1Rangarira mwedzi weAbhibhi, udye Pasika yaJehovha Mwari wako nawo; nekuti nomwedzi weAbhibhi Jehovha Mwari wako wakakubudisa panyika yeEgipita usiku.
1あなたはアビブの月を守って、あなたの神、主のために過越の祭を行わなければならない。アビブの月に、あなたの神、主が夜の間にあなたをエジプトから導き出されたからである。
2Unofanira kubayira Jehovha Mwari wako Pasika yamakwai nemombe panzvimbo inotsaurwa naJehovha Mwari wako, kuti agarise zita rakepo.
2主がその名を置くために選ばれる場所で、羊または牛をあなたの神、主に過越の犠牲としてほふらなければならない。
3Usadya chingwa chakaviriswa pamwechete nayo; unofanira kuita mazuva manomwe uchidya chingwa chisina kuviriswa pamwechete nayo, ndicho chingwa chokutambudzika; nekuti wakabuda panyika yeEgipita nokukurumidza; kuti urangarire zuva rawakabuda naro panyika yeEgipita mazuva ose oupenyu hwako.
3種を入れたパンをそれと共に食べてはならない。七日のあいだ、種入れぬパンすなわち悩みのパンを、それと共に食べなければならない。あなたがエジプトの国から出るとき、急いで出たからである。こうして世に生きながらえる日の間、エジプトの国から出てきた日を常に覚えなければならない。
4Mazuva manomwe mbiriso haifaniri kutongoonekwa panyika yako yose; uye nyama yamunobayira pazuva rokutanga madekwana, haifaniri kutongosara usiku hwose kusvikira mangwana.
4その七日の間は、国の内どこにもパン種があってはならない。また初めの日の夕暮にほふるものの肉を、翌朝まで残しておいてはならない。
5Haufaniri kubayira Pasika mukati merimwe ramasuwo ako, aunopiwa naJehovha Mwari wako;
5あなたの神、主が賜わる町の内で、過越の犠牲をほふってはならない。
6asi panzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako, kuti agarise zita rakepo, ndipo paunofanira kubayira Pasika madekwana, kana zuva rovira, panguva yawakabuda nayo Egipita.
6ただあなたの神、主がその名を置くために選ばれる場所で、夕暮の日の入るころ、あなたがエジプトから出た時刻に、過越の犠牲をほふらなければならない。
7Unofanira kuibika, nokuidya panzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako, fume mangwana unofanira kudzokera kumatende ako.
7そしてあなたの神、主が選ばれる場所で、それを焼いて食べ、朝になって天幕に帰らなければならない。
8Unofanira kudya chingwa chisina kuviriswa mazuva matanhatu; pazuva rechinomwe unofanira kuita ungano huru kuna Jehovha Mwari wako; usabata mabasa naro.
8六日のあいだ種入れぬパンを食べ、七日目にあなたの神、主のために聖会を開かなければならない。なんの仕事もしてはならない。
9Unofanira kuverenga mavhiki manomwe, kubva panguva yaunotanga kukohwa zviyo zvigere kukohiwa, unofanira kuverenga mavhiki manomwe.
9また七週間を数えなければならない。すなわち穀物に、かまを入れ始める時から七週間を数え始めなければならない。
10Zvino uitire Jehovha Mwari wako mutambo wamavhiki, uchiuya muruoko rwako nechipo chokuda kwako, uchipa sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako.
10そしてあなたの神、主のために七週の祭を行い、あなたの神、主が賜わる祝福にしたがって、力に応じ、自発の供え物をささげなければならない。
11Unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako, iwe nomwanakomana wako, nomwanasikana wako, nomuranda wako, nomurandakadzi wako, nomuRevhi uri mukati mamasuwo ako, nomweni, nenherera, nechirikadzi, vagere pakati pako, panzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako, kuti agarise zita rakepo.
11こうしてあなたはむすこ、娘、しもべ、はしためおよび町の内におるレビびと、ならびにあなたがたのうちにおる寄留の他国人と孤児と寡婦と共に、あなたの神、主がその名を置くために選ばれる場所で、あなたの神、主の前に喜び楽しまなければならない。
12Unofanira kurangarira kuti iwe wakange uri muranda paEgipita; unofanira kuchengeta nokuita izvi zvakatemwa.
12あなたはかつてエジプトで奴隷であったことを覚え、これらの定めを守り行わなければならない。
13Unofanira kutamba mutambo wamatumba mazuva manomwe, kana wapedza kuunganidza zvose zvapaburiro rako nechisviniro chako chewaini.
13打ち場と、酒ぶねから取入れをしたとき、七日のあいだ仮庵の祭を行わなければならない。
14Unofanira kufara pamutambo wako, iwe, nomwanakomana wako, nomwanasikana wako, nomuranda wako, nomurandakadzi wako, nomuRevhi, nomweni, nenherera, nechirikadzi, vari mukati mamasuwo ako.
14その祭の時には、あなたはむすこ、娘、しもべ、はしためおよび町の内におるレビびと、寄留の他国人、孤児、寡婦と共に喜び楽しまなければならない。
15Unofanira kutambira Jehovha Mwari wako mutambo mazuva manomwe panzvimbo ichatsaurwa naJehovha; nekuti Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pazvibereko zvose zveminda yako, napamabasa ose amaoko ako, kuti ufare kwazvo.
15主が選ばれる場所で七日の間、あなたの神、主のために祭を行わなければならない。あなたの神、主はすべての産物と、手のすべてのわざとにおいて、あなたを祝福されるから、あなたは大いに喜び楽しまなければならない。
16Varume venyu vose vanofanira kuuya pamberi paJehovha Mwari wako katatu pagore panzvimbo yaachatsaura, pamutambo wechingwa chisina kuviriswa, napamutambo wamavhiki, napamutambo wamatumba; havafaniri kuuya pamberi paJehovha vasina chinhu.
16あなたのうちの男子は皆あなたの神、主が選ばれる場所で、年に三度、すなわち種入れぬパンの祭と、七週の祭と、仮庵の祭に、主の前に出なければならない。ただし、から手で主の前に出てはならない。
17Mumwe nomumwe ngaauye nechipo mumaoko ake, sezvaanogona, sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako, sezvaakakupa.
17あなたの神、主が賜わる祝福にしたがい、おのおの力に応じて、ささげ物をしなければならない。
18Unofanira kuzvitsaurira vatongi navakuru mukati mamasuwo ako, aunopiwa naJehovha Mwari wako, namarudzi ako; ivo vanofanira kutonga vanhu nokutonga kwakarurama.
18あなたの神、主が賜わるすべての町々の内に、部族にしたがって、さばきびとと、つかさびととを、立てなければならない。そして彼らは正しいさばきをもって民をさばかなければならない。
19Usakanganisa pakutonga kwako, usatsaura vanhu, usagamuchira fufuro, nekuti fufuro inopofumadza meso avakangwara, nokuminamisa mashoko avakarurama.
19あなたはさばきを曲げてはならない。人をかたより見てはならない。また賄賂を取ってはならない。賄賂は賢い者の目をくらまし、正しい者の事件を曲げるからである。
20Tevera zvakarurama kwazvo chete, kuti urarame, ugare nhaka yenyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
20ただ公義をのみ求めなければならない。そうすればあなたは生きながらえて、あなたの神、主が賜わる地を所有するにいたるであろう。
21Usazvisimira matanda okunamata nawo, emiti ipi neipi, parutivi rwearitari yaJehovha Mwari wako, yaunofanira kuzviitira.
21あなたの神、主のために築く祭壇のかたわらに、アシラの木像をも立ててはならない。またあなたの神、主が憎まれる柱を立ててはならない。
22Uye usazvimisira shongwe, inovengwa naJehovha Mwari wako.
22またあなたの神、主が憎まれる柱を立ててはならない。