1Zvino mazuva aDhavhidhi okufa kwake akaswedera, akaraira Soromoni mwanakomana wake, akati,
1ダビデの死ぬ日が近づいたので、彼はその子ソロモンに命じて言った、
2Ini ndoenda nenzira yenyika yose; naizvozvo iva nesimba, uve murume chaiye.
2「わたしは世のすべての人の行く道を行こうとしている。あなたは強く、男らしくなければならない。
3Chengeta zvawakarairwa naJehovha Mwari wako, kuti ufambe nenzira dzake, uchichengeta zvaakatema, nemirairo yake, nezvaakatonga, nezvipupuriro zvake, sezvazvakanyorwa pamurayiro waMozisi, kuti ufare pazvose zvaunoita, uye kose kwaunoenda.
3あなたの神、主のさとしを守り、その道に歩み、その定めと戒めと、おきてとあかしとを、モーセの律法にしるされているとおりに守らなければならない。そうすれば、あなたがするすべての事と、あなたの向かうすべての所で、あなたは栄えるであろう。
4Kuti Jehovha asimbise shoko rake raakataura pamusoro pangu, achiti, Kana vana vako vakachenjera panzira dzavo, kuti vafambe pamberi pangu nechokwadi nomoyo wavo wose uye nomweya wavo wose (ndizvo zvaakataura), hakungazoshaikwi munhu pachigaro choushe chaIsiraeri.
4また主がさきにわたしについて語って『もしおまえの子たちが、その道を慎み、心をつくし、精神をつくして真実をもって、わたしの前に歩むならば、おまえに次いでイスラエルの位にのぼる人が、欠けることはなかろう』と言われた言葉を確実にされるであろう。
5Uye unozivawo zvandakaitirwa naJoabhu, mwanakomana waZeruya, izvo zvaakaitira vakuru vaviri vehondo dzaIsiraeri, vanaAbhineri mwanakomana waNeri, naAmasa mwanakomana waJeteri, vaakauraya, akateura panguva yorugare ropa raifanira kuteurwa panguva yokurwa, akaisa ropa rokurwa pabhanhire rakanga riri pachiuno chake, nomushangu dzake dzakanga dziri patsoka dzake.
5またあなたはゼルヤの子ヨアブがわたしにした事、すなわち彼がイスラエルのふたりの軍の長ネルの子アブネルと、エテルの子アマサにした事を知っている。彼はこのふたりを殺して、戦争で流した地を太平の時に報い、罪のない者の血をわたしの腰のまわりの帯と、わたしの足のくつにつけた。
6Naizvozvo ita nokuziva kwako, urege kutendera musoro wake wachena kuburukira muhwiro norugare.
6それゆえ、あなたの知恵にしたがって事を行い、彼のしらがを安らかに陰府に下らせてはならない。
7Asi vanakomana vaBharizirai muGiriyadhi, uvaitire unyoro, vave pakati paivo vanodya patafura yako; nekuti vakauya kwandiri saizvozvo panguva yandakatiza pamberi paAbhusaromu mukuru wako.
7ただしギレアデびとバルジライの子らには恵みを施し、彼らをあなたの食卓で食事する人々のうちに加えなさい。彼らはわたしがあなたの兄弟アブサロムを避けて逃げた時、わたしを迎えてくれたからである。
8Tarira, kwauri kuna Shimei mwanakomana waGera, muBhenjamini weBhahurimi, iye, wakandituka nokutuka kwakaipa pazuva randakanga ndichienda Mahanaimi; asi wakazouya akasangana neni paJoridhani, ndikamupikira naJehovha, ndikati, Handingakuurayi nomunondo.
8またバホリムのベニヤミンびとゲラの子シメイがあなたと共にいる。彼はわたしがマハナイムへ行った時、激しいのろいの言葉をもってわたしをのろった。しかし彼がヨルダンへ下ってきて、わたしを迎えたので、わたしは主をさして彼に誓い、『わたしはつるぎをもってあなたを殺さない』と言った。
9Asi zvino usamurega ave somunhu usine mhosva, nekuti iwe uri munhu wakachenjera; uchaziva hako zvaunofanira kumuitira, unofanira kuburusira musoro wake wachena muhwiro neropa.
9しかし彼を罪のない者としてはならない。あなたは知恵のある人であるから、彼になすべき事を知っている。あなたは彼のしらがを血に染めて陰府に下らせなければならない」。
10Dhavhidi akazovata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi.
10ダビデはその先祖と共に眠って、ダビデの町に葬られた。
11Nguva yakabata Dhavhidhi ushe hwaIsiraeri aiva makore makumi mana; akabata paHebhuroni makore manomwe, uye akabata paJerusaremu makore makumi matatu namatatu.
11ダビデがイスラエルを治めた日数は四十年であった。すなわちヘブロンで七年、エルサレムで三十三年、王であった。
12Zvino Soromoni akagara pachigaro choushe chababa vake Dhavhidhi; ushe hwake hukasimba kwazvo.
12このようにしてソロモンは父ダビデの位に座し、国は堅く定まった。
13Ipapo Adhonia mwanakomana waHagiti, akasvika kuna Bhati-shebha mai vaSoromoni. Ivo vakati, Unouya norugare here? Iye akati, Hongu, norugare.
13さて、ハギテの子アドニヤがソロモンの母バテシバのところへきたので、バテシバは言った、「あなたは穏やかな事のためにきたのですか」。彼は言った、「穏やかな事のためです」。
14Akatizve, Ndine chimwe chandinoda kukuudzai. Ivo vakati, Taura hako.
14彼はまた言った、「あなたに申しあげる事があります」。バテシバは言った、「言いなさい」。
15Akati, Munoziva kuti ushe hwaiva hwangu, meso avalsiraeri vose ainditarira, kuti ndive mambo; asi ushe hwakashandurwa, hukazova hwomunin'ina wangu, nekuti hwakanga huri hwake nokuda kwaJehovha.
15彼は言った、「ごぞんじのように、国はわたしのもので、イスラエルの人は皆わたしが王になるものと期待していました。しかし国は転じて、わたしの兄弟のものとなりました。彼のものとなったのは、主から出たことです。
16Zvino ndinokumbira chinhu chimwe choga kwamuri; musandirambira henyu chinhu icho. Ivo vakati kwaari, Taura hako.
16今わたしはあなたに一つのお願いがあります。断らないでください」。バテシバは彼に言った、「言いなさい」。
17Akati, Dotauriranai henyu namambo Soromoni, nekuti haangakurambiriyi chinhu, kuti andipe Abhishagi muShunami, ave mukadzi wangu.
17彼は言った、「どうかソロモン王に請うて、――王はあなたに断るようなことはないでしょうから――シュナミびとアビシャグをわたしに与えて妻にさせてください」。
18Bhati-shebha akati, Ndizvo hazvo, ndichakurevera kuna mambo.
18バテシバは言った、「よろしい。わたしはあなたのために王に話しましょう」。
19Naizvozvo Bhati-shebha akaenda kuna mambo Soromoni kundorevera Adhonia. Mambo akasimuka kuzosangana naye, akakotama pamberi pake, akagara pachigaro choushe, akaraira kuti chigaro choushe chigadzirirwe mai vamambo; ivo vakagara kurutivi rwake rworudyi.
19バテシバはアドニヤのためにソロモン王に話すため、王のもとへ行った。王は立って迎え、彼女を拝して王座に着き、王母のために座を設けさせたので、彼女は王の右に座した。
20Ipapo vakati, Ndinokumbira kwauri chinhu chiduku; usandirambira hako chinhu ichi. Mambo akati kwavari, Kumbirai henyu, mai vangu, nekuti handingakurambiriyi icho.
20そこでバテシバは言った、「あなたに一つの小さいお願いがあります。お断りにならないでください」。王は彼女に言った、「母上よ、あなたの願いを言ってください。わたしは断らないでしょう」。
21Vakati, Adhonia mukuru wako ngaapiwe Abhishagi muShunami, ave mukadzi wake.
21彼女は言った、「どうぞ、シュナミびとアビシャグをあなたの兄弟アドニヤに与えて、妻にさせてください」。
22Ipapo mambo Soromoni akapindura, akati kuna mai vake, Munokumbirira Adhonia Abhishagi muShunami neiko? Mumukumbirireiwo ushe, nekuti ndiye mukuru wangu; mumukumbirirei iye, naAbhiatari mupristi, naJoabhu mwanakomana waZeruya.
22ソロモン王は答えて母に言った、「どうしてアドニヤのためにシュナミびとアビシャグを求められるのですか。彼のためには国をも求めなさい。彼はわたしの兄で、彼の味方には祭司アビヤタルとゼルヤの子ヨアブがいるのですから」。
23Ipapo mambo Soromoni akapika naJehovha, akati, Mwari ngaandirove, arambe achidaro, Adhonia ucharipira shoko iri noupenyu hwake.
23そしてソロモン王は主をさして誓って言った、「もしアドニヤがこの言葉によって自分の命を失うのでなければ、どんなにでもわたしを罰してください。
24Naizvozvo zvino, naJehovha mupenyu, iye wakandisimbisa, akandigadza pachigaro choushe chababa vangu Dhavhidhi, akandimutsira imba sezvaakandipikira, zvirokwazvo Adhonia uchaurawa nhasi.
24わたしを立てて、父ダビデの位にのぼらせ、主が約束されたように、わたしに一家を与えてくださった主は生きておられる。アドニヤはきょう殺されなければならない」。
25Ipapo mambo Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akamuvamba akamuuraya.
25ソロモン王はエホヤダの子ベナヤをつかわしたので、彼はアドニヤを撃って殺した。
26Mambo akati kuna Abhiatari mupristi, Enda Anatoti kunyika yako, nekuti waifanira kufa; asi handingakuurayi nhasi, nekuti wakambotakura areka yaJehovha Mwari pamberi pababa vangu Dhavhidhi, uye nekuti wakatambudzika pamwechete nababa vangu pakutambudzika kwavo kose.
26王はまた祭司アビヤタルに言った、「あなたの領地アナトテへ行きなさい。あなたは死に当る者ですが、さきにわたしの父ダビデの前に神、主の箱をかつぎ、またすべてわたしの父が受けた苦しみを、あなたも共に苦しんだので、わたしは、きょうは、あなたを殺しません」。
27Naizvozvo Soromoni akadzinga Abhiatari, kuti arege kuva mupristi pamberi paJehovha; kuti aite shoko raJehovha, raakanga ataura pamusoro peimba yaEri paShiro.
27そしてソロモンはアビヤタルを主の祭司職から追放した。こうして主がシロでエリの家について言われた主の言葉が成就した。
28Zvino shoko iro rikasvika kuna Joabhu, nekuti Joabhu wakange atevera Adhonia, kunyange asina kutevera Abhusaromu. Joabhu akatizira kuTende raJehovha, akandobata nyanga dzeatari.
28さてこの知らせがヨアブに達したので、ヨアブは主の幕屋にのがれて、祭壇の角をつかんだ。ヨアブはアブサロムを支持しなかったけれども、アドニヤを支持したからである。
29Ipapo mambo Soromoni akaudzwa, zvichinzi, Joabhu watizira kuTende raJehovha, tarirai, ari paatari. Ipapo Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, akati, Enda undomuvamba.
29ヨアブが主の幕屋にのがれて、祭壇のかたわらにいることを、ソロモン王に告げる者があったので、ソロモン王はエホヤダの子ベナヤをつかわし、「行って彼を撃て」と言った。
30Bhenaya akaenda kuTende raJehovha, akati kwaari, Zvanzi namambo, Budai! Iye akati, Kwete, ndichafira pano hangu. Bhenaya akaudza mambozve, akati, Ndizvo zvataura Joabhu, ndizvo zvaandipindura.
30ベナヤは主の幕屋へ行って彼に言った、「王はあなたに、出て来るようにと申されます」。しかし彼は言った、「いや、わたしはここで死にます」。ベナヤは王に復命して言った、「ヨアブはこう申しました。またわたしにこう答えました」。
31Ipapo mambo akati kwaari, Ita sezvaataura, umuvambe, ugomuviga; kuti ubvise kwandiri napaimba yababa vangu ropa rakateurwa naJoabhu rakanga risine mhosva.
31そこで王はベナヤに言った、「彼が言うようにし、彼を撃ち殺して葬り、ヨアブがゆえなく流した血のとがをわたしと、わたしの父の家から除き去りなさい。
32Jehovha uchadzosera ropa rake pamusoro wake, nekuti wakauraya vanhu vaviri vakanga vakamupfuura pakururama nokunaka, akavauraya nomunondo, baba vangu Dhavhidhi vasingazvizivi, iye Abhineri mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yaIsiraeri, naAmasa mwanakomana waJeteri, mukuru wehondo yaJudha.
32主はまたヨアブが血を流した行為を、彼自身のこうべに報いられるであろう。これは彼が自分よりも正しいすぐれたふたりの人、すなわちイスラエルの軍の長ネルの子アブネルと、ユダの軍の長エテルの子アマサを、つるぎをもって撃ち殺し、わたしの父ダビデのあずかり知らない事をしたからである。
33Naizvozvo ropa ravo richadzokera pamusoro waJoabhu napamisoro yorudzi rwake nokusingaperi; asi rugare runobva kuna Jehovha ruchava naDhavhidhi, norudzi rwake, neimba yake, nechigaro chake choushe nokusingaperi.
33それゆえ、彼らの血は永遠にヨアブのこうべと、その子孫のこうべに帰すであろう。しかしダビデと、その子孫と、その家と、その位とには、主から賜わる平安が永久にあるであろう」。
34Ipapo Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, akaenda, akamuvamba, ndokuuraya; akavigwa mumba make murenje.
34そこでエホヤダの子ベナヤは上っていって、彼を撃ち殺した。彼は荒野にある自分の家に葬られた。
35Zvino mambo akagadza Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, panzvimbo yake ave mukuru wehondo; mambo akagadzawo Zadhoki ave mupristi panzvimbo yaAbhiatari.
35王はエホヤダの子ベナヤを、ヨアブに代って軍の長とした。王はまた祭司ザドクをアビヤタルに代らせた。
36Mambo akatuma munhu kundodana Shimei, akati kwaari, Uzvivakire imba paJerusaremu, ugarepo, usabvapo uchienda kumwe.
36また王は人をつかわし、シメイを召して言った、「あなたはエルサレムのうちに、自分のために家を建てて、そこに住み、そこからどこへも出てはならない。
37Nekuti nomusi waunobuda nawo, ukayambuka rukova Kidhironi, uzive kwazvo kuti uchaurawa zvirokwazvo; ropa rako richava pamusoro wako.
37あなたが出て、キデロン川を渡る日には必ず殺されることを、しかと知らなければならない。あなたの血はあなたのこうべに帰すであろう」。
38Ipapo Shimei akati kuna mambo, Ishoko rakanaka; muranda wenyu uchaita sezvakarehwa nashe wangu mambo. Shimei akagara mazuva mazhinji paJerusaremu.
38シメイは王に言った、「お言葉は結構です。王、わが主の仰せられるとおりに、しもべはいたしましょう」。こうしてシメイは久しくエルサレムに住んだ。
39Zvino makore matatu akati apfuura, varanda vaviri vaShimei vakatizira kuna Akishi mwanakomana waMaaka, mambo weGati. Vakaudza Shimei, vachiti, Tarira varanda vako vari Gati.
39ところが三年の後、シメイのふたりの奴隷が、ガテの王マアカの子アキシのところへ逃げ去った。人々がシメイに告げて、「ごらんなさい、あなたの奴隷はガテにいます」と言ったので、
40Ipapo Shimei akasimuka, akasungira chigaro pambongoro yake, akaenda Gati kuna Akishi, kundotsvaka varanda vake; Shimei akatora varanda vake Gati.
40シメイは立って、ろばにくらを置き、ガテのアキシのところへ行って、その奴隷を尋ねた。すなわちシメイは行ってその奴隷をガテから連れてきたが、
41Zvino Soromoni akaudzwa kuti Shimei wakange abuda Jerusaremu, akaenda Gati, akadzokazve.
41シメイがエルサレムからガテへ行って帰ったことがソロモン王に聞えたので、
42Mambo akatuma munhu kundodana Shimei, akati kwaari, Handina kukupikisa naJehovha here, ndikakunyevera, ndichiti, Uzive kwazvo kuti nomusi waunobuda nawo, ukafamba kumwe, uchaurawa zvirokwazvo? Iwe ukati kwandiri, Shoko randanzwa rakanaka.
42王は人をつかわし、シメイを召して言った、「わたしはあなたに主をさして誓わせ、かつおごそかにあなたを戒めて、『あなたが出て、どこかへ行く日には、必ず殺されることを、しかと知らなければならない』と言ったではないか。そしてあなたは、わたしに『お言葉は結構です。従います』と言った。
43Zvino wakaregereiko kuchengeta mhiko yawakapika kuna Jehovha, nomurayiro wandakakuraira?
43ところで、あなたはなぜ主に対する誓いと、わたしが命じた命令を守らなかったのか」。
44Mambo akatiwo kuna Shimei, Iwe unoziva kwazvo zvakaipa zvose zvawakaitira baba vangu Dhavhidhi; naizvozvo Jehovha uchadzosera zvakaipa zvako pamusoro wako.
44王はまたシメイに言った、「あなたは自分の心に、あなたがわたしの父ダビデにしたもろもろの悪を知っている。主はあなたの悪をあなたのこうべに報いられるであろう。
45Asi mambo Soromoni ucharopafadzwa, nechigaro choushe chaDhavhidhi chichasimbiswa pamberi paJehovha nokusingaperi.
45しかしソロモン王は祝福をうけ、ダビデの位は永久に主の前に堅く立つであろう」。王がエホヤダの子ベナヤに命じたので、彼は出ていってシメイを撃ち殺した。こうして国はソロモンの手に堅く立った。
46Naizvozvo mambo akaraira Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akaenda, akandomuvamba, ndokumuuraya. Naizvozvo ushe, hwakanga hwakabatwa naSoromoni, hwakasimbiswa.
46王がエホヤダの子ベナヤに命じたので、彼は出ていってシメイを撃ち殺した。こうして国はソロモンの手に堅く立った。