1Zvino Soromoni akada kuvakira zita raJehovha imba, neimba youshe hwake.
1さてソロモンは主の名のために一つの宮を建て、また自分のために一つの王宮を建てようと思った。
2Soromoni akaverenga varume vane zviuru zvina makumi manomwe kuzotakura mitoro, navarume vane zviuru zvina makumi masere kuzotema matanda pamakomo, navane zviuru zvitatu namazana matanhatu kuzova vatariri vavo.
2そしてソロモンは荷を負う者七万人、山で石を切り出す者八万人、これらを監督する者三千六百人を数え出した。
3Soromoni akatuma shoko kuna Hurami mambo weTire, akati, Sezvamakaitira baba vangu Dhavhidhi, mukavatumira misidhari yokuzvivakira nayo imba yokugaramo, mundiitirewo saizvozvo.
3ソロモンはまずツロのヒラムに人をつかわして言わせた、「あなたはわたしの父ダビデに、その住むべき家を建てるために香柏を送られました。どうぞ彼にされたように、わたしにもして下さい。
4Tarirai, ndovakira zita raJehovha Mwari wangu imba, ndimutsaurire iyo, kuti ndipisire pamberi pake zvinonhuhwira zvemiti yakanaka, nokuisapo zvingwa zvokuratidza zvenguva dzose nezvipiriso zvinopiswa mangwanani namadekwana, pamasabata, napakugara komwedzi, napamitambo yakatarwa naJehovha Mwari wedu. Ndizvo zvakarairwa vaIsiraeri nokusingaperi.
4見よ、わたしはわが神、主の名のために一つの家を建て、これを聖別して彼にささげ、彼の前にこうばしい香をたき、常供のパンを供え、また燔祭を安息日、新月、およびわれらの神、主の定めの祭に朝夕ささげ、これをイスラエルのながく守るべき定めにしようとしています。
5Imba yandinovaka ihuru; nekuti Mwari wedu mukuru kupfuura vamwari vose.
5またわたしの建てる家は大きな家です。われらの神はすべての神よりも大いなる神だからです。
6Asi ndianiko anogona kumuvakira imba, denga nokudenga-denga zvarisingagoni kumuringana? Zvino ini ndini aniko, kuti ndimuvakire imba, asi kungopisa zvinonhuhwira pamberi pake?
6しかし、天も、諸天の天も彼を入れることができないのに、だれが彼のために家を建てることができましょうか。わたしは何者ですか、彼のために家を建てるというのも、ただ彼の前に香をたく所に、ほかならないのです。
7Naizvozvo zvino chinditumirai murume akangwara pakubata mabasa endarama, nesirivha, nendarira, namatare, nemicheka mishava, nemitsvuku, nemitema, uye anoziva kuveza zvose, abate pamwechete navarume vakangwara vandinavo paJudha napaJerusaremu, vakaiswapo nababa vangu Dhavhidhi.
7それで、どうぞ金、銀、青銅、鉄の細工および紫糸、緋糸、青糸の織物にくわしく、また彫刻の術に巧みな工人ひとりをわたしに送って、父ダビデが備えておいたユダとエルサレムのわたしの工人たちと一緒に働かせてください。
8Nditumireiwo misidhari, nemisipiresi, namatanda emiarigumi yapaRibhanoni; nekuti ndinoziva kuti varanda venyu, vane njere dzokutema matanda paRibhanoni; tarirai varanda vangu vachava navaranda venyu,
8またどうぞレバノンから香柏、いとすぎ、びゃくだんを送ってください。わたしはあなたのしもべたちがレバノンで木を切ることをよくわきまえているのを知っています。わたしのしもべたちも、あなたのしもべたちと一緒に働かせ、
9kundigadzirira matanda akawanda; nekuti imba yandobva ndovaka ichava huru zvinoshamisa.
9わたしのためにたくさんの材木を備えさせてください。わたしの建てる家は非常に広大なものですから。
10Tarirai, ndichapa varanda venyu, ivo vanotema matanda, zviyero zvine zviuru zvamakumi maviri zvezviyo, nezviyero zvine zviuru zvamakumi maviri zvebhari, namabhati ane zviuru zvamakumi maviri ewaini, namabhati ane zviuru zvamakumi maviri amafuta.
10わたしは木を切るあなたのしもべたちに砕いた小麦二万コル、大麦二万コル、ぶどう酒二万バテ、油二万バテを与えます」。
11Ipapo Hurami mambo weTire akapindura mutsamba yaakatuma kuna Soromoni, akati, Jehovha akada vanhu vake, saka akakuita mambo wavo.
11そこでツロの王ヒラムは手紙をソロモンに送って答えた、「主はその民を愛するゆえに、あなたを彼らの王とされました」。
12Hurami akatiwo, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye akasika denga napasi, akapa mambo Dhavhidhi mwanakomana akangwara, akapiwa kungwara nokuziva, kuvakira Jehovha imba neimba youshe hwake.
12ヒラムはまた言った、「天地を造られたイスラエルの神、主はほむべきかな。彼はダビデ王に賢い子を与え、これに分別と知恵を授けて、主のために宮を建て、また自分のために、王宮を建てることをさせられた。
13Zvino ndatuma munhu akachenjera, akapiwa zivo, iye Hurami Abhi,
13いまわたしは達人ヒラムという知恵のある工人をつかわします。
14mwanakomana womukadzi pakati pavakunda vaDhani, baba vake aiva munhu weTire, anoziva kubata mabasa endarama, nesirivha, nendarira, namatare, namabwe, namatanda, nemicheka mishava, nemitema, nemicheka yakaisvonaka, nemicheka mitsvuku; uye kuveza kose, nokufunga mano ose; iye ngaapiwe ugaro pakati pavarume venyu vakachenjera, navarume vakachenjera vashe wangu Dhavhidhi baba venyu.
14彼はダンの子孫である女を母とし、ツロの人を父とし、金銀、青銅、鉄、石、木の細工および紫糸、青糸、亜麻糸、緋糸の織物にくわしく、またよくもろもろの彫刻をし、意匠を凝らしてもろもろの工作をします。彼を用いてあなたの工人およびあなたの父、わが主ダビデの工人と一緒に働かせなさい。
15Naizvozvo zvino ishe wangu ngaatumire varanda vake gorosi, nebhari, namafuta newaini, sezvaakataura;
15それでいまわが主の言われた小麦、大麦、油およびぶどう酒をそのしもべどもに送ってください。
16isu tichatema matanda paRebhanoni, sezvamunoda; tichaasvitsa kwamuri akabatanidzwa, aende Jopa negungwa; imwi mugokwira nawo Jerusaremu.
16あなたの求められる材木はレバノンから切りだし、いかだに組んで、海からヨッパに送ります。あなたはそれをエルサレムに運び上げなさい」。
17Ipapo Soromoni akaverenga vatorwa vose vaiva panyika yaIsiraeri, sezvavakanga vaverengwa naDhavhidhi baba vake, vakasvika zviuru zvine zana namakumi mashanu nezvitatu namazana matanhatu.
17そこでソロモンはその父ダビデが数えたようにイスラエルの国にいるすべての他国人を数えたが、合わせて十五万三千六百人あった。彼はその七万人を荷を負う者とし、八万人を山で木や石を切る者とし、三千六百人を民を働かせる監督者とした。
18Akaraira vane zviuru zvina makumi manomwe vave vatakuri vemitoro, navane zviuru zvina makumi masere vateme matanda pamakomo, uye vane zviuru zvitatu namazana matanhatu vave vatariri kuzoraira vanhu pakubata.
18彼はその七万人を荷を負う者とし、八万人を山で木や石を切る者とし、三千六百人を民を働かせる監督者とした。