1Zvino namazuva iwayo Hezekia akarwara, kusvikira pakufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akasvika kwaari, akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Chiraira nhaka yako, nekuti uchafa, haungararami.
1そのころ、ヒゼキヤは病気になって死にかかっていた。アモツの子預言者イザヤは彼のところにきて言った、「主はこう仰せられます、『家の人に遺言をなさい。あなたは死にます。生きながらえることはできません』」。
2Ipapo akatendeukira kumadziro, akanyengetera kuna Jehovha, akati,
2そこでヒゼキヤは顔を壁に向けて主に祈って言った、
3Dorangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba pamberi penyu nechokwadi nomoyo wose, ndikaita zvakanaka pamberi penyu. Hezekia akachema kwazvo.
3「ああ主よ、わたしが真実を真心をもってあなたの前に歩み、あなたの目にかなうことをおこなったのをどうぞ思い起してください」。そしてヒゼキヤは激しく泣いた。
4Zvino Isaya wakange achigere kubuda paruvazhe rwapakati, shoko raJehovha rikauya kwaari, richiti,
4イザヤがまだ中庭を出ないうちに主の言葉が彼に臨んだ、
5Dzokazve, undoti kuna Hezekia, mutungamiriri wavanhu vangu, Zvanzi naJehovha Mwari waDhavhidhi baba vako, ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; zvino tarira, ndichakuporesa; nezuva rechitatu uchakwira kuimba yaJehovha.
5「引き返して、わたしの民の君ヒゼキヤに言いなさい、『あなたの父ダビデの神、主はこう仰せられる、わたしはあなたの祈を聞き、あなたの涙を見た。見よ、わたしはあなたをいやす。三日目にはあなたは主の宮に上るであろう。
6Ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu; ndichakurwira iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiria, ndichadzivira guta rino nokuda kwangu, uye nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu.
6かつ、わたしはあなたのよわいを十五年増す。わたしはあなたと、この町とをアッスリヤの王の手から救い、わたしの名のため、またわたしのしもべダビデのためにこの町を守るであろう』」。
7Ipapo Isaya akati, Uyai nebundu ramawonde. Ivo vakauya naro, vakariisa pamamota, akapora.
7そしてイザヤは言った、「干しいちじくのひとかたまりを持ってきて、それを腫物につけさせなさい。そうすれば直るでしょう」。
8Zvino Hezekia akati kuna Isaya, Chiratidzo chichava cheiko kuti Jehovha uchandiporesa, ndikwire kumba kwaJehovha nezuva rechitatu here?
8ヒゼキヤはイザヤに言った、「主がわたしをいやされる事と、三日目にわたしが主の家に上ることについて、どんなしるしがありましょうか」。
9Isaya akati, Ichi chichava chiratidzo chaJehovha kwauri, kuti Jehovha uchaita sezvaakataura. Unoda kuti mumvuri upfuurire mberi mitaro inegumi, kana udzoke mitaro inegumi here?
9イザヤは言った、「主が約束されたことを行われることについては、主からこのしるしを得られるでしょう。すなわち日影が十度進むか、あるいは十度退くかです」。
10Hezekia akapindura, akati, Zvakareruka kuti mumvuri upfuurire mberi mitaro inegumi; kwete, mumvuri ngaudzoke mitaro inegumi.
10ヒゼキヤは答えた、「日影が十度進むことはたやすい事です。むしろ日影を十度退かせてください」。
11Ipapo muporofita akadana kuna Jehovha, akadzosera mumvuri shure mitaro inegumi pachiratidzo chenguva chaAhazi.
11そこで預言者イザヤが主に呼ばわると、アハズの日時計の上に進んだ日影を、十度退かせられた。
12Zvino nenguva iyo Bherodhaki- bharadhani mwanakomana waBharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma tsamba nechipo kuna Hezekia; nekuti wakange anzwa kuti Hezekia wairwara.
12そのころ、バラダンの子であるバビロンの王メロダクバラダンは、手紙と贈り物を持たせて使節をヒゼキヤにつかわした。これはヒゼキヤが病んでいることを聞いたからである。
13Hezekia akavanzwa, akavaratidza imba yose yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuhwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri pafuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekia.
13ヒゼキヤは彼らを喜び迎えて、宝物の蔵、金銀、香料、貴重な油および武器倉、ならびにその倉庫にあるすべての物を彼らに見せた。家にある物も、国にある物も、ヒゼキヤが彼らに見せない物は一つもなかった。
14Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekia, akati kwaari, Ko varume ava vakati kudini? Vasvika kwauri vachibvepiko? Hezekia akati, Vabva kunyika iri kure, Bhabhironi.
14その時、預言者イザヤはヒゼキヤ王のもとにきて言った、「あの人々は何を言いましたか。どこからきたのですか」。ヒゼキヤは言った、「彼らは遠い国から、バビロンからきたのです」。
15Akati, Vakawonei mumba mako? Hezekia akapindura, akati, Vakaona zvose zviri mumba mangu, hakune chinhu pakati pefuma yangu chandisina kuvaratidza.
15イザヤは言った、「彼らはあなたの家で何を見ましたか」。ヒゼキヤは答えて言った、「わたしの家にある物を皆見ました。わたしの倉庫のうちには、わたしが彼らに見せない物は一つもありません」。
16Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, Inzwa shoko raJehovha.
16そこでイザヤはヒゼキヤに言った、「主の言葉を聞きなさい、
17Tarira, mazuva achasvika, nenguva iyo zvose zviri mumba mako nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira zuva ranhasi zvichaiswa Bhabhironi; hakuna chinhu chichasiiwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
17『主は言われる、見よ、すべてあなたの家にある物、および、あなたの先祖たちが今日までに積みたくわえた物の、バビロンに運び去られる日が来る。何も残るものはないであろう。
18Vamwe vavanakomana vako, vachabva kwauri, vauchabereka, vachatapwa. vachava varanda mumba mamambo weBhabhironi.
18また、あなたの身から出るあなたの子たちも連れ去られ、バビロンの王の宮殿で宦官となるであろう』」。
19Ipapo Hezekia akati kuna Isaya, Shoko raJehovha, ramataura, rakanaka haro. Akatiwo, Ko handizvo here, kana rugare nechokwadi zviripo hazvo pamazuva angu?
19ヒゼキヤはイザヤに言った、「あなたが言われた主の言葉は結構です」。彼は「せめて自分が世にあるあいだ、平和と安全があれば良いことではなかろうか」と思ったからである。
20Zvino mamwe mabasa aHezekia, nesimba rake, nokuita kwake dziva nomugero, nokusvitsa kwake mvura muguta, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
20ヒゼキヤのその他の事績とその武勇および、彼が貯水池と水道を作って、町に水を引いた事は、ユダの王の歴代志の書にしるされているではないか。ヒゼキヤはその先祖たちと共に眠って、その子マナセが代って王となった。
21Hezekia akavata namadzibaba ake, Manase mwanakomana wake akamutevera paushe.
21ヒゼキヤはその先祖たちと共に眠って、その子マナセが代って王となった。