vana mazana manomwe, vakunda vamadzimambo, navarongo vana mazana matatu; vakadzi vake vakatsausa moyo wake.
3彼には王妃としての妻七百人、そばめ三百人があった。その妻たちが彼の心を転じたのである。
4Nekuti Soromoni wakati akwegura, vakadzi vake vakatsausa moyo wake kuti atevere vamwe vamwari; moyo wake hauna kuzova wakarurama kwazvo kuna Jehovha Mwari wake, sezvakanga zvakaita moyo waDhavhidhi baba vake.
4ソロモンが年老いた時、その妻たちが彼の心を転じて他の神々に従わせたので、彼の心は父ダビデの心のようには、その神、主に真実でなかった。
5Nekuti Soromoni wakatevera Ashitoreti, mwarikadzi wavaZidhoni, naMirikomi mwari unonyangadza wavana vaAmoni.
5これはソロモンがシドンびとの女神アシタロテに従い、アンモンびとの神である憎むべき者ミルコムに従ったからである。
6Naizvozvo Soromoni wakaita zvakaipa pamberi paJehovha, haana kutevera Jehovha kwazvo, sezvakaita Dhavhidhi baba vake.
6このようにソロモンは主の目の前に悪を行い、父ダビデのように全くは主に従わなかった。
7Zvino Soromoni akavakira Kemoshi, mwari unonyangadza waMoabhu, dunhu rakakwirira pagomo riri pamberi peJerusaremu; naMoreki, mwari unonyangadza wavana vaAmoni.
7そしてソロモンはモアブの神である憎むべき者ケモシのために、またアンモンの人々の神である憎むべき者モレクのためにエルサレムの東の山に高き所を築いた。
8Saizvozvo akaitirawo vakadzi vake vose vatorwa, vaipisira vamwari vavo zvinonhuhwira nokuvabayira.
8彼はまた外国のすべての妻たちのためにもそうしたので、彼女たちはその神々に香をたき、犠牲をささげた。
9Zvino Jehovha akatsamwira Soromoni, nekuti moyo wake wakatsauka kuna Jehovha Mwari walsiraeri, iye wakange azviratidza kaviri kwaari,
9このようにソロモンの心が転じて、イスラエルの神、主を離れたため、主は彼を怒られた。すなわち主がかつて二度彼に現れ、
10akamuraira pamusoro pechinhu ichi, kuti arege kutevera vamwe vamwari; asi haana kuita zvaakanga arairwa naMwari.
10この事について彼に、他の神々に従ってはならないと命じられたのに、彼は主の命じられたことを守らなかったからである。
11Naizvozvo Jehovha akati kuna Soromoni, Zvawaita izvozvi, ukasachengeta sungano yangu nemitemo yangu, yandakakuraira, zvirokwazvo ndichabvarura ushe hwako, ndihubvise kwauri, ndihupe muranda wako.
11それゆえ、主はソロモンに言われた、「これがあなたの本心であり、わたしが命じた契約と定めとを守らなかったので、わたしは必ずあなたから国を裂き離して、それをあなたの家来に与える。
12Kunyange zvakadaro handingazviiti pamazuva ako nokuda kwaDhavhidhi baba vako; asi ndichahubvarura, ndikahubvisa paruoko rwomwanakomana wako.
12しかしあなたの父ダビデのために、あなたの世にはそれをしないが、あなたの子の手からそれを裂き離す。
13Kunyange zvakadaro handingahwubvaruri ndikahubvisa hwose asi ndichapa mwanakomana wako rudzi rumwe nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, uye nokuda kweJerusaremu, iro guta randakatsaura.
13ただし、わたしは国をことごとくは裂き離さず、わたしのしもべダビデのために、またわたしが選んだエルサレムのために一つの部族をあなたの子に与えるであろう」。
14Zvino Jehovha akamutsira Soromoni Hadhadhi muEdhomu, kuti arwe naye; iye wakange ari worudzi rwamambo paEdhomu.
14こうして主はエドムびとハダデを起して、ソロモンの敵とされた。彼はエドムの王家の者であった。
15Nekuti panguva iya Dhavhidhi ari paEdhomu, Joabhu mukuru wehondo wakati akwira kundoviga vakanga vaurawa, apedza kuuraya varume vose paEdhomu;
15さきにダビデはエドムにいたが、軍の長ヨアブが上っていって、戦死した者を葬り、エドムの男子をことごとく打ち殺した時、
16(nokuti Joabhu navaIsiraeri vose vakagarapo mwedzi mitanhatu, kusvikira vaparadza varume vose paEdhomu;)
16(ヨアブはイスラエルの人々と共に六か月そこにとどまって、エドムの男子をことごとく断った)。
17Hadhadhi akatiza, akaenda Egipita, iye navamwe vaEdhomu pakati pavaranda vababa vake, iye Hadhadhi achiri mwana muduku.
17ハダデはその父のしもべである数人のエドムびとと共に逃げてエジプトへ行こうとした。その時ハダデはまだ少年であった。
18Ivo vakasimuka, vakabva Midhiani, vakasvika Parani; vakatora vamwe varume veParani, vakaenda Egipita kuna Farao mambo weEgipita; iye akamupa imba, akaraira kuti apiwe zvokudya, akamupawo nyika pokugara.
18彼らがミデアンを立ってパランへ行き、パランから人々を伴ってエジプトへ行き、エジプトの王パロのところへ行くと、パロは彼に家を与え、食糧を定め、かつ土地を与えた。
19Hadhadhi akazofarirwa kwazvo naFarao; naizvozvo akamupa muramu wake, munin'ina wavahosi vake Tapenesi, ave mukadzi wake.
19ハダデは大いにパロの心にかなったので、パロは自分の妻の妹すなわち王妃タペネスの妹を妻として彼に与えた。
20Munin'ina waTapenesi akamuberekera mwanakomana wake Genubhati, wakarumurwa naTapenesi mumba maFarao; Genubhati akagara mumba maFarao, pakati pavanakomana vaFarao.
20タペネスの妹は彼に男の子ゲヌバテを産んだので、タペネスはその子をパロの家のうちで乳離れさせた。ゲヌバテはパロの家で、パロの子どもたちと一緒にいた。
21Zvino Hadhadhi wakati achinzwa kuti Dhavhidhi wavata namadzibaba ake, uye kuti Joabhu mukuru wehondo wafa, Hadhadhi akati kuna Farao, Regai ndiende hangu kunyika yangu.
21さてハダデはエジプトで、ダビデがその先祖と共に眠ったことと、軍の長ヨアブが死んだことを聞いたので、ハダデはパロに言った、「わたしを去らせて、国へ帰らせてください」。
22Farao akati kwaari, Washaiweiko kwandiri, zvaunoda kudzokera kunyika yako? Akapindura, akati, Handina kushaiwa chinhu; kunyange zvakadaro ndiregei henyu ndiende.
22パロは彼に言った、「わたしと共にいて、なんの不足があって国へ帰ることを求めるのですか」。彼は言った、「ただ、わたしを帰らせてください」。
23Zvino Jehovha akamumutsirazve mumwe kuzorwa naye, Rezonhi mwanakomana waEriadha, wakange atiza kunashe wake Hadhadhezeri mambo weZobha
23神はまたエリアダの子レゾンを起してソロモンの敵とされた。彼はその主人ゾバの王ハダデゼルのもとを逃げ去った者であった。
24akaunganidzira vanhu kwaari, akava mukuru wehondo panguva Dhavhidhi yaakauraya veZobha; vakaenda Dhamasiko, vakagarapo, vakabata ushe paDhamasiko.
24ダビデがゾバの人々を殺した後、彼は人々を自分のまわりに集めて略奪隊の首領となった。彼らはダマスコへ行って、そこに住み、ダマスコで彼を王とした。
25Iye akarwa naIsiraeri mazuva ose aSoromoni, zvimwe zvakashata zvakaitwa naHadhadhi zvisingaverengwi iye akavenga vaIsiraeri, akabata ushe paSiria.
25彼はソロモンの一生の間、イスラエルの敵となって、ハダデがしたように害をなし、イスラエルを憎んでスリヤを治めた。
26Jerobhoamuwo, mwanakomana waNebhati, muEfuremu weZeredha, muranda waSoromoni, zita ramai vake rainzi Zerua, yaiva chirikadzi, wakamukirawo mambo.
26ゼレダのエフライムびとネバテの子ヤラベアムはソロモンの家来であったが、その母の名はゼルヤといって寡婦であった。彼もまたその手をあげて王に敵した。
27Iye wakamukira mambo nemhaka yokuti Soromoni wakange avaka Miro, akagadzira pakanga pakaputsika paguta raDhavhidhi baba vake.
27彼が手をあげて、王に敵した事情はこうである。ソロモンはミロを築き、父ダビデの町の破れ口をふさいでいた。
28Zvino murume uyu Jerobhoamu wakange ari murume wesimba noumhare, Soromoni akaona kuti jaya iro raibata kwazvo, akamuita mutariri wamabasa ose eimba yaJosefa.
28ヤラベアムは非常に手腕のある人であったが、ソロモンはこの若者がよく働くのを見て、彼にヨセフの家のすべての強制労働の監督をさせた。
29Zvino panguva iyo Jerobhoamu wakati achibuda Jerusaremu, muporofita Ahija muShiro akasangana naye panzira; zvino Ahija wakange akafuka nguvo itsva; ivo vakanga vari vaviri voga kusango.
29そのころ、ヤラベアムがエルサレムを出たとき、シロびとである預言者アヒヤが道で彼に会った。アヒヤは新しい着物を着ていた。そして彼らふたりだけが野にいた。
30Ahija akabata nguvo itsva yaakafuka, akaibvarura akaita mapande ane gumi namaviri.
30アヒヤは着ている着物をつかんで、それを十二切れに裂き、
31Akati kuna Jerobhoamu, Chizvitorera mapande ane gumi, nekuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Tarira, ndinobvarura ushe, ndihwubvise kuna Soromoni, ndikupe marudzi ane gumi.
31ヤラベアムに言った、「あなたは十切れを取りなさい。イスラエルの神、主はこう言われる、『見よ、わたしは国をソロモンの手から裂き離して、あなたに十部族を与えよう。
32(Asi iye uchava norudzi rumwe nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, uye nokuda kweJerusaremu, guta randakatsaura kumarudzi ose aIsiraeri;)
32(ただし彼はわたしのしもべダビデのために、またわたしがイスラエルのすべての部族のうちから選んだ町エルサレムのために、一つの部族をもつであろう)。
33nekuti vakandirasha, vakanamata kuna Ashitoreti mwarikadzi wavaZidhoni, naKemoshi mwari wavaMoabhu, naMirikomi mwari wavana vaAmoni; havana kufamba panzira dzangu, nokuita zvakarurama pamberi pangu, nokuchengeta mitemo yangu nezvandakatonga, sezvakaita Dhavhidhi baba vake.
33それは彼がわたしを捨てて、シドンびとの女神アシタロテと、モアブの神ケモシと、アンモンの人々の神ミルコムを拝み、父ダビデのように、わたしの道に歩んで、わたしの目にかなう事を行い、わたしの定めと、おきてを守ることをしなかったからである。
34Kunyange zvakadaro handingabvisi ushe hwose paruoko rwake, asi ndichamuita muchinda mazuva ose oupenyu hwake nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, wandakatsaura; nekuti wakachengeta mirairo yangu nezvandakatema.
34しかし、わたしは国をことごとくは彼の手から取らない。わたしが選んだ、わたしのしもべダビデが、わたしの命令と定めとを守ったので、わたしは彼のためにソロモンを一生の間、君としよう。
35Asi ndichabvisa umambo kumwanakomana wake, ndihupe iwe, iwo marudzi ane gumi.
35そして、わたしはその子の手から国を取って、その十部族をあなたに与える。
36Asi mwanakomana wake ndichamupa rudzi rumwe, kuti Dhavhidhi muranda wangu ave nomwenje nguva dzose pamberi pangu paJerusaremu, iro guta randakazvitsaurira, ndiise zita rangupo.
36その子には一つの部族を与えて、わたしの名を置くために選んだ町エルサレムで、わたしのしもべダビデに、わたしの前に常に一つのともしびを保たせるであろう。
37ndichakutora iwe, ugobata ushe sezvinoda moyo wako, ugova mambo waIsiraeri.
37わたしがあなたを選び、あなたはすべて心の望むところを治めて、イスラエルの上に王となるであろう。
38Kana ukateerera zvose zvandinokuraira, ukafamba munzira dzangu, ukaita zvakarurama pamberi pangu, ukachengeta zvandatema nemirairo yangu, sezvakaita Dhavhidhi muranda wangu, ini ndichava newe, ndichakuvakira imba yakasimba, sezvandakavakira Dhavhidhi, ndigokupa Isiraeri.
38もし、あなたが、わたしの命じるすべての事を聞いて、わたしの道に歩み、わたしの目にかなう事を行い、わたしのしもべダビデがしたように、わたしの定めと戒めとを守るならば、わたしはあなたと共にいて、わたしがダビデのために建てたように、あなたのために堅固な家を建てて、イスラエルをあなたに与えよう。
39Nekuti nemhaka iyi ndichatambudza vana vaDhavhidhi, asi handingazviiti nokusingaperi.
39わたしはこのためにダビデの子孫を苦しめる。しかし永久にではない』」。
40Naizvozvo Soromoni akatsvaka kuuraya Jerobhoamu; asi Jerobhoamu wakasimuka, akatizira Egipita kuna Shishaki mambo weEgipita, akagarapo paEgipita kusvikira pakufa kwaSoromoni.
40ソロモンはヤラベアムを殺そうとしたが、ヤラベアムは立ってエジプトにのがれ、エジプト王シシャクのところへ行って、ソロモンの死ぬまでエジプトにいた。
41Zvino mamwe mashoko aSoromoni, nezvose zvaakaita, nokungwara kwake, hazvina kunyorwa here mubhuku ramabasa aSoromoni?
41ソロモンのそのほかの事績と、彼がしたすべての事およびその知恵は、ソロモンの事績の書にしるされているではないか。
42Zvino nguva yakabata Soromoni vaIsiraeri vose paJerusaremu aiva makore makumi mana.
42ソロモンがエルサレムでイスラエルの全地を治めた日は四十年であった。ソロモンはその先祖と共に眠って、父ダビデの町に葬られ、その子レハベアムが代って王となった。
43Ipapo Soromoni akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake, Rehobhoamu mwanakomana wake akazomutevera pakubata ushe.
43ソロモンはその先祖と共に眠って、父ダビデの町に葬られ、その子レハベアムが代って王となった。