1Zvino wakati apedza kutaura naSauro, moyo waJonatani ukanamatira moyo waDhavhidhi, Jonatani akamuda sezvaakanga achida moyo wake.
1ダビデがサウルに語り終えた時、ヨナタンの心はダビデの心に結びつき、ヨナタンは自分の命のようにダビデを愛した。
2Sauro akamutora zuva iro, akasada kumutendera kudzokera kumusha kwake, kumba kwababa vake.
2この日、サウルはダビデを召しかかえて、父の家に帰らせなかった。
3Zvino Jonatani akaita sungano naDhavhidhi, nekuti wakange achimuda sezvaakanga achida moyo wake.
3ヨナタンとダビデとは契約を結んだ。ヨナタンが自分の命のようにダビデを愛したからである。
4Jonatani akabvisa nguvo yaakanga akafuka, akaipa Dhavhidhi, nezvisimiro zvake, kunyange nomunondo wake, nouta hwake, nebhanhire rake.
4ヨナタンは自分が着ていた上着を脱いでダビデに与えた。また、そのいくさ衣、およびつるぎも弓も帯も、そのようにした。
5Dhavhidhi akasienda kose kwaaitumwa naSauro, akabata mabasa ose nokungwara; Sauro akamuita mukuru wavarume vehondo; zvikafadza vanhu vose uye navaranda vaSaurowo.
5ダビデはどこでもサウルがつかわす所に出て行って、てがらを立てたので、サウルは彼を兵の隊長とした。それはすべての民の心にかない、またサウルの家来たちの心にもかなった。
6Zvino vakati vachisvika pakudzoka kwaDhavhidhi pakuuraya muFirisitia, vakadzi vakabuda kumaguta ose avaIsiraeri vachiimba, vachitamba, kuzosangana namambo Sauro nengoma, nokufara uye nezvimwe zvokuridza.
6人々が引き揚げてきた時、すなわちダビデが、かのペリシテびとを殺して帰った時、女たちはイスラエルの町々から出てきて、手鼓と祝い歌と三糸の琴をもって、歌いつ舞いつ、サウル王を迎えた。
7Vakadzi vakaimba vachibvumirana pakuridza kwavo, vakati, Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake, Asi Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana ake.
7女たちは踊りながら互に歌いかわした、「サウルは千を撃ち殺し、ダビデは万を撃ち殺した」。
8Sauro akatsamwa kwazvo, shoko iri rikasamufadza, akati, Vakapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini vakandipa zviuru zvoga; chaanoshaiwa zvino chinyiko, asi ushe hwoga?
8サウルは、ひじょうに怒り、この言葉に気を悪くして言った、「ダビデには万と言い、わたしには千と言う。この上、彼に与えるものは、国のほかないではないか」。
9Zvino kubva pazuva iro namazuva ose Sauro akachenjerera Dhavhidhi.
9サウルは、この日からのちダビデをうかがった。
10Zvino fume mangwana mweya wakaipa, wakange watumwa naMwari, ukauya pamusoro paSauro nesimba, iye akataura nokupenga mukati meimba yake; Dhavhidhi akaridza noruoko rwake sezvaaita zuva rimwe nerimwe; Sauro wakange akabata pfumo muruoko rwake.
10次の日、神から来る悪霊がサウルにはげしく臨んで、サウルが家の中で狂いわめいたので、ダビデは、いつものように、手で琴をひいた。その時、サウルの手にやりがあったので、
11Sauro akaposha pfumo, nekuti wakati, Ndichabayira Dhavhidhi pamadziro. Dhavhidhi akanzvenga kaviri pamberi pake.
11サウルは「ダビデを壁に刺し通そう」と思って、そのやりをふり上げた。しかしダビデは二度身をかわしてサウルを避けた。
12Sauro akatya Dhavhidhi, nekuti Jehovha wakange abva kuna Sauro.
12主がサウルを離れて、ダビデと共におられたので、サウルはダビデを恐れた。
13Naizvozvo Sauro akamutamisa abve kwaari, akamuita mukuru wechiuru, akabuda nokupinda pakati pavanhu.
13それゆえサウルは、ダビデを遠ざけて、千人の長としたので、ダビデは民の先に立って出入りした。
14Dhavhidhi akafamba nokungwara pazvose zvaakaita, Jehovha akava naye.
14またダビデは、すべてそのすることに、てがらを立てた。主が共におられたからである。
15Zvino Sauro wakati achiona kuti unofamba nokungwara kukuru, akamutya kwazvo.
15サウルはダビデが大きなてがらを立てるのを見て彼を恐れたが、
16Asi vaIsiraeri vose navaJudha vose vakada Dhavhidhi, nekuti waibuda nokupinda pakati pavo.
16イスラエルとユダのすべての人はダビデを愛した。彼が民の先に立って出入りしたからである。
17Zvino Sauro akati kuna Dhavhidhi, Tarira, mukunda wangu mukuru Merabhi, ndichakupa iye ave mukadzi wako; asi iwe uve mhare yangu, urwe hondo dzaJehovha. Nekuti Sauro wakati, Ruoko rwangu ngarurege kumuuraya, asi maoko avaFirisitia ngaamuuraye.
17その時サウルはダビデに言った、「わたしの長女メラブを、あなたに妻として与えよう。ただ、あなたはわたしのために勇ましく、主の戦いを戦いなさい」。サウルは「自分の手で彼を殺さないで、ペリシテびとの手で殺そう」と思ったからである。
18Dhavhidhi akati kuna Sauro, Ini ndini aniko, noupenyu hwangu chinyiko, kana imba yababa vangu pakati paIsiraeri, kuti ndive mukwambo wamambo?
18ダビデはサウルに言った、「わたしは何者なのでしょう。わたしの親族、わたしの父の一族はイスラエルのうちで何者なのでしょう。そのわたしが、どうして王のむこになることができましょう」。
19Asi nguva iyo Merabhi mukunda waSauro yaaifanira kupiwa Dhavhidhi, iye akapiwa Adhirieri muMehorati, ave mukadzi wake.
19しかしサウルの娘メラブは、ダビデにとつぐべき時になって、メホラびとアデリエルに妻として与えられた。
20Zvino Mikari mukunda waSauro, wakange achida Dhavhidhi; vakaudza Sauro, akafara nazvo.
20サウルの娘ミカルはダビデを愛した。人々がそれをサウルに告げたとき、サウルはその事を喜んだ。
21Ipapo Sauro akati, Ndichamupa iye, ave musungo kwaari, uye kuti vaFirisitia varwe naye. Naizvozvo Sauro akati kuna Dhavhidhi, Nhasi uchava mukwambo wangu rwechipiri.
21サウルは「ミカルを彼に与えて、彼を欺く手だてとし、ペリシテびとの手で彼を殺そう」と思ったので、サウルはふたたびダビデに言った、「あなたを、きょう、わたしのむこにします」。
22ipapo Sauro akaraira varanda vake, akati, Tauriranai naDhavhidhi pakavanda, muti, Tarira, mambo unokufarira, navaranda vake vose vanokuda; naizvozvo zvino chiva mukwambo wamambo.
22そしてサウルは家来たちに命じた、「ひそかにダビデに言いなさい、『王はあなたが気に入り、王の家来たちも皆あなたを愛しています。それゆえ王のむこになりなさい』」。
23Varanda vaSauro vakataura mashoko iwayo munzeve dzaDhavhidhi. Dhavhidhi akati, Imi munoti zvitete here kuva mukwambo wamambo, zvandiri murombo hangu usingakudzwi?
23そこでサウルの家来たちはこの言葉をダビデの耳に語ったので、ダビデは言った、「わたしのような貧しく、卑しい者が、王のむこになることは、あなたがたには、たやすいことと思われますか」。
24Varanda vaSauro vakamuudza vakati, Dhavhidhi wataura mashoko okuti.
24サウルの家来たちはサウルに、「ダビデはこう言った」と告げた。
25Sauro akati, Muti kuna Dhavhidhi, Mambo haatsvaki kurovorerwa, asi zvikanda zvapamberi zvine zana zvavaFirisitia, kuti mambo atsive vavengi vake. Asi Sauro wakafunga kuurayisa Dhavhidhi navaFirisitia.
25サウルは言った、「あなたがたはダビデにこう言いなさい、『王はなにも結納を望まれない。ただペリシテびとの陽の皮一百を獲て、王のあだを討つことを望まれる』」。これはサウルが、ダビデをペリシテびとの手によって倒そうと思ったからである。
26Zvino varanda vake vakati vachiudza Dhavhidhi mashoko iwayo, Dhavhidhi akafara kuva mukwambo wamambo. Zvino mazuva asati apera,
26サウルの家来たちが、この言葉をダビデに告げた時、ダビデは王のむこになることを良しとした。そして定めた日がまだこないうちに、
27Dhavhidhi akasimuka, akaenda iye navanhu vake, akauraya varume vana mazana maviri avaFirisitia; Dhavhidhi akauya nezvikanda zvavo zvapamberi, akazvipa zviri zvose kuna mambo, kuti ave mukwambo wamambo. Ipapo Sauro akamupa Mikari mukunda wake, ave mukadzi wake.
27ダビデは従者をつれて、立って行き、ペリシテびと二百人を殺して、その陽の皮を携え帰り、王のむこになるために、それをことごとく王にささげた。そこでサウルは娘ミカルを彼に妻として与えた。
28Naizvozvo Sauro akaziva nokuona kuti Jehovha ana Dhavhidhi; Mikari mukunda waSauro akamuda.
28しかしサウルは見て、主がダビデと共におられること、またイスラエルのすべての人がダビデを愛するのを知った時、
29Sauro akanyanya kutya Dhavhidhi; Sauro akaramba achivenga Dhavhidhi.
29サウルは、ますますダビデを恐れた。こうしてサウルは絶えずダビデに敵した。さてペリシテびとの君たちが攻めてきたが、ダビデは、彼らが攻めてくるごとに、サウルのどの家来よりも多くのてがらを立てたので、その名はひじょうに尊敬された。
30Zvino machinda avaFirisitia akabuda, nguva dzose kana vobuda, Dhavhidhi akakunda vamwe varanda vose vaSauro pakungwara; naizvozvo zita rake rikakurumbira kwazvo.
30さてペリシテびとの君たちが攻めてきたが、ダビデは、彼らが攻めてくるごとに、サウルのどの家来よりも多くのてがらを立てたので、その名はひじょうに尊敬された。