1Zvino Jehovha wakati kuna Samueri, Uchachema Sauro kusvikira rinhiko, zvandakamuramba ini, kuti arege kuva mambo waIsiraeri? Zadza gonamombe rako namafuta, uende, ndikutume kuna Jese muBheterehemu; nekuti ndakazvitsvakira mambo pakati pavana vake.
1さて主はサムエルに言われた、「わたしがすでにサウルを捨てて、イスラエルの王位から退けたのに、あなたはいつまで彼のために悲しむのか。角に油を満たし、それをもって行きなさい。あなたをベツレヘムびとエッサイのもとにつかわします。わたしはその子たちのうちにひとりの王を捜し得たからである」。
2Samueri akati, Ndingaenda seiko? Kana Sauro akazvinzwa, uchandiuraya. Jehovha akati, Enda netsiru, uti, Ndauya kuzobayira Jehovha.
2サムエルは言った、「どうしてわたしは行くことができましょう。サウルがそれを聞けば、わたしを殺すでしょう」。主は言われた、「一頭の子牛を引いていって、『主に犠牲をささげるためにきました』と言いなさい。
3Zvino udane Jese auye kuchibayiro, ini ndichakuzivisa zvaunofanira kuita, ugondizodzera wandichakuratidza.
3そしてエッサイを犠牲の場所に呼びなさい。その時わたしはあなたのすることを示します。わたしがあなたに告げる人に油を注がなければならない」。
4Samueri akaita zvakataurwa naJehovha, akaenda Bheterehemu. Vakuru veguta vakandosangana naye, vachibvunda, vakati, Mauya norugare here?
4サムエルは主が命じられたようにして、ベツレヘムへ行った。町の長老たちは、恐れながら出て、彼を迎え、「穏やかな事のためにこられたのですか」と言った。
5Akati, Hongu, norugare; ndauya kuzobayira Jehovha, muzvinatsei, muende neni kundobayira. Ipapo akanatsa Jese navanakomana vake, akavadana kuchibayiro.
5サムエルは言った、「穏やかな事のためです。わたしは主に犠牲をささげるためにきました。身をきよめて、犠牲の場所にわたしと共にきてください」。そしてサムエルはエッサイとその子たちをきよめて犠牲の場に招いた。
6Zvino vakati vasvika, akatarira Eriabhu, akati, Zvirokwazvo, muzodzwa waJehovha uri pamberi pake.
6彼らがきた時、サムエルはエリアブを見て、「自分の前にいるこの人こそ、主が油をそそがれる人だ」と思った。
7Asi Jehovha wakati kuna Samueri, Usatarira chiso chake, kana mumhu wake, nekuti ndamuramba; nekuti Jehovha haawoni somunhu, nekuti munhu unotarira zviri pamberi pameso, asi Jehovha unotarira zviri pamoyo.
7しかし主はサムエルに言われた、「顔かたちや身のたけを見てはならない。わたしはすでにその人を捨てた。わたしが見るところは人とは異なる。人は外の顔かたちを見、主は心を見る」。
8Zvino Jese akadana Abhinadhabhu, akamupfuudza pamberi paSamueri. Akati, Kunyange nouyu Jehovha haana kumutsaura.
8そこでエッサイはアビナダブを呼んでサムエルの前を通らせた。サムエルは言った、「主が選ばれたのはこの人でもない」。
9Zvino Jese akapfuudza Shama. Akati, Nouyu Jehovha haana kumutsaura.
9エッサイはシャンマを通らせたが、サムエルは言った、「主が選ばれたのはこの人でもない」。
10Jese akapfuudza vanomwe vavanakomana vake pamberi paSamueri. Samueri akati kuna Jese, Jehovha haana kutsaura ava.
10エッサイは七人の子にサムエルの前を通らせたが、サムエルはエッサイに言った、「主が選ばれたのはこの人たちではない」。
11Zvino Samueri akati kuna Jese, Vana vako varipano vose here? Akati, Muduku kuna vose ndiye wasara; tarirai unorisa makwai. Samueri akati kuna Jese, Tuma munhu amutore, nekuti hatingagari pakudya kusvika iye auya pano.
11サムエルはエッサイに言った、「あなたのむすこたちは皆ここにいますか」。彼は言った、「まだ末の子が残っていますが羊を飼っています」。サムエルはエッサイに言った、「人をやって彼を連れてきなさい。彼がここに来るまで、われわれは食卓につきません」。
12Akatuma munhu, akapinda naye. Zvino wakange ari -mutsvuku, akanaka kumeso, ano muviri wakanaka. Jehovha akati, Simuka, umuzodze, nekuti ndiye.
12そこで人をやって彼をつれてきた。彼は血色のよい、目のきれいな、姿の美しい人であった。主は言われた、「立ってこれに油をそそげ。これがその人である」。
13Ipapo Samueri akatora gonamombe ramafuta, akamuzodza pakati pehama dzake. Mweya waJehovha akauya pamusoro paDhavhidhi nesimba, kubva pazuva iro zvichienda mberi. Zvino Samueri akasimuka, akaenda Rama.
13サムエルは油の角をとって、その兄弟たちの中で、彼に油をそそいだ。この日からのち、主の霊は、はげしくダビデの上に臨んだ。そしてサムエルは立ってラマへ行った。
14Zvino Mweya waJehovha wakange wabva kuna Sauro, mweya wetsvina wakange watumwa naJehovha, ukamuvhundusa.
14さて主の霊はサウルを離れ、主から来る悪霊が彼を悩ました。
15Varanda vaSauro vakati kwaari, Tarirai zvino, mweya wakaipa, wakatumwa naMwari, unokuvhundusai.
15サウルの家来たちは彼に言った、「ごらんなさい。神から来る悪霊があなたを悩ましているのです。
16Zvino tenzi wedu ngaatiraire isu varanda venyu vari pamberi penyu, kuti titsvake munhu unoziva kuridza mbira kwazvo; zvino kana mweya wakaipa, unotumwa naMwari, uchiuya pamusoro penyu, iye aridze noruoko rwake, mupore.
16どうぞ、われわれの主君が、あなたの前に仕えている家来たちに命じて、じょうずに琴をひく者ひとりを捜させてください。神から来る悪霊があなたに臨む時、彼が手で琴をひくならば、あなたは良くなられるでしょう」。
17Sauro akati kuvaranda vake, Chinditsvakirai munhu unogona kuridza zvakanaka, muuye naye kwandiri.
17そこでサウルは家来たちに言った、「じょうずに琴をひく者を捜して、わたしのもとに連れてきなさい」。
18Zvino mumwe wamajaya akapindura, akati, Tarirai, ndakaona mwanakomana waJese muBheterehemu unoziva kuridza kwazvo, munhu ane simba noumhare, murwi, wakachenjera pakutaura, munhu wakanaka, uye Jehovha anaye.
18その時、ひとりの若者がこたえた、「わたしはベツレヘムびとエッサイの子を見ましたが、琴がじょうずで、勇気もあり、いくさびとで、弁舌にひいで、姿の美しい人です。また主が彼と共におられます」。
19Naizvozvo Sauro akatuma nhume kuna Jese, akati, Nditumire mwanakomana wako Dhavhidhi, ari kumakwai.
19そこでサウルはエッサイのもとに使者をつかわして言った、「羊を飼っているあなたの子ダビデをわたしのもとによこしなさい」。
20Jese akatora mbongoro, akaitakudza chingwa, nedende rewaini, nembudzana, akazvituma kuna Sauro nomwanakomana wake Dhavhidhi.
20エッサイは、ろばにパンを負わせ、皮袋にいれたぶどう酒一袋と、やぎの子とを取って、その子ダビデの手によってサウルに送った。
21Dhavhidhi akasvika kuna Sauro, akamira pamberi pake, iye akamuda kwazvo, akava mubati wenhumbi dzake dzokurwa.
21ダビデはサウルのもとにきて、彼に仕えた。サウルはひじょうにこれを愛して、その武器を執る者とした。
22Sauro akatuma shoko kuna Jese, akati, Tendera hako Dhavhidhi amire pamberi pangu, nekuti ndinomufarira kwazvo.
22またサウルは人をつかわしてエッサイに言った、「ダビデをわたしに仕えさせてください。彼はわたしの心にかないました」。神から出る悪霊がサウルに臨む時、ダビデは琴をとり、手でそれをひくと、サウルは気が静まり、良くなって、悪霊は彼を離れた。
23Zvino nguva dzose kana mweya wakaipa, wakatumwa naMwari, uchiuya pamusoro paSauro, Dhavhidhi ndokutora mbira, nokuridza noruoko rwake; Sauro akanyaradzwa, akapora, mweya wakaipa ndokubva kwaari.
23神から出る悪霊がサウルに臨む時、ダビデは琴をとり、手でそれをひくと、サウルは気が静まり、良くなって、悪霊は彼を離れた。