1Zvino Bhenihadhadhi, mambo weSiria, wakakoka hondo dzake dzose; iye waiva namadzimambo ana makumi matatu ana maviri, namabhiza, nengoro pamwechete naye; akaenda, akakomba Samaria, akarwa naro.
1スリヤの王ベネハダデはその軍勢をことごとく集めた。三十二人の王が彼と共におり、また馬と戦車もあった。彼は上ってサマリヤを囲み、これを攻めた。
2Akatuma nhume kuna Ahabhi, mambo waIsiraeri, mukati meguta, akati kwaari, Zvanzi naBhenihadhadhi
2また彼は町に使者をつかわし、イスラエルの王アハブに言った、「ベネハダデはこう申します、
3Sirivha yako nendarama yako ndezvangu, navakadzi vako navana vako vakanaka ndavangu.
3『あなたの金銀はわたしのもの、またあなたの妻たちと子供たちの最も美しい者もわたしのものです』」。
4Mambo waIsiraeri akapindura, akati, Ndizvo hazvo zvamareva, ishe wangu mambo; ndiri wenyu, nezvose zvandinazvo.
4イスラエルの王は答えた、「王、わが主よ、仰せのとおり、わたしと、わたしの持ち物は皆あなたのものです」。
5Nhume dzikadzoka, dzikati, Zvanzi naBhenihadhadhi, Ndakatuma shoko kwauri, ndikati, Unofanira kundipa sirivha yako nendarama yako, navakadzi vako navana vako;
5使者は再びきて言った、「ベネハダデはこう申します、『わたしはさきに人をつかわして、あなたの金銀、妻子を引きわたせと言いました。
6asi ndichatuma varanda vangu kwauri mangwana nenguva ino; ivo vachanzvera imba yako, nedzimba dzavaranda vako; zvino, zvose zvinofadza meso ako vachazvitora namaoko avo, ndokuenda nazvo.
6しかし、あすの今ごろ、しもべたちをあなたにつかわします。彼らはあなたの家と、あなたの家来の家を探って、すべて彼らの気にいる物を手に入れて奪い去るでしょう』」。
7Ipapo mambo waIsiraeri wakadana vakuru vose venyika, akati, Cherekedzai, muvone, kuti munhu uyu unotsvaka kutiitira zvakaipa; nekuti wakatuma shoko kwandiri, achiti uchatora vakadzi vangu navana vangu, nesirivha yangu nendarama yangu, ndikasamurambira chinhu.
7そこでイスラエルの王は国の長老をことごとく召して言った、「よく注意して、この人が無理な事を求めているのを知りなさい。彼は人をつかわして、わたしの妻子と金銀を求めたが、わたしはそれを拒まなかった」。
8Ipapo vakuru vose navanhu vose vakati kwaari, Regai kumuteerera, kana kumutenda.
8すべての長老および民は皆彼に言った、「聞いてはなりません。承諾してはなりません」。
9Naizvozvo akati kunhume dzaBhenihadhadhi, Udzai ishe wangu mambo, muti, Zvose zvakazivisa muranda wenyu pakutanga, ndichazviita; asi chinhu ichi handingagoni kuchiita. Nhume dzikaenda, dzikadzokera kwaari nemhinduro.
9それで彼はベネハダデの使者に言った、「王、わが主に告げなさい。『あなたが初めに要求されたことは皆いたしましょう。しかし今度の事はできません』」。使者は去って復命した。
10Ipapo Bhenihadhadhi akatuma shoko kwaari akati, Vamwari ngavandirove, varambe vachidaro, kana guruva reSamaria rikagona kuringana kuti vanhu vose vanonditevera vatsamure tsama namaoko avo.
10ベネハダデは彼に人をつかわして言った、「もしサマリヤのちりが、わたしに従うすべての民の手を満たすに足りるならば、神々がどんなにでも、わたしを罰してくださるように」。
11Mambo waIsiraeri akapindura, akati, Muudzei muti, Unoshonga nhumbi dzake dzokurwa ngaarege kuzvirumbidza saiye wodzibvisa.
11イスラエルの王は答えた、「『武具を帯びる者は、それを脱ぐ者のように誇ってはならない』と告げなさい」。
12Zvino iye wakati achinzwa shoko iro ari pakumwa, iye namadzimambo, pamisasa, akati kuvaranda vake, Rongedzai! Ivo vakarongedza kundorwa neguta.
12ベネハダデは仮小屋で、王たちと酒を飲んでいたが、この事を聞いて、その家来たちに言った、「戦いの備えをせよ」。彼らは町にむかって戦いの備えをした。
13Zvino mumwe muporofita akaswedera kuna Ahabhi mambo waIsiraeri, akati, Zvanzi naJehovha, Waona vanhu ava vazhinji here? Tarira, ndichavapa mumaoko ako nhasi, ugoziva kuti ndini Jehovha.
13この時ひとりの預言者がイスラエルの王アハブのもとにきて言った、「主はこう仰せられる、『あなたはこの大軍を見たか。わたしはきょう、これをあなたの手にわたす。あなたは、わたしが主であることを、知るようになるであろう』」。
14Ahabhi akati, Naniko? Iye akati, Zvanzi naJehovha, Namajaya amachinda amativi enyika. Iye akati, Ndianiko unofanira kuvamba kurwa? Akapindura akati, Iwe!
14アハブは言った、「だれにさせましょうか」。彼は言った、「主はこう仰せられる、『地方の代官の家来たちにさせよ』」。アハブは言った、「だれが戦いを始めましょうか」。彼は答えた、「あなたです」。
15Ipapo akaverenga majaya amachinda amativi enyika, vakasvika mazana maviri namakumi matatu namaviri; zvino akaverenga vanhu vose, ivo vana vaIsiraeri vose, vakasvika zviuru zvinomwe.
15そこでアハブは地方の代官の家来たちを調べたところ二百三十二人あった。次にすべての民、すなわちイスラエルのすべての人を調べたところ七千人あった。
16Vakasimuka masikati makuru. Zvino Bhenihadhadhi wakange ari pakumwa pamisasa, akabatwa, iye namadzimambo, iwo madzimambo makumi matatu namaviri akanga achimubatsira.
16彼らは昼ごろ出ていったが、ベネハダデは仮小屋で、味方の三十二人の王たちと共に酒を飲んで酔っていた。
17Zvino majaya amachinda amativi enyika akatanga kutungamira Bhenihadhadhi akatuma nhume, vakamuudza, vachiti, Kuna varume vanobuda Samaria.
17地方の代官の家来たちが先に出ていった。ベネハダデは斥候をつかわしたが、彼らは「サマリヤから人々が出てきた」と報告したので、
18Iye akati, Kunyange vabuda vachitsvaka rugare, muvabate vari vapenyu, kunyange vabuda vachitsvaka kurwa, muvabate vari vapenyu.
18彼は言った、「和解のために出てきたのであっても、生どりにせよ。また戦いのために出てきたのであっても、生どりにせよ」。
19Naizvozvo vakabuda muguta, iwo majaya amachinda amativi enyika nehondo yakavatevera.
19地方の代官の家来たちと、それに従う軍勢が町から出ていって、
20Mumwe nomumwe akauraya munhu wake, vaSiria vakatiza, vaIsiraeri vakavateverera; naBhenihadhadhi mambo weSiria akatiza, akatasva bhiza ana vamwe vakanga vakatasva mabhiza.
20おのおのその相手を撃ち殺したので、スリヤびとは逃げた。イスラエルはこれを追ったが、スリヤの王ベネハダデは馬に乗り、騎兵を従えてのがれた。
21Ipapo mambo waIsiraeri akabuda, akaparadza mabhiza nengoro, akauraya vaSiria vazhinji-zhinji.
21イスラエルの王は出ていって、馬と戦車をぶんどり、また大いにスリヤびとを撃ち殺した。
22Zvino muporofita akaswedera kuna mambo waIsiraeri, akati kwaari, Enda undozvisimbisa, uchenjere, ufunge zvakanaka zvaunofanira kuita; nekuti kana gore rapera mambo weSiria uchauya kuzorwa newe.
22時に、かの預言者がイスラエルの王のもとにきて言った、「行って、力を養い、なすべき事をよく考えなさい。来年の春にはスリヤの王が、あなたのところに攻め上ってくるからです」。
23Zvino varanda vamambo weSiria vakati kwaari, Mwari wavo ndimwari wamakomo, nemhaka iyo vakatikunda; asi ngatirwe navo pabani, ipapo zvirokwazvo tichavakunda.
23スリヤの王の家来たちは王に言った、「彼らの神々は山の神ですから彼らがわれわれよりも強かったのです。もしわれわれが平地で戦うならば、必ず彼らよりも強いでしょう。
24Naizvozvo itai chinhu ichi, Mubvise madzimambo, mumwe nomumwe panzvimbo yake, mugoisa vatariri vehondo panzvimbo yavo;
24それでこうしなさい。王たちをおのおのその地位から退かせ、総督を置いてそれに代らせなさい。
25mugozviunganidzira hondo yakafanana nehondo yamakarashikirwa nayo, bhiza panzvimbo yebhiza, nengoro panzvimbo yengoro, tirwe navo pabani; zvirokwazvo tichavakunda. Iye akateerera inzwi ravo, akaita saizvozvo.
25またあなたが失った軍勢に等しい軍勢を集め、馬は馬、戦車は戦車をもって補いなさい。こうしてわれわれが平地で戦うならば必ず彼らよりも強いでしょう」。彼はその言葉を聞きいれて、そのようにした。
26Pakupera kwegore Bhenihadhadhi akaunganidza vaSiria, akaenda Afeki kundorwa navaIsiraeri.
26春になって、ベネハダデはスリヤびとを集めて、イスラエルと戦うために、アペクに上ってきた。
27Vana vaIsiraeri vakaunganidzwawo, vakapiwa mbuva, vakandorwa navo; vana vaIsiraeri vakadzika matende avo pakatarisana navo, vakafanana namapoka maduku maviri embudzi, asi vaSiria vakanga vakazadza nyika.
27イスラエルの人々は召集され、糧食を受けて彼らを迎え撃つために出かけた。イスラエルの人々はやぎの二つの小さい群れのように彼らの前に陣取ったが、スリヤびとはその地に満ちていた。
28Zvino munhu waMwari akaswedera, akataura kuna mambo waIsiraeri, akati, Zvanzi naJehovha, VaSiria zvavakati, Jehovha ndimwari wamakomo, asi haazi mwari wamapani, naizvozvo ndichapa vanhu avo vose mumaoko ako, vazive kuti ini ndiri Jehovha.
28その時神の人がきて、イスラエルの王に言った、「主はこう仰せられる、『スリヤびとが、主は山の神であって、谷の神ではないと言っているから、わたしはこのすべての大軍をあなたの手にわたす。あなたは、わたしが主であることを知るようになるであろう』」。
29Zvino vakagara pamisasa vakatarisana mazuva manomwe. Nomusi wechinomwe vakasangana vakarwa, vana vaIsiraeri vakauraya vaSiria vaifamba namakumbo vane zviuru zvine zana nomusi mumwe.
29彼らは七日の間、互にむかいあって陣取り、七日目になって戦いを交えたが、イスラエルの人々は一日にスリヤびとの歩兵十万人を殺した。
30Asi vamwe vakatizira muguta reAfeki, rusvingo ndokuwira pamusoro pavarume vane zviuru zvina makumi maviri nezvinomwe vakanga vasara. NaBhenihadhadhi akatizawo, akasvika muguta, akapinda mukamuri yomukati.
30そのほかの者はアペクの町に逃げこんだが、城壁がくずれて、その残った二万七千人の上に倒れた。ベネハダデは逃げて町に入り、奥の間にはいった。
31Ipapo varanda vake vakati kwaari, Tarirai zvino, takanzwa kuti madzimambo eimba yaIsiraeri madzimambo ane nyasha; zvino ngatisunge magumbu pazviuno zvedu namakavi pamisoro yedu, tibudire kuna mambo waIsiraeri; zvimwe uchakuregai muri vapenyu.
31家来たちは彼に言った、「イスラエルの家の王たちはあわれみ深い王であると聞いています。それでわれわれの腰に荒布をつけ、くびになわをかけて、イスラエルの王の所へ行かせてください。たぶん彼はあなたの命を助けるでしょう」。
32Naizvozvo vakasunga magumbu pazviuno zvavo, namakavi pamisoro yavo, vakaenda kuna mambo waIsiraeri, vakati, Zvanzi nomuranda wenyu Bhenihadhadhi, Ndinokumbira kuti murege kundiuraya henyu. Akati, Uchiri mupenyu here? Iye ihama yangu.
32そこで彼らは荒布を腰にまき、なわをくびにかけてイスラエルの王の所へ行って言った、「あなたのしもべベネハダデが『どうぞ、わたしの命を助けてください』と申しています」。アハブは言った、「彼はまだ生きているのですか。彼はわたしの兄弟です」。
33Zvino varume avo vakacherekedza kwazvo, vakakurumidza kugamuchira shoko iro kwaari, vakati, Hoyo, Bhenihadhadhi hama yenyu. Ipapo iye akati, Endai, mumutore. Bhenihadhadhi akabudira kwaari, akamukwidza pangoro.
33その人々はこれを吉兆としてすみやかに彼の言葉をうけ、「そうです。ベネハダデはあなたの兄弟です」と言ったので、彼は言った、「行って彼をつれてきなさい」。それでベネハダデは彼の所に出てきたので、彼はこれを自分の車に乗せた。
34Zvino Bhenihadhadhi akati kwaari, Ndichadzosa maguta akatorerwa baba vako nababa vangu; ungazviitira migwagwa muDhamasiko, sezvakaita baba vangu paSamaria. Ahabhi akati, Ini ndichakutendera kuenda nokuda kwesungano iyi. Naizvozvo akaita sungano naye, akamutendera kuenda.
34ベネハダデは彼に言った、「わたしの父が、あなたの父上から取った町々は返します。またわたしの父がサマリヤに造ったように、あなたはダマスコに、あなたのために市場を設けなさい」。アハブは言った、「わたしはこの契約をもってあなたを帰らせましょう」。こうしてアハブは彼と契約を結び、彼を帰らせた。
35Zvino mumwe murume wavana vavapomfita akati kushamwari yake arairwa naJehovha, Ndirove hako. Murume akaramba kumurova.
35さて預言者のともがらのひとりが主の言葉に従ってその仲間に言った、「どうぞ、わたしを撃ってください」。しかしその人は撃つことを拒んだので、
36Ipapo akati kwaari, Zvausina kuteerera inzwi raJehovha, tarira, uchaurawa neshumba kana uchangobva kwandiri. Zvino wakati achangobva kwaari, shumba ikamuwana, ikamuuraya.
36彼はその人に言った、「あなたは主の言葉に聞き従わないゆえ、わたしを離れて行くとすぐ、ししがあなたを殺すでしょう」。その人が彼のそばを離れて行くとすぐ、ししが彼に会って彼を殺した。
37Zvino akawanazve mumwe murume, akati, Ndirove hako. Murume uyo akamurova, akamukuvadza kwazvo.
37彼はまたほかの人に会って言った、「どうぞ、わたしを撃ってください」。するとその人は彼を撃ち、撃って傷つけた。
38Naizvozvo muporofita akabva, akandomirira mambo panzira, akazvishandura nomucheka waakanga asunga kumeso kwake.
38こうしてその預言者は行って、道のかたわらで王を待ち、目にほうたいを当てて姿を変えていた。
39Zvino mambo wakati achipfuura, akadanidzira kuna mambo, akati, Muranda wenyu wakange apinda pakati pokurwa, ndikaona munhu achitsauka, akauya kwandiri nomumwe murume, akati, Rinda munhu uyu; kana akatongoshaikwa, upenyu hwake huchatsihwa noupenyu hwako; kana izvo zvikakona, uchafanira kuripa netarenda resirivha.
39王が通り過ぎる時、王に呼ばわって言った、「しもべはいくさの中に出て行きましたが、ある軍人が、ひとりの人をわたしの所につれてきて言いました、『この人を守っていなさい。もし彼がいなくなれば、あなたの命を彼の命に代えるか、または銀一タラントを払わなければならない』。
40Zvino muranda wenyu wakati achibatabata hake pano napapo, iye akanyangarika. Mambo waIsiraeri akati kwaari, Ndizvo zvauchatongerwa, wazvitonga umene.
40ところが、しもべはあちらこちらと忙しくしていたので、ついに彼はいなくなりました」。イスラエルの王は彼に言った、「あなたはそのとおりにさばかれなければならない。あなたが自分でそれを定めたのです」。
41Akakurumidza kubvisa mucheka kumeso kwake, mambo walsiraeri akamuziva kuti ndomumwe wavaporofita.
41そこで彼が急いで目のほうたいを取り除いたので、イスラエルの王はそれが預言者のひとりであることを知った。
42Iye akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Zvawatendera munhu kupukunyuka pamaoko ako, iye wakange atukwa neni kuti aparadzwe, naizvozvo upenyu hwake hwuchatsihwa noupenyu hwako, uye vanhu vake vachatsihwa navanhu vako.
42彼は王に言った、「主はこう仰せられる、『わたしが滅ぼそうと定めた人を、あなたは自分の手から放して行かせたので、あなたの命は彼の命に代り、あなたの民は彼の民に代るであろう』と」。イスラエルの王は悲しみ、かつ怒って自分の家におもむき、サマリヤに帰った。
43Mambo waIsiraeri akaenda kumba kwake awora moyo ane shungu, ndokusvika paSamaria.
43イスラエルの王は悲しみ、かつ怒って自分の家におもむき、サマリヤに帰った。