1Zvino Jehoshafati akanga ane fuma zhinji nokukudzwa kukuru; akawaniranawo naAhabhi.
1ヨシャパテは大いなる富と誉とをもち、アハブと縁を結んだ。
2Zvino mamwe makore akati apfuura, iye akaburukira Samaria kuna Ahabhi. Ahabhi akamuurayira iye navanhu vaakanga anavo makwai nenzombe zhinji, akamukurudzira kuenda naye RamotiGiriyadhi.
2彼は数年の後、サマリヤに下って、アハブをおとずれた。アハブは彼と彼に従ってきた民のために羊と牛を多くほふり、ラモテ・ギレアデに一緒に攻め上ることを彼にすすめた。
3Ipapo Ahabhi mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati mambo waJudha, Muchaenda neni RamotiGiriyadhi here? Iye akapindura, akati, Ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako; tichaenda newe kundorwa.
3イスラエルの王アハブはユダの王ヨシャパテに言った、「あなたはわたしと一緒にラモテ・ギレアデに攻めて行きますか」。ヨシャパテは答えた、「わたしはあなたと一つです、わたしの民はあなたの民と一つです。わたしはあなたと一緒に戦いに臨みましょう」。
4Jehoshafati akati kuna mambo waIsiraeri, Dombobvunza hako shoko raJehovha nhasi.
4ヨシャパテはまたイスラエルの王に言った、「まず主の言葉を求めなさい」。
5Zvino mambo waIsiraeri akaunganidza vaporofita, varume vaiva namazana mana, akati kwavari, Tiende kundorwa neRamotiGiriyadhi here, kana ndirege? Ivo vakati, Endai, nekuti Mwari achariisa mumaoko amambo.
5そこでイスラエルの王は預言者四百人を集めて彼らに言った、「われわれはラモテ・ギレアデに、戦いに行くべきか、あるいは控えるべきか」。彼らは言った、「上って行きなさい。神はそれを王の手にわたされるでしょう」。
6Asi Jehoshafati akati, Hakuchina mumwe muporofita waJehovha pano here, timubvunze?
6ヨシャパテは言った、「ほかにわれわれが問うべき主の預言者はここにいませんか」。
7Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, Mumwe murume achiko, watingabvunza kuda kwaJehovha naye, asi ini ndinomuvenga, nekuti haatongoporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi mazuva ose zvakaipa; ndiye Mikaya mwanakomana waImira. Jehoshafati akati, Mambo ngaarege kudaro.
7イスラエルの王はヨシャパテに言った、「ほかになおひとりいます。われわれはこの人によって主に問うことができますが、彼はわたしについて良い事を預言したことがなく、常に悪いことだけを預言するので、わたしは彼を憎みます。その者はイムラの子ミカヤです」。ヨシャパテは言った、「王よ、そうは言わないでください」。
8Zvino mambo waIsiraeri akadana muranda, akati, Kurumidza undotora Mikaya mwanakomana waImira.
8そこでイスラエルの王はひとりの役人を呼んで、「イムラの子ミカヤを急いで連れてきなさい」と言った。
9Zvino mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakanga vagere mumwe nomumwe pachigaro chake choushe, vagere vakafuka nguvo dzavo dzoushe paruvazhe pasuwo reSamaria; vaporofita vose vakaporofita pamberi pavo.
9さてイスラエルの王およびユダの王ヨシャパテは王の衣を着て、サマリヤの門の入口の広場におのおのその玉座に座し、預言者たちは皆その前で預言していた。
10Zedhekia mwanakomana waKenaani akazviitira nyanga dzamatare, akati, Zvanzi naJehovha, Nedzidzi muchatunga vaSiria, kusvikira vapera.
10ケナアナの子ゼデキヤは鉄の角を造って言った、「主はこう仰せられます、『あなたはこれらの角をもってスリヤびとを突いて滅ぼし尽しなさい』」。
11Navamwe vaporofita vose vakaporofita saizvozvo, vakati, Endai RamotiGiriyadhi, muchakunda, nekuti Jehovha achariisa paruoko rwamambo.
11預言者たちは皆そのように預言して言った、「ラモテ・ギレアデに上っていって勝利を得なさい。主はそれを王の手にわたされるでしょう」。
12Zvino nhume yakanga yandodana Mikaya yakataura kwaari, ikati, Tarirai, mashoko avaporofita anobvumirana achitaura zvakanaka kuna mambo; zvino ndinokumbira kuti shoko renyu rive seshoko romumwe wavo, mutaurewo zvakanaka.
12さてミカヤを呼びに行った使者は彼に言った、「預言者たちは一致して王に良い事を言いました。どうぞ、あなたの言葉も、彼らのひとりの言葉のようにし、良い事を言ってください」。
13Ipapo Mikaya akati, NaJehovha mupenyu, izvo zvinorehwa naMwari wangu, ndizvo zvandichataura.
13ミカヤは言った、「主は生きておられる。わが神の言われることをわたしは申します」。
14Zvino akati achisvika kuna mambo, mambo akati kwaari, Mikaya, tiende kundorwa neRamotiGiriyadhi here, kana ndirege? Iye akati, Endai henyu, muchakunda; vachaiswa muruoko rwenyu.
14彼が王の所へ行くと、王は彼に言った、「ミカヤよ、われわれはラモテ・ギレアデに戦いに行くべきか、あるいは控えるべきか」。彼は言った、「上って行って勝利を得なさい。彼らはあなたの手にわたされるでしょう」。
15Mambo akati kwaari, Ndinofanira kukupikisa kangani kuti undiudze chokwadi yoga nezita raJehovha?
15しかし王は彼に言った、「幾たびあなたを誓わせたら、あなたは主の名をもって、ただ真実のみをわたしに告げるだろうか」。
16Iye akati, Ndakaona vaIsiraeri vose vakapararira pamakomo samakwai asina mufudzi; Jehovha akati, Ava havana tenzi, mumwe nomumwe ngaadzokere kumusha kwake norugare.
16彼は言った、「わたしはイスラエルが皆牧者のない羊のように山に散っているのを見ました。すると主は『これらの者は主人をもっていない。彼らをそれぞれ安らかに、その家に帰らせよ』と言われました」。
17Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, Handina kukuudza here, kuti haangaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa?
17イスラエルの王はヨシャパテに言った、「わたしはあなたに、彼はわたしについて良い事を預言せず、ただ悪い事だけを預言すると告げたではありませんか」。
18Mikaya akati, Zvino chinzwai shoko raJehovha, Ndakaona Jehovha agere pachigaro chake choushe, nehondo dzose dzokudenga dzimire kurudyi rwake nokuruboshwe rwake.
18ミカヤは言った、「それだから主の言葉を聞きなさい。わたしは主がその玉座に座し、天の万軍がその右左に立っているのを見たが、
19Ipapo Jehovha akati, Ndianiko achandonyengera Ahabhi, aende, andourawa paRamotiGiriyadhi? Zvino mumwe akataura achiti zvokuti, nomumwezve akati zvokuti.
19主は、『だれがイスラエルの王アハブをいざなって、ラモテ・ギレアデに上らせ、彼を倒れさせるであろうか』と言われた。するとひとりは、こうしようと言い、ひとりは、ああしようと言った。
20Zvino mweya ukabuda, ukamira pamberi paJehovha, ukati, Ini ndichandomunyengera. Jehovha akati kwauri, Neiko?
20その時一つの霊が進み出て、主の前に立ち、『わたしが彼をいざないましょう』と言ったので、主は彼に『何をもってするか』と言われた。
21Iwo ukati, Ndichaenda, ndichava mweya wenhema mumiromo yavaporofita vake vose. Iye akati, Iwe ndiwe uchamunyengera, uchakundawo; enda hako, unoita saizvozvo.
21彼は『わたしが出て行って、偽りを言う霊となって、すべての預言者の口に宿りましょう』と言った。そこで主は『おまえは彼をいざなって、それをなし遂げるであろう。出て行って、そうしなさい』と言われた。
22Naizvozvo zvino, tarirai Jehovha akaisa mweya wenhema mumiromo yavaporofita venyu ava vose, asi Jehovha akataura zvakaipa pamusoro penyu.
22それゆえ、主は偽りを言う霊をこの預言者たちの口に入れ、また主はあなたについて災を告げられたのです」。
23Ipapo Zedhekia mwanakomana waKenaani akaswedera, akarova Mikaya padama rake, akati, Mweya waJehovha wakaenda nepiko uchibva kwandiri kundotaura newe?
23するとケナアナの子ゼデキヤが近寄ってミカヤのほおを打って言った、「主の霊がどの道からわたしを離れて行って、あなたに語りましたか」。
24Mikaya akati, Uchazviona musi uyo wauchandovanda nawo mukamuri yomukati.
24ミカヤは言った、「あなたが奥の間にはいって身を隠す日に見るでしょう」。
25Ipapo mambo waIsiraeri akati, Batai Mikaya, mumuise kuna Amoni mubati weguta, nokuna Joashi mwanakomana wamambo,
25イスラエルの王は言った、「ミカヤを捕え、町のつかさアモンと王の子ヨアシの所へ引いて行って、
26muti, Zvanzi namambo, Pinzai munhu uyu mutirongo, mumupe zvokudya zvokutambudzika, nemvura yokutambudzika, kusvikira ndichidzoka norugare.
26言いなさい、『王はこう言う、この者を獄屋に入れ、少しばかりのパンと水をもって彼を養い、わたしが勝利を得て帰ってくるのを待て』と」。
27Ipapo Mikaya akati, Kana mukatongodzoka norugare, Jehovha haana kutaura neni. Akati, Inzwai, imwi vanhu, imwi mose.
27ミカヤは言った、「あなたがもし勝利を得て帰るならば、主はわたしによって語られなかったのです」。また彼は言った、「あなたがたすべての民よ、聞きなさい」。
28Naizvozvo mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakaenda RamotiGiriyadhi.
28こうしてイスラエルの王とユダの王ヨシャパテは、ラモテ・ギレアデに上った。
29Zvino mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, Ini ndichazvishandura, ndigondorwa; asi iwe chifuka nguvo dzako dzoushe. Mambo waIsiraeri akazvishandura, akandorwa.
29イスラエルの王はヨシャパテに言った、「わたしは姿を変えて戦いに行きましょう。しかしあなたは王の衣を着けなさい」。イスラエルの王は姿を変えて戦いに行った。
30Zvino mambo weSiria akanga araira vatariri vengoro dzake, akati, Regai kurwa navaduku kana navakuru, asi namambo waIsiraeri oga.
30さて、スリヤの王は、その戦車隊長たちに命じて言った、「あなたがたは小さい者とも、大きい者とも戦ってはならない。ただイスラエルの王とのみ戦いなさい」。
31Zvino vatariri vengoro vakati vachiona Jehoshafati, vakati, Ndiye mambo waIsiraeri. Naizvozvo vakatsaukira kundorwa naye; asi Jehoshafati wakaridza mhere, Jehovha akamubatsira; Mwari akavakurudzira kumurega.
31戦車隊長らはヨシャパテを見たとき、これはきっとイスラエルの王だと思ったので、身を巡らしてこれと戦おうとした。しかしヨシャパテが呼ばわったので、主はこれを助けられた。すなわち神は敵を彼から離れさせられた。
32Zvino vatariri vengoro vakati vachiona kuti haazi mambo waIsiraeri, vakadzoka pakumutevera.
32戦車隊長らは彼がイスラエルの王でないのを見たので、彼を追うことをやめて引き返した。
33Zvino mumwe murume akawembura uta hwake asingashumbi hake, akafura mambo waIsiraeri pakati pezvisungo zvenguvo dzake dzokurwa nadzo; ipapo mambo akati kumufambisi wengoro, Dzoka, undiise kunze kwehondo, nekuti ndakuvadzwa kwazvo.
33しかし、ひとりの人が、なにごころなく弓を引いて、イスラエルの王の胸当と、くさずりの間を射たので、彼はその車の御者に言った、「わたしは傷を受けたから、車をめぐらして、わたしを軍中から運び出せ」。その日戦いは激しくなった。イスラエルの王は車の中に自分をささえて立ち、夕暮までスリヤびとに向かっていたが、日の入るころになって死んだ。
34Kurwa kukanyanya kwazvo nomusi uyo; asi mambo waIsiraeri wakazvitsigira mungoro yake akarwa navaSiria kusvikira madekwana; zvino panguva yokuvira kwezuva akafa.
34その日戦いは激しくなった。イスラエルの王は車の中に自分をささえて立ち、夕暮までスリヤびとに向かっていたが、日の入るころになって死んだ。