1Zvino nenguva iyo Abhija mwanakomana waJerobhoamu akarwara.
1そのころヤラベアムの子アビヤが病気になったので、
2Jerobhoamu akati kumukadzi wake, Simuka hako, ushandure nguvo dzako, kuti urege kuzikamwa kuti ndiwe mukadzi waJerobhoamu, ugoenda Shiro; tarira, muporofita Ahija uripo, iye wakadeya kutaura pamusoro pangu, kuti ndizova mambo wavanhu ava.
2ヤラベアムは妻に言った、「立って姿を変え、ヤラベアムの妻であることの知られないようにしてシロへ行きなさい。わたしがこの民の王となることを、わたしに告げた預言者アヒヤがそこにいます。
3Uende nezvingwa zvine gumi, nezvingwa zviduku, nechidende chouchi, uzviise kwaari; iye uchakuudza zvichaitirwa mwana.
3パン十個と菓子数個および、みつ一びんを携えて彼のところへ行きなさい。彼はこの子がどうなるかをあなたに告げるでしょう」。
4Mukadzi waJerobhoamu akaita saizvozvo, akasimuka, akaenda Shiro, akasvika paimba yaAhija. Zvino Ahija wakange asingagoni kuona, nekuti meso ake akanga owonera madzedzerere nemhaka yokukwegura kwake.
4ヤラベアムの妻はそのようにして、立ってシロへ行き、アヒヤの家に着いたが、アヒヤは年老いたため、目がかすんで見ることができなかった。
5Zvino Jehovha akati kuna Ahija, Tarira, mukadzi waJerobhoamu unouya kuzokubvunza pamusoro pomwanakomana wake, nekuti unorwara; unofanira kutaura zvokuti nezvokuti kwaari, nekuti kana achipinda, uchazviita somumwe mukadzi.
5しかし主はアヒヤに言われた、「ヤラベアムの妻が子供の事をあなたに尋ねるために来る。子供は病気だ。あなたは彼女にこうこう言わなければならない」。彼女は来るとき、他人を装っていた。
6Zvino Ahija wakati achinzwa kufamba kwetsoka dzake, achipinda pamukova, akati, Chipinda hako, iwe mukadzi waJerobhoamu, unozviitireiko somumwe? nekuti ndatumwa kwauri namashoko anorwadza moyo.
6しかし彼女が戸口にはいってきたとき、アヒヤはその足音を聞いて言った、「ヤラベアムの妻よ、はいりなさい。なぜ、他人を装うのですか。わたしはあなたにきびしい事を告げるよう、命じられています。
7Enda, uudze Jerobhoamu, uti, Zvanzi naJehovha Mwari walsiraeri: Ndakakukudza pakati pavanhu, ndikakuita mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri,
7行ってヤラベアムに言いなさい、『イスラエルの神、主はこう仰せられる、「わたしはあなたを民のうちからあげ、わたしの民イスラエルの上に立てて君とし、
8ndikabvarura ushe, ndikahubvisa paimba yaDhavhidhi, ndikahupa iwe; asi iwe hauna kuva saDhavhidhi muranda wangu, waichengeta mirairo yangu, akanditevera nomoyo wake wose, achiita zvakanaka zvoga pameso angu;
8国をダビデの家から裂き離して、それをあなたに与えたのに、あなたはわたしのしもべダビデが、わたしの命令を守って一心にわたしに従い、ただわたしの目にかなった事のみを行ったようにではなく、
9asi iwe wakaita zvakaipa kupfuura vose vakakutangira, ukandozviitira vamwe vamwari nemifananidzo yakaumbwa, kuti unditsamwise; ukandirashira shure komusana wako.
9あなたよりも先にいたすべての者にまさって悪をなし、行って自分のために他の神々と鋳た像を造り、わたしを怒らせ、わたしをうしろに捨て去った。
10Naizvozvo, tarira, ndichaitira imba yaJerobhoamu zvakaipa; ndichaparadza kuna Jerobhoamu vana vakomana vose, vaduku navakuru kuvaIsiraeri, nditsvaire chose imba yaJerobhoamu, somunhu unotsvaira marara kusvikira abva ose.
10それゆえ、見よ、わたしはヤラベアムの家に災を下し、ヤラベアムに属する男は、イスラエルについて、つながれた者も、自由な者もことごとく断ち、人があくたを残りなく焼きつくすように、ヤラベアムの家を全く断ち滅ぼすであろう。
11Ani naani weimba yaJerobhoamu unofira paguta uchadyiwa nembwa; unofira kusango uchadyiwa neshiri dzokudenga; nekuti Jehovha wakataura saizvozvo.
11ヤラベアムに属する者は、町で死ぬ者を犬が食べ、野で死ぬ者を空の鳥が食べるであろう。主がこれを言われるのである」』。
12Naizvozvo iwe, simuka uende kumba kwako; kana tsoka dzako dzichipinda paguta, mwana uchafa.
12あなたは立って、家へ帰りなさい。あなたの足が町にはいる時に、子どもは死にます。
13Valsiraeri vose vachamuchema, vakamuviga; nekuti ndiye oga waJerobhoamu uchasvika pahwiro, nekuti maari makawanikwa chinhu chakanaka chakafadza Jehovha Mwari waIsiraeri, paimba yaJerobhoamu.
13そしてイスラエルは皆、彼のために悲しんで彼を葬るでしょう。ヤラベアムに属する者は、ただ彼だけ墓に葬られるでしょう。ヤラベアムの家のうちで、彼はイスラエルの神、主にむかって良い思いをいだいていたからです。
14Jehovha uchazvimutsirawo mambo kuvaIsiraeri, uchaparadza imba yaJerobhoamu nomusi uyo. Nomusi uyo here? Zvotoitwa zvino.
14主はイスラエルの上にひとりの王を起されます。彼はその日ヤラベアムの家を断つでしょう。
15Nekuti Jehovha ucharova Isiraeri, sorutsanga runozununguswa mumvura; uchadzura Isiraeri panyika ino yakanaka, yaakapa madzibaba avo, nokuvaparadzira mhiri kwerwizi; nekuti vakazviitira matanda okunamata nawo vakatsamwisa Jehovha.
15その後主はイスラエルを撃って、水に揺らぐ葦のようにし、イスラエルを、その先祖に賜わったこの良い地から抜き去って、ユフラテ川の向こうに散らされるでしょう。彼らがアシラ像を造って主を怒らせたからです。
16Uchaisa Isiraeri kuvavengi nokuda kwezvivi zvaJerobhoamu, zvaakaita iye, nezvaakatadzisa Isiraeriwo nazvo.
16主はヤラベアムの罪のゆえに、すなわち彼がみずから犯し、またイスラエルに犯させたその罪のゆえにイスラエルを捨てられるでしょう」。
17Zvino mukadzi waJerobhoamu akasimuka, akaenda, akasvika Tiriza; wakati achisvika pachikumbaridzo cheimba, mwana akafa.
17ヤラベアムの妻は立って去り、テルザへ行って、家の敷居をまたいだ時、子どもは死んだ。
18VaIsiraeri vose vakamuviga, vakamuchema, sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo womuranda wake muporofita Ahija.
18イスラエルは皆彼を葬り、彼のために悲しんだ。主がそのしもべ預言者アヒヤによって言われた言葉のとおりである。
19Zvino mamwe mabasa aJerobhoamu, kurwa kwake, nokubata kwake ushe, tarirai zvakanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri.
19ヤラベアムのその他の事績、彼がどのように戦い、どのように世を治めたかは、イスラエルの王の歴代志の書にしるされている。
20Mazuva okubata ushe kwaJerobhoamu akanga ari makore makumi maviri namaviri; akavata namadzibaba ake, Nadhabhi mwanakomana wake, akamutevera paushe.
20ヤラベアムが世を治めた日は二十二年であった。彼はその先祖と共に眠って、その子ナダブが代って王となった。
21Zvino Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, wakabata ushe hwaJudha. Rehobhoamu wakange ana makore makumi mana nerimwe pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe makore ane gumi namanomwe paJerusaremu, iro guta rakanga ratsaurwa naJehovha pakati pamarudzi ose alsiraeri, kuti aise zita rakepo. Zita ramai vake rakanga riri Naama muAmoni.
21ソロモンの子レハベアムはユダで世を治めた。レハベアムは王となったとき四十一歳であったが、主がその名を置くために、イスラエルのすべての部族のうちから選ばれた町エルサレムで、十七年世を治めた。その母の名はナアマといってアンモンびとであった。
22Judha akaita zvakaipa pameso aJehovha; vakamutsa shungu dzake nezvivi zvavo zvavakanga vachiita, vakapfuura zvose zvakaitwa namadzibaba avo.
22ユダの人々はその先祖の行ったすべての事にまさって、主の目の前に悪を行い、その犯した罪によって主の怒りを引き起した。
23Nekuti naivo vakazvivakira matunhu akakwirira, neshongwe, namatanda okunamata nawo pazvikomo zvose zvakakwirira, napasi pemiti yose mitema.
23彼らもすべての高い丘の上と、すべての青木の下に、高き所と石の柱とアシラ像とを建てたからである。
24Vasodhomi vakanga varipowo panyika; ivo vakaita nemitowo yokunyangadza kose kwendudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.
24その国にはまた神殿男娼たちがいた。彼らは主がイスラエルの人々の前から追い払われた国民のすべての憎むべき事をならい行った。
25Zvino pagore rechishanu ramambo Rehobhoamu, Shishaki mambo weEgipita akakwira kuzorwa naJerusaremu;
25レハベアムの王の第五年にエジプトの王シシャクがエルサレムに攻め上ってきて、
26akatora fuma yeimba yaJehovha, nefuma yeimba yamambo; akazvitora zvose, akatorawo nhovo duku dzose dzendarama dzakanga dzaitwa naSoromoni.
26主の宮の宝物と、王の宮殿の宝物を奪い去った。彼はそれをことごとく奪い去り、またソロモンの造った金の盾をみな奪い去った。
27Ipapo mambo Rehobhoamu akaita panzvimbo yadzo nhovo duku dzendarira, akadziisa pamaoko avakuru vavarindi, vairinda mukova weimba yamambo.
27レハベアムはその代りに青銅の盾を造って、王の宮殿の門を守る侍衛長の手にわたした。
28Zvino nguva dzose kana mambo achipinda mumba maJehovha, varindi vaidzibata, ndokudzidzoserazve mumba mavarindi.
28王が主の宮にはいるごとに、侍衛はそれを携え、また、それを侍衛のへやへ持ち帰った。
29Mamwe mabasa aRehobhoamu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha.
29レハベアムのその他の事績と、彼がしたすべての事は、ユダの王の歴代志の書にしるされているではないか。
30Asi kurwa kwaivapo nguva dzose pakati paRehobhoamu naJerobhoamu.
30レハベアムとヤラベアムの間には絶えず戦争があった。レハベアムはその先祖と共に眠って先祖と共にダビデの町に葬られた。その母の名はナアマといってアンモンびとであった。その子アビヤムが代って王となった。
31Rehobhoamu akavata namadzibaba ake, akavigwa kunamadzibaba ake muguta raDhavhidhi; zita ramai vake rakanga riri Naama muAmoni. Abhija mwanakomana wake akamutevera paushe.
31レハベアムはその先祖と共に眠って先祖と共にダビデの町に葬られた。その母の名はナアマといってアンモンびとであった。その子アビヤムが代って王となった。