1Zvino mambokadzi weShebha akati anzwa mbiri yaSoromoni, akasvika Jerusaremu kuzoidza Soromoni nemibvunzo mikukutu, ana vanhu vazhinji, makamera aitakura zvinonhuhwira, nendarama zhinji-zhinji, nezvibwe zvinokosha; zvino akati asvika kuna Soromoni, akataurirana naye pamusoro pezvose zviri mumoyo make.
1シバの女王はソロモンの名声を聞いたので、難問をもってソロモンを試みようと、非常に多くの従者を連れ、香料と非常にたくさんの金と宝石とをらくだに負わせて、エルサレムのソロモンのもとに来て、その心にあることをことごとく彼に告げた。
2Soromoni, akapindura mibvunzo yake yose; hakuna chinhu chakanga chakavanzirwa Soromoni, chaakanga asingagoni kumuudza.
2ソロモンは彼女のすべての問に答えた。ソロモンが知らないで彼女に説明のできないことは一つもなかった。
3Zvino mambokadzi weShebha akati aona kungwara kwaSoromoni, neimba yaakavaka,
3シバの女王はソロモンの知恵と、彼が建てた家を見、
4nezvokudya zviri patafura yake, nokugara kwavaranda vake, nokushumira kwavabatiri vake, nenguvo dzavo, navadiri vake, nenguvo dzavo, nechikwiriso chake chaaikwira nacho kuimba yaJehovha, akapera mweya.
4またその食卓の食物と、列座の家来たちと、その侍臣たちの伺候振りと彼らの服装、および彼の給仕たちとその服装、ならびに彼が主の宮でささげる燔祭を見て、全く気を奪われてしまった。
5Akati kuna mambo, Guhu randakanzwa munyika yangu ramashoko enyu nokungwara kwenyu rakanga riri rechokwadi.
5彼女は王に言った、「わたしが国であなたの事と、あなたの知恵について聞いたうわさは真実でした。
6Asi handina kutenda mashoko avo, kusvikira ndauya, ndikaona nameso angu; asi tarirai handina kuudzwa kunyange hafu youkuru hwokungwara kwenyu; imwi munokunda mbiri yandakanzwa.
6しかしわたしは来て目に見るまでは、そのうわさを信じませんでしたが、今見ると、あなたの知恵の大いなることはその半分もわたしに知らされませんでした。あなたはわたしの聞いたうわさにまさっています。
7Varume venyu vano mufaro, navaranda venyu vano mufaro, vanomira pamberi penyu nguva dzose vachinzwa kungwara kwenyu.
7あなたの奥方たちはさいわいです。常にあなたの前に立って、あなたの知恵を聞くこのあなたの家来たちはさいわいです。
8Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, akafadzwa nemwi, akakugadzai pachigaro chake choushe, muve mambo waJehovha Mwari wenyu; nekuti Mwari wenyu akada Isiraeri, kuti avasimbise nokusingaperi, saka akakuitai mambo wavo, kuti mutonge nokururamisa.
8あなたの神、主はほむべきかな。主はあなたを喜び、あなたをその位につかせ、あなたの神、主のために王とされました。あなたの神はイスラエルを愛して、とこしえにこれを堅くするために、あなたをその王とされ、公道と正義を行われるのです」。
9Akapa mambo matarenda* ane zana namakumi maviri endarama, nezvinonhuhwira zvizhinji kwazvo, nezvibwe zvinokosha; hakuna kumbovapo zvinonhuhwira zvakawanda zvikadai, zvakafanana nezvakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha.
9そして彼女は金百二十タラント、および非常に多くの香料と宝石とを王に贈った。シバの女王がソロモンに贈ったような香料は、いまだかつてなかった。
10Navarandawo vaHurami, navaranda vaSoromoni, ivo vaiuya nendarama vachibva Ofiri, vakauyawo nemiti yemiarigumi nezvibwe zvinokosha.
10オフルから金を携えて来たヒラムのしもべたちとソロモンのしもべたちはまた、びゃくだんの木と宝石をも携えて来た。
11Mambo akaita namatanda emiarigumi zvikwiriso zveimba yaJehovha, nezveimba yamambo, nembira nemitengerangwa zvavaimbi; zvakadai hazvina kumboonekwa panyika yaJudha.
11王はそのびゃくだんの木で、主の宮と王の家とに階段を造り、また歌うたう者のために琴と立琴を造った。このようなものはかつてユダの地で見たことがなかった。
12Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; zvimwe zvaakauya nazvo kuna mambo zvisingaverengwi. Naizvozvo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye navaranda vake.
12ソロモン王は、シバの女王が贈った物に報いたほかに、彼女の望みにまかせて、すべてその求めるものを贈った。そして彼女はその家来たちと共に自分の国へ帰って行った。
13Zvino ndarama yakauyiswa kuna Soromoni gore rimwe nerimwe yakasvika matarenda* ana mazana matanhatu namakumi matanhatu namatanhatu pakurema kwayo;
13さて一年の間にソロモンの所にはいって来た金の目方は六百六十六タラントであった。
14vasingaverengi iyo yakauya navashambadziri navatengesi; namadzimambo ose eArabhia navabati venyika vakauya nendarama nesirivha kuna Soromoni.
14このほかに貿易商および商人の携えて来たものがあった。またアラビヤのすべての王たちおよび国の代官たちも金銀をソロモンに携えてきた。
15Mambo Soromoni akaita nhovo huru dzina mazana maviri nendarama yakapambadzirwa; nhovo imwe neimwe yakanga yakaitwa namashekeri ana mazana matatu endarama;
15ソロモン王は延金の大盾二百を造った。その大盾にはおのおの六百シケルの延金を用いた。
16akaitawo nhovo duku dzina mazana matatu dzendarama yakapambadzirwa; ndarama yakasvika mashekeri ana mazana matatu yakaiswa panhovo imwe neimwe; mambo akazviisa muimba yedondo reRebhanoni.
16また延金の小盾三百を造った。小盾にはおのおの三百シケルの金を用いた。王はこれらをレバノンの森の家に置いた。
17Mambo akaitawo chigaro chikuru choushe chenyanga dzenzou, akachifukidza nendarama yakaisvonaka.
17王はまた大きな象牙の玉座を造り、純金でこれをおおった。
18Chigaro icho choushe chakanga chine zvikwiriso zvitanhatu, nechitsiko chendarama, zvakanga zvakabatanidzwa nechigaro choushe, nezvitsigiro kunhivi mbiri dzechigaro, neshumba mbiri dzakanga dzimire kunhivi dzezvitsigiro.
18その玉座には六つの段があり、また金の足台があって共に玉座につらなり、その座する所の両方に、ひじかけがあって、ひじかけのわきに二つのししが立っていた。
19Kwakanga kune shumba gumi nembiri dzimire pazvikwiriso zvitanhatu, mbiri-mbiri kunhivi dzechimwe nechimwe; hakuna kumboitwa chakadai kuno umwe ushe.
19また十二のししが六つの段のおのおのの両側に立っていた。このような物はどこの国でも造られたことがなかった。
20Mikombe yose yokumwa nayo yamambo Soromoni yaiva yendarama, nemidziyo yose yeimba yedondo reRebhanoni yaiva yendarama yakaisvonaka; sirivha yakanga ichinzi haino murimo pamazuva aSoromoni.
20ソロモン王が飲むときに用いた器はみな金であった。またレバノンの森の家の器もみな純金であって、銀はソロモンの世には尊ばれなかった。
21nekuti mambo akanga ane zvikepe zvaienda Tarishishi navaranda vaHurami; zvikepe zveTarishishi zvaiuya kamwechete pamakore matatu zvine ndarama, nesirivha nenyanga dzenzou, netsoko namatendera.
21これは王の船がヒラムのしもべたちを乗せてタルシシへ行き、三年ごとに一度、そのタルシシの船が金、銀、象牙、さる、くじゃくを載せて来たからである。
22Naizvozvo mambo Soromoni akakunda madzimambo ose enyika pakufuma nokuchenjera.
22このようにソロモン王は富と知恵において、地のすべての王にまさっていたので、
23Madzimambo ose enyika aiuya kushanyira Soromoni, kuzonzwa kungwara kwake, kwakanga kwaiswa naMwari mumoyo make.
23地のすべての王は神がソロモンの心に授けられた知恵を聞こうとしてソロモンに謁見を求めた。
24Mumwe nomumwe aiuya nechipo chake chemidziyo yesirivha, nemidziyo yendarama, nehanzu, nenhumbi dzokurwa nadzo, nezvinonhuhwira, namabhiza, namahesera, gore rimwe nerimwe.
24人々はおのおの贈り物を携えてきた。すなわち銀の器、金の器、衣服、没薬、香料、馬、騾馬など年々定まっていた。
25Soromoni akanga ane zvidyiro zvamabhiza nengoro, zvine zviuru zvina, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvine gumi nezviviri, zvaakaisa pamaguta engoro, nokuna mambo paJerusaremu.
25ソロモンは馬と戦車のために馬屋四千と騎兵一万二千を持ち、これを戦車の町に置き、またエルサレムの王のもとに置いた。
26Akabata ushe hwamadzimambo ose, kubva paRwizi kusvikira panyika yavaFirisitia, nokumuganhu weEgipita.
26彼はユフラテ川からペリシテびとの地と、エジプトの境に至るまでのすべての王を治めた。
27Mambo akaunganidza sirivha paJerusaremu ikawanda ikaita samabwe, nemisidhari ikaita semionde yaiva pamapani.
27王はまた銀を石のようにエルサレムに多くし、香柏を平野のいちじく桑のように多くした。
28Vakandotorera Soromoni mabhiza paEgipita, nokunyika dzose.
28また人々はエジプトおよび諸国から馬をソロモンのために輸入した。
29Zvino mamwe mabasa aSoromoni, okutanga nookupedzisira, haana kunyorwa here pabhuku yomuporofita Natani, napamashoko akaporofitwa naAhiya muShironi, napane zvakaonekwa nomuoni Idho pamusoro paJerobhoami mwanakomana waNebhati?
29ソロモンのそのほかの始終の行為は、預言者ナタンの書と、シロびとアヒヤの預言と、先見者イドがネバテの子ヤラベアムについて述べた黙示のなかに、しるされているではないか。
30Soromoni akabata ushe hwevaIsiraeri vose paJerusaremu makore ana makumi mana.
30ソロモンはエルサレムで四十年の間イスラエルの全地を治めた。ソロモンはその先祖たちと共に眠って、父ダビデの町に葬られ、その子レハベアムが代って王となった。
31Ipapo Soromoni akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake, Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paushe.
31ソロモンはその先祖たちと共に眠って、父ダビデの町に葬られ、その子レハベアムが代って王となった。