1Zvino Nahashi muAmoni wakakwira akavaka misasa yake paJabheshigiriyadi kuzorwa naro; zvino varume vose veJabheshi vakati kuna Nahashi, Itai sungano nesu tikushumirei.
1アンモンびとナハシは上ってきて、ヤベシ・ギレアデを攻め囲んだ。ヤベシの人々はナハシに言った、「われわれと契約を結びなさい。そうすればわれわれはあなたに仕えます」。
2Nahashi muAmoni akati kwavari, Ndichatenda kuita sungano nemwi kana meso enyu ose orudyi achitumburwa, kuti ndinyadze vaIsiraeri vose nazvo.
2しかしアンモンびとナハシは彼らに言った、「次の条件であなたがたと契約を結ぼう。すなわち、わたしが、あなたがたすべての右の目をえぐり取って、全イスラエルをはずかしめるということだ」。
3Vakuru veJabheshi vakati kwaari, Titenderei mazuva manomwe, titume nhume kunyika yose yaIsiraeri, zvino kana pasina ungatiponesa, tichabuda kwauri.
3ヤベシの長老たちは彼に言った、「われわれに七日の猶予を与え、イスラエルの全領土に使者を送ることを許してください。そしてもしわれわれを救う者がない時は降伏します」。
4Zvino nhume dzikasvika paGibhiya, kwaSauro, dzikataura mashoko iwayo kuvanhu; vanhu vose vakachema kwazvo.
4こうして使者が、サウルのギベアにきて、この事を民の耳に告げたので、民はみな声をあげて泣いた。
5Zvino Sauro wakabva kumunda achitinha mombe dzake; Sauro akati, Vanhu vanonzweiko zvavanochema kudai? Akaudzwa mashoko avarume veJabheshi.
5その時サウルは畑から牛のあとについてきた。そしてサウルは言った、「民が泣いているのは、どうしたのか」。人々は彼にヤベシの人々の事を告げた。
6Ipapo Mweya waMwari wakauya pamusoro paSauro nesimba, achinzwa mashoko iwayo, kutsamwa kwake kukamutswa kwazvo.
6サウルがこの言葉を聞いた時、神の霊が激しく彼の上に臨んだので、彼の怒りははなはだしく燃えた。
7Akatora nzombe mbiri, akadziguranya ndokutuma nhindi idzo kunyika yose yaIsiraeri namaoko enhume, akati, Ani nani unoramba kubuda nokutevera Sauro naSamueri, uchaitirwa nzombe dzake saizvozvo. Zvino kutya, kwakabva kuna Jehovha, kwakabata vanhu, vakabuda vose-vose.
7彼は一くびきの牛をとり、それを切り裂き、使者の手によってイスラエルの全領土に送って言わせた、「だれであってもサウルとサムエルとに従って出ない者は、その牛がこのようにされるであろう」。民は主を恐れて、ひとりのように出てきた。
8Iye akavaverenga paBhezeki; vana vaIsiraeri vakasvika zviuru zvina mazana matatu, navarume vaJudha zviuru zvina makumi matatu.
8サウルはベゼクでそれを数えたが、イスラエルの人々は三十万、ユダの人々は三万であった。
9Vakati kunhume dzakauya, Udzai varume veJabheshigiriyadi, muti, Mangwana kana zuva ropisa, mucharwirwa. Nhume dzikaenda, dzikaudza varume veJabheshi, ivo vakafara.
9そして人々は、きた使者たちに言った、「ヤベシ・ギレアデの人にこう言いなさい、『あす、日の暑くなるころ、あなたがたは救を得るであろう』と」。使者が帰って、ヤベシの人々に告げたので、彼らは喜んだ。
10Naizvozvo varume veJabheshi vakati, Mangwana tichabuda kwamuri, mutiitire henyu sezvamunoda.
10そこでヤベシの人々は言った、「あす、われわれは降伏します。なんでも、あなたがたが良いと思うことを、われわれにしてください」。
11Fume mangwana Sauro akagadzira vanhu, akavaita mapoka matatu, vakapinda pakati pemisasa nenguva yamangwanani vakauraya vaAmoni kusvikira zuva ropisa; zvino vakasara vakaparadzirwa, hakuna kusara vaviri pamwechete.
11明くる日、サウルは民を三つの部隊に分け、あかつきに敵の陣営に攻め入り、日の暑くなるころまで、アンモンびとを殺した。生き残った者はちりぢりになって、ふたり一緒にいるものはなかった。
12Zvino vanhu vakati kuna Samueri, Ndianiko wakati, Sauro ungatibata ushe here? Hendei, tivauraye.
12その時、民はサムエルに言った、「さきに、『サウルがどうしてわれわれを治めることができようか』と言ったものはだれでしょうか。その人々を引き出してください。われわれはその人々を殺します」。
13Sauro akati, Ngakurege kuurawa munhu mumwe nhasi, nekuti Jehovha wakarwira Isiraeri.
13しかしサウルは言った、「主はきょう、イスラエルに救を施されたのですから、きょうは人を殺してはなりません」。
14Zvino Samueri akati kuvanhu, Hendei Girigari, tinovandudza ushe ipapo.
14そこでサムエルは民に言った、「さあ、ギルガルへ行って、あそこで王国を一新しよう」。こうして民はみなギルガルへ行って、その所で主の前にサウルを王とし、酬恩祭を主の前にささげ、サウルとイスラエルの人々は皆、その所で大いに祝った。
15Vanhu vose vakaenda Girigari, vakagadza Sauro ave mambo wavo pamberi paJehovha paGirigari, vakabayirapo zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa pamberi paJehovha; Sauro navarume vose vaIsiraeri vakafara kwazvo ipapo.
15こうして民はみなギルガルへ行って、その所で主の前にサウルを王とし、酬恩祭を主の前にささげ、サウルとイスラエルの人々は皆、その所で大いに祝った。