1Naizvozvo Dhavhidhi wakabvapo akatizira kubako reAdhurami; zvino hama dzake navose veimba yababa vake vakati vachinzwa, vakaburukirako kwaari.
1こうしてダビデはその所を去り、アドラムのほら穴へのがれた。彼の兄弟たちと父の家の者は皆、これを聞き、その所に下って彼のもとにきた。
2Zvino vose vakanga vari panjodzi, navose vakanga vane mhosva, navose vakanga vane shungu vakaungana kwaari, akava mutangamiriri wavo; kwakanga kuna varume vanenge mazana mana naye.
2また、しえたげられている人々、負債のある人々、心に不満のある人々も皆、彼のもとに集まってきて、彼はその長となった。おおよそ四百人の人々が彼と共にあった。
3Zvino Dhavhidhi akabvapo akaenda Mizipa kwaMoabhu; akati kuna mambo waMoabhu, Baba vangu namai vangu ndinokumbira kuti vauye vagare nemi, kusvikira ndaziva chandichaitirwa naMwari.
3ダビデはそこからモアブのミヅパへ行き、モアブの王に言った、「神がわたしのためにどんなことをされるかわかるまで、どうぞわたしの父母をあなたの所におらせてください」。
4Akavaisa kuna mambo waMoabhu, vakagara naye nguva yose yokugara kwaDhavhidhi munhare.
4そして彼はモアブの王に彼らを託したので、彼らはダビデが要害におる間、王の所におった。
5Zvino muporofita Gadhi akati kuna Dhavhidhi: Usaramba ugere munhare, asi ibva undogara panyika yaJudha. Ipapo Dhavhidhi akabva akasvika kudondo reHereti.
5さて、預言者ガドはダビデに言った、「要害にとどまっていないで、去ってユダの地へ行きなさい」。そこでダビデは去って、ハレテの森へ行った。
6Zvino Sauro wakanzwa kuti Dhavhidhi wawanikwa, iye navarume vaiva naye; Sauro wakange agere Gibhiya, munyasi momuti womutamarisiki paRama, akabata pfumo rake muruoko rwake, navaranda vake vose vakanga vamire naye.
6サウルは、ダビデおよび彼と共にいる人々が見つかったということを聞いた。サウルはギベアで、やりを手にもって、丘のぎょりゅうの木の下にすわっており、家来たちはみなそのまわりに立っていた。
7Zvino Sauro wakati kuvaranda vake vakanga vamire naye, Inzwai zvino, vaBhenjamini! Mwanakomana waJese uchakupai mose minda neminda yemizambiringa here? Uchakuitai mose vakuru vezviuru navakuru vamazana here?
7サウルはまわりに立っている家来たちに言った、「あなたがたベニヤミンびとは聞きなさい。エッサイの子もまた、あなたがたおのおのに畑やぶどう畑を与え、おのおのを千人の長、百人の長にするであろうか。
8Zvamandirangana mose, zvakusina mumwe unondizivisa kana mwanakomana wangu akaita sungano nomwanakomana waJese, zvakusino mumwe wenyu unondinzwira tsitsi, kana unondizivisa kuti mwanakomana wangu wakamutsa muranda wangu kuti andimukire, andivandire, sezvaanoita nhasi here?
8あなたがたは皆共にはかってわたしに敵した。わたしの子がエッサイの子と契約を結んでも、それをわたしに告げるものはなく、またあなたがたのうち、ひとりもわたしのために憂えず、きょうのように、わたしの子がわたしのしもべをそそのかしてわたしに逆らわせ、道で彼がわたしを待ち伏せするようになっても、わたしに告げる者はない」。
9Ipapo Dhoegi muEdhomu, wakange amire navaranda vaSauro, akapindura akati, Ndakaona mwanakomana waJese achisvika Nobhi, kuna Ahimereki mwanakomana waAitubi.
9その時エドムびとドエグは、サウルの家来たちのそばに立っていたが、答えて言った、「わたしはエッサイの子がノブにいるアヒトブの子アヒメレクの所にきたのを見ました。
10Iye akamubvunzira kuna Jehovha, akamupa mbuva, akamupawo munondo waGoriati muFirisitia.
10アヒメレクは彼のために主に問い、また彼に食物を与え、ペリシテびとゴリアテのつるぎを与えました」。
11Ipapo mambo akatuma nhume kundodana Ahimereki mupristi, mwanakomana waAhitubi, neveimba yake yose, ivo vapristi vaiva paNobhi; vakauya vose kuna mambo.
11そこで王は人をつかわして、アヒトブの子祭司アヒメレクとその父の家のすべての者、すなわちノブの祭司たちを召したので、みな王の所にきた。
12Zvino Sauro akati; Zvino chinzwa, iwe mwanakomana waAhitubi. Iye akapindura, akati, Ndiri pano, ishe wangu.
12サウルは言った、「アヒトブの子よ、聞きなさい」。彼は答えた、「わが主よ、わたしはここにおります」。
13Sauro akati kwaari; Mandiranganeiko, iwe nomwanakomana waJese, zvawakamupa, chingwa, nomunondo, nokumubvunzira kuna Mwari, kuti andimukire, andivandire sezvaanoita nhasi?
13サウルは彼に言った、「どうしてあなたはエッサイの子と共にはかってわたしに敵し、彼にパンとつるぎを与え、彼のために神に問い、きょうのように彼をわたしに逆らって立たせ、道で待ち伏せさせるのか」。
14Ipapo Ahimereki akapindura mambo akati, Ndianiko pakati pavaranda venyu vose wakatendeka saDhavhidhi, mukwambo wamambo, unosirangana nemi, unokudzwa mumba menyu?
14アヒメレクは王に答えて言った、「あなたの家来のうち、ダビデのように忠義な者がほかにありますか。彼は王の娘婿であり、近衛兵の長であって、あなたの家で尊ばれる人ではありませんか。
15Ndiko nhasi kwandatanga kumubvunzira kuna Mwari here? Ngazvisadaro! Mambo ngaarege hake kusundira muranda wake mhosva, kunyange vose veimba yababa vangu; nekuti muranda wenyu haazivi izvozvo zvose, kunyange zviduku kana zv ikuru.
15彼のために神に問うたのは、きょう初めてでしょうか。いいえ、決してそうではありません。王よ、どうぞ、しもべと父の全家に罪を負わせないでください。しもべは、これについては、事の大小を問わず、何をも知らなかったのです」。
16Ipapo mambo akati, Zvirokwazvo, uchafa Ahimereki, iwe navose veimba yababa vako.
16王は言った、「アヒメレクよ、あなたは必ず殺されなければならない。あなたの父の全家も同じである」。
17Mambo akati kuvanyai vakanga vamire naye, Tendeukai, muuraye vapristi vaJehovha, nekuti maoko avo anobatsira Dhavhidhi, nekuti vakanga vachiziva kuti watiza, asi havana kundizivisa. Asi varanda vamambo vakaramba kutambanudzira maoko avo kuuraya vapristi vaJehovha.
17そして王はまわりに立っている近衛の兵に言った、「身をひるがえして、主の祭司たちを殺しなさい。彼らもダビデと協力していて、ダビデの逃げたのを知りながら、それをわたしに告げなかったからです」。ところが王の家来たちは主の祭司たちを殺すために手を下そうとはしなかった。
18Ipapo mambo akati kuna Dhoegi, Tendeuka iwe, uuraye vapristi. Dhoegi muEdhomu, akatendeuka, akauraya vapristi, akaparadza nomusi iwoyo vanhu vana makumi masere navashanu vakanga vakafuka efodhi yomucheka.
18そこで王はドエグに言った、「あなたが身をひるがえして、祭司たちを殺しなさい」。エドムびとドエグは身をひるがえして祭司たちを撃ち、その日亜麻布のエポデを身につけている者八十五人を殺した。
19Akaparadzawo Nobhi, guta ravapristi, neminondo inopinza, varume navakadzi vose, navana navakanga vachimwa, nemombe, nembongoro, namakwai; zvose zvakaparadzwa neminondo inopinza.
19彼はまた、つるぎをもって祭司の町ノブを撃ち、つるぎをもって男、女、幼な子、乳飲み子、牛、ろば、羊を殺した。
20Asi mumwe wavanakomana vaAhimereki mwanakomana waAhitubi, wainzi Abhiatari, wakapukunyuka, akatiza, akatevera Dhavhidhi.
20しかしアヒトブの子アヒメレクの子たちのひとりで、名をアビヤタルという人は、のがれてダビデの所に走った。
21Abhiatari akaudza Dhavhidhi kuti Sauro wauraya vapristi vaJehovha.
21そしてアビヤタルは、サウルが主の祭司たちを殺したことをダビデに告げたので、
22Dhavhidhi akati kuna Abhiatari, Musi uya wandakaona Dhoegi muEdhomu aripo, ndakaziva kuti zvirokwazvo uchandoudza Sauro; ndini ndakonzera rufu rwemweya yose yeimba yababa vako.
22ダビデはアビヤタルに言った、「あの日、エドムびとドエグがあそこにいたので、わたしは彼がきっとサウルに告げるであろうと思った。わたしがあなたの父の家の人々の命を失わせるもととなったのです。あなたはわたしの所にとどまってください。恐れることはありません。あなたの命を求める者は、わたしの命をも求めているのです。わたしの所におられるならば、あなたは安全でしょう」。
23Gara hako neni, usatya; nekuti unotsvaka kundiuraya ini, ndiye unotsvaka kukuuraya iwewo; nekuti kana ukagara neni uchachengetwa.
23あなたはわたしの所にとどまってください。恐れることはありません。あなたの命を求める者は、わたしの命をも求めているのです。わたしの所におられるならば、あなたは安全でしょう」。