1Zvino Mozisi wakabva pamapani okwaMoabhu, akakwira kugomo reNebho, pamusoro pePisiga, pakatarisana neJeriko. Jehovha akamuratidza nyika yose yeGiriyadhi, kusvikira Dhani;
1モーセはモアブの平野からネボ山に登り、エリコの向かいのピスガの頂へ行った。そこで主は彼にギレアデの全地をダンまで示し、
2neNafutari yose, nenyika yaEfuremu naManase, nenyika yose yaJudha, kusvikira pagungwa rokumavirazuva;
2ナフタリの全部、エフライムとマナセの地およびユダの全地を西の海まで示し、
3nenyika yezasi, neBani romupata weJeriko, guta remichindwe, kusvikira Zoari.
3ネゲブと低地、すなわち、しゅろの町エリコの谷をゾアルまで示された。
4Zvino Jehovha akati kwaari, Ndiyo nyika yandakapikira Abhurahamu, naIsaka, naJakove, ndichiti, Ndichaipa vana vako; ndikakuonesa iyo nameso ako, asi haungapindimo.
4そして主は彼に言われた、「わたしがアブラハム、イサク、ヤコブに、これをあなたの子孫に与えると言って誓った地はこれである。わたしはこれをあなたの目に見せるが、あなたはそこへ渡って行くことはできない」。
5Ipapo Mozisi muranda waJehovha akafirapo panyika yaMoabhu, sezvakataurwa naJehovha.
5こうして主のしもべモーセは主の言葉のとおりにモアブの地で死んだ。
6Akamuviga pamupata panyika yaMoabhu, pakatarisana neBheti-peori, asi hapana munhu unoziva rinda rake kusvikira nhasi.
6主は彼をベテペオルに対するモアブの地の谷に葬られたが、今日までその墓を知る人はない。
7Zvino Mozisi wakange ana makore ane zana namakumi maviri pakufa kwake; meso ake akanga achigere kuonera madzerere, nesimba rake rakanga richigere kuderera.
7モーセは死んだ時、百二十歳であったが、目はかすまず、気力は衰えていなかった。
8Vana vaIsiraeri vakachema Mozisi pamapani okwaMoabhu mazuva ana makumi matatu; naizvozvo mazuva avakachema pakuchema Mozisi akapera.
8イスラエルの人々はモアブの平野で三十日の間モーセのために泣いた。そしてモーセのために泣き悲しむ日はついに終った。
9Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakange azere nomweya wokuchenjera; nekuti Mozisi wakange aisa maoko ake pamusoro pake; vana vaIsiraeri vakamuteerera, vakaita sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
9ヌンの子ヨシュアは知恵の霊に満ちた人であった。モーセが彼の上に手を置いたからである。イスラエルの人々は彼に聞き従い、主がモーセに命じられたとおりにおこなった。
10Hakuna kuzomukazve muporofita pakati paIsiraeri wakafanana naMozisi, wakange achizikamwa naJehovha, zviso zvakatarisana;
10イスラエルには、こののちモーセのような預言者は起らなかった。モーセは主が顔を合わせて知られた者であった。
11pazviratidzo zvose nezvishamiso, paakatumwa naJehovha kundozviita panyika yeEgipita, kuna Farao, nokuvaranda vake vose, nokunyika yake yose;
11主はエジプトの地で彼をパロとそのすべての家来およびその全地につかわして、もろもろのしるしと不思議を行わせられた。モーセはイスラエルのすべての人の前で大いなる力をあらわし、大いなる恐るべき事をおこなった。
12napazvose zvakaitwa noruoko rwake rune simba, napakutyisa kukuru kose, kwakaitwa naMozisi valsiraeri vose vachizviona.
12モーセはイスラエルのすべての人の前で大いなる力をあらわし、大いなる恐るべき事をおこなった。