1Zvino Hiramu, mambo weTire, wakatumira varanda vake kuna Soromoni, nekuti wakange anzwa kuti vakamuzodza ave mambo panzvimbo yababa vake; nekuti Hiramu wakange achida Dhavhidhi nguva yose.
1さてツロの王ヒラムは、ソロモンが油を注がれ、その父に代って、王となったのを聞いて、家来をソロモンにつかわした。ヒラムは常にダビデを愛したからである。
2Soromoni akatuma nhume kuna Hiramu akati,
2そこでソロモンはヒラムに人をつかわして言った、
3Munoziva kuti Dhavhidhi baba vangu, vakanga vasingagoni kuvakira zita raJehovha Mwari wavo imba, nokuda kwehondo dzairwiwa kumativi ose, kusvikira Jehovha avaisa pasi petsoka dzake.
3「あなたの知られるとおり、父ダビデはその周囲にあった敵との戦いのゆえに、彼の神、主の名のために宮を建てることができず、主が彼らをその足の裏の下に置かれるのを待ちました。
4Asi zvino Jehovha Mwari wangu wakandizorodza kumativi ose, hakuna muvengi kana chimwe chinhu chakaipa.
4ところが今わが神、主はわたしに四方の太平を賜わって、敵もなく、災もなくなったので、
5Zvino tarirai, moyo wangu unoda kuvakira zita raJehovha Mwari wangu imba, sezvakataurwa naJehovha kuna baba vangu, achiti, Mwanakomana wako, wandichagadza pachigaro chako choushe panzvimbo yako, ndiye uchavakira zita rangu imba.
5主が父ダビデに『おまえに代って、おまえの位に、わたしがつかせるおまえの子、その人がわが名のために宮を建てるであろう』と言われたように、わが神、主の名のために宮を建てようと思います。
6Naizvozvo zvino, chirairai kuti vanditemere miti yemisidhari paRebhanoni; varanda vangu vachabata pamwechete navaranda venyu; ini ndichakupai mubayiro wava randa venyu sezvamuchareva; nekuti munoziva kuti pakati pedu hapana munhu unoziva kutema matanda ungafanana navaZidhoni.
6それゆえ、あなたは命令を下して、レバノンの香柏をわたしのために切り出させてください。わたしのしもべたちをあなたのしもべたちと一緒に働かせます。またわたしはすべてあなたのおっしゃるとおり、あなたのしもべたちの賃銀をあなたに払います。あなたの知られるとおり、わたしたちのうちにはシドンびとのように木を切るに巧みな人がないからです」。
7Zvino Hiramu wakati achinzwa mashoko aSoromoni, akafara kwazvo, akati, Nhasi Jehovha ngaavongwe, iye wakapa Dhavhidhi mwanakomana wakangwara kuzobata vanhu ava vazhinji.
7ヒラムはソロモンの言葉を聞いて大いに喜び、「きょう、主はあがむべきかな。主はこのおびただしい民を治める賢い子をダビデに賜わった」と言った。
8Ipapo Hiramu akatuma nhume kuna Soromoni, akati, Ndanzwa shoko ramatuma kwandiri; ndichaita zvose zvamunoda pamusoro pamatanda emisidhari, namatanda emisipiresi.
8そしてヒラムはソロモンに人をつかわして言った、「わたしはあなたが申しおくられたことを聞きました。香柏の材木と、いとすぎの材木については、すべてお望みのようにいたします。
9Varanda vangu vachaaburusa paRebhanoni vachiaisa kugungwa; ndichaabatanidza aende negungwa sezvamuchandiraira, ndicharaira kuti asunungurwe ipapo, muagamuchire; imwi mugoita sezvandinoda, muchipa vanhu veimba yangu zvokudya.
9わたしのしもべどもにそれをレバノンから海に運びおろさせましょう。わたしはそれをいかだに組んで、海路、あなたの指示される場所まで送り、そこでそれをくずしましょう。あなたはそれを受け取ってください。また、あなたはわたしの家のために食物を供給して、わたしの望みをかなえてください」。
10Naizvozvo Hiramu akapa Soromoni matanda emisidhari namatanda emisipiresi, zvose sezvaaida.
10こうしてヒラムはソロモンにすべて望みのように香柏の材木と、いとすぎの材木を与えた。
11Soromoni akapawo Hiramu zviyero zvine zviuru zvamakumi maviri zvezviyo zvive zvokudya zvavanhu veimba yake; nezviyero zvina makumi maviri zvamafuta akasvimwa; Soromoni akapa Hiramu saizvozvo gore rimwe nerimwe.
11またソロモンはヒラムにその家の食物として小麦二万コルを与え、またオリブをつぶして取った油二万コルを与えた。このようにソロモンは年々ヒラムに与えた。
12Jehovha akapa Soromoni kungwara, sezvaakamupikira; Hiramu naSoromoni vainzwana, ivo vaviri vakaita sungano.
12主は約束されたようにソロモンに知恵を賜わった。またヒラムとソロモンの間は平和であって、彼らふたりは条約を結んだ。
13Mambo Soromoni akadana vanhu vechibharo pakati pavaIsiraeri vose; vanhu vechibharo vaiva zviuru zvina makumi matatu.
13ソロモン王はイスラエルの全地から強制的に労働者を徴募した。その徴募人員は三万人であった。
14Akavatumira Rebhanoni, mwedzi mumwe nomumwe zviuru zvine gumi, vachiravana; vaiva paRebhanoni mwedzi mumwe, nokumusha mwedzi miviri; Adhoniramu ndiye wairaira vanhu vechibharo.
14ソロモンは彼らを一か月交代に一万人ずつレバノンにつかわした。すなわち一か月レバノンに、二か月家にあり、アドニラムは徴募の監督であった。
15Uye Soromoni wakange ana vatakuri vemitoro vane zviuru makumi manomwe, navatemi vamatanda pamakomo vane zviuru zvina makumi masere;
15ソロモンにはまた荷を負う者が七万人、山で石を切る者が八万人あった。
16vatariri vakuru vaSoromoni, vairaira basa, vasingaverengwi, ivo vaiva nezviuru zvitatu namazana matatu, vairaira vanhu vaibate basa.
16ほかにソロモンには工事を監督する上役の官吏が三千三百人あって、工事に働く民を監督した。
17Mambo akaraira, vakaputsa mabwe makuru, mabwe aikosha, kuti vateye nheyo dzeimba namabwe akavezwa.
17王は命じて大きい高価な石を切り出させ、切り石をもって宮の基をすえさせた。こうしてソロモンの建築者と、ヒラムの建築者およびゲバルびとは石を切り、材木と石とを宮を建てるために備えた。
18Vavaki vaSoromoni navavaki vaHiramu navaGhebhari vakaaveza, vakagadzira matanda namabwe kuzovaka imba.
18こうしてソロモンの建築者と、ヒラムの建築者およびゲバルびとは石を切り、材木と石とを宮を建てるために備えた。