1Inzwa iwe denga, ndichataura; Nenyika ngainzwe mashoko omuromo wangu;
1「天よ、耳を傾けよ、わたしは語る、地よ、わたしの口の言葉を聞け。
2Kudzidzisa kwangu kuchadonha semvura, Kutaura kwangu kuchayerera sedova, Seguti pabumhudza nyoro, Sokupfunha kwemvura pauswa;
2わたしの教は雨のように降りそそぎ、わたしの言葉は露のようにしたたるであろう。若草の上に降る小雨のように、青草の上にくだる夕立ちのように。
3nekuti ndichaparidza zita raJehovha; Rumbidzai ukuru hwaMwari wedu.
3わたしは主の名をのべよう、われわれの神に栄光を帰せよ。
4Iye ndiro dombo, basa rake rakakwana; nekuti nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mwari wakatendeka, usinganyengeri, Wakarurama, ndewechokwadi.
4主は岩であって、そのみわざは全く、その道はみな正しい。主は真実なる神であって、偽りなく、義であって、正である。
5Vakamuitira zvakashata, havazi vana vake, ndiko kuremara kwavo; Ivo rudzi rwakatsauka, rwakakombama.
5彼らは主にむかって悪を行い、そのきずのゆえに、もはや主の子らではなく、よこしまで、曲ったやからである。
6Munoripira Jehovha saizvozvo here, Nhai, imwi mapenzi asina kungwara? Ko haazi baba vako vakakubereka here? Ndiye wakakuita, nokukusimbisa.
6愚かな知恵のない民よ、あなたがたはこのようにして主に報いるのか。主はあなたを生み、あなたを造り、あなたを堅く立てられたあなたの父ではないか。
7Rangarira mazuva ekare, Funga makore amarudzi mazhinji; Bvunza baba vako, ndivo vachakuratidza; Navatana vako, ndivo vachakuudza.
7いにしえの日を覚え、代々の年を思え。あなたの父に問え、彼はあなたに告げるであろう。長老たちに問え、彼らはあなたに語るであろう。
8Wekumusoro-soro nguva yaakapa ndudzi nhaka yadzo, Nguva yaakaparadzanisa vana vavanhu, Wakatema miganhu yendudzi Achirangarira kuwanda kwavana valsiraeri.
8いと高き者は人の子らを分け、諸国民にその嗣業を与えられたとき、イスラエルの子らの数に照して、もろもろの民の境を定められた。
9nekuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake; Jakove ndiyo nhaka yake yakayerwa.
9主の分はその民であって、ヤコブはその定められた嗣業である。
10Wakamuwana munyika yesango, Murenje risina chinhu, rinotyisa; Wakamukomberedza, nokumutarira, Nokumuchengeta semboni yeziso rake;
10主はこれを荒野の地で見いだし、獣のほえる荒れ地で会い、これを巡り囲んでいたわり、目のひとみのように守られた。
11Segondo rinomutsa vana varo, Richiengerera pamusoro pavana varo,
11わしがその巣のひなを呼び起し、その子の上に舞いかけり、その羽をひろげて彼らをのせ、そのつばさの上にこれを負うように、
12Saizvozvo Jehovha, iye oga, wakamutungamirira, Kwakanga kusina mwari wokumwe kwaari.
12主はただひとりで彼を導かれて、ほかの神々はあずからなかった。
13Wakamutasvisa panzvimbo dzakakwirira dzenyika, Wakadya michero yeminda; Wakamusvutidza uchi hunobva padombo, Namafuta anobva padombo romusarasara,
13主は彼に地の高き所を乗り通らせ、田畑の産物を食わせ、岩の中から蜜を吸わせ、堅い岩から油を吸わせ、
14Nomukaka wakafa wemhou, nomukaka wamakwai, Pamwechete namafuta amakwayana, Namakondobwe orudzi rwapaBhashani, nembudzi, Namafuta etsvo dzekoroni; Iwe wakamwa waini yeropa ramazambiringa.
14牛の凝乳、羊の乳、小羊と雄羊の脂肪、バシャンの牛と雄やぎ、小麦の良い物を食わせられた。またあなたはぶどうのしるのあわ立つ酒を飲んだ。
15Asi Jeshuruni wakazokora, ndokupfura, Iwe wakakora, wakava mukobvu, ukava namafuta, Zvino iye akarasha Mwari wakamuita, Akazvidza dombo rakamuchengeta.
15しかるにエシュルンは肥え太って、足でけった。あなたは肥え太って、つややかになり、自分を造った神を捨て、救の岩を侮った。
16Vakamugodoresa navamwari vokumwe, Vakamutsamwisa nezvinonyangadza;
16彼らはほかの神々に仕えて、主のねたみを起し、憎むべきおこないをもって主の怒りをひき起した。
17Vakabayira mweya yakaipa, yakanga isi Mwari, Vatsva vakanga vachangomuka, Zvakanga zvisingatyiwi namadzibaba enyu.
17彼らは神でもない悪霊に犠牲をささげた。それは彼らがかつて知らなかった神々、近ごろ出た新しい神々、先祖たちの恐れることもしなかった者である。
18Dombo, rakakubereka, haurirangariri, Wakakangamwa Mwari wakakupona.
18あなたは自分を生んだ岩を軽んじ、自分を造った神を忘れた。
19Jehovha wakazviona, akavarasha, nekuti wakatsamwiswa navanakomana vake navanasikana vake.
19主はこれを見、そのむすこ、娘を怒ってそれを捨てられた。
20Akati, Ndichavavanzira chiso changu, Ndinoda kuona kuguma kwavo, kuti kwakadiniko; nekuti ivo rudzi rwakatsauka kwazvo. Vana vasina kutendeka chose.
20そして言われた、『わたしはわたしの顔を彼らに隠そう。わたしは彼らの終りがどうなるかを見よう。彼らはそむき、もとるやから、真実のない子らである。
21Vakamutsa godo rangu nechinhu chisati chiri Mwari; Vakanditsamwisa nezvinhu zvavo zvisina maturo; Neniwo ndichavagodoresa navasati vari vanhu; Ndichavatsamwisa norudzi runopenga.
21彼らは神でもない者をもって、わたしにねたみを起させ、偶像をもって、わたしを怒らせた。それゆえ、わたしは民ともいえない者をもって、彼らにねたみを起させ、愚かな民をもって、彼らを怒らせるであろう。
22nekuti moto wakabatidzwa pakutsamwa kwangu, Unopisa kusvikira pasi kugomba ravakafa, Unoparadza nyika nezvibereko zvayo, Unotungidza nheyo dzamakomo.
22わたしの怒りによって、火は燃えいで、陰府の深みにまで燃え行き、地とその産物とを焼きつくし、山々の基を燃やすであろう。
23Ndichatutira njodzi pamusoro pavo, Ndichapedza miseve yangu ndichivapfura.
23わたしは彼らの上に災を積みかさね、わたしの矢を彼らにむかって射つくすであろう。
24Vachaonda nenzara, nokuparadzwa nokupisa kukuru, Nokuparadzwa kwakaisvoipa; Ndichatuma meno ezvikara kwavari, Pamwechete nomuti unouraya wezvinokambaira muguruva.
24彼らは飢えて、やせ衰え、熱病と悪い疫病によって滅びるであろう。わたしは彼らを獣の歯にかからせ、地に這うものの毒にあたらせるであろう。
25Munondo uchavatorera kunze, Nokutyisa mudzimba dzomukati; Zvichaparadza jaya nemhandara, Mwana unomwa pamwechete navarume, vachena vhudzi.
25外にはつるぎ、内には恐れがあって、若き男も若き女も、乳のみ子も、しらがの人も滅びるであろう。
26Ndakati, ndichavaparadzira, ndichagumisa kurangarirwa kwavo pakati pavanhu;
26わたしはまさに言おうとした、「彼らを遠く散らし、彼らの事を人々が記憶しないようにしよう」。
27Dai ndisina kutya kutsamwa kwavavengi, Kuti vavengi vavo vasanzwisisa, Vakati, Ruoko rwedu ndirwo rwakakunda, Haazi Jehovha wakaita izvozvo zvose.
27しかし、わたしは敵が誇るのを恐れる。あだびとはまちがえて言うであろう、「われわれの手が勝ちをえたのだ。これはみな主がされたことではない」』。
28nekuti ivo rudzi rusina mano, Hakuna kunzwisisa pakati pavo.
28彼らは思慮の欠けた民、そのうちには知識がない。
29Dai vakanga vakachenjera, vangadai vakazvinzwisisa, Vangadai vakaona kuguma kwavo!
29もし、彼らに知恵があれば、これをさとり、その身の終りをわきまえたであろうに。
30Munhu mumwe ungadzinga seiko vanhu vane chiuru chezana, Navanhu vaviri vangatizisa seiko vanhu vane zviuru zvine gumi, Kana dombo ravo risina kuvatengesa, NaJehovha asina kuvaisa mumaoko avo?
30彼らの岩が彼らを売らず、主が彼らをわたされなかったならば、どうして、ひとりで千人を追い、ふたりで万人を敗ることができたであろう。
31nekuti dombo ravo harina kufanana nedombo redu, Kunyange vavengi vedu vamene vachitonga.
31彼らの岩はわれらの岩に及ばない。われらの敵もこれを認めている。
32nekuti muzambiringa wavo wakabva pamuzambiringa weSodhoma, Napaminda yeGomora; Mazambiringa avo mazambiringa enduru, Masumbu awo anovava;
32彼らのぶどうの木は、ソドムのぶどうの木から出たもの、またゴモラの野から出たもの、そのぶどうは毒ぶどう、そのふさは苦い。
33Waini yavo uturu bwenyoka, Nouturu hunouraya kwazvo bwemhungu.
33そのぶどう酒はへびの毒のよう、まむしの恐ろしい毒のようである。
34Ko izvi hazvina kuunganidwza kwandiri here? Hazvina kufunhurwa pakati pefuma yangu here?
34これはわたしのもとにたくわえられ、わたしの倉に封じ込められているではないか。
35Kutsiva ndokwangu, nokutsividza, Panguva yokutedzemuka kwetsoka dzavo; nekuti zuva renjodzi yavo riri pedo,
35彼らの足がすべるとき、わたしはあだを返し、報いをするであろう。彼らの災の日は近く、彼らの破滅は、すみやかに来るであろう。
36nekuti Jehovha ucharuramisira vanhu vake, Nokunzwira varanda vake tsitsi, Kana achiona kuti simba ravo raenda, Uye kuti vapera vose,
36主はついにその民をさばき、そのしもべらにあわれみを加えられるであろう。これは彼らの力がうせ去り、つながれた者もつながれない者も、もはやいなくなったのを、主が見られるからである。
37Zvino iye uchati, Vamwari vavo varipiko, Nedombo ravakanga vachivimba naro
37そのとき主は言われるであろう、『彼らの神々はどこにいるか、彼らの頼みとした岩はどこにあるか。
38Ivo vaidya mafuta ezvibayiro zvavo, Vaimwa waini yezvipiriso zvavo zvinodururwa. Ngavasimuke, vakubatsirei, Ngavave utiziro bwenyu.
38彼らの犠牲のあぶらを食い、灌祭の酒を飲んだ者はどこにいるか。立ちあがってあなたがたを助けさせよ、あなたがたを守らせよ。
39Tarirai zvino, muone kuti ndini iye, Hakuno mumwe mwari pamwechete neni; Ini ndinouraya, ini ndinoraramisa; Ini ndakakuvadza, ini ndinoporesa; Hakuna ungarwirwa paruoko rwangu.
39今見よ、わたしこそは彼である。わたしのほかに神はない。わたしは殺し、また生かし、傷つけ、またいやす。わたしの手から救い出しうるものはない。
40nekuti ndinosimudzira ruoko rwangu kudenga, Ndichiti, Zvirokwazvo, noupenyu hwangu husingaperi,
40わたしは天にむかい手をあげて誓う、「わたしは永遠に生きる。
41Kana ndarodza munondo wangu unobwinya, Noruoko rwangu rukabata kutonga, Ndichatsiva vavengi vangu, Nokutsividza vanondivenga.
41わたしがきらめくつるぎをとぎ、手にさばきを握るとき、わたしは敵にあだを返し、わたしを憎む者に報復するであろう。
42Ndichanyudza miseve yangu muropa, Munondo wangu uchadya nyama; Neropa ravakaurawa neravakatapwa, Neremisoro yavatungamiri vavavengi.
42わたしの矢を血に酔わせ、わたしのつるぎに肉を食わせるであろう。殺された者と捕えられた者の血を飲ませ、敵の長髪の頭の肉を食わせるであろう」』。
43Farai, imwi ndudzi, pamwechete navanhu vake, nekuti uchatsiva ropa ravaranda vake, nokutsividza vavengi vake, Nokudzikunura nyika yake navanhu vake.
43国々の民よ、主の民のために喜び歌え。主はそのしもべの血のために報復し、その敵にあだを返し、その民の地の汚れを清められるからである」。
44Zvino Mozisi akauya ndokutaura mashoko ose orwiyo urwu vanhu vachizvinzwa, iye naHoshea, mwanakomana waNuni.
44モーセとヌンの子ヨシュアは共に行って、この歌の言葉を、ことごとく民に読み聞かせた。
45Mozisi akapedza kutaura mashoko awa ose kuvaIsiraeri vose;
45モーセはこの言葉を、ことごとくイスラエルのすべての人に告げ終って、
46akati kwavari, teererai nemoyo yenyu mashoko ose andinokupupurirai nhasi, kuti muraire vana venyu, vagochenjera kuita mashoko ose omurayiro uyu.
46彼らに言った、「あなたがたはわたしが、きょう、あなたがたに命じるこのすべての言葉を心におさめ、子供たちにもこの律法のすべての言葉を守り行うことを命じなければならない。
47nekuti hachizi chinhu chisina maturo kwamuri, asi ndihwo upenyu bwenyu; nechinhu ichi muchawedzera mazuva enyu panyika, yamunoyambuka Joridhani kwairi, kuti ive yenyu.
47この言葉はあなたがたにとって、むなしい言葉ではない。これはあなたがたのいのちである。この言葉により、あなたがたはヨルダンを渡って行って取る地で、長く命を保つことができるであろう」。
48Zvino Jehovha wakataura naMozisi nomusi iwoyo, akati,
48この日、主はモーセに言われた、
49Kwira pagomo iri reAbharimu, kugomo reNebho, riri panyika yaMoabhu, rakatarisana neJeriko, uone nyika yeKanani, yandinopa vana vaIsiraeri, ive yavo;
49「あなたはエリコに対するモアブの地にあるアバリム山すなわちネボ山に登り、わたしがイスラエルの人々に与えて獲させるカナンの地を見渡たせ。
50ufire pagomo raunokwira ugosanganiswa navanhu vako; sezvakafa Aroni, mukuru wako, pagomo reHori, akasanganiswa navanhu vake;
50あなたは登って行くその山で死に、あなたの民に連なるであろう。あなたの兄弟アロンがホル山で死んでその民に連なったようになるであろう。
51nekuti makaita nomutowo usina kutendeka kwandiri pakati pavana vaIsiraeri pamvura yeMeribha paKadheshi murenje reZini; nekuti hamuna kunditsaura pakati pavana vaIsiraeri.
51これはあなたがたがチンの荒野にあるメリバテ・カデシの水のほとりで、イスラエルの人々のうちでわたしにそむき、イスラエルの人々のうちでわたしを聖なるものとして敬わなかったからである。それであなたはわたしがイスラエルの人々に与える地を、目の前に見るであろう。しかし、その地に、はいることはできない」。
52nekuti uchaona hako nyika pamberi pako, asi haungapindipo panyika yandinopa vana vaIsiraeri.
52それであなたはわたしがイスラエルの人々に与える地を、目の前に見るであろう。しかし、その地に、はいることはできない」。