1Zvino Naamani, mukuru wehondo dzamambo weSiria, waiva munhu mukuru kuna tenzi wake, nomunhu waikudzwa; nekuti Jehovha wakange akundisa vaSiria naye; uye waiva munhu wesimba noumhare, asi wakange ana maperembudzi.
1スリヤ王の軍勢の長ナアマンはその主君に重んじられた有力な人であった。主がかつて彼を用いてスリヤに勝利を得させられたからである。彼は大勇士であったが、らい病をわずらっていた。
2Zvino vaSiria vakanga vandorwa vakaita mapoka-poka, vakadzoka nomusikana muduku wavakanga vatapa panyika yaIsiraeri; iye wakange achibatira mukadzi waNaamani basa.
2さきにスリヤびとが略奪隊を組んで出てきたとき、イスラエルの地からひとりの少女を捕えて行った。彼女はナアマンの妻に仕えたが、
3Akati kuna tenzikadzi wake, Dai ishe wangu aiva kumuporofita ari paSamaria,ungadai akavaporesa maperembudzi ake.
3その女主人にむかって、「ああ、御主人がサマリヤにいる預言者と共におられたらよかったでしょうに。彼はそのらい病をいやしたことでしょう」と言ったので、
4Zvino mumwe akapinda, akandoudza ishe wake, akati, Musikana wenyika yaIsiraeri wakataura chokuti nechokuti.
4ナアマンは行って、その主君に、「イスラエルの地からきた娘がこういう事を言いました」と告げると、
5Mambo weSiria akati, Enda, ndinoda kutuma tsamba kuna mambo waIsiraeri. Akabva akaenda nematarenda gumi esirivha, nengoda zvuru zvitanhatu dzendarama, nenguvo dzakanaka dzine gumi.
5スリヤ王は言った、「それでは行きなさい。わたしはイスラエルの王に手紙を書きましょう」。そこで彼は銀十タラントと、金六千シケルと、晴れ着十着を携えて行った。
6Akaenda netsamba kuna mambo waIsiraeri, yakanga ichiti, Zvino kana tsamba iyi ichisvika kwamuri, muzive kuti ndatuma Naamani muranda wangu kwamuri, kuti mumuporese maperembudzi ake.
6彼がイスラエルの王に持って行った手紙には、「この手紙があなたにとどいたならば、わたしの家来ナアマンを、あなたにつかわしたことと御承知ください。あなたに彼のらい病をいやしていただくためです」とあった。
7Zvino mambo waIsiraeri wakati arava tsamba iyo, akabvarura nguvo dzake, akati, Asi ndini Mwari kanhi? Ndinoziva kuuraya nokuraramisa kanhi, munhu uyu zvaatuma shoko kwandiri, kuti ndiporese munhu maperembudzi ake? Asi fungai, muwone, kuti unotsvaka kurwa neni.
7イスラエルの王はその手紙を読んだ時、衣を裂いて言った、「わたしは殺したり、生かしたりすることのできる神であろうか。どうしてこの人は、らい病人をわたしにつかわして、それをいやせと言うのか。あなたがたは、彼がわたしに争いをしかけているのを知って警戒するがよい」。
8Zvino Erisha munhu waMwari, wakati achinzwa kuti mambo waIsiraeri wabvarura nguvo dzake, akatuma shoko kuna mambo, akati, Mabvarurireiko nguvo dzenyu? Ngaauye hake zvino kwandiri, azive kuti muporofita aripo pakati paIsiraeri.
8神の人エリシャは、イスラエルの王がその衣を裂いたことを聞き、王に人をつかわして言った、「どうしてあなたは衣を裂いたのですか。彼をわたしのもとにこさせなさい。そうすれば彼はイスラエルに預言者のあることを知るようになるでしょう」。
9Naizvozvo Naamani akaenda namabhiza ake nengoro dzake, akandomira pamukova weimba yaErisha.
9そこでナアマンは馬と車とを従えてきて、エリシャの家の入口に立った。
10Erisha akatuma nhume kwaari, akati, Enda, undoshamba kanomwe muna Joridhani, nyama yako idzokerezve kwauri, uve wakanaka.
10するとエリシャは彼に使者をつかわして言った、「あなたはヨルダンへ行って七たび身を洗いなさい。そうすれば、あなたの肉はもとにかえって清くなるでしょう」。
11Asi Naamani wakatsamwa, akabva, akati, Tarirai, ndanga ndichiti, zvirokwazvo uchabuda kwandiri, akamira, akadana zita raJehovha Mwari wake, nokupuruzirapo noruoko rwake, agoporesa wemaperembudzi.
11しかしナアマンは怒って去り、そして言った、「わたしは、彼がきっとわたしのもとに出てきて立ち、その神、主の名を呼んで、その箇所の上に手を動かして、らい病をいやすのだろうと思った。
12Ko Abana neFaripari, idzo nzizi dzeDhamasiko, hadzina kunaka kukunda mvura yose iri pakati paIsiraeri here? Handingashambi madziri, ndikava wakanaka here? Naizvozvo akaenda, akabva atsamwa kwazvo.
12ダマスコの川アバナとパルパルはイスラエルのすべての川水にまさるではないか。わたしはこれらの川に身を洗って清まることができないのであろうか」。こうして彼は身をめぐらし、怒って去った。
13Zvino varanda vake vakaswedera, vakataura naye, vakati, Nhai, baba vedu, dai muporofita akakurairai kuita chinhu chikuru, hamuchizviita here? Ndoda zvaakati kwamuri, Shamba, uve wakanaka?
13その時、しもべたちは彼に近よって言った、「わが父よ、預言者があなたに、何か大きな事をせよと命じても、あなたはそれをなさらなかったでしょうか。まして彼はあなたに『身を洗って清くなれ』と言うだけではありませんか」。
14Ipapo akaburuka, akandonyura muna Joridhani kanomwe, sezvakanga zvataura munhu waMwari; nyama yake ikadzoka, ikafanana nenyama yomwana muduku, akava wakanaka.
14そこでナアマンは下って行って、神の人の言葉のように七たびヨルダンに身を浸すと、その肉がもとにかえって幼な子の肉のようになり、清くなった。
15Zvino akadzokera pakati paIsiraeri; naizvozvo zvino, gamuchirai henyu chipo kumuranda wenyu.
15彼はすべての従者を連れて神の人のもとに帰ってきて、その前に立って言った、「わたしは今、イスラエルのほか、全地のどこにも神のおられないことを知りました。それゆえ、どうぞ、しもべの贈り物を受けてください」。
16Asi iye akati, NaJehovha mupenyu, iye wandimire pamberi pake, handingagamuchiri chinhu. Akamugombedzera, kuti agamuchire, asi wakaramba.
16エリシャは言った、「わたしの仕える主は生きておられる。わたしは何も受けません」。彼はしいて受けさせようとしたが、それを拒んだ。
17Zvino Naamani akati, Kana musingadi henyu, muranda wenyu ngaapiwe hake mitoro yevhu ingatakurwa namahesera maviri; nekuti kubva zvino muranda wenyu haangabayiri vamwe vamwari chipiriso chinopiswa kana chimwe chibayiro asi Jehovha oga.
17そこでナアマンは言った、「もしお受けにならないのであれば、どうぞ騾馬に二駄の土をしもべにください。これから後しもべは、他の神には燔祭も犠牲もささげず、ただ主にのみささげます。
18Asi Jehovha ngaakangamwire hake muranda wake pachinhu ichi, kana tenzi wangu achipinda mumba maRimoni kuzonamatapo, akasendamira paruoko rwangu, ini ndikapfugama mumba maRimoni; kana ndikapfugama mumba maRimoni Jehovha ngaakagamwire muranda wake pachinhu ichi.
18どうぞ主がこの事を、しもべにおゆるしくださるように。すなわち、わたしの主君がリンモンの宮にはいって、そこで礼拝するとき、わたしの手によりかかることがあり、またわたしもリンモンの宮で身をかがめることがありましょう。わたしがリンモンの宮で身をかがめる時、どうぞ主がその事を、しもべにおゆるしくださるように」。
19Akati kwaari, Enda hako nomufaro. Naizvozvo akabva kwaari, akafamba chinhambo chiduku.
19エリシャは彼に言った、「安んじて行きなさい」。ナアマンがエリシャを離れて少し行ったとき、
20Asi Gehazi muranda waErisha, munhu waMwari, akati, Tarirai, tenzi wangu wakarega Naamani uyu muSiria, zvaasina kugamuchira kwaari chaakanga auya nacho; asi naJehovha mupenyu, ndichamhanya, ndikamutevera, nditore chinhu kwaari.
20神の人エリシャのしもべゲハジは言った、「主人はこのスリヤびとナアマンをいたわって、彼が携えてきた物を受けなかった。主は生きておられる。わたしは彼のあとを追いかけて、彼から少し、物を受けよう」。
21Naizvozvo Gehazi akatevera Naamani. Zvino Naamani wakati achiona munhu achimhanya achimutevera, akaburuka pangoro kuti asangane naye, akati, Makafara henyu mose here?
21そしてゲハジはナアマンのあとを追ったが、ナアマンは自分のあとから彼が走ってくるのを見て、車から降り、彼を迎えて、「変った事があるのですか」と言うと、
22Iye akati, Takafara hedu tose. Tenzi wangu wakandituma, achiti, Tarirai, zvino-zvino majaya maviri, vanakomana vavaporofita, vakasvika kwandiri, vachibva kunyika yamakomo yaEfuremu; dondipaiwo tarenda rimwe resirivha, nenguvo mbiri dzakanaka.
22彼は言った、「無事です。主人がわたしをつかわして言わせます、『ただいまエフライムの山地から、預言者のともがらのふたりの若者が、わたしのもとに来ましたので、どうぞ彼らに銀一タラントと晴れ着二着を与えてください』」。
23Naamani akati, Ndinokumbira kuti utore hako matarenda maviri. Akamugombedzera, akasungira matarenda maviri esirivha muhomwe mbiri, pamwechete nenguvo mbiri dzakanaka, akazvitakudza varanda vake vaviri, vakazvitakurira pamberi pake
23ナアマンは、「どうぞ二タラントを受けてください」と言って彼にしい、銀二タラントを二つの袋に入れ、晴れ着二着を添えて、自分のふたりのしもべに渡したので、彼らはそれを負ってゲハジの先に立って進んだが、
24Zvino wakati asvika pachikomo, akazvitora pamaoko avo, akazviviga mumba, akadzosa vanhu, vakaenda havo.
24彼は丘にきたとき、それを彼らの手から受け取って家のうちにおさめ、人々を送りかえしたので、彼らは去った。
25Ipapo akapinda, akamira pamberi patenzi wake. Erisha akati kwaari, Wabvepiko, Gehazi? Iye akati, Muranda wenyu wakange achingova pano hake.
25彼がはいって主人の前に立つと、エリシャは彼に言った、「ゲハジよ、どこへ行ってきたのか」。彼は言った、「しもべはどこへも行きません」。
26Iye akati kwaari, moyo wangu hauna kuenda newe here nguva iya murume achidzoka pangoro kuzosangana newe? Ko ndiyo nguva yokugamuchira mari, nokugamuchira nguvo, neminda yemiorivhi, neminda yemizambiringa, namakwai nenzombe, navaranda navarandakadzi here.
26エリシャは言った、「あの人が車をはなれて、あなたを迎えたとき、わたしの心はあなたと一緒にそこにいたではないか。今は金を受け、着物を受け、オリブ畑、ぶどう畑、羊、牛、しもべ、はしためを受ける時であろうか。それゆえ、ナアマンのらい病はあなたに着き、ながくあなたの子孫に及ぶであろう」。彼がエリシャの前を出ていくとき、らい病が発して雪のように白くなっていた。
27Naizvozvo maperembudzi aNaamani achakunamatira. iwe navana vako nokusingaperi. Ipapo akabuda pamberi pake ava namaperembudzi, akati mbembe sechando.
27それゆえ、ナアマンのらい病はあなたに着き、ながくあなたの子孫に及ぶであろう」。彼がエリシャの前を出ていくとき、らい病が発して雪のように白くなっていた。