1imwi muri vana vaJehovha Mwari wenyu; musazvitema,kana kuzviveura pakati pameso pamusoro pavakafa.
1あなたがたはあなたがたの神、主の子供である。死んだ人のために自分の身に傷をつけてはならない。また額の髪をそってはならない。
2nekuti uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako; Jehovha wakakutsaura pakati pendudzi dzose dzavanhu vari panyika, kuti uve rudzi rwake chairwo.
2あなたはあなたの神、主の聖なる民だからである。主は地のおもてのすべての民のうちからあなたを選んで、自分の宝の民とされた。
3Usadya chinhu chipi nechipi chinonyangadza.
3忌むべき物は、どんなものでも食べてはならない。
4Mhuka dzamungadya ndidzo: Mombe, negwai, nembudzi;
4あなたがたの食べることができる獣は次のとおりである。すなわち牛、羊、やぎ、
5nenondo, nemhara, nemhembwe, netsoma, nemharapara, nenyati, nengururu.
5雄じか、かもしか、こじか、野やぎ、くじか、おおじか、野羊など、
6Mhuka ipi neipi ina mahwanda akaparadzana, ine tsoka dzakaparadzana, inodzeya, ndidzo dzamungadya henyu.
6獣のうち、すべて、ひずめの分れたもの、ひずめが二つに切れたもので、反芻するものは食べることができる。
7Asi idzi dzinodzeya, kana dzina mahwanda akaparadzana, regai kudzidya: Kamera, netsuro, nembira; nekuti dzinodzeya, asi hadzina mahwanda akaparadzana, hadzina kunaka kwamuri;
7ただし、反芻するものと、ひずめの分れたもののうち、次のものは食べてはならない。すなわち、らくだ、野うさぎ、および岩だぬき、これらは反芻するけれども、ひずめが分れていないから汚れたものである。
8nenguruve; nekuti ina mahwanda akaparadzana, asi haidzeyi; haina kunaka kwamuri; musadya nyama yadzo, uye musabata zvitunha zvadzo.
8また豚、これは、ひずめが分れているけれども、反芻しないから、汚れたものである。その肉を食べてはならない。またその死体に触れてはならない。
9Ndizvo zvamungadya kune zvose zviri mumvura: Zvose zvine zvimbi namakwande mungazvidya;
9水の中にいるすべての物のうち、次のものは食べることができる。すなわち、すべて、ひれと、うろこのあるものは、食べることができる。
10asi zvose zvisina zvimbi namakwande, musazvidya izvo, hazvina kunaka kwamuri.
10すべて、ひれと、うろこのないものは、食べてはならない。これは汚れたものである。
11Mungadya shiri dzose dzakanaka.
11すべて清い鳥は食べることができる。
12Asi dzamusingafaniri kudya ndidzo: Gora guru, negondo guru, nenyamudzura;
12ただし、次のものは食べてはならない。すなわち、はげわし、ひげはげわし、みさご、
13norukodzi, nenjerere, noruvangu namarudzi arwo;
13黒とび、はやぶさ、とびの類。
14namarudzi ose amakunguvo;
14各種のからすの類。
15nemhou, nezizi, neshiri yegungwa, namarudzi ose oruvangu;
15だちょう、夜たか、かもめ、たかの類。
16nezizi duku, nezizi guru, nejichidza,
16ふくろう、みみずく、むらさきばん、
17nehukurwizi, negora, nekanyurura-hove;
17ペリカン、はげたか、う、
18nezimudo, nekondo, namarudzi ayo, nemhupupu, nechiremwaremwa.
18こうのとり、さぎの類。やつがしら、こうもり。
19Zvose zvina mapapiro zvinokambaira zvinofanira kuva zvisina kunaka kwamuri; hazvifaniri kudyiwa.
19またすべて羽があって這うものは汚れたものである。それを食べてはならない。
20Asi shiri dzose dzakanaka mungadzidya henyu.
20すべて翼のある清いものは食べることができる。
21Musadya chinhu chakanora choga; ungachipa mweni uri mukati mamasuwo ako, iye achidye, kana ungachitengesa kumutorwa; nekuti iwe uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.
21すべて自然に死んだものは食べてはならない。町の内におる寄留の他国人に、それを与えて食べさせることができる。またそれを外国人に売ってもよい。あなたはあなたの神、主の聖なる民だからである。子やぎをその母の乳で煮てはならない。
22Utsaure zvakanaka zvegumi zvezvibereko zvose zvembeu dzako, dzinobva mumunda mako gore rimwe nerimwe.
22あなたは毎年、畑に種をまいて獲るすべての産物の十分の一を必ず取り分けなければならない。
23Unofanira kudya pamberi paJehovha Mwari wako, panzvimbo yaachatsaura kugarisa zita rakepo, zvegumi zvezviyo zvako, nezvewaini yako, nezvamafuta ako, nezvavana vemhongora dzemombe dzako nedzamakwai ako, kuti udzidze kutya Jehovha Mwari wako nguva dzose.
23そしてあなたの神、主の前、すなわち主がその名を置くために選ばれる場所で、穀物と、ぶどう酒と、油との十分の一と、牛、羊のういごを食べ、こうして常にあなたの神、主を恐れることを学ばなければならない。
24Kana nzira iri kuresa, ukasagona kuzvisvitsako, nekuti nzvimbo iyo yawakatsaurirwa naJehovha Mwari wako, kuti aise zita rakepo, iri kure newe, kana Jehovha Mwari wako akakuropafadza,
24ただし、その道があまりに遠く、あなたの神、主がその名を置くために選ばれる場所が、非常に遠く離れていて、あなたの神、主があなたを恵まれるとき、それを携えて行くことができないならば、
25unofanira kuzvitengesa nemari, ndokubata mari mumaoko ako, ugoenda kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako,
25あなたはその物を金に換え、その金を包んで手に取り、あなたの神、主が選ばれる場所に行き、
26ndokutenga nemari iyo zvose zvinodikamwa nomoyo wako, kana mombe, kana makwai, kana waini, kana zvinobata, kana zvose zvinoreva moyo wako kwauri, udyirepo pamberi paJehovha Mwari wako, ufare, iwe nemhuri yako.
26その金をすべてあなたの好む物に換えなければならない。すなわち牛、羊、ぶどう酒、濃い酒など、すべてあなたの欲する物に換え、その所であなたの神、主の前でそれを食べ、家族と共に楽しまなければならない。
27Uye muRevhi uri mukati mamasuwo ako, usamukangamwa, nekuti haana mugove kana nhaka newe.
27町の内におるレビびとを捨ててはならない。彼はあなたがたのうちに分がなく、嗣業を持たない者だからである。
28Nguva dzose kana makore matatu apera, unofanira kuuya nezvegumi zvose zvezvibereko zvako zvegore iro, ugozvichengeta mukati mamasuwo ako.
28三年の終りごとに、その年の産物の十分の一を、ことごとく持ち出して、町の内にたくわえ、あなたがたのうちに分け前がなく、嗣業を持たないレビびと、および町の内におる寄留の他国人と、孤児と、寡婦を呼んで、それを食べさせ、満足させなければならない。そうすれば、あなたの神、主はあなたが手で行うすべての事にあなたを祝福されるであろう。
29Zvino muRevhi, zvaasina mugove kana nhaka newe, nomweni, nenherera, nechirikadzi, vari mumasuwo ako, vanofanira kuuya kuzodya, vagute; kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pamabasa ose aunoita namaoko ako.
29あなたがたのうちに分け前がなく、嗣業を持たないレビびと、および町の内におる寄留の他国人と、孤児と、寡婦を呼んで、それを食べさせ、満足させなければならない。そうすれば、あなたの神、主はあなたが手で行うすべての事にあなたを祝福されるであろう。