1Hana akanyengetera, akati, moyo wangu unofarira Jehovha, Runyanga rwangu rwakakwiridzwa muna Jehovha; Muromo wangu wakashamira vavengi vangu nekuti ndinofarira ruponeso rwenyu.
1ハンナは祈って言った、「わたしの心は主によって喜び、わたしの力は主によって強められた、わたしの口は敵をあざ笑う、あなたの救によってわたしは楽しむからである。
2Hakuna mutsvene wakafanana naJehovha nekuti hakuna mumwe kunze kwenyu. Uye hakuna dombo rakafanana naMwari wedu.
2主のように聖なるものはない、あなたのほかには、だれもない、われわれの神のような岩はない。
3Musaramba muchitaura muchizvikudza zvikuru, Ukururi ngahurege kubuda pamiromo yenyu, nekuti Jehovha ndiMwari unoziva, Mabasa avanhu anoyerwa naye.
3あなたがたは重ねて高慢に語ってはならない、たかぶりの言葉を口にすることをやめよ。主はすべてを知る神であって、もろもろのおこないは主によって量られる。
4Uta hwevanhu vane simba hwakavhunika, Vakanga vachigumburwa vakasungwa zvino nesimba.
4勇士の弓は折れ、弱き者は力を帯びる。
5Vakanga vakaguta vakandobatira zvokudya zvavo,Vakanga vane nzara vozorora. wakange asingabereki wakabereka vanomwe; Asi iye wakange ana vana vazhinji woshaiwa simba.
5飽き足りた者は食のために雇われ、飢えたものは、もはや飢えることがない。うまずめは七人の子を産み、多くの子をもつ女は孤独となる。
6Jehovha ndiye unouraya, nokuraramisawo; Ndiye unoburusira kuhwiro, nokukwidzawo.
6主は殺し、また生かし、陰府にくだし、また上げられる。
7Jehovha ndiye unopa urombo, ndiye unofumisawo. Ndiye unodukupisa, nokukwiridzawo.
7主は貧しくし、また富ませ、低くし、また高くされる。
8Ndiye unosimudza varombo paguruva, Unosimudza rombe, achimubvisa padurunhuru; Kuti avagarise pamwechete namachinda, Avagarise nhaka yechigaro choushe chinobwinya. nekuti mbiru dzenyika ndedzaJehovha, Iye wakateya nyika pamusoro padzo.
8貧しい者を、ちりのなかから立ちあがらせ、乏しい者を、あくたのなかから引き上げて、王侯と共にすわらせ、栄誉の位を継がせられる。地の柱は主のものであって、その柱の上に、世界をすえられたからである。
9Uchachengeta tsoka dzavatsvene vake, Asi vakaipa vachanyaradzwa murima; nekuti hakuna munhu achakunda nesimba rake.
9主はその聖徒たちの足を守られる、しかし悪いものどもは暗黒のうちに滅びる。人は力をもって勝つことができないからである。
10Vanorwa naJehovha vachapwanyiwa; Uchavatinhirira ari kudenga; Jehovha uchatonga migumo yenyika; Uchapa mambo wake simba, Nokukwiridza runyanga rwomuzodzwa wake.
10主と争うものは粉々に砕かれるであろう、主は彼らにむかって天から雷をとどろかし、地のはてまでもさばき、王に力を与え、油そそがれた者の力を強くされるであろう」。
11Zvino Erikana akaenda kumba kwake paRama. Mwana akabatira Jehovha pamberi pomupristi Eri.
11エルカナはラマにある家に帰ったが、幼な子は祭司エリの前にいて主に仕えた。
12Zvino vanakomana vaEri vakanga vari vanhu vakaisvoipa; havana kurangarira Jehovha.
12さて、エリの子らは、よこしまな人々で、主を恐れなかった。
13Tsika yavapristi pamberi pavanhu yakanga iri iyi, Kana ani nani akauya nechibayiro, muranda womupristi waiuya ane chibayiso chenyama china meno matatu muruoko rwake, kana nyama ichibikwa;
13民のささげ物についての祭司のならわしはこうである。人が犠牲をささげる時、その肉を煮る間に、祭司のしもべは、みつまたの肉刺しを手に持ってきて、
14zvino ndokubaya nacho mugango, kana muhadyana, kana mugate, kana muhari; zvose zvaibudiswa nechibayiso chenyama zvaitorwa nomupristi. Ndizvo zvavaiitira vaIsiraeri vose vaiuya paShiro.
14それをかま、またはなべ、またはおおがま、または鉢に突きいれ、肉刺しの引き上げるものは祭司がみな自分のものとした。彼らはシロで、そこに来るすべてのイスラエルの人に、このようにした。
15Zvino kunyange vasati vapisa mafuta, muranda womupristi waiuya, ndokuti kumunhu wakange achibayira, Ndipe nyama yokugochera mupristi; nekuti haangagamuchiri kwauri nyama yakabikwa, asi mbishi.
15人々が脂肪を焼く前にもまた、祭司のしもべがきて、犠牲をささげる人に言うのであった、「祭司のために焼く肉を与えよ。祭司はあなたから煮た肉を受けない。生の肉がよい」。
16Zvino kana munhu uyo akati kwaari, Ngavatange kupisa mafuta, ugotora hako zvose zvinodikamwa nomoyo wako, ipapo iye ndokuti, Kwete, chindipa iyo zvino; kana usingadi, ndichatora nesimba.
16その人が、「まず脂肪を焼かせましょう。その後ほしいだけ取ってください」と言うと、しもべは、「いや、今もらいたい。くれないなら、わたしは力づくで、それを取ろう」と言う。
17Zvivi zvamajaya zvakanga zviri zvikuru pamberi paJehovha, nekuti vanhu vakazvidza chipiriso chaJehovha.
17このように、その若者たちの罪は、主の前に非常に大きかった。この人々が主の供え物を軽んじたからである。
18Asi Samueri waibata pamberi paJehovha, achiri mwana hake, akasungwa chiuno neefodhi yomucheka.
18サムエルはまだ幼く、身に亜麻布のエポデを着けて、主の前に仕えていた。
19Namai vakewo vakamuitira nguvo duku, vakauya nayo kwaari gore rimwe nerimwe, kana ouya nomurume wake kuzobayira chibayiro chegore rimwe nerimwe.
19母は彼のために小さい上着を作り、年ごとに、夫と共にその年の犠牲をささげるために上る時、それを持ってきた。
20Eri akaropafadza Erikana nomukadzi wake, akati, Jehovha ngaakupe vana kumukadzi uyu panzvimbo yaiye wamakapa Jehovha. Vakaenda kumusha kwavo.
20エリはいつもエルカナとその妻を祝福して言った、「この女が主にささげた者のかわりに、主がこの女によってあなたに子を与えられるように」。そして彼らはその家に帰るのを常とした。
21Zvino Jehovha akashanyira Hana, akava nemimba, akazobereka vanakomana vatatu navanasikana vaviri. Iye mwana Samueri akazokura pamberi paJehovha.
21こうして主がハンナを顧みられたので、ハンナはみごもって、三人の男の子とふたりの女の子を産んだ。わらべサムエルは主の前で育った。
22Zvino Eri wakange akwegura kwazvo, akanzwa zvose zvakanga zvichiitirwa vaIsiraeri vose navanakomana vake, namavatire avaiita navakadzi vaibata basa pamukova wetende rokusangana.
22エリはひじょうに年をとった。そしてその子らがイスラエルの人々にしたいろいろのことを聞き、また会見の幕屋の入口で勤めていた女たちと寝たことを聞いて、
23Akati kwavari, Munoitireiko zvinhu zvakadai? nekuti ndinongosinzwa kuvanhu vose ava zvakaipa zvamunoita.
23彼らに言った、「なにゆえ、そのようなことをするのか。わたしはこのすべての民から、あなたがたの悪いおこないのことを聞く。
24Kwete, vana vangu; nekuti mashoko andinonzwa haana kunaka; munodarikisa vanhu vaJehovha.
24わが子らよ、それはいけない。わたしの聞く、主の民の言いふらしている風説は良くない。
25Kana munhu mumwe akatadzira mumwe, mutongi uchamutonga mhosva yake, asi kana munhu akatadzira Jehovha, ndianiko uchamureverera? Kunyange zvakadaro, havana kuteerera inzwi rababa vavo, nekuti Jehovha wakange achida kuvauraya.
25もし人が人に対して罪を犯すならば、神が仲裁されるであろう。しかし人が主に対して罪を犯すならば、だれが、そのとりなしをすることができようか」。しかし彼らは父の言うことに耳を傾けようともしなかった。主が彼らを殺そうとされたからである。
26Iye mwana Samueri akaramba achikura, akadikamwa naJehovha uye navanhuwo.
26わらべサムエルは育っていき、主にも、人々にも、ますます愛せられた。
27Zvino mumwe murume waMwari akauya kuna Eri, akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Handina kuzviratidza here kuimba yababa vako, vachiri Egipita vakasungwa neimba yaFarao here?
27このとき、ひとりの神の人が、エリのもとにきて言った、「主はかく仰せられる、『あなたの先祖の家がエジプトでパロの家の奴隷であったとき、わたしはその先祖の家に自らを現した。
28Handina kumutsaura here pakati pamarudzi aIsiraeri, kuti ave mupristi wangu, akwire kuatari yangu kupisa zvinonhuhwira, nokufuka efodhi pamberi pangu here? Handina kupa imba yababa vako zvipiriso zvose zvavana vaIsiraeri zvinopiswa here?
28そしてイスラエルのすべての部族のうちからそれを選び出して、わたしの祭司とし、わたしの祭壇に上って、香をたかせ、わたしの前でエポデを着けさせ、また、イスラエルの人々の火祭をことごとくあなたの先祖の家に与えた。
29Zvino munofunhurireiko chibayiro changu nechipiriso changu, zvandakaraira mumba mangu, mukakudza vanakomana venyu kukundeni, mukazvikodza nezvipiriso zvakanakisa zvavanhu vangu valsiraeri here?
29それにどうしてあなたがたは、わたしが命じた犠牲と供え物をむさぼりの目をもって見るのか。またなにゆえ、わたしよりも自分の子らを尊び、わたしの民イスラエルのささげるもろもろの供え物の、最も良き部分をもって自分を肥やすのか』。
30Naizvozvo zvanzi naJehovha waIsiraeri, Ndakada nomoyo wose kuti imba yako, neimba yababa vako, vafambe pamberi pangu nokusingaperi, asi zvino zvanzi naJehovha, Handingadaro, nekuti vanondikudza ndichavakudzawo, vanondizvidza ndichavashorawo.
30それゆえイスラエルの神、主は仰せられる、『わたしはかつて、「あなたの家とあなたの父の家とは、永久にわたしの前に歩むであろう」と言った』。しかし今、主は仰せられる、『決してそうはしない。わたしを尊ぶ者を、わたしは尊び、わたしを卑しめる者は、軽んぜられるであろう。
31Tarira, mazuva achasvika, andichagura nawo ruoko rwako, noruoko rweveimba yababa vako, kusvikira pasisina mutana paimba yako.
31見よ、日が来るであろう。その日、わたしはあなたの力と、あなたの父の家の力を断ち、あなたの家に年老いた者をなくするであろう。
32Uchaona kutambudzika kweimba yangu, pakati pefuma yose ichapiwa Isiraeri naMwari; hapangazovi nomutana paimba yako nokusingaperi.
32そのとき、あなたは災のうちにあって、イスラエルに与えられるもろもろの繁栄を、ねたみ見るであろう。あなたの家には永久に年老いた者がいなくなるであろう。
33Munhu weimba yako wandicharega kubvisa paatari yangu, iye uchapedza meso ako, nokuchemedza moyo wako; vana vose veimba yako vachafa vachiri varume vane simba ravo.
33しかしあなたの一族のひとりを、わたしの祭壇から断たないであろう。彼は残されてその目を泣きはらし、心を痛めるであろう。またあなたの家に生れ出るものは、みなつるぎに死ぬであろう。
34Zvino hechi chiratidzo chandinokupa, chichaitika kuvanakomana vako vaviri Hofini naPinehasi, vachafa vose vari vaviri nomusi mumwe.
34あなたのふたりの子ホフニとピネハスの身に起ることが、あなたのためにそのしるしとなるであろう。すなわちそのふたりは共に同じ日に死ぬであろう。
35Neni ndichazvimutsira mupristi wakatendeka; uchaita zviri pamoyo wangu nomurangariro wangu; ndichamuvakira imba yakasimba, uchafamba pamberi pomuzodzwa wangu nokusingaperi.
35わたしは自分のために、ひとりの忠実な祭司を起す。その人はわたしの心と思いとに従って行うであろう。わたしはその家を確立しよう。その人はわたしが油そそいだ者の前につねに歩むであろう。そしてあなたの家で生き残っている人々はみなきて、彼に一枚の銀と一個のパンを請い求め、「どうぞ、わたしを祭司の職の一つに任じ、一口のパンでも食べることができるようにしてください」と言うであろう』」。
36Zvino mumwe nomumwe unenge asara paimba yako, uchauya kuzomupfugamira, achikumbira chimari chesirivha nebundu rechingwa, achiti, Dondipaiwo rimwe basa ravapristi, ndidyewo chimedu chechingwa.
36そしてあなたの家で生き残っている人々はみなきて、彼に一枚の銀と一個のパンを請い求め、「どうぞ、わたしを祭司の職の一つに任じ、一口のパンでも食べることができるようにしてください」と言うであろう』」。