1Zvino negore regumi namaviri raAhazi mambo waJudha, Hoshea mwanakomana waEra wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akahubata makore mapfumbamwe.
1ユダの王アハズの第十二年にエラの子ホセアが王となり、サマリヤで九年の間、イスラエルを治めた。
2Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; asi haana kufanana namadzimambo aIsiraeri akamutangira.
2彼は主の目の前に悪を行ったが、彼以前のイスラエルの王たちのようではなかった。
3Zvino Sharimaneseri mambo weAsiria akasvika kuzorwa naye, Hoshea akava muranda wake, akamuteerera mutero.
3アッスリヤの王シャルマネセルが攻め上ったので、ホセアは彼に隷属して、みつぎを納めたが、
4Asi mambo weAsiria wakati achiona kuti Hoshea akarangana navamwe kumumukira, nekuti wakange atuma nhume kuna Soromoni mambo weEgipita, akazorega kuteerera mambo weAsiria mutero gore rimwe nerimwe, mambo weAsiria akamupfigira mutirongo akamusunga.
4アッスリヤの王はホセアがついに自分にそむいたのを知った。それはホセアが使者をエジプトの王ソにつかわし、また年々納めていたみつぎを、アッスリヤの王に納めなかったからである。そこでアッスリヤの王は彼を監禁し、獄屋につないだ。
5Ipapo mambo weAsiria akafamba nenyika yose, akaenda Samaria, akarikomba makore matatu.
5そしてアッスリヤの王は攻め上って国中を侵し、サマリヤに上ってきて三年の間、これを攻め囲んだ。
6Negore repfumbamwe raHoshea, mambo weAsiria akakunda Samaria, akatapa vaIsiraeri, akaenda navo Asiria, akavaisa paHara, napaHabhori, parwizi Gozani, napamaguta avaMedhi.
6ホセアの第九年になって、アッスリヤの王はついにサマリヤを取り、イスラエルの人々をアッスリヤに捕えていって、ハラと、ゴザンの川ハボルのほとりと、メデアの町々においた。
7Izvozvo zvakaitwa, nekuti vana vaIsiraeri vakatadzira Jehovha Mwari wavo, iye wakange avabudisa panyika yeEgipita kwavakanga vakabatwa naFarao mambo vakatya vamwe vamwari,
7この事が起ったのは、イスラエルの人々が、自分たちをエジプトの地から導き上って、エジプトの王パロの手をのがれさせられたその神、主にむかって罪を犯し、他の神々を敬い、
8vakafamba nemitemo yendudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri, neyamadzimambo aIsiraeri yavakatema ivo.
8主がイスラエルの人々の前から追い払われた異邦人のならわしに従って歩み、またイスラエルの王たちが定めたならわしに従って歩んだからである。
9Vana vaIsiraeri vakaita pakavanda zvisina kururama pamberi paJehovha Mwari wavo, vakazvivakira matunhu akakwirira mumaguta avo ose,kubva pachirindo chavarindi kusvikira pamaguta akakombwa.
9イスラエルの人々はその神、主にむかって正らぬ事をひそかに行い、見張台から堅固な町に至るまで、すべての町々に高き所を建て、
10Vakazvimutsira shongwe namatanda okunamata nawo pamatunhu ose akakwirira, napasi pemiti yose mitema.
10またすべての高い丘の上、すべての青木の下に石の柱とアシラ像を立て、
11Vakapisirapo zvinonhuhwira pamatunhu ose akakwirira, sezvaiita ndudzi dzakanga dzabviswa pamberi pavo naJehovha; vakaita zvakashata zvakatsamwisa Jehovha;
11主が彼らの前から捕え移された異邦人がしたように、すべての高き所で香をたき、悪事を行って、主を怒らせた。
12vakashumira zvifananidzo, zvavakanga vanzi naJehovha, Regai kuita chinhu ichi.
12また主が彼らに「あなたがたはこの事をしてはならない」と言われたのに偶像に仕えた。
13Kunyange zvakadaro Jehovha wakapupurira Isiraeri naJudha nemiromo yavaporofita vose navawoni vose, akati, Dzokai panzira dzenyu dzakaipa, muchengete mirairo yangu nezvandakatema, sezvakarehwa nomurayiro wangu wose wandakaraira madzibaba enyu, wandakatuma nemiromo yavaporofita varanda vangu.
13主はすべての預言者、すべての先見者によってイスラエルとユダを戒め、「翻って、あなたがたの悪い道を離れ、わたしがあなたがたの先祖たちに命じ、またわたしのしもべである預言者たちによってあなたがたに伝えたすべての律法のとおりに、わたしの戒めと定めとを守れ」と仰せられたが、
14Kunyange zvakadaro, vakaramba kuteerera, vakawomesa mitsipa yavo, semitsipa yamadzibaba avo, vakanga vasingatendi Jehovha Mwari wavo.
14彼らは聞きいれず、彼らの先祖たちがその神、主を信じないで、強情であったように、彼らは強情であった。
15Vakaramba mitemo yake nesungano yake yaakaita namadzibaba avo, nezvipupuriro zvake zvaakavapupurira, vakatevera zvisina maturo, ivo vakava vasina maturo, vakatevera ndudzi dzakavapoteredza, ivo vavakanga varairwa naJehovha kuti varege kuita saivo.
15そして彼らは主の定めを捨て、主が彼らの先祖たちと結ばれた契約を破り、また彼らに与えられた警告を軽んじ、かつむなしい偶像に従ってむなしくなり、また周囲の異邦人に従った。これは主が、彼らのようにおこなってはならないと彼らに命じられたものである。
16Vakasiya mirairo yose yaJehovha Mwari wavo, vakazviitira zvifananidzo zvakaumbwa, zvemhuru mbiri; vakaitawo matanda okunamata nawo, vakanamata hondo yose yokudenga, vakashumira Bhaari.
16彼らはその神、主のすべての戒めを捨て、自分のために二つの子牛の像を鋳て造り、またアシラ像を造り、天の万象を拝み、かつバアルに仕え、
17Vakapinza vanakomana navakunda vavo mumoto, vakauka nokuita uroyi hwavo, vakazvitengesa kuti vaite zvakaipa pamberi paJehovha, vakamutsamwisa.
17またそのむすこ、娘を火に焼いてささげ物とし、占いおよびまじないをなし、主の目の前に悪をおこなうことに身をゆだねて、主を怒らせた。
18Naizvozvo Jehovha wakatsamwira vaIsiraeri kwazvo, akavabvisa pachiso chake; hakuna vakasiiwa, asi rudzi rwaJudha chete.
18それゆえ、主は大いにイスラエルを怒り、彼らをみ前から除かれたので、ユダの部族のほか残った者はなかった。
19Kunyange navaJudhawo havana kuchengeta mirairo yaJehovha Mwari wavo, asi vakafamba nemitovo yavaIsiraeri, yavakatema.
19ところがユダもまたその神、主の戒めを守らず、イスラエルが定めたならわしに歩んだので、
20Jehovha akarasha vana vaIsiraeri vose, akavatambudza, akavapa mumaoko avaparadzi, kusvikira avarashira kure nechiso chake.
20主はイスラエルの子孫をことごとく捨て、彼らを苦しめ、彼らを略奪者の手にわたして、ついに彼らをみ前から打ちすてられた。
21Nekuti wakabvarura vaIsiraeri paimba yaDhavhidhi; vakaita Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, mambo wavo, Jerobhoamu akatsausa vaIsiraeri, vakarega kutevera Jehovha, akavatadzisa nechivi chikuru.
21主はイスラエルをダビデの家から裂き離されたので、イスラエルはネバテの子ヤラベアムを王としたが、ヤラベアムはイスラエルに、主に従うことをやめさせ、大きな罪を犯させた。
22Vana vaIsiraeri vakafamba pazvivi zvose zvaJerobhoamu, zvaakaita; havana kutsauka kwazviri;
22イスラエルの人々がヤラベアムのおこなったすべての罪をおこない続けて、それを離れなかったので、
23kusvikira Jehovha abvisa Isiraeri kure nechiso chake, sezvaakataura nemiromo yavaporofita, varanda vake vose. Naizvozvo vaIsiraeri vakatapwa panyika yavo, vakaiswa Asiria kusvikira nhasi.
23ついに主はそのしもべである預言者たちによって言われたように、イスラエルをみ前から除き去られた。こうしてイスラエルは自分の国からアッスリヤに移されて今日に至っている。
24Zvino mambo weAsiria wakatora vanhu paBhabhironi, napaKuta, napaAva, napaHamati, napaSefarivhaimi, akavaisa mumaguta eSamaria panzvimbo yavana vaIsiraeri; Samaria rikava ravo, vakagara mumaguta aro.
24かくてアッスリヤの王はバビロン、クタ、アワ、ハマテおよびセパルワイムから人々をつれてきて、これをイスラエルの人々の代りにサマリヤの町々におらせたので、その人々はサマリヤを領有して、その町々に住んだ。
25Zvino pakutanga kokugarapo kwavo havana kutya Jehovha, Jehovha akatuma shumba pakati pavo, dzikavauraya vamwe vavo.
25彼らがそこに住み始めた時、主を敬うことをしなかったので、主は彼らのうちにししを送り、ししは彼らのうちの数人を殺した。
26Naizvozvo vakaudza mambo weAsiria, vakati, Ndudzi dzavanhu dzamakatapa, mukavaisa mumaguta eSamaria, hadzizivi tsika dzaMwari wenyika iyo, naizvozvo wakatuma shumba pakati pavo, dzino vauraya, nekuti havazivi tsika dzaMwari wenyika iyo.
26そこで人々はアッスリヤの王に告げて言った、「あなたが移してサマリヤの町々におらせられたあの国々の民は、その地の神のおきてを知らないゆえに、その神は彼らのうちにししを送り、ししは彼らを殺した。これは彼らが、その地の神のおきてを知らないためです」。
27Ipapo mambo weAsiria akaraira, akati, Isaiko mumwe wavapristi vamakatapapo; ngavaende kundogarako, avadzidzise tsika dzaMwari wenyika iyo.
27アッスリヤの王は命じて言った、「あなたがたがあそこから移した祭司のひとりをあそこへ連れて行きなさい。彼をあそこへやって住まわせ、その国の神のおきてをその人々に教えさせなさい」。
28Naizvozvo mumwe wavapristi vavakatapa paSamaria, wakandogara paBhetieri, akavadzidzisa sezvavanofanira kutya Jehovha.
28そこでサマリヤから移された祭司のひとりが来てベテルに住み、どのように主を敬うべきかを彼らに教えた。
29Kunyange zvakadaro rudzi rumwe norumwe rwakazviitira vamwari varwo, vakavaisa mudzimba dzamatunhu akakwirira, dzakavakwa navaSamaria, rudzi rumwe norumwe pamaguta arwo, kwavaigara.
29しかしその民はおのおの自分の神々を造って、それをサマリヤびとが造った高き所の家に安置した。民は皆住んでいる町々でそのようにおこなった。
30Vanhu veBhabhironi vakavaka Sukotibhenoti, vanhu veKuti vakavaka Nerigari, vanhu veHamati vakavaka Ashima,
30すなわちバビロンの人々はスコテ・ベノテを造り、クタの人々はネルガルを造り、ハマテの人々はアシマを造り、
31vaAvhi vakavaka Nibhazi neTaritaki, vaSefari- vhaimi vakapisa vana vavo mumoto kuna Adhiramereki naAnamereki, vamwari veSefari-vhaimi.
31アワの人々はニブハズとタルタクを造り、セパルワイムびとはその子を火に焼いて、セパルワイムの神アデランメレクおよびアナンメレクにささげた。
32Naizvozvo vakasatya Jehovha, vakazvitsaurira pakati pavo vapristi vamatunhu akakwirira, vaivabayirira mudzimba dzamatunhu akakwirira.
32彼はまた主を敬い、自分たちのうちから一般の民を立てて高き所の祭司としたので、その人々は高き所の家で勤めをした。
33Vakatya Jehovha, vakashumira vamwari vavo, vachitevera tsika dzendudzi kwavakanga vatapwako.
33このように彼らは主を敬ったが、また彼らが出てきた国々のならわしにしたがって、自分たちの神々にも仕えた。
34Kusvikira zuva ranhasi vanotevera tsika dzakare, havatyi Jehovha, kana kuita sezvavanorairwa nemitemo yavo, kana zviga zvavo, kana murayiro wavo, kana mirau yavo, yakanga yarairwa vana vaJakove naJehovha, iye waakatumidza zita rinonzi Isiraeri;
34今日に至るまで彼らは先のならわしにしたがっておこなっている。彼らは主を敬わず、また主がイスラエルと名づけられたヤコブの子孫に命じられた定めにも、おきてにも、律法にも、戒めにも従わない。
35Jehovha akaita sungano navo, akavaraira, akati, Regai kutya vamwe vamwari, kana kuvapfugamira kana kuvashumira, kana kuvabayira,
35主はかつて彼らと契約を結び、彼らに命じて言われた、「あなたがたは他の神々を敬ってはならない。また彼らを拝み、彼らに仕え、彼らに犠牲をささげてはならない。
36asi Jehovha, wakakubudisai paEgipita nesimba guru, noruoko rwakatambanudzwa, ndiye wamunofanira kutya, ndiye wamunofanira kufugamira, ndiye wamunofanira kubayira.
36ただ大きな力と伸べた腕とをもって、あなたがたをエジプトの地から導き上った主をのみ敬い、これを拝み、これに犠牲をささげなければならない。
37Mitemo, nezviga, nomurayiro, nomurau, zvaakakunyorerai, munofanira kuzvichengeta nokusingaperi, hamufaniri kutya vamwe vamwari;
37またあなたがたのために書きしるされた定めと、おきてと、律法と、戒めとを、慎んで常に守らなければならない。他の神々を敬ってはならない。
38uye hamufaniri kukangamwa sungano yandakaita nemi; uye hamufaniri kutya vamwe vamwari;
38わたしがあなたがたと結んだ契約を忘れてはならない。また他の神々を敬ってはならない。
39asi munofanira kutya Jehovha Mwari wenyu; iye achakusunungurai pamaoko avavengi venyu vose.
39ただあなたがたの神、主を敬わなければならない。主はあなたがたをそのすべての敵の手から救い出されるであろう」。
40Kunyange zvakadaro havana kuteerera, asi vakatevera tsika dzakare.
40しかし彼らは聞きいれず、かえって先のならわしにしたがっておこなった。このように、これらの民は主を敬い、またその刻んだ像にも仕えたが、その子たちも、孫たちも同様であって、彼らはその先祖がおこなったように今日までおこなっている。
41Naizvozvo ndudzi idzi dzakatya Jehovha, dzikashumirawo zvifananidzo zvadzo zvakavezwa; navana vavo, navana vavana vavo, vanoita saizvozvo kusvikira nhasi, sezvakaita madzibaba avo.
41このように、これらの民は主を敬い、またその刻んだ像にも仕えたが、その子たちも、孫たちも同様であって、彼らはその先祖がおこなったように今日までおこなっている。