1Zvino areka yaJehovha yakagara
1主の箱は七か月の間ペリシテびとの地にあった。
2munyika yavaFirisitia mwedzi minomwe. VaFirisitia vakadana vapristi navavuki, vakati, Tichaita seiko neareka yaJehovha? Tizivisei mutowo watingaidzosera nawo kunzvimbo yayo.
2ペリシテびとは、祭司や占い師を呼んで言った、「イスラエルの神の箱をどうしましょうか。どのようにして、それをもとの所へ送り返せばよいか告げてください」。
3Vakati, Kana muchidzosera areka yaMwari waIsiraeri, musaituma isine chinhu; asi munofanira kumutumira chipiriso chemhosva; ipapo muchapora, mugoziva kuti ruoko rwake runoregereiko kubviswa kwamuri.
3彼らは言った、「イスラエルの神の箱を送り返す時には、それをむなしく返してはならない。必ず彼にとがの供え物をもって償いをしなければならない。そうすれば、あなたがたはいやされ、また彼の手がなぜあなたがたを離れないかを知ることができるであろう」。
4Zvino vakati, Chipiriso chemhosva chatinofanira kumuripira nacho ndecheiko? Vakati, Mamota mashanu endarama, namakonzo mashanu endarama, zvakaenzana namadzishe avaFirisitia; nekuti makanga marohwa nedambudziko rimwe, imwi mose namadzishe enyu.
4人々は言った、「われわれが償うとがの供え物には何をしましょうか」。彼らは答えた、「ペリシテびとの君たちの数にしたがって、金の腫物五つと金のねずみ五つである。あなたがたすべてと、君たちに臨んだ災は一つだからである。
5Naizvozvo munofanira kuita mufananidzo wamamota enyu, nomufananidzo wamakonzo enyu anotadzira nyika, mukudze Mwari waIsiraeri; zvimwe ucharerutsa ruoko rwake pamusoro penyu, napamusoro pavamwari venyu, napamusoro penyika yenyu.
5それゆえ、あなたがたの腫物の像と、地を荒すねずみの像を造り、イスラエルの神に栄光を帰するならば、たぶん彼は、あなたがた、およびあなたがたの神々と、あなたがたの地に、その手を加えることを軽くされるであろう。
6Muchawomesereiko moyo sezvakaita vaEgipita naFarao vakawomesa moyo yavo? Nguva yaakaita zvishamiso pakati pavo, havana kurega vanhu here, vakaenda?
6なにゆえ、あなたがたはエジプトびととパロがその心をかたくなにしたように、自分の心をかたくなにするのか。神が彼らを悩ましたので、彼らは民を行かせ、民は去ったではないか。
7Naizvozvo zvino torai mugadzire ngoro itsva, nemhou mbiri dzinomwisa dzisina kumboiswa joko, musunge mhou pangoro, asi muraurire mhuru dzadzo kumusha;
7それゆえ今、新しい車一両を造り、まだくびきを付けたことのない乳牛二頭をとり、その牛を車につなぎ、そのおのおのの子牛を乳牛から離して家に連れ帰り、
8zvino mutore areka yaJehovha, mugoiisa pangoro; nezvishongo zvendarama, zvamunomuripira nazvo kuti chive chipiriso chemhosva, mudziise mubhokisi parutivi rwayo, mugoituma iende.
8主の箱をとって、それをその車に載せ、あなたがたがとがの供え物として彼に償う金の作り物を一つの箱におさめてそのかたわらに置き、それを送って去らせなさい。
9Zvino tarirai, kana ikakwira nenzira yenyika yayo kuBhetishemeshi, ndiye wakatiitira njodzi huru iyi; asi kana isingadaro, tichaziva kuti haruzi ruoko rwake rwakatirova, chinhu hacho chatiwira.
9そして見ていて、それが自分の領地へ行く道を、ベテシメシへ上るならば、この大いなる災を、われわれに下したのは彼である。しかし、そうしない時は、われわれを撃ったのは彼の手ではなく、その事の偶然であったことを知るであろう」。
10Zvino varume vakaita saizvozvo; vakatora mhou mbiri dzakanga dzichimwisa, vakadzisunga pangoro, vakapfigira mhuru dzadzo kumusha;
10人々はそのようにした。すなわち、彼らは二頭の乳牛をとって、これを車につなぎ、そのおのおのの子牛を家に閉じこめ、
11vakaisa areka yaJehovha pamusoro pengoro, nebhokisi rakanga rina makonzo endarama, nemifananidzo yamamota avo.
11主の箱、および金のねずみと、腫物の像をおさめた箱とを車に載せた。
12Zvino mhou dzikarurama nenzira inoenda Bhetishemeshi, dzikafamba nenzira huru, dzikaenda dzichingokuma; hadzina kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe; madzishe avaFirisitia akadzitevera kusvikira kumuganhu weBhetishemeshi.
12すると雌牛はまっすぐにベテシメシの方向へ、ひとすじに大路を歩み、鳴きながら進んでいって、右にも左にも曲らなかった。ペリシテびとの君たちは、ベテシメシの境までそのあとについていった。
13Zvino vanhu veBhetishemeshi vakanga vachicheka zviyo zvavo pamupata, vakatarira, vakaona areka, vakafara vachiiona.
13時にベテシメシの人々は谷で小麦を刈り入れていたが、目をあげて、その箱を見、それを迎えて喜んだ。
14Ngoro ikasvika pamunda waJoshua muBhetishemeshi, ikamira pakanga pane bwe guru; ipapo vakapamura matanda engoro, vakabayira mhou vakadziita chipiriso chinopisirwa Jehovha.
14車はベテシメシびとヨシュアの畑にはいって、そこにとどまった。その所に大きな石があった。人々は車の木を割り、その雌牛を燔祭として主にささげた。
15Zvino vaRevhi vakaburutsa areka yaJehovha, nebhokisi rakanga riri pairi, makanga mune zvishongo zvendarama, vakazviisa pabwe guru, varume veBhetishemeshi vakauya nezvipiriso zvinopiswa vakabayira Jehovha zvibayiro nomusi uyo.
15レビびとは主の箱と、そのかたわらの、金の作り物をおさめた箱を取りおろし、それを大石の上に置いた。そしてベテシメシの人々は、その日、主に燔祭を供え、犠牲をささげた。
16Zvino madzishe mashanu avaFirisitia akati aona izvozvo, akadzokera Ekironi nomusi iwoyo.
16ペリシテびとの五人の君たちはこれを見て、その日、エクロンに帰った。
17Zvino ndiwo mamota endarama akaripwa namadzishe avaFirisitia, kuti chive chipiriso chemhosva kuna Jehovha; rimwe raiva reAshidhodhi, rimwe reGaza, rimwe reAshikeroni, rimwe reGati, rimwe reEkironi;
17ペリシテびとが、とがの供え物として、主に償いをした金の腫物は、次のとおりである。すなわちアシドドのために一つ、ガザのために一つ、アシケロンのために一つ、ガテのために一つ、エクロンのために一つであった。
18namakonzo endarama akanga akaenzana namaguta ose avaFirisitia, akanga ari amadzishe mashanu, aiva maguta akapoteredzwa namasvingo nemisha miduku yokuruwa. Uye ibwe guru ravakagadzika areka yaJehovha pamusoro paro, richiripo pamunda waJoshua muBhetishemeshi kusvikira nhasi.
18また金のねずみは、城壁をめぐらした町から城壁のない村里にいたるまで、すべて五人の君たちに属するペリシテびとの町の数にしたがって造った。主の箱をおろした所のかたわらにあった大石は、今日にいたるまで、ベテシメシびとヨシュアの畑にあって、あかしとなっている。
19Zvino Jehovha akauraya vamwe vavarume veBhetishemeshi, nekuti vakanga vatarira mukati meareka yaJehovha; akauraya varume vane zviuru zvina makumi mashanu namakumi manomwe pakati pavanhu avo; vanhu vakachema, nekuti Jehovha wakange auraya vanhu nokuuraya kukuru.
19ベテシメシの人々で主の箱の中を見たものがあったので、主はこれを撃たれた。すなわち民のうち七十人を撃たれた。主が民を撃って多くの者を殺されたので、民はなげき悲しんだ。
20Zvino varume veBhetishemeshi vakati, Ndianiko unogona kumira pamberi paJehovha, Mwari uyu Mutsvene? Uchakwira kuna ani, kana achibva kwatiri?
20ベテシメシの人々は言った、「だれが、この聖なる神、主の前に立つことができようか。主はわれわれを離れてだれの所へ上って行かれたらよいのか」。そして彼らは、使者をキリアテ・ヤリムの人々につかわして言った、「ペリシテびとが主の箱を返したから、下ってきて、それをあなたがたの所へ携え上ってください」。
21Ipapo vakatuma nhume kuna vakanga vagere Kiriatijearimwi, vakati, VaFirisitia vadzosa areka yaJehovha; burukai imwi, muzoiisa kwenyu.
21そして彼らは、使者をキリアテ・ヤリムの人々につかわして言った、「ペリシテびとが主の箱を返したから、下ってきて、それをあなたがたの所へ携え上ってください」。