1Zvino Sauro wakati afa, Dhavhidhi akadzoka pakuuraya vaAmareki, Dhavhidhi akagara mazuva maviri paZikiragi;
1サウルが死んだ後、ダビデはアマレクびとを撃って帰り、ふつかの間チクラグにとどまっていたが、
2Zvino nezuva retatu mumwe munhu wakasvika achibva kumisasa kuna Sauro, nguvo dzake dzakabvaruka, uye ane ivhu pamusoro wake; akati achisvika kuna Dhavhidhi, akazviwisira pasi, akanamata kwaari.
2三日目となって、ひとりの人が、その着物を裂き、頭に土をかぶって、サウルの陣営からきた。そしてダビデのもとにきて、地に伏して拝した。
3Dhavhidhi akati kwaari, Wabvepiko? Akati kwaari, Ndapukunyuka ndichibva kumisasa yaIsiraeri.
3ダビデは彼に言った、「あなたはどこからきたのか」。彼はダビデに言った、「わたしはイスラエルの陣営から、のがれてきたのです」。
4Dhavhidhi akati kwaari, Kwakaitweiko? Ndiudze hako. Akapindura, akati, Vanhu vatiza pakurwa, vanhu vazhinji vawira pasi vafa, uye Sauro nomwanakomana wake Jonatani vafawo.
4ダビデは彼に言った、「様子はどうであったか話しなさい」。彼は答えた、「民は戦いから逃げ、民の多くは倒れて死に、サウルとその子ヨナタンもまた死にました」。
5Ipapo Dhavhidhi akati kujaya rakamuudza izvozvo, Unoziva sei kuti Sauro naJonatani mwanakomana wake vafawo.
5ダビデは自分と話している若者に言った、「あなたはサウルとその子ヨナタンが死んだのを、どうして知ったのか」。
6Jaya rikamuudza rikati, Ndakanga ndichifamba hangu pagomo reGiribhoa, ndikaona Sauro achisendamira papfumo rake, ndikaonawo ngoro navatasvi vachimutevera kwazvo.
6彼に話している若者は言った、「わたしは、はからずも、ギルボア山にいましたが、サウルはそのやりによりかかっており、戦車と騎兵とが彼に攻め寄ろうとしていました。
7Zvino iye wakati achicheuka, akandiona, akandidana. Ndikapindura ndikati, Ndiri pano hangu.
7その時、彼はうしろを振り向いてわたしを見、わたしを呼びましたので、『ここにいます』とわたしは答えました。
8Akati kwandiri, Ndiwe aniko? Ndikamupindura ndikati, Ndiri muAmareki.
8彼は『おまえはだれか』と言いましたので、『アマレクびとです』と答えました。
9Akati kwandiri, Mira kuno kwandiri, undiuraye, nekuti ndabatwa nekushungurudzwa kwazvo, nekuti upenyu hwangu huchiri mandiri chose.
9彼はまたわたしに言いました、『そばにきて殺してください。わたしは苦しみに耐えない。まだ命があるからです』。
10Naizvozvo ndikamira kwaari, ndikamuuraya, nekuti ndakanga ndichiziva kwazvo kuti haangararami, kana achinge awira pasi; ndikatora korona yakanga iri pamusoro wake, norundarira rwaiva paruoko rwake, ndikauya nazvo pano kunashe wangu.
10そこで、わたしはそのそばにいって彼を殺しました。彼がすでに倒れて、生きることのできないのを知ったからです。そしてわたしは彼の頭にあった冠と、腕につけていた腕輪とを取って、それをわが主のもとに携えてきたのです」。
11lpapo Dhavhidhi akabata nguvo dzake, akadzibvarura, navarume vose vaiva naye vakaitawo saizvozvo.
11そのときダビデは自分の着物をつかんでそれを裂き、彼と共にいた人々も皆同じようにした。
12Vakachema, nokuungudza, nokutsanya kusvikira madeko pamusoro paSauro naJonatani mwanakomana wake, napamusoro pavanhu vaJehovha, napamusoro peimba yaIsiraeri, nekuti vakanga vaurawa nomunondo.
12彼らはサウルのため、またその子ヨナタンのため、また主の民のため、またイスラエルの家のために悲しみ泣いて、夕暮まで食を断った。それは彼らがつるぎに倒れたからである。
13Dhavhidhi akati kujaya rakanga ramuudza izvozvo, Uri wepiko? Iye akapindura akati, Ndiri mwanakomana womutorwa, muAmareki.
13ダビデは自分と話していた若者に言った、「あなたはどこの人ですか」。彼は言った、「アマレクびとで、寄留の他国人の子です」。
14Dhavhidhi akati kwaari, Hauna kutya neiko kutambanudza ruoko rwako kuti uparadze muzodzwa waJehovha?
14ダビデはまた彼に言った、「どうしてあなたは手を伸べて主の油を注がれた者を殺すことを恐れなかったのですか」。
15Ipapo Dhavhidhi akadana rimwe jaya akati, Swedera, umuuraye. Iye akamubaya, akafa.
15ダビデはひとりの若者を呼び、「近寄って彼を撃て」と言った。そこで彼を撃ったので死んだ。
16Dhavhidhi akati kwaari, Ropa rako ngarive pamusoro pako, nekuti muromo wako wakupupurira, zvawakati, Ndakauraya muzodzwa waJehovha.
16ダビデは彼に言った、「あなたの流した血の責めはあなたに帰する。あなたが自分の口から、『わたしは主の油を注がれた者を殺した』と言って、自身にむかって証拠を立てたからである」。
17Dhavhidhi akachema Sauro naJonatani mwanakomana wake nokuchema uku.
17ダビデはこの悲しみの歌をもって、サウルとその子ヨナタンのために哀悼した。――
18Akavaraira kuti vadzidzise vana vaJudha rwiyo urwu rwokuchema; tarirai, rwakanyorwa mubhuku raJashari.
18これは、ユダの人々に教えるための弓の歌で、ヤシャルの書にしるされている。――彼は言った、
19Haiwa Isiraeri! Kubwinya kwako kwaurawa pamatunhu ako akakwirira! Haiwa! Vane simba vakawira pasi sei!
19「イスラエルよ、あなたの栄光は、あなたの高き所で殺された。ああ、勇士たちは、ついに倒れた。
20Musazvireva paGati, Musazviparidza panzira dzeAshikeroni; Kuti vakunda vavaFirisitia varege kufara, Kuti vakunda vavasina kudzingiswa varege kupembera.
20ガテにこの事を告げてはいけない。アシケロンのちまたに伝えてはならない。おそらくはペリシテびとの娘たちが喜び、割礼なき者の娘たちが勝ちほこるであろう。
21Imi makomo eGiribhoa, Ngakurege kuva nedova kana mvura pamusoro penyu, kana minda yezvipo. Nekuti ndipo pakangorashwa nhovo dzemhare, nhovo yaSauro, seisina kuzodzwa mafuta.
21ギルボアの山よ、露はおまえの上におりるな。死の野よ、雨もおまえの上に降るな。その所に勇士たちの盾は捨てられ、サウルの盾は油を塗らずに捨てられた。
22Uta hwaJonatani hahuna kudzoka. Husina ropa ravakaurawa. Nomunondo waSauro hauna kudzoka usina mafuta avane simba.
22殺した者の血を飲まずには、ヨナタンの弓は退かず、勇士の脂肪を食べないでは、サウルのつるぎは、むなしくは帰らなかった。
23Sauro naJonatani vakanga vakadikamwa, vakanaka, paupenyu hwavo; Napakufa kwavo havana kuparadzaniswa; Vaikurumidza kupfuura makondo, Vaiva nesimba kupfuura shumba.
23サウルとヨナタンとは、愛され、かつ喜ばれた。彼らは生きるにも、死ぬにも離れず、わしよりも早く、ししよりも強かった。
24Imi vakunda vaIsiraeri, chemai Sauro, Iye waikufukidzai nomucheka mutsvuku wakanaka, Waiisa zvishongo zvendarama pazvisimiro zvenyu.
24イスラエルの娘たちよ、サウルのために泣け。彼は緋色の着物をもって、はなやかにあなたがたを装い、あなたがたの着物に金の飾りをつけた。
25Haiwa! Vane simba vakawira pasi sei pakurwa! Jonatani wakaurawa pamatunhu akakwirira.
25ああ、勇士たちは戦いのさなかに倒れた。ヨナタンは、あなたの高き所で殺された。
26Ndinotambudzika kwazvo pamusoro pako, munin'ina wangu Jonatani; wakange uchindifadza kwazvo; Rudo rwako kwandiri rwaishamisa, Rwaipfuura rudo rwavakadzi.
26わが兄弟ヨナタンよ、あなたのためわたしは悲しむ。あなたはわたしにとって、いとも楽しい者であった。あなたがわたしを愛するのは世の常のようでなく、女の愛にもまさっていた。ああ、勇士たちは倒れた。戦いの器はうせた」。
27Haiwa! Vane simba vakawira pasi sei! Nhumbi dzokurwa nadzo dzakaparadzwa sei!
27ああ、勇士たちは倒れた。戦いの器はうせた」。